Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ukuru hwaJehovha Hahunzvereki

Ukuru hwaJehovha Hahunzvereki

Ukuru hwaJehovha Hahunzvereki

“Jehovha mukuru, unofanira kurumbidzwa kwazvo; ukuru hwake hahunganzverwi.”—PISAREMA 145:3.

1, 2. Dhavhidhi aiva munhu worudzii, uye aizviona sei tichifunga nezvaMwari?

MUNYORI wePisarema 145 ndomumwe wevarume vanozivikanwa zvikuru munhau. Paaiva mukomana, akarwa nehofori yaiva nezvombo akaiuraya. Uye samambo airwa, munyori uyu wepisarema akakurira vavengi vakawanda. Ainzi Dhavhidhi, uye aiva mambo wechipiri weIsraeri yekare. Mukurumbira waDhavhidhi wakaramba uripo pashure pokufa kwake, zvokuti kunyange nhasi mamiriyoni anoziva chimwe chinhu pamusoro pake.

2 Pasinei nezvakaitwa naDhavhidhi, aizvininipisa. Akaimba nezvaJehovha kuti: “Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza; munhu chinyiko, zvamunomufunga? Nomwanakomana womunhu zvamunomushanyira?” (Pisarema 8:3, 4) Pane kufunga kuti iye pachake aiva mukuru, Dhavhidhi akati Jehovha ndiye aimununura pavavengi vake vose uye akati nezvaMwari: “Makandipawo nhoo yokuponesa kwenyu, unyoro hwenyu hwakandikurisa.” (2 Samueri 22:1, 2, 36) Jehovha anoratidza unyoro kana kuti kuzvininipisa pakuva nengoni nevatadzi, uye Dhavhidhi aionga mutsa usina kufanira waMwari.

‘Ndichakudza Mwari Mambo’

3. (a) Dhavhidhi aiona sei mambo weIsraeri? (b) Dhavhidhi aiva nechido chakadini chokurumbidza Jehovha?

3 Kunyange zvazvo Dhavhidhi aiva mambo akagadzwa naMwari, aiona Jehovha saMambo chaiye weIsraeri. Dhavhidhi akati: “Ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose.” (1 Makoronike 29:11) Uye Dhavhidhi aikoshesa kwazvo Mwari soMutongi! “Ndichakukudzai kwazvo, Mwari wangu, imi Mambo,” akaimba kudaro, “ndicharumbidza zita renyu nokusingaperiperi. Ndichakurumbidzai zuva rimwe nerimwe; ndichakudza zita renyu nokusingaperiperi.” (Pisarema 145:1, 2) Chaiva chido chaDhavhidhi kurumbidza Jehovha Mwari zuva rose uye nokusingaperi.

4. Pisarema 145 rinofumura nhema dzokuti chii?

4 Pisarema 145 rinopindura zvine simba kutaura kwaSatani kwokuti Mwari mutongi ane udyire uyo anonyima zvisikwa zvake rusununguko. (Genesi 3:1-5) Pisarema iri rinofumurawo nhema dzaSatani dzokuti vaya vanoteerera Mwari vanoita kudaro bedzi pamusana pezvavanogona kuwana, kwete nokuti vanoda Mwari. (Jobho 1:9-11; 2:4, 5) SaDhavhidhi, nhasi vaKristu vechokwadi vari kupindura nhema dzaDhiyabhorosi. Vanokoshesa tariro yavo youpenyu husingaperi mukutonga kwoUmambo, nokuti vanoda kurumbidza Jehovha nokusingaperi. Mamiriyoni akatotanga kuita kudaro nokutenda muchibayiro chaJesu chorudzikinuro uye nokushumira Jehovha nokuteerera nokuti, sevanamati vake vakazvitsaurira, vakabhabhatidzwa, vanomuda.—VaRoma 5:8; 1 Johani 5:3.

5, 6. Mikana ipi iripo yokukudza uye kurumbidza Jehovha?

5 Chimbofunga nezvemikana yedu yakawanda yokukudza nokurumbidza Jehovha sevashumiri vake. Tinogona kuita kudaro nokunyengetera patinenge tabayiwa mwoyo nechimwe chinhu chatinoverenga muShoko rake, Bhaibheri. Kurumbidza nomufaro uye nokuonga kungaratidzwa patinenge takurudzirwa nenzira yaMwari yokubata nayo nevanhu vake kana kuti patinenge tanakidzwa nechimwe chinhu pazvisikwa zvake zvinoshamisa. Tinokudzawo Jehovha Mwari patinokurukura zvinangwa zvake nevatinonamata navo pamisangano yechiKristu kana kuti patinoitawo dzimwe nyaya. Chokwadi, ‘mabasa ose akanaka kwazvo’ anoitwa nechinangwa choUmambo hwaMwari anorumbidza Jehovha.—Mateu 5:16.

