Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Miti yaJehovha Inoguta”

“Miti yaJehovha Inoguta”

Runako Rwechisiko chaJehovha

“Miti yaJehovha Inoguta”

WATI WAMBOMIRA musango sezvo mwaranzi yezuva inopenya pakati pemiti mirefu-refu here? Wakambonzwa here mashizha kuti shwaka shwaka sezvo mhepo yaipfuura nomaari?—Isaya 7:2.

Mune dzimwe nzvimbo dzepasi, pane imwe nguva yegore, mashizha emiti yakasiyana-siyana ose zvawo anenge akajeka noruvara rutsvuku, orenji, yero, uye nemamwewo. Chokwadi, zvinoita sokuti masango ari kubvira! Izvi zvinonyatsokodzera mashoko anoti: “Imbai zvikuru imi makomo, iwe dondo, nomuti mumwe nomumwe urimo.”—Isaya 44:23. *

Chinenge chikamu chimwe muzvitatu chePasi masango. Munzira yakaisvonaka, masango uye upenyu hwakazara maari zvinokudza Muiti noMusiki wazvo, Jehovha Mwari. “Rumbidzai Jehovha,” akaimba kudaro munyori wepisarema akafuridzirwa, “miti inobereka, nemisidhari yose.”—Pisarema 148:7-9.

“Miti inokosha pakuvapo kwomunhu kuti awane zvinhu zvokurarama nazvo uye kugutsa chido chake chokuona zvinhu zvakanaka,” rinodaro bhuku rinonzi The Trees Around Us. Masango anodzivirira, anotsigira, uye anovandudza mvura yakanaka inowanikwa nevanhu. Miti inochenesawo mhepo. Masero emashizha anogadzira zvokudya zvawo uyewo okisijeni nenzira inoshamisa, achishandisa carbon dioxide, mvura, zvinhu zvinowanikwa muvhu, uye chiedza chezuva.

Sango muenzaniso wounyanzvi wokusika kwakanaka. Miti mihombe hombe ndiyo inowanzofadza kwazvo pazvinhu zviri musango. Zvinokurawo pakati payo mafern, mamoss, mamwe marudzi emizambiringa, makwenzi uye madenhe zvisingaverengeki. Zvinomera zvakadaro zvinotsamira pamhoteredzo inokonzerwa nemiti yacho, zvichikura pamimvuri yayo uye zvichiwana unyoro hunogoverwa nesango racho.

Mune mamwe masango ane miti inodonhedza mashizha, mashizha anosvika kumamiriyoni gumi angadonha paeka imwe yesango gore rava kunopera. Chii chinoitika kwaari? Tumbuyu, zvinomera zvisina hunde uye zvisina mashizha, makonye, nezvimwewo zvinopedzisira zvachinja mashizha aya kuva murakwani, chinhu chinokosha pakukodza ivhu. Chokwadi, hapana chisingashandiswi sezvo vashandi ava vakanyarara vanogadzira ivhu kuti zvimwe zvinhu zvimerezve.

Nechepasi pomurakwani, ivhu resango rinenge rizere nezvinhu zvipenyu. Maererano nebhuku rinonzi The Forest, “zvipuka zvingatosvika 1 350 . . . zvingawanikwa munzvimbo yakareba masendimita 30 uye yakadzika masendimita 2,5 uye izvozvo hazvisanganisiri mabhiriyoni etupukanana tusingaoneki nemaziso turi muivhu ratinganokora nechanza.” Uyezve, sango rizere nezvipuka zvinokambaira, shiri, tumbuyu, uye mhuka. Ndiani anofanira kurumbidzwa nokuda kworunako uye zvinhu izvi zvakasiyana-siyana? Nenzira yakakodzera, Musiki wazvo anozivisa kuti: “Mhuka dzose, dziri kudondo, ndedzangu, nemombe pamakomo ane chiuru chamazana.”—Pisarema 50:10.

Dzimwe mhuka dzakasikwa zvinoshamisa nokuti dzinokwanisa kurara mumwaka wechando dzopona paukasha hwemwaka wacho unotonhora zvikuru uye nguva refu yokushayikwa kwezvokudya. Zvisinei, hadzisi mhuka dzose dzinorara kwenguva refu. Kunyange muchando, ungaona danga remhuka dzinonzi deer dzichifamba musango. Mhuka idzi hadzirari kwenguva refu kana kuchengeta zvokudya, asi dzinofura, dzichidya nhungirwa nepfumvudza, sezvaunogona kuona pamufananidzo uno wokuGermany.

Upenyu hwezvinomera hunoratidzwa zvikuru muMagwaro. Maererano nokumwe kuverenga, Bhaibheri rinotaura zvinomera zvinenge 130, kusanganisira mhando 30 dzemiti. Ichitaura nezvezvinoratidzwa nokutaura ikoko, nyanzvi yezvinomera Michael Zohary inoti: “Kunyange mune mamwe mabhukuwo zvawo enyika, munhu haawani zvinomera zvine chokuita noupenyu zvichitaurwa nezvazvo kakawanda sezviri muBhaibheri.”

Miti nemasango zvipo zvakaisvonaka zvinobva kuMusiki ane rudo. Kana takambopedza nguva tiri mumasango, chokwadi tinobvumirana nemashoko omunyori wepisarema anoti: “Miti yaJehovha inoguta; iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima; apo panovaka shiri matendere adzo.”—Pisarema 104:16, 17.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2004, January/February.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9]

Mumwe wemiti yemichero unoyevedza zvikuru kuMiddle East muamanda. Pakutanga-tanga kwegore—mimwe miti yose isati yatungira—iwo unenge watotanga. VaHebheru vekare vaidana muamanda kuti wokutanga, vachitaura nezvokukurumidza kwawo kuva nemaruva. Chaizvoizvo muti wacho unotanga kuzvishongedza nokutumbuka kwemaruva akanaka epingi kana kuti machena.—Muparidzi 12:5.

Pamhando 9 000 dzeshiri dzinozivikanwa, dzinenge 5 000 dzinonzi ishiri dzinoimba. Nziyo dzadzo dzinonzwika musango rakanyarara. (Pisarema 104:12) Somuenzaniso, shiri duku inoimba nziyo dzakasiyana-siyana dzinonakidza. Zvidhii-dhii zvinorira, sekamwe kari pamufananidzo uri pano, ishiri duku dzinounyanzvi hwokuimba, dzine manhenga egireyi, yero, uye girini.—Pisarema 148:1, 10.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Sango romuNormandy, France