Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesi—II

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesi—II

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesi—II

KUBVA pakusikwa kwomunhu wokutanga, Adhamu, kusvika pakufa kwaJosefa, mwanakomana waJakobho, bhuku raGenesi rinotaura nezvemakore 2 369 enhau yevanhu. Zvitsauko 10 zvokutanga uyewo ndima 9 dzechitsauko 11, kusanganisira nhoroondo yokusika kusvika kushongwe yeBhabheri, zvakakurukurwa mumagazini yakapfuura. * Nyaya ino inotaura pfungwa huru dzasara dzaGenesi, dzine chokuita nokubata kwaMwari naAbrahama, Isaka, Jakobho, naJosefa.

ABRAHAMA ANOVA SHAMWARI YAMWARI

(Genesi 11:10–23:20)

Makore 350 Mafashamo apera, murume akazova anodiwa zvikuru naMwari anoberekwa mudzinza romwanakomana waNoa, Shemi. Anonzi Abrama, uye akazonzi Abrahama. Arayirwa naMwari, Abrama anosiya guta revaKardhia reUri onogara mutende munyika yaanopikirwa kupiwa naJehovha iye nevazukuru vake. Nokuda kwokutenda uye kuteerera kwake, Abrahama anosvika pakunzi “shamwari yaJehovha.”—Jakobho 2:23.

Jehovha anoparadza vagari vakaipa veSodhoma nevemaguta ari pedyo naro, nepo Roti nevanasikana vake vanochengetedzwa vari vapenyu. Chipikirwa chaMwari chinozadzikwa mukuberekwa kwomwanakomana waAbrahama, Isaka. Makore akati gare gare, kutenda kwaAbrahama kunoedzwa Jehovha paanomurayira kupa mwanakomana uyu sechibayiro. Abrahama akagadzirira kuteerera asi anomiswa nengirozi. Hapana mubvunzo kuti Abrahama murume aiva nokutenda, uye anovimbiswa kuti kuburikidza nomwana wake, marudzi ose achazvikomborera. Kufa kwomudzimai wake waanoda, Sara, kunosuruvarisa Abrahama zvikuru.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

12:1-3—Sungano yaAbrahama yakatanga kushanda rini, uye kwenguva yakareba sei? Sungano yaJehovha naAbrama yokuti “marudzi ose enyika acharopafadzwa [muna Abrama]” sezviri pachena yakatanga kushanda apo Abrama akayambuka Yufratesi achienda kuKanani. Izvi zvinofanira kuva zvakaitika musi waNisani 14, 1943 B.C.E.—makore 430 Israeri asati asunungurwa muIjipiti. (Eksodho 12:2, 6, 7, 40, 41) Sungano yaAbrahama i“sungano isingaperi.” Inoramba ichishanda kusvikira mhuri dzepasi dzakomborerwa uye vavengi vose vaMwari vaparadzwa.—Genesi 17:7; 1 VaKorinde 15:23-26.

15:13—Makore 400 okutambura kwakafanotaurwa kwevana vaAbrama akazadzika rini? Nguva iyi yokutambura yakatanga muna 1913 B.C.E. apo mwanakomana waAbrahama, Isaka akarumurwa aine anenge makore 5 uye ‘achisekwa’ nomukoma wake nokuna baba, Ishmaeri, uyo aive nemakore 19. (Genesi 21:8-14; VaGaratiya 4:29) Yakaguma nokununurwa kwevaIsraeri muusungwa hweIjipiti muna 1513 B.C.E.

16:2—Zvaiva zvakakodzera here kuti Sarai ape Abrama musikana wake webasa Hagari, somudzimai? Zvakaitwa naSarai zvaienderana netsika dzomuzuva racho—dzokuti mukadzi asingabereki aisungirwa kupa murume wake murongo kuti amuberekere mudyi wenhaka. Barika rakatanga kuoneka mumhuri yaKaini. Pakupedzisira, rakava tsika uye rakagamuchirwa nevamwe vanamati vaJehovha. (Genesi 4:17-19; 16:1-3; 29:21-28) Zvisinei, Jehovha haana kumbosiya urongwa hwake hwepakutanga hwokuti murume ave nomudzimai mumwe chete. (Genesi 2:21, 22) Zviri pachena kuti Noa nevanakomana vake, avo murayiro wokuti ‘berekai uye zadzai nyika’ wakadzokororwa kwavari, vose vaiva nomudzimai mumwe. (Genesi 7:7; 9:1; 2 Petro 2:5) Uye urongwa uhwu hwokuva nomudzimai mumwe hwakasimbiswazve naJesu Kristu.—Mateu 19:4-8; 1 Timoti 3:2, 12.

