Hana Yakatendeseka
Hana Yakatendeseka
RIMWE zuva, Charles, mushandi wepayunivhesiti muKenya, achibva kubasa, akarasa foni yake yeserura. MuKenya, serura dzichiri chinhu chinodhura choumbozha.
“Ndaisambotarisira kuti pane aizoidzosa,” akadaro Charles. Zvisinei, mazuva mashomanana gare gare, akashamisika kugamuchira runhare rwaibva kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muKenya. Akatadza kubvuma zvaakanga ari kunzwa paakakumbirwa kuuya kuzotora serura yake! Zvakaitika kuti foni iyi yakanhongwa nomumwe mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha akanga akwira motokari pamwe chete naCharles. Achiedza kuti awane muridzi wayo, mushumiri uyu akaiendesa kuhofisi yebazi, uye vashandi vepo vanozvidira vakazowana Charles nokuridzira runhare nhamba yaibudiswa paserura iyi.
“Ndinoonga zvikuru kutamburira kwamakaita kuti mundiwane,” akadaro Charles mutsamba yaakanyorera hofisi yebazi. “Ndinoonga nomwoyo wose nhengo dzesangano renyu dzakanhonga serura yangu, ndokunditsvaka, kuti dzindidzorere. Hazvisi nyore kuwana munhu akatendeseka nhasi, asi zvinokurudzira kuti tichine vashoma vakasiyana nevamwe—Zvapupu zvaJehovha Mwari zvechokwadi.”
Zvapupu zvaJehovha kwose kwose zvinozivikanwa nokutendeseka kwazvo. Zvinotevedzera muapostora Pauro, uyo akati: “Tinovimba kuti tine hana yakatendeseka, sezvatinoda kuzvibata nokutendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18; 1 VaKorinde 11:1) Zvinonzwisisa kuti mufambiro wakadaro unokudza Jehovha Mwari, sezvo Jesu akati: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka kwazvo vape mbiri kuna Baba venyu vari kumatenga.”—Mateu 5:16.