6 Mienzaniso yazvino uno yemabasa akanaka kudaro inosanganisira kuvakwa kwenzvimbo dzakawanda dzokunamatira kunoitwa nevanhu vaJehovha munyika dzayaura nourombo. Zvakawanda zveizvi zvave zvichiitwa norubatsiro rwemari inobva kuhama dzokune dzimwe nyika. Vamwe vaKristu vakabatsira vachida zvavo kuenda kunzvimbo dzakadaro kunovaka Dzimba dzoUmambo. Uye rinotokosha zvikuru pamabasa ose akanaka, kurumbidza Jehovha nokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwake. (Mateu 24:14) Sezvinoratidzwa nendima dzinotevera dziri muPisarema 145, Dhavhidhi aionga kutonga kwaMwari uye airumbidza umambo Hwake. (Pisarema 145:11, 12) Unoongawo saizvozvo here, nzira yaMwari yokutonga norudo? Uye unogarotaurira vamwe nezvoUmambo hwake here?

Mienzaniso Youkuru hwaMwari

7. Ipa chikonzero chikuru chokurumbidza Jehovha.

7 Pisarema 145:3 rinopa chikonzero chikuru chokurumbidza Jehovha. Dhavhidhi anoimba kuti: “Jehovha mukuru, unofanira kurumbidzwa kwazvo; ukuru hwake hahunganzverwi.” Ukuru hwaJehovha hahugumi. Hahugoni kunzverwa zvizere, kunzwisiswa, kana kuti kuyerwa nevanhu. Asi tichanyatsobatsirwa kubva iye zvino nokukurukura mienzaniso youkuru hwaJehovha husinganzvereki.

8. Zvose zvakasikwa zvinoratidza chii nezvoukuru uye simba raJehovha?

8 Chimboedza kufunga pawakanga uri kure nemagetsi akajeka omuguta ndokutarira mudenga usiku kusina makore. Hauna kushamiswa here nokuwanda kwenyeredzi dzaioneka murima rakati ndoo romuchadenga? Hauna kunzwa uchida kurumbidza Jehovha nokuda kwoukuru hwake mukusika mitumbi yose iyoyo yomudenga here? Zvisinei, zvawakaona zvaingova chikamu chiduku-duku chenhamba yenyeredzi dziri muboka rimwe chete nepasi redu. Uyezve, zvinofungidzirwa kuti pane mapoka enyeredzi anopfuura mabhiriyoni zana, matatu chete ndiwo anoonekwa pasina teresikopu. Zvechokwadi, nyeredzi dzisingaverengeki uye mapoka enyeredzi anoumba uzhinji hwezvinhu zvose zvakasikwa, uchapupu hwesimba raJehovha rokusika uye ukuru hwake husinganzvereki.—Isaya 40:26.

9, 10. (a) Zvinhu zvipi zvoukuru hwaJehovha zvakaratidzwa zvine chokuita naJesu Kristu? (b) Rumuko rwaJesu runofanira kuva nechii chokuita nokutenda kwedu?

9 Funga nezvezvimwe zvinhu zvoukuru hwaJehovha—zviya zvine chokuita naJesu Kristu. Ukuru hwaMwari hwakaratidzwa mukusika Mwanakomana wake uye kumushandisa kwenguva yakareba ari “mhizha” Yake. (Zvirevo 8:22-31) Ukuru hworudo rwaJehovha hwakaratidzwa paakapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi sechibayiro chorudzikinuro nokuda kwevanhu. (Mateu 20:28; Johani 3:16; 1 Johani 2:1, 2) Uye chisingatombogoni kunzwisiswa nevanhu muviri womudzimu usingafi unobwinya uyo Jehovha akapa Jesu paakamuka.—1 Petro 3:18.