19:8—Zvaiva zvakaipa here kuti Roti ape vanasikana vake kuvanhu veSodhoma? Maererano netsika dzokuMabvazuva, raiva basa romugamuchiri kutarisira vaeni mumusha make, achivadzivirira kunyange kusvika pakufa kana zvaidiwa. Roti akanga akagadzirira kuita kudaro. Noushingi, akabuda akaenda kumhomho yacho yevanhu, akavhara musuo, ndokuonana navo oga. Paakazopa vanasikana vake, zvimwe Roti akanga ava kuziva kuti vaeni vake vaiva vatumwa vaMwari, uye angave akafunga kuti Mwari aigona kudzivirira vanasikana vake sokudzivirira kwaAkanga aita mainini vake Sara, muIjipiti. (Genesi 12:17-20) Chokwadi, sezvakazoitika, Roti nevanasikana vake vakachengetedzwa.

19:30-38—Jehovha akaregerera kudhakwa kwaRoti uye kuberekesa kwake vanasikana vake vaviri vanakomana here? Jehovha haabvumiri makunakuna noudhakwa. (Revhitiko 18:6, 7, 29; 1 VaKorinde 6:9, 10) Chaizvoizvo Roti aishora ‘mabasa okusateerera mutemo’ evagari veSodhoma. (2 Petro 2:6-8) Chokwadi chaicho chokuti vanasikana vaRoti vakamudhakisa chinoratidza kuti vaiziva kuti aizoramba kurara navo paaiva asina kudhakwa. Asi sevaeni munyika yacho, vanasikana vake vakafunga kuti ndiyo bedzi yaiva nzira yokudzivirira nayo kutsakatika kwemhuri yaRoti. Nhoroondo yacho iri muBhaibheri kuti ibudise pachena ukama hwevaMoabhi (nokuna Moabhi) uye vaAmoni (nokuna Benammi) nevazukuru vaAbrahama, vaIsraeri.

Zvatinodzidza:

13:8, 9. Abrahama anoratidza muenzaniso wakaisvonaka mukugadzirisa kupesana! Hatimbofaniri kukanganisa kugarisana kwedu zvakanaka pamusana pemari, zvatinoda, kana kuti kudada.

15:5, 6. Apo Abrahama akanga ava kukwegura uye asati ava nomwanakomana, akataura nyaya yacho naMwari wake. Zvadaro, Jehovha akamuvimbisa. Zvikaguma nei? Abrahama “akatenda Jehovha.” Kana tikazarurira Jehovha mwoyo yedu mumunyengetero, tikabvuma zvaanotivimbisazve zviri muBhaibheri, uye tikamuteerera, kutenda kwedu kuchasimbiswa.

15:16. Jehovha akamborega kutonga vaAmori (kana kuti, vaKanani) kwezvizvarwa zvina. Nei? Nokuti ndiMwari anoshivirira. Akamirira kusvikira pasisina tariro yose yokuchinja. SaJehovha, tinofanira kushivirira.

18:23-33. Jehovha haaparadzi vanhu asingasaruri. Anodzivirira vakarurama.

19:16. Roti “akanonoka,” uye ngirozi dzakatoita zvokumudhonza nemhuri yake dzichivabudisa muguta reSodhoma. Kuchenjera kusarasikirwa nepfungwa yedu yokukurumidzira sezvatinomirira mugumo wenyika yakaipa.

19:26. Upenzi hukuru kutsauswa kana kuti kupanga zvatakasiya shure kunyika!

