Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rimwe Remabasa Makuru Kwazvo Okugadzira”

“Rimwe Remabasa Makuru Kwazvo Okugadzira”

“Rimwe Remabasa Makuru Kwazvo Okugadzira”

TEMBERI yaJehovha payakavakwa muJerusarema mukutonga kwaMambo Soromoni anenge makore 3 000 adarika, dziva rakaisvonaka remvura remhangura rakagadzirwa ndokuiswa kunze kwomusuwo wetemberi. Rairema matani anodarika 30 uye raipinda marita anenge 40 000 emvura. Bheseni guru iri rakanzi dziva resimbi yakanyungudutswa. (1 Madzimambo 7:23-26) “Hapangavi nomubvunzo kuti raiva rimwe remabasa makuru kwazvo okugadzira pane ose akamboitwa murudzi rwevaHebheru,” anodaro aimboshanda muhofisi yokugadzira zvinhu paNational Research Council of Canada, Albert Zuidhof, muBiblical Archeologist.

Dziva racho rakagadzirwa sei? ‘Mambo akaumba midziyo yemhangura pabani raJodhani, paiva nevhu rokuumba,’ rinodaro Bhaibheri. (1 Madzimambo 7:45, 46) Kuumba kwacho kunofanira kunge kwakafanana nezvinonzi ‘lost wax’ zvichiri kushandiswa pakugadzira mabhero makuru ebronze,” anodaro Zuidhof. Anotsanangura kuti: “Izvi chaizvoizvo zvaireva kugadzira dziva renamo rakakwidibirwa pamusoro pesimbi yokuumbisa isina kuita dembwetembwe. . . . Izvi zvaitwa, vaumbi vaifanira kuumba chiumbwa chokunze vachiumbira pamusoro pechiya chenamo vosiya zvakadaro kuti zviome. Matanho aizopedzisa kuitwa aizova okunyungudutsa namo iya uye vodira bronze yakaita mvura mvura muchiumbwa chacho.”

Ukuru nouremu hwedziva resimbi yakanyungudutswa zvaida unyanzvi hukuru pakurigadzira. Magadzirirwo epakati nechomukati nokunze kwechiumbwa chacho aifanira kuita kuti chigone kutakura matani 30 emhangura yakanyungudutswa, uye chaifanira kuumbwa panguva imwe chete kuti chisatsemuke kana kukanganiswa nezvimwewo. Zvichida izvi zvaida zvoto zvakabatanidzwa pamwe chete kuitira kudira simbi yakanyungudutswa muchiumbwa chacho. Chokwadi raiva basa guru!

Mumunyengetero wake wokutsaurira temberi, Mambo Soromoni akapa Jehovha Mwari mbiri pabasa rose retemberi, achiti: “Makataura nomuromo wenyu, mukazviita noruoko rwenyu.”—1 Madzimambo 8:24.