Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ishe, Tidzidzisei Kunyengetera”

“Ishe, Tidzidzisei Kunyengetera”

“Ishe, Tidzidzisei Kunyengetera”

“Mumwe wevadzidzi vake akati kwaari: ‘Ishe, tidzidzisei kunyengetera.’”—RUKA 11:1.

1. Nei mumwe wevadzidzi vaJesu akakumbira Jesu kuti avadzidzise kunyengetera?

PANE imwe nguva muna 32 C.E., mumwe mudzidzi waJesu akamuona Achinyengetera. Haana kukwanisa kunzwa kuti Jesu akanga achiti kudini kuna Baba vake, nokuti zvichida ainyengetera chinyararire. Zvisinei, Jesu paakapedza, mudzidzi wacho akati kwaari: “Ishe, tidzidzisei kunyengetera.” (Ruka 11:1) Chii chakamuita kuti akumbire? Munyengetero waiva chimwe chezvinhu zvenguva dzose muupenyu nokunamata kwechiJudha. Magwaro echiHebheru ane minyengetero yakawanda mubhuku reMapisarema uye mune mamwewo. Saka mudzidzi wacho akanga asiri kukumbira kuti adzidziswe chimwe chinhu chaakanga asingazivi nezvacho kana kuti chaakanga asina kumboita. Hapana mubvunzo kuti aiziva minyengetero yakajairika yevatungamiriri vechitendero chechiJudha. Asi zvino akanga acherechedza Jesu achinyengetera, uye zvimwe akaona kuti paiva nomusiyano mukuru pakati peminyengetero mitsvene yavanarabhi nokunyengetera kwaJesu.—Mateu 6:5-8.

2. (a) Chii chinoratidza kuti Jesu akanga asingarevi kuti tinofanira kudzokorora munyengetero womuenzaniso shoko neshoko? (b) Nei tichida kuziva kuti tinofanira kunyengetera sei?

2 Inenge mwedzi 18 izvi zvisati zvaitika, muMharidzo yake yepaGomo, Jesu akanga apa vadzidzi vake muenzaniso wezvavaifanira kutevedzera muminyengetero yavo. (Mateu 6:9-13) Zvichida mudzidzi uyu akanga asipo panguva iyoyo, saka Jesu akadzokorora nomutsa pfungwa dzinokosha dzomumunyengetero iwoyo womuenzaniso. Chokwadi chokuti haana kudzokorora shoko neshoko rawo chinoonekwa, zvichiratidza kuti akanga asiri kupa munyengetero unofanira kudzokororwa sezvauri nemashoko akaiswa mumusoro. (Ruka 11:1-4) Somudzidzi iyeye asina kutaurwa zita, isuwo tinoda kudzidziswa kunyengetera kuti minyengetero yedu igotiswededza pedyo naJehovha. Naizvozvo ngationgororei munyengetero womuenzaniso wakazara, wakanyorwa nomuapostora Mateu. Une zvikumbiro zvinomwe, zvitatu zvacho zviine chokuita nezvinangwa zvaMwari uye zvina zvacho zviine chokuita nezvatinoda zvokunyama nezvokumudzimu. Munyaya ino tichakurukura zvikumbiro zvitatu zvokutanga.

Baba Vane Rudo

3, 4. Chii chinorehwa nokutaura naJehovha tichimuti “Baba vedu”?

3 Kubva pakutanga chaipo, Jesu akaratidza kuti minyengetero yedu inofanira kuratidza ukama hwepedyo naJehovha asi huine ruremekedzo. Achitaura zvikurukuru kuti agobatsira vadzidzi vake vakanga vakaungana pedyo naye mujinga megomo, Jesu akavaudza kuti vataure naJehovha vachiti “Baba vedu vari kumatenga.” (Mateu 6:9) Maererano neimwe nyanzvi, Jesu angave akataura muchiHebheru chaizivikanwa kana kuti muchiAramaic, asi shoko rokuti “Baba” raakashandisa rakangofanana nemashoko anoratidza ukama hwepedyo anoshandiswa nomucheche, ‘shoko romwana.’ Kutaura naJehovha tichiti “Baba vedu” kunoratidza ukama hwoushamwari, hwokuvimba naye.

