Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvii zvakaita kuti Judha arare nomukadzi waaifunga kuti chifeve, sezvinotaurwa pana Genesi 38:15, 16?

Kunyange zvazvo Judha akarara nomukadzi waaifunga kuti chifeve, chaizvoizvo akanga asiri chifeve. Maererano naGenesi chitsauko 38, izvi ndizvo zvakaitika.

Mwanakomana waJudha wedangwe asati ava nevanakomana nomudzimai wake, Tamari, akaurayiwa nokuti “wakanga ari munhu wakaipa pamberi paJehovha.” (Genesi 38:7) Panguva iyoyo, tsika yokugara nhaka yaiitwa. Tsika iyi yaiti kana murume afa asina aimugara nhaka, munun’una kana mukoma wake aifanira kumuberekera nhaka nechirikadzi yacho. Asi mwanakomana wechipiri waJudha, Onani, akaramba kuita izvi. Saka, akafa somugumisiro wokutonga kwaMwari. Judha akabva adzorera muroora wake Tamari kumusha kwababa vake kusvikira nguva yaizenge yakura mwanakomana wake wechitatu Shera kuti amuroore. Zvisinei, nokufamba kwemakore, Judha haana kuita kuti Shera aroore Tamari. Saka Judha paakafirwa nomudzimai wake, Tamari akaronga zano rokuwana naro mwanakomana wenhaka kuburikidza naJudha, muIsraeri uya aimbova vatezvara vake. Izvi akazviita nokunyepedzera kuva chifeve chepatemberi ndokugara mumugwagwa waaiziva kuti waizofambirwa naJudha.

Asina kuziva kuti aiva Tamari, Judha akarara naye. Tamari akamukumbira nouchenjeri zvokufanobata, uye izvozvi akazozvishandisa souchapupu hwokuti akanga aitiswa pamuviri naJudha. Chokwadi pachakabuda pachena, Judha haana kumupomera asi nokuzvininipisa akati: “Iye wakarurama kukunda ini, nokuti handina kumupa Shera, mwanakomana wangu.” Nenzira yakakodzera kwazvo, “haana kuzomuzivazve.”—Genesi 38:26.

Judha akakanganisa nokuti haana kupa mwanakomana wake Shera kuna Tamari sezvaakanga avimbisa. Akararawo nomukadzi waaifunga kuti chifeve chepatemberi. Izvi zvaipesana nechinangwa chaMwari, chokuti murume anofanira kurara nomukadzi waakaroorana naye chete. (Genesi 2:24) Kunyange hazvo zvakadaro, chaizvoizvo Judha haana kurara nechifeve. Asi, asingazivi akatsiva nzvimbo yomwanakomana wake Shera mukuroora kwokugara nhaka uye achibva abereka mwana wepamutemo.

Kana ari Tamari, zvaakaita hwakanga husiri unzenza. Mapatya ake haana kuonekwa sevanakomana voufeve. Bhoazi wokuBheterehema paakatora Rute wokuMoabhi kuti ave mukadzi wokugara nhaka, vakuru vokuBheterehema vakataura zvakanaka nezvomwanakomana waTamari, Perezi, vachiti kuna Bhoazi: “Imba yako ive seimba yaPerezi, wakaberekerwa Judha naTamari, navana vauchapiwa naJehovha kumukadzi uyu uchiri muduku.” (Rute 4:12) Perezi akanyorwawo pamadzitateguru aJesu Kristu.—Mateu 1:1-3; Ruka 3:23-33.