Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvipikirwa Zvaungagona Kuvimba Nazvo

Zvipikirwa Zvaungagona Kuvimba Nazvo

Zvipikirwa Zvaungagona Kuvimba Nazvo

MUPROFITA waMwari Mika, aiziva kuti kazhinji mhiko dzinogona kusavimbwa nadzo. Muzuva rake, kunyange shamwari dzepedyo dzingasavimbwa nguva dzose pakuchengeta shoko radzo. Saka Mika akanyevera kuti: “Regai kuvimba nowamunogara naye, regai kutenda shamwari, dzora miromo yako kumukadzi uvete pachipfuva chako.”—Mika 7:5.

Mika akabvumira mamiriro ezvinhu aya anosuruvarisa kuti asava nechokwadi nezvipikirwa zvose here? Kana! Akaratidza kuvimba zvakakwana nezvipikirwa zvakaitwa naMwari wake, Jehovha. “Kana ndiri ini,” akanyora kudaro Mika, “ndichatarira kuna Jehovha, ndichamirira Mwari woruponeso rwangu.”—Mika 7:7.

Nei Mika aiva nechivimbo chakadaro? Nokuti aiziva kuti Jehovha anochengeta shoko rake nguva dzose. Zvose izvo Mwari akanga apikira madzitateguru aMika zvakaitika pasina kukundikana. (Mika 7:20) Kutendeka kwaJehovha munguva yekare kwakaita kuti Mika ave nezvikonzero zvose zvokubvuma kuti Aizochengeta shoko Rake munguva yemberi.

“Hapana Chinhu Chimwe . . . Chakakona”

Somuenzaniso, Mika aiziva kuti Jehovha akanunura vaIsraeri muuranda muIjipiti. (Mika 7:15) Joshua, uyo akanunurwawo, akakurudzira vamwe vaIsraeri kuti vatende muzvipikirwa zvose zvaMwari. Pakudii? “Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose,” Joshua akavayeuchidza kudaro, “kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.”—Joshua 23:14.

VaIsraeri vainyatsoziva kuti Jehovha akanga avaitira zvinhu zvinoshamisa. Akanga azadzika chipikirwa chake kuna Abrahamu, tateguru wavo aitya Mwari, chokuti vana vake vaizowanda senyeredzi uye vaizova varidzi venyika yeKanani. Jehovha akaudzawo Abrahamu kuti vazukuru vake vaizotambura kwemakore 400 asi “rudzi rwechina” rwaizodzokera kuKanani. Zvose izvi zvakaitika.—Genesi 15:5-16; Eksodho 3:6-8.

VaIsraeri vakagamuchirwa zvakanaka muIjipiti mumazuva omwanakomana waJakobho, Josefa. Gare gare, vaIjipiti vakavaminikidza noutsinye kuita basa rouranda, asi sezvakanga zvapikirwa naMwari, ava vazukuru vaAbrahamu vakasunungurwa muuranda hweIjipiti, chizvarwa chechina chisati chapera pazvizvarwa zvinotevedzana kubva panguva yavakapinda muIjipiti. *

Mumakore 40 akatevera, vaIsraeri vakava nohumwezve uchapupu hwokuti Jehovha anogarochengeta zvaanopikira. VaAmareki pavakatanga kurwisa vaIsraeri vasina kudenhwa, Mwari akarwira vanhu vake uye akavadzivirira. Akavagovera zvose zvavaida zvokunyama murwendo rwavo rwemakore 40 murenje uye pakupedzisira akavagarisa muNyika Yakapikirwa. Joshua paaidzokorora nhau yokubata kwaJehovha nevazukuru vaAbrahamu, aigona kutaura nechivimbo kuti: “Hakuna chinhu chimwe chezvinhu zvakanaka zvakanga zvataurwa naJehovha kuimba yaIsraeri chakakona; zvose zvakaitika.”—Joshua 21:45.

Wedzera Kuvimba Nezvipikirwa zvaMwari

Ungawedzera sei kuvimba nezvipikirwa zvaJehovha, sezvakaitwa naMika naJoshua? Unotanga sei kuvimba nevamwe? Unosvika pakuvaziva zvikuru sezvaungagona. Somuenzaniso, unogona kudzidza kuti vakavimbika zvakadini nokucherechedza kuti vanoedza kuzadzika zvose zvavanovimbisa nokutendeka. Sezvo zivo yako pamusoro pevanhu vakadaro inowedzera, unotanga kuvimba navo zvishoma nezvishoma. Unogona kuita zvimwe chete pakuwedzera kuvimba nezvipikirwa zvaMwari.

Imwe nzira yaungaita nayo izvi ndeyokufungisisa chisiko uye mitemo inochidzora. Masayendisiti anovimba nemitemo iyi, yakadai seiya inodzora nzira iyo sero romunhu rinokamukana owanda kuva matiririyoni emasero anoumba muviri wako. Kutaura zvazviri, mitemo inodzora zvinoitwa nezvinhu uye simba riri mune zvose zvakasikwa inofanira kuva yakagadzwa noMuiti womutemo akavimbika chose chose. Chokwadi unogona kuvimba nezvipikirwa zvake, sokuvimba kwaunoitawo nemitemo inodzora zvaakasika.—Pisarema 139:14-16; Isaya 40:26; VaHebheru 3:4.