10 Kumuka kwaJesu kwaisanganisira zvinhu zvakawanda zvinofadza zvoukuru hwaJehovha husinganzvereki. Pasina mubvunzo Mwari akaita kuti Jesu ayeuke basa rakaitwa mukusika zvinhu zvisingaoneki nezvinooneka. (VaKorose 1:15, 16) Izvi zvinosanganisira zvimwe zvisikwa zvomudzimu, kudenga kwose, pasi rinobereka, uye marudzi ezvipenyu zvose zviri mupasi redu. Kunze kwokudzorera zivo yoMwanakomana wake yenhau yakakwana youpenyu hwokudenga nohwepasi hwaakava nahwo asati ava munhu, Jehovha akawedzera Jesu zivo yaakawana somunhu akakwana. Chokwadi, ukuru hwaJehovha husinganzvereki hunooneka nokumuka kwaJesu. Uyezve, chiito chikuru ichocho ivimbiso yokuti rumuko rwevamwe runobvira. Chinofanira kusimbisa kutenda kwedu kuti Mwari anogona kudzorera kuupenyu mamiriyoni evanhu vakafa vaanoyeuka zvakakwana.—Johani 5:28, 29; Mabasa 17:31.

Mabasa Anoshamisa uye Zvaakaita Zvine Simba

11. Ibasa guru raJehovha ripi rakatanga paPendekosti ya33 C.E.?

11 Kubva pakamuka Jesu, Jehovha ave achiita mamwe mabasa makuru uye anoshamisa. (Pisarema 40:5) PaPendekosti ya33 C.E., Jehovha akasika rudzi rutsva, “Israeri waMwari,” anoumbwa nevadzidzi vaKristu vakazodzwa nomudzimu mutsvene. (VaGaratiya 6:16) Munzira yakakura, rudzi rutsva urwu rwomudzimu rwakawedzera munyika yose yaizivikanwa panguva iyoyo. Pasinei nokuramba kutenda kwakazokonzera kuvapo kwechiKristudhomu vaapostora vaJesu vafa, Jehovha akaramba achiita mabasa anoshamisa kuti ave nechokwadi chokuzadzika kwechinangwa chake.

12. Chokwadi chokuti Bhaibheri rinowanikwa mumitauro yose mikuru pasi pano chinopupurira chii?

12 Somuenzaniso, Bhaibheri rakazara rakachengetedzwa uye rakazoshandurirwa mumitauro yose mikuru iri pasi pano nhasi. Kushandura Bhaibheri kwaiwanzoitwa mumamiriro ezvinhu akaoma uye vachityisidzirwa norufu nevamiririri vaSatani. Kutaura chokwadi, kushandurira Bhaibheri mumitauro inopfuura 2 000 kungadai kusina kuitwa kudai kwakanga kusiri kuda kwaMwari mukuru asinganzvereki, Jehovha!

13. Kubvira muna 1914, ukuru hwaJehovha hwave huchiratidzwa sei maererano nezvinangwa zvake zvoUmambo?

13 Ukuru hwaJehovha hwakaratidzwa maererano nezvinangwa zvake zvoUmambo. Somuenzaniso, mugore ra1914, akagadza Mwanakomana wake, Jesu Kristu, saMambo wokudenga. Nguva pfupi gare gare, Jesu akarwisa Satani nemadhimoni ake. Vakadzingwa mudenga uye vakapfigirwa kunharaunda yepasi, zvino kwavakamirira kukandirwa mugomba rakadzika-dzika. (Zvakazarurwa 12:9-12; 20:1-3) Kubvira ipapo, kutambudzwa kwevateveri vaJesu vakazodzwa kwave kuchiwedzera. Zvisinei, Jehovha ave achivatsigira munguva ino yokuvapo kwaKristu kusingaoneki.—Mateu 24:3; Zvakazarurwa 12:17.

14. Jehovha akaita basa rinoshamisa ripi muna 1919, uye zvakaitei?

14 Mugore ra1919, Jehovha akaita rimwe basa rinoshamisa rairatidza ukuru hwake. Vateveri vaJesu vakazodzwa, avo vakanga vasingachaiti basa, vakamutsiridzwa. (Zvakazarurwa 11:3-11) Mumakore akatevera kubvira ipapo, vakazodzwa vakashingairira kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwakagadzwa mudenga. Vamwe vakazodzwa vakaunganidzwa kuti nhamba ye144 000 ikwane. (Zvakazarurwa 14:1-3) Uye achishandisa vateveri vaKristu vakazodzwa, Jehovha akaisa nheyo ye“pasi idzva,” nzanga yevanhu vakarurama. (Zvakazarurwa 21:1) Asi chii chichaitika ku“pasi idzva” vose vakazodzwa vakatendeka vaenda kudenga?

15. VaKristu vakazodzwa vave vachitungamirira basa ripi, uye zvichiguma nei?

15 Muna 1935, magazini aAugust 1 naAugust 15 eNharireyomurindi aiva nenyaya dzinokosha dzine chokuita ne“boka guru revanhu,” rinodudzwa muchitsauko 7 chaZvakazarurwa. VaKristu vakazodzwa vakatanga kushingairira kutsvaka ndokuunza vavaizonamata navo vanobva kumarudzi ose, madzinza, vanhu nendimi. “Boka guru revanhu” iri richapona “kutambudzika kukuru” kwava pedyo zvikuru, riine tariro youpenyu husingagumi muParadhiso senhengo dzechigarire dze“pasi idzva.” (Zvakazarurwa 7:9-14) Nokuda kwebasa rokuparidza Umambo nerokuita vadzidzi, riri kutungamirirwa nevaKristu vakazodzwa, vanhu vanodarika mamiriyoni matanhatu zvino vane tariro youpenyu husingaperi muparadhiso pasi pano. Ndiani anofanira kurumbidzwa nokuwedzera kwakadaro pasinei nokushorwa naSatani nenyika yake ine uori? (1 Johani 5:19) Jehovha bedzi ndiye anogona kuita zvose izvi, achishandisa mudzimu wake mutsvene.—Isaya 60:22; Zekaria 4:6.

Kubwinya uye Kukudzwa kwaJehovha

16. Nei vanhu vasingagoni kuona nemaziso avo ‘kubwinya nokukudzwa kwaJehovha’?

16 Chero zvaangava akaita ‘mabasa aJehovha anoshamisa’ uye ‘zvaakaita zvine simba’ hazvimbofi zvakakanganwika. Dhavhidhi akanyora kuti: “Rudzi rumwe rucharumbidza mabasa enyu kune rumwe, vachadudzira zvamakaita zvine simba. Ndichafungisisa kubwinya kwoumambo hwenyu hunokudzwa, namabasa enyu anoshamisa. Vanhu vachataura vachireva simba ramabasa enyu anotyisa; neni ndichadudzira ukuru hwenyu.” (Pisarema 145:4-6) Asi, Dhavhidhi aigona sei kuziva zvakawanda nezvokubwinya kwaJehovha, sezvo ‘Mwari ari Mudzimu’ uye asingaoneki nemaziso evanhu?—Johani 1:18; 4:24.

17, 18. Dhavhidhi aigona sei kuwedzera kukoshesa ‘kubwinya nokukudzwa kwaJehovha’?

17 Kunyange zvazvo aisagona kuona Mwari, paiva nenzira dzokuti Dhavhidhi awedzere kukoshesa kukudzwa kwaJehovha. Somuenzaniso, aigona kuverenga chinyorwa cheMagwaro chezvakaitwa naMwari zvine simba, zvakadai sokuparadza nyika yakaipa nemafashamo. Zvichida, Dhavhidhi akaona kuti vanamwari venhema veIjipiti vakadukupiswa sei, Mwari paakanunura vaIsraeri muusungwa hwomuIjipiti. Zviitiko zvakadaro zvinopupurira kukudzwa uye ukuru hwaJehovha.

18 Pasina mubvunzo Dhavhidhi akawedzera kukoshesa kukudzwa kwaMwari kwete nokungoverenga Magwaro asiwo nokuafungisisa. Somuenzaniso, angave akafungisisa zvakaitika Jehovha paakapa Mutemo kuna Israeri. Kwaiva nemabhanan’ana, mheni, gore dema, uye kurira kukuru kwehwamanda. Gomo reSinai rakazununguka uye rakapfungaira utsi. Vakaungana mujinga regomo, vaIsraeri vakatonzwa “mashoko ane gumi” achibva pakati pemoto negore sezvo Jehovha akataura kwavari achishandisa ngirozi. (Dheuteronomio 4:32-36; 5:22-24; 10:4; Eksodho 19:16-20; Mabasa 7:38, 53) Kuratidzwa kwoukuru hwaJehovha kwakazokura! Vanhu vanoda Shoko raMwari vanofungisisa nhoroondo idzi hapana zvavangaita kunze kwokukurudzirwa no‘kubwinya nokukudzwa kwaJehovha.’ Chokwadi, nhasi tine Bhaibheri rakazara, rine zvakaratidzwa zvakasiyana-siyana zvinobwinya zvinotisimbisira ukuru hwaJehovha.—Ezekieri 1:26-28; Dhanieri 7:9, 10; Zvakazarurwa, chitsauko 4.

