Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kuvimba Nezvipikirwa Zvaani?

Unogona Kuvimba Nezvipikirwa Zvaani?

Unogona Kuvimba Nezvipikirwa Zvaani?

“ZVIPIKIRWA zvake zvaiva nesimba, sezvaaiva panguva iyoyo; asi akanga asina simba rokuzvizadzika, sezvaari nazvino.”—King Henry the Eighth, rakanyorwa naWilliam Shakespeare.

Zvipikirwa zvine simba zvaitaurwa naShakespeare zvaiva zviya zvomufundisi mukuru weChirungu Thomas Wolsey, uyo aiva nesimba guru rezvematongerwe enyika muEngland muzana remakore rechi16. Vamwe vangati zvakataurwa naShakespeare zvinokodzerawo zvipikirwa zvakawanda zvavanonzwa mazuva ano. Nguva nenguva, vanhu vanovimbiswa zvakawanda asi vanowana zvishoma. Saka, hazvina kuoma kunzwisisa chikonzero nei vasina chokwadi nezvipikirwa zvose.

Kuodzwa Mwoyo Kwakazara

Somuenzaniso, panguva yokurwisana kunotyisa muBalkans kuma1990, United Nations Security Council yakati taundi reSrebrenica muBosnia, raiva “nzvimbo yakachengeteka.” Izvozvo zvakaita sevimbiso yechokwadi kuvanhu vomunyika dzakawanda. Zviuru zvevapoteri vechiMuslim muSrebrenica zvaifunga kudaro. Zvisinei, pakupedzisira vimbiso yenzvimbo yakachengeteka haina kubudirira zvachose. (Pisarema 146:3) Muna July wa1995, mauto airwisa akabvisa mauto eUN nyore nyore ndokukurira taundi racho. VaMuslim vanopfuura 6 000 vakanyangarika, uye vanhuwo zvavo vechiMuslim vanenge 1 200 vakapondwa.

Upenyu hwose hwakazara nezvipikirwa zvisingazadziswi. Nhasi vanhu vanonzwa vanyengedzwa no“kushambadzira kusingaperi kwenhema uye kunotsausa” kunotutirwa pavari. Vanoodzwa mwoyo ne“zvipikirwa zvisingazadziswi zvezviuru zvevezvematongerwe enyika.” (The New Encyclopædia Britannica, Vhoriyamu 15, peji 37) Vatungamiriri vechitendero vanovimbwa navo avo vanovimbisa kutarisira mapoka avo vanoabata zvakaipisisa. Kunyange mumabasa akadai seedzidzo nookurapa—anonzi anoitwa zvichibva pakuva netsitsi uye kuva nehanya nevamwe—vamwe havana kuchengeta kuvimbwa kwavo uye vakatobiridzira kana kutoponda vaya vavaitarisira. Ndosaka Bhabheri richitinyevera kuti tisangotenda mashoko ose ose!—Zvirevo 14:15.

Zvipikirwa Zvinozadziswa

Chokwadi, vanhu vakawanda vanochengeta shoko ravo, dzimwe nguva vachitorasikirwa zvikuru. (Pisarema 15:4) Shoko ravo ndiyo mhiko yavo, vanorichengeta. Vamwe vanoda chaizvo kuchengeta zvavanopikira, nomwoyo wose. Vakagadzirira uye vanonyatsoda kuita zvavanopikira asi kungoti havakwanisi kuzviita. Mamiriro ezvinhu angakangaidza kunyange zvirongwa zvakanaka.—Muparidzi 9:11.

Chero zvazvingava, chokwadi ndechokuti vanhu vakawanda vanoona zvakaoma kwazvo kutenda zvipikirwa zvomunhu upi noupi. Saka mubvunzo unomuka unoti: Pane zvipikirwa zvatinogona kuvimba nazvo here? Zviripo. Tinogona kuvimba nezvipikirwa zviri muShoko raMwari, Bhaibheri. Wadii waongorora zvinotaurwa nenyaya inotevera panhau iyi? Unogona kugumisa kuti tinogona kunyatsovimba nezvipikirwa zvaMwari, sezvave kutoitwa nemamiriyoni.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

AP Photo/Amel Emric