JAKOBHO ANOVA NEVANAKOMANA 12

(Genesi 24:1–36:43)

Abrahama anoronga kuroorana kwaIsaka naRebheka, mukadzi ane kutenda muna Jehovha. Anobereka mapatya, Esau naJakobho. Esau anozvidza udangwe hwake ndokuhutengesera Jakobho, uyo gare gare anowana chikomborero chababa vake. Jakobho anotizira Padhani-arami, kwaanoroora Rea naRakeri uye anofudza zvipfuwo zvababa vavo kwemakore 20 asati abva nemhuri yake. NaRea, Rakeri, uye vasikana vavo vaviri vebasa, Jakobho anova nevanakomana 12 uyewo vanasikana. Jakobho anoita mutsimba nengirozi uye anokomborerwa, uye zita rake rinochinjwa kuti anzi Israeri.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

28:12, 13—Kurota kwaJakobho kwaisanganisira ‘danho’ kwairevei? ‘Danho’ iri, ringave rairatidzika sematombo aikwira achibva pasi, rairatidza kuti pane kurukurirano pakati pevepasi nevokudenga. Ngirozi dzaMwari dzaikwira nokuburuka pariri dzakaratidza kuti ngirozi dzinoshumira munzira dzinokosha pakati paJehovha nevanhu vaanofarira.—Johani 1:51.

30:14, 15—Nei Rakeri akarega mukana wokurara nomurume wake achida mudhudhayi? Munguva yekare, muchero womudhudhayi waishandiswa somushonga wokunyaradza marwadzo uye wokudzivirira kana kuti kudzivisa kusungika kwetsandanyama kunongoerekana kwaitika. Muchero wacho wainziwo une simba rokumutsa chido chokurara nomumwe munhu uye unowedzera mukana kana kuti kubatsira kubata pamuviri. (Rwiyo rwaSoromoni 7:13) Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri chinangwa chaRakeri chokuchinjana kwacho, angave akafunga kuti mudhudhayi waizomubatsira kuva nepamuviri uye kugumisa ruzvidzo rwake rwokusabereka. Zvisinei, paizopfuura makore akawanda Jehovha asati “azarura chizvaro chake.”—Genesi 30:22-24.

Zvatinodzidza:

25:23. Jehovha ane mano okuona zvakaita majini omwana asati aberekwa uye kufanoziva nokufanosarudza waanoda nokuda kwezvinangwa zvake. Asi, haagari asarudzira vanhu zvinozoitika.—Hosea 12:3; VaRoma 9:10-12.

25:32, 33; 32:24-29. Kuva nehanya kwaJakobho nezvokuwana udangwe uye kuita mutsimba kwake nengirozi usiku hwose kuti awane chikomborero kunoratidza kuti zvechokwadi aikoshesa zvinhu zvitsvene. Jehovha akatironzesa zvinhu zvitsvene zvakawanda, zvakadai soukama hwedu naye uye nesangano rake, rudzikinuro, Bhaibheri, uye tariro yedu yoUmambo. Ngativei saJakobho mukuratidza kuzvikoshesa.

34:1, 30. Dambudziko raka“nhuwisa” Jakobho rakatanga nokuti Dhina akashamwaridzana nevanhu vakanga vasingadi Jehovha. Tinofanira kusarudza shamwari dzedu nokuchenjera.

JEHOVHA ANOKOMBORERA JOSEFA MUIJIPITI

(Genesi 37:1–50:26)

Godo rinoita kuti vanakomana vaJakobho vatengese munun’una wavo Josefa somuranda. MuIjipiti, Josefa anosungwa nokuti anoomerera patsika dzinodiwa naMwari nokutendeka uye noushingi. Nokufamba kwenguva, anobudiswa mujeri kuti adudzire kurota kwaFarao, kunofanotaura nezvemakore manomwe emaguta achiteverwa nemakore manomwe enzara. Josefa anobva aitwa mutarisiri wezvokudya muIjipiti. Vakoma vake vanouya kuIjipiti vachitsvaka zvokudya pamusana penzara. Mhuri yacho inobatanidzwazve uye inogara munyika yakaorera yeGosheni. Ava kuda kufa, Jakobho anokomborera vanakomana vake uye anotaura uprofita hunopa tariro yechokwadi yezvikomborero zvikuru mumazana emakore achauya. Chitunha chaJakobho chinoendeswa kuKanani kunovigwa. Josefa paanofa ava nemakore 110, mutumbi wake unoomeswa, kuti uzoendeswa kuNyika Yakapikirwa.—Eksodho 13:19.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

43:32—Nei kudya nevaHebheru kwaisemesa vaIjipiti? Izvi zvingangova zvaiva zvakadaro pamusana porusaruro rwechitendero kana kuti rudado rwedzinza. VaIjipiti vaisemawo vafudzi. (Genesi 46:34) Nei? Vafudzi vemakwai ndivo vaiva vanhu vakaderera muIjipiti. Kana kuti kungava kuti sezvo nzvimbo yokurima yaiva duku, vaIjipiti vaizvidza vaya vaitsvaka mafuro ezvipfuwo.

44:5—Chaizvoizvo Josefa aishandisa kapu kushopera here? Kapu yesirivha uye zvaitaurwa pamusoro payo sezviri pachena aingova mano kana kuti zano. Josefa aiva munamati waJehovha akatendeka. Chaizvoizvo akanga asingashandisi kapu iyi kushopera, kungofanana naBhenjamini asina kuibawo.

49:10—“Tsvimbo youshe” uye “mudonzvo womubati” zvinorevei? Tsvimbo youshe itsvimbo inotakurwa nomutongi sechiratidzo chesimba roumambo. Mudonzvo womubati itsvimbo yakareba inoratidza simba rake rokutungamirira. Kutaura kwaJakobho nezveizvi kwairatidza kuti chiremera chikuru uye simba zvaizova mudzinza raJudha kusvikira Shiro achiuya. Muzukuru waJudha uyu ndiJesu Kristu, uyo Jehovha akapa utongi hwokudenga. Kristu ane simba roumambo uye ane simba rokutungamirira.—Pisarema 2:8, 9; Isaya 55:4; Dhanieri 7:13, 14.

Zvatinodzidza:

38:26. Judha akakanganisa mukubata kwake nomuroora wake Tamari, aiva chirikadzi. Zvisinei, paakanzi ndiye akamupa pamuviri, Judha akabvuma chikanganiso chake nokuzvininipisa. Isuwo tinofanira kukurumidza kubvuma zvatinokanganisa.

39:9. Kupindura kwaJosefa mudzimai waPotifari kunoratidza kuti mafungiro ake aienderana nokufunga kwaMwari panhau yetsika uye kuti hana yake yaitungamirirwa nemitemo yaMwari. Hatifaniriwo kuedza kuita izvozvo here sezvatinowedzera muzivo yakarurama yechokwadi?

41:14-16, 39, 40. Jehovha anogona kuchinja mamiriro ezvinhu pane vaya vanomutya. Panoitika njodzi, kuchenjera kuti tivimbe naJehovha toramba takatendeka kwaari.

Vaiva Nokutenda Kwakasimba

Abrahama, Isaka, Jakobho, naJosefa zvechokwadi vaiva varume vane kutenda vaitya Mwari. Nhoroondo youpenyu hwavo, iri mubhuku raGenesi, chokwadi inosimbisa kutenda uye inotidzidzisa zvidzidzo zvinokosha zvakawanda.

Unogona kubatsirwa nenhoroondo iyi sezvaunoita kuverengwa kweBhaibheri kwevhiki nevhiki kweChikoro chaMwari Choushumiri. Kufunga zvataurwa kuchatibatsira kuita kuti nhoroondo yacho ive mhenyu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Ona nyaya inoti “Shoko raJehovha Ibenyu—Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesi—I” iri mumagazini yeNharireyomurindi yaJanuary 1, 2004.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Abrahama aiva murume ane kutenda

[Mufananidzo uri papeji 26]

Jehovha anokomborera Josefa

[Mufananidzo uri papeji 26]

Roti akarurama nevanasikana vake vakachengetedzwa

[Mufananidzo uri papeji 29]

Jakobho aikoshesa zvinhu zvitsvene. Ndozvaunoitawo here?