19. Chii chichawedzera kukoshesa kwatinoita kukudzwa kwaJehovha?

19 Imwe nzira iyo Dhavhidhi aigona fadzwa nayo nokukudzwa kwaMwari yaiva yokudzidza mitemo yakapiwa vaIsraeri naMwari. (Dheuteronomio 17:18-20; Pisarema 19:7-11) Kuteerera mitemo yaJehovha kwakaita kuti rudzi rwaIsraeri rukudzwe uye kwakarusiyanisa nevamwe vanhu vose. (Dheuteronomio 4:6-8) Sezvazvaiva zvakaita kuna Dhavhidhi, kuverenga Magwaro nguva dzose, kuafungisisa zvakadzama, uye kuadzidza nokushingaira kuchawedzera kukoshesa kwatinoita kukudzwa kwaJehovha.

Unhu hwaMwari Hunoratidza Ukuru Hwake!

20, 21. (a) Pisarema 145:7-9 rinoratidza ukuru hwaJehovha maererano nounhu hupi? (b) Unhu hwaMwari hwataurwa pano hunoitei pane vose vanomuda?

20 Sezvataona, ndima nhanhatu dzokutanga dzePisarema 145:1-6 dzinotipa zvikonzero zvinokosha zvokurumbidza Jehovha nokuda kwezvinhu zvine chokuita noukuru hwake husinganzvereki. Pis 145:7-9Ndima 7 kusvika ku9 dzinoratidza ukuru hwaMwari nokutaura nezvounhu hwake. Dhavhidhi anoimba kuti: “Vachareva vachiyeudzira kunaka kwenyu kukuru, nokuimbira kururama kwenyu. Jehovha une nyasha, uzere netsitsi, haachimbidziki kutsamwa, une ngoni zhinji. Jehovha une mwoyo wakanaka kuna vose; ngoni dzake dziri pamabasa ake ose.”

21 Pano Dhavhidhi anotanga kutaura nezvokunaka uye kururama kwaJehovha—unhu hwakadenhwa naSatani Dhiyabhorosi. Unhu uhwu hunoitei pane vose vanoda Mwari uye vanozviisa pasi pokutonga kwake? Chokwadi, kunaka kwaJehovha uye nzira yake yakarurama yokutonga zvinounza mufaro mukuru kuvanamati vake zvokuti havangaregi kuramba vachimurumbidza. Uyezve, kunaka kwaJehovha kunosvika “kuna vose.” Tinotarisira kuti izvi zvichabatsira vamwezve vakawanda kupfidza vova vanamati vaMwari wechokwadi kusati kwava kunyanya kunonoka.—Mabasa 14:15-17.

22. Jehovha anobata sei vashumiri vake?

22 Dhavhidhi aikoshesawo unhu hwakasimbiswa naMwari pachake Paaka“pfuura pamberi pa[Mosesi], akadanidzira, achiti: Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unonoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” (Eksodho 34:6) Saka, Dhavhidhi aigona kuzivisa kuti: “Jehovha une nyasha, uzere netsitsi, haachimbidziki kutsamwa, une ngoni zhinji.” Kunyange zvazvo Jehovha ari mukuru zvokusanzvereka, anokudza vashumiri vake nokuva nenyasha navo. Azere nengoni, achida kukanganwira vatadzi vanopfidza pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro chaJesu. Jehovha anononoka kutsamwa, nokuti anopa vashumiri vake mukana wokukurira zvinhu zvavanokundikana zvingavatadzisa kupinda munyika yake itsva yokururama.—2 Petro 3:9, 13, 14.

23. Tichakurukura unhu hupi hunokosha munyaya inotevera?

23 Dhavhidhi anorumbidza mutsa une rudo waMwari, kana kuti rudo rwokuvimbika. Kutaura zvazviri, ndima dzose dzasara dzePisarema 145 dzinoratidza kuti Jehovha anoratidza sei unhu uhwu uye kuti vashumiri vake vakavimbika vanoita sei kumutsa wake une rudo. Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

Ungapindura Sei?

• Mikana ipi iripo yokurumbidza Jehovha “zuva rimwe nerimwe”?

• Mienzaniso ipi inoratidza kuti ukuru hwaJehovha hahunzvereki?

• Tingawedzera sei kukoshesa kukudzwa kwaJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mapoka enyeredzi dzokudenga anopupurira ukuru hwaJehovha

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of Anglo-Australian Observatory, mufananidzo naDavid Malin

[Mufananidzo uri papeji 12]

Ukuru hwaJehovha hwakaratidzwa sei maererano naJesu Kristu?

[Mufananidzo uri papeji 13]

VaIsraeri pavakagamuchira Mutemo paGomo reSinai, vakava nouchapupu hwokukudzwa kwaJehovha