Achishandisa muprofita Isaya, uyo akararama panguva imwe naMika, Jehovha akaenzanisira kuvimbika kweshoko rake nokuvapo kwemwaka uye kutenderera kwemvura kunoshamisa. Mvura yaiuya gore rimwe nerimwe. Yainyorovesa pasi yoita kuti vanhu vakwanise kudyara mbeu dzavo uye vozokohwa zvibereko. Mune izvi, Jehovha akati: “Mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudyari mbeu, nomudyi zvokudya; ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isaya 55:10, 11.

Zvipikirwa Zvechokwadi Zveparadhiso

Kuongorora chisiko kungawedzera kuvimba kwako noMusiki, asi chimwezve chinhu chinodiwa kana uchida kudzidza nezvezvipikirwa zviri chikamu che‘shoko rinobuda mumuromo make.’ Kuti udzidze nezvezvipikirwa izvi kuitira kuti uvimbe nazvo, unofanira kuongorora chinyorwa chakafuridzirwa muMagwaro chechinangwa chaMwari nokuda kwepasi uye kubata kwake nevanhu.—2 Timoti 3:14-17.

Muprofita Mika aivimba nezvipikirwa zvaJehovha. Unotova nechinyorwa chaMwari chakafuridzirwa chikuru kupfuura chaiva naMika. Sezvaunoverenga Bhaibheri ndokurifungisisa, iwewo unogona kuwedzera kuvimba nokuzadzika kwezvipikirwa zvaMwari. Zvipikirwa izvi hazvingobatanidzi vazukuru vaAbrahamu chaivo asi vanhu vose. Jehovha akapikira tateguru uyu aitya Mwari kuti: ‘Ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mumwana wako, zvawakateerera inzwi rangu.’ (Genesi 22:18) ‘Mwana,’ kana kuti muzukuru, waAbrahamu aiva Mesiya, Jesu Kristu.—VaGaratiya 3:16.

Achishandisa Jesu Kristu, Jehovha achaona kuti zvikomborero zvayerera kuvanhu vanoteerera. Uye Mwari akapikira kuitei munguva yedu? Mika 4:1, 2 inopindura mumashoko aya ouprofita ichiti: “Namazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richagadzwa pamisoro yamakomo, richakwiridzwa kumusoro kwezvikomo; marudzi avanhu achamhanyira kwariri. Marudzi mazhinji achaenda, achiti: Uyai, hendei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake, uye isu tichafamba namakwara ake.”

Vaya vanodzidza nezvenzira dzaJehovha vano“pfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti.” Mafungiro chero api ehondo achanyangarika. Nokukurumidza pasi richazara nevanhu vakarurama, uye hapana achazovaita kuti vadedere nokutya. (Mika 4:3, 4) Chokwadi, Shoko raMwari rinopikira kuti pakutonga kwoUmambo mumaoko aJesu Kristu, Jehovha achabvisa vadzvinyiriri vose pasi pano.—Isaya 11:6-9; Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 11:18.

Kunyange vaya vakatambura uye vakafa nokuda kwokupandukira Mwari kwomunhu, vachamutswa vaine tariro yokugara pasi pano nokusingaperi. (Johani 5:28, 29) Satani nemadhimoni ake, vakuchidziri vouipi, vachange vasisipo, uye migumisiro yechivi chaAdhamu ichabviswa kuburikidza nechibayiro chorudzikinuro chaJesu. (Mateu 20:28; VaRoma 3:23, 24; 5:12; 6:23; Zvakazarurwa 20:1-3) Uye vanhu vanoteerera vachawanei? Chokwadi, vachakomborerwa noupenyu husingaperi vaine utano hwakakwana muparadhiso pasi pano!—Pisarema 37:10, 11; Ruka 23:43; Zvakazarurwa 21:3-5.

Izvi zvipikirwa zvinoshamisa! Asi unogona kuzvibvuma here? Chokwadi unogona. Izvi hazvisi zvipikirwa zvevanhu vangava nezvinangwa zvakanaka asi vasina simba rokuzviita. Zvipikirwa zvaMwari Wemasimba ose, asingarevi nhema uye uyo ‘asinganonoki pachipikirwa chake.’ (2 Petro 3:9; VaHebheru 6:13-18) Unogona kuvimba zvakakwana nezvipikirwa zvake zviri muBhaibheri, nokuti Zvinobva kuna “Mwari wazvokwadi.”—Pisarema 31:5.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Ona Insight on the Scriptures, vhoriyamu 1, mapeji 911-12, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

“Hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.”—JOSHUA 23:14

[Mifananidzo iri papeji 4, 5]

Jehovha akachengeta zvipikirwa zvake kuna Israeri paGungwa Dzvuku uye murenje

[Mifananidzo iri papeji 7]

Jehovha akazadzika chipikirwa chake kuna Abrahamu. Mwana Wake, Jesu Kristu, achaunzira vanhu zvikomborero