4 Nokutaura kuti “Baba vedu,” tinobvumawo kuti tiri nhengo dzemhuri yakakura yevarume nevakadzi vanoziva kuti Jehovha ndiye Mupi Woupenyu. (Isaya 64:8; Mabasa 17:24, 28) VaKristu vakaberekwa nomudzimu vanogamuchirwa se“vanakomana vaMwari,” uye kwaari vanogona ‘kudanidzira kuti: ‘Abha, Baba!’’ (VaRoma 8:14, 15) Mamiriyoni evanhu akava shamwari dzavo dzakavimbika. Ava vakatsaurira upenyu hwawo kuna Jehovha ndokuratidza kuzvitsaurira kwavo nokubhabhatidzwa mumvura. “Mamwe makwai” ose aya anogonawo kutaura naJehovha muzita raJesu oMudana kuti “Baba vedu.” (Johani 10:16; 14:6) Nguva dzose tinogona kuenda kuna Baba vedu vokudenga mumunyengetero tichivarumbidza, tichivaonga nokuda kwokunaka kwavo kwose kwavanotiratidza, uye kuvaudza zvinotiremera, tiine chivimbo chokuti vane hanya nesu.—VaFiripi 4:6, 7; 1 Petro 5:6, 7.

Kuda Zita raJehovha

5. Ndechipi chiri chikumbiro chokutanga chomumunyengetero womuenzaniso, uye nei chakakodzera?

5 Chikumbiro chokutanga chinobva changoisa zvinhu zvokutanga pakutanga. Chinoti: “Zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Chokwadi, kutsveneswa kwezita raJehovha kunofanira kuva chinhu chikuru kwatiri nokuti tinomuda uye tinovenga kuona ruzvidzo rwose rwakatutirwa pazita rake. Kupandukira kwaSatani uye kufurira kwake vanhu vaviri vokutanga kuti vasateerera Jehovha Mwari kwakachera zita Rake nokuita kuti nzira yaaishandisa kuva changamire kwake pazvinhu zvose zvakasikwa ipokanwe. (Genesi 3:1-6) Uyezve, kwemazana emakore, zita raJehovha rave richizvidzwa nezviito uye nedzidziso dzinonyadzisa zvevaya vanoti vanomumiririra.

6. Chii chatisingazoiti kana tichinyengeterera kuti zita raJehovha ritsveneswe?

6 Kunyengeterera kwatinoita kuti zita raJehovha ritsveneswe kunoratidza patimire panhau youchangamire pazvinhu zvose zvakasikwa—tinotsigira zvizere kodzero yaJehovha yokudzora pasi nokudenga. Jehovha anoda kuti pasi nokudenga zvigarwe nezvisikwa zvakangwara zvinoda nomwoyo wose kuzviisa pasi pouchangamire hwake hwakarurama zvichifara nokuti zvinomuda uye zvinoda zvose zvinomiririrwa nezita rake. (1 Makoronike 29:10-13; Pisarema 8:1; 148:13) Kuda kwedu zita raJehovha kuchatibatsira kurega kuita chinhu chose chingazvidzisa zita iroro dzvene. (Ezekieri 36:20, 21; VaRoma 2:21-24) Sezvo rugare rwepasi nevanogarapo uye rwokudenga nevanogarako ruchibva pakutsveneswa kwezita raJehovha uye pakuzviisa pasi norudo kuuchangamire hwake, munyengetero wedu wokuti “zita renyu ngaritsveneswe” unoratidza kuti tine chivimbo chokuti chinangwa chaJehovha chichazadzika zvichiguma nokurumbidzwa kwake.—Ezekieri 38:23.

Umambo Hwatinonyengeterera

7, 8. (a) Chii chiri Umambo uhwo Jesu akatidzidzisa kunyengeterera? (b) Tinodzidzei nezvoUmambo uhwu mubhuku raDhanieri neraZvakazarurwa?

7 Chikumbiro chechipiri chiri mumunyengetero womuenzaniso ndeichi: “Umambo hwenyu ngahuuye.” (Mateu 6:10) Chikumbiro ichi chakangoda kufanana nechokutanga. Chinoshandiswa naJehovha kutsvenesa zita rake dzvene ndihwo Umambo hwaMesiya, hurumende yake yokudenga, iyo Mwanakomana wake Jesu Kristu ari Mambo akagadzwa zvakakodzera. (Pisarema 2:1-9) Uprofita hwaDhanieri hunorondedzera Umambo hwaMesiya se“ibwe” rinovezwa mu“gomo.” (Dhanieri 2:34, 35, 44, 45) Gomo racho rinomiririra uchangamire hwaJehovha hwezvinhu zvose zvakasikwa, saka ibwe roUmambo kuratidzwa kutsva kwokutonga kwaJehovha pazvinhu zvose zvakasikwa. Muuprofita hwacho, ibwe, ‘rinozoitawo gomo guru rozadza pasi pose,’ zvichiratidza kuti Umambo hwaMesiya huchamiririra uchangamire hwaMwari pakutonga pasi.

8 Vanobatana naKristu muhurumende iyi yoUmambo i144 000, “vakatengwa pakati pevanhu” kuti vatonge naye semadzimambo nevapristi. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1-4; 20:6) Dhanieri anotaura nezveava se“vatsvene voWokumusorosoro,” ivo pamwe naKristu Mutungamiriri wavo, vanopiwa ‘ushe nesimba noukuru hwoushe hwose pasi pedenga rose. Ushe hwavo ndohwokusingaperi, masimba ose achavashumira nokuvateerera.’ (Dhanieri 7:13, 14, 18, 27) Iyoyo ndiyo hurumende yokudenga iyo Kristu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera.

Nei Tichiri Kunyengeterera Kuti Umambo Huuye?

9. Nei zvakakodzera kunyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye?

9 Mumunyengetero wake womuenzaniso, Kristu akatidzidzisa kunyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye. Kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri kunoratidza kuti Umambo hwaMesiya hwakagadzwa kudenga muna 1914. * Naizvozvo, zvichakakodzera here kuti tinyengeterere Umambo ihwohwo kuti “huuye”? Chaizvo. Nokuti muuprofita hwaDhanieri, Umambo hwaMesiya, hunofananidzirwa neibwe, hwakananga kunorwisana nehurumende dzevanhu dzezvematongerwe enyika, dzinofananidzirwa nechifananidzo chihombe. Ibwe iri richati rosvika pachifananidzo chacho, rochikuya chova huruva. Uprofita hwaDhanieri hunoti: “Simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.

10. Nei tichipanga kuuya kwoUmambo hwaMwari?

10 Tinopanga kuona Umambo hwaMwari huchiuya kuzorwisa nyika yakaipa yaSatani nokuti izvi zvichareva kutsveneswa kwezita raJehovha dzvene uye kubviswa kwevose vanoshora uchangamire hwake. Tinonyengetera nomwoyo wose tichiti: “Umambo hwenyu ngahuuye,” uye nomuapostora Johani tinoti: “Ameni! Uyai, Ishe Jesu.” (Zvakazarurwa 22:20) Chokwadi, Jesu ngaauye kuzotsvenesa zita raJehovha uye kuzoreverera uchangamire Hwake, kuitira kuti mashoko omunyori wepisarema ave echokwadi anoti: “Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.”—Pisarema 83:18.

“Kuda Kwenyu Ngakuitike”

11, 12. (a) Tiri kukumbira chii patinonyengeterera kuti kuda kwaMwari “kuitike, pasi panowo, sokudenga”? (b) Chiizve chinorehwa nokunyengeterera kuti kuda kwaJehovha kuitwe?

11 Jesu akatevera kudzidzisa vadzidzi vake kunyengetera kuti: “Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.” (Mateu 6:10) Zvinhu zvose zvakasikwa zvakavapo nokuti ndizvo zvaida Jehovha. Zvisikwa zvokudenga zvine simba zvinodanidzira zvichiti: “Makafanirwa, Jehovha, imi Mwari wedu, kuti mugamuchire mbiri nokukudzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” (Zvakazarurwa 4:11) Jehovha ane chinangwa ne“zvinhu zviri kumatenga nezvinhu zviri pasi.” (VaEfeso 1:8-10) Patinonyengeterera kuti kuda kwaMwari kuitike, chokwadi tiri kukumbira Jehovha kuita chinangwa chake. Uyezve, tinobva taratidza kuti tinopanga kuona kuda kwaMwari kuchiitwa pasi nokudenga.

12 Nomunyengetero uyu tinoratidzawo chido chedu chokuita kuti upenyu hwedu huwirirane nezvinodiwa naJehovha. Jesu akati: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.” (Johani 4:34) Kufanana naJesu, sevaKristu vakazvitsaurira, tinofarira kuita kuda kwaMwari. Kuda kwedu Jehovha noMwanakomana wake kunoita kuti tirege ‘kuraramira kuchiva kwevanhu, asi kuda kwaMwari.’ (1 Petro 4:1, 2; 2 VaKorinde 5:14, 15) Tinoedza kusaita zvinhu zvatinoziva kuti zvinopesana nezvinodiwa naJehovha. (1 VaTesaronika 4:3-5) Nokutenga nguva yokudzidza uye kuverenga Bhaibheri, ti‘noramba tichinzwisisa kuti kuda kwaJehovha chii,’ uko kunosanganisira kushingairira kuparidza “aya mashoko akanaka oumambo.”—VaEfeso 5:15-17; Mateu 24:14.

Kuda kwaJehovha Kudenga

13. Kuda kwaMwari kwakanga kuchiitwa sei kare kare Satani asati ambopanduka?

13 Kuda kwaJehovha kwakanga kuchiitwa kumatenga kare kare mumwe wevanakomana vake vomudzimu asati ambopanduka ndokuva Satani. Bhuku raZvirevo rinotaura Mwanakomana waMwari wedangwe richimuti uchenjeri. Rinoratidza kuti kwenguva yakareba, Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe bedzi ‘aitamba pamberi pake nguva dzose,’ achifarira kuita kuda kwaBaba vake. Pakupedzisira, akava “mhizha” yaJehovha mukusikwa kwezvinhu zvose “zviri kumatenga nezviri pasi pano, zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki.” (Zvirevo 8:22-31; VaKorose 1:15-17) Jehovha akashandisa Jesu seShoko rake, kana kuti Mutauriri.—Johani 1:1-3.

14. Tingadzidzei muPisarema 103 nezvokuti ngirozi dzinoita sei kuda kwaJehovha kumatenga?

14 Munyori wepisarema anoratidza kuti uchangamire hwaJehovha hunopfuura zvose uye kuti mapoka engirozi anoteerera mashoko ake okurayiridza uye mirayiro yake. Tinoverenga kuti: “Jehovha wakasimbisa chigaro chake choushe kudenga-denga; ushe hwake hunobata zvinhu zvose. Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake; imi mhare dzine simba, munoita zvaakataura, muchiteerera inzwi reshoko rake. Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzake dzose; imi vashumiri vake, vanoita zvinomufadza. Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose, panzvimbo dzose dzoumambo hwake [kana kuti uchangamire].”—Pisarema 103:19-22.

15. Kugamuchira simba roUmambo kwaJesu kunei nokuitwa kwokuda kwaMwari kudenga?

15 Pashure pokupanduka kwake, Satani akanga achiri kukwanisa kupinda mumatare okudenga, sezvinoratidzwa mubhuku raJobho. (Jobho 1:6-12; 2:1-7) Zvisinei, bhuku raZvakazarurwa rakaprofita kuti nguva yaizouya apo Satani nemadhimoni ake vaizodzingwa kudenga. Sezviri pachena, nguva iyoyo yakauya Jesu Kristu achangogamuchira simba roUmambo muna 1914. Kubvira ipapo, kudenga hakusisina nzvimbo yevapanduki ivavo. Vanongoramba vari munharaunda yepasi. (Zvakazarurwa 12:7-12) Hapana inzwi rokukakavadzana richanzwikazve kudenga, kunze bedzi kwemanzwi akabatana okurumbidza “Gwayana,” Kristu Jesu, uye achizviisa pasi mukurumbidza Jehovha. (Zvakazarurwa 4:9-11) Zvechokwadi kuda kwaJehovha kuri kuitwa kudenga.

Kuda kwaJehovha Pasi Pano

16. Munyengetero womuenzaniso unopesana sei nedzidziso yechiKristudhomu nezvetariro yevanhu?

16 Machechi echiKristudhomu haabatanidzi pasi muzvinangwa zvaMwari, achitaura kuti vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga. Asi Jesu akatidzidzisa kunyengetera kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.” (Mateu 6:10) Zvingagona here kunzi, chero nokufungidzira kupi zvako, kuda kwaJehovha kwose kuri kuitwa nhasi papasi rino ratambura nechisimba, kusaruramisira, zvirwere, uye rufu? Kana! Naizvozvo tinofanira kunyengeterera nomwoyo wose kuti kuda kwaMwari kuitwe pasi pano, maererano nechipikirwa chakanyorwa nomuapostora Petro kuti: “Kune matenga matsva [hurumende yoUmambo hwaMesiya inotongwa naKristu] nepasi idzva [nzanga yevanhu vakarurama] zvatakamirira maererano nechipikirwa chake, uye kururama kuchagara mazviri.”—2 Petro 3:13.

17. Ndechipi chiri chinangwa chaJehovha nokuda kwepasi?

17 Jehovha aiva nechinangwa paakasika pasi. Akafuridzira muprofita Isaya kunyora kuti: “Zvanzi naJehovha wakasika denga rose, iye Mwari wakaumba nyika nokuiita, wakaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe, zvanzi naye: Ndini Jehovha, hakuna mumwe.” (Isaya 45:18) Mwari akaisa vanhu vaviri vokutanga mubindu reparadhiso, