Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Mwari Haagari Mutemberi Dzakaitwa Nemaoko’

‘Mwari Haagari Mutemberi Dzakaitwa Nemaoko’

‘Mwari Haagari Mutemberi Dzakaitwa Nemaoko’

HAPANA mubvunzo kuti muapostora Pauro aiziva temberi dzaAthena, nokuti dzaiwanika mumaguta akawanda aakashanyira munzendo dzake dzoumishinari. Maererano neThe Encyclopædia Britannica, Athena aizivikanwa samwarikadzi kwete wehondo chete nenjere asiwo “anogadzira zvinhu zvounyanzvi zvisinei nehondo.”

Temberi inozivikanwa kwazvo yaAthena yaiva Parthenon, yakavakwa muAtene, pakabva zita ramwarikadzi wemo. Parthenon yainzi ndiyo temberi huru kudarika dzose dzaiva munyika yekare, yaiva nechidhori chaAthena chendarama nenyanga dzenzou chaiva chakakura mamita 12. Pauro paakashanyira Atene, temberi iyi yemabwe machena yakanga yatova muguta racho kwemakore anenge 500.

Pauro akaparidzira boka revaAtene nezva‘Mwari asingagari mutemberi dzakaitwa nemaoko,’ achitoona Parthenon. (Mabasa 17:23, 24) Zvichida kunaka kwetemberi dzaAthena kana kunaka kwezvidhori zvake kwaiita kuti aratidzike seaiorora kune vamwe vakanga vakateerera Pauro kudarika Mwari asingaoneki wavakanga vasingazivi. Zvisinei, sokutaura kwakaita Pauro, hazvifaniri kufungwa kuti Musiki wevanhu ‘akafanana nendarama kana sirivha kana dombo, kufanana nechimwe chinhu chakavezwa . . . nomunhu.’—Mabasa 17:29.

Vanamwari navanamwarikadzi vakadai saAthena—vaiva norukudzo runobva patemberi nezvidhori—vakavapo uye vakatsakatika. Chidhori chaAthena chakatsakatika muParthenon muzana remakore rechishanu C.E., uye temberi dzake shoma ndidzo chete dzasara. Ndiani nhasi anotarisa kuna Athena kuti apiwe uchenjeri nenhungamiro?

Zvakasiyana kwazvo naJehovha, “Mwari asingaperi” uyo asina kumbobvira aonekwa nomunhu upi noupi. (VaRoma 16:26; 1 Johani 4:12) Vanakomana vaKora vakanyora kuti: “Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; iye uchava muperekedzi wedu.” (Pisarema 48:14) Imwe nzira yokuti utungamirirwe naJehovha Mwari ndeyokudzidza Shoko rake, Bhaibheri, uye kushandisa zano raro muupenyu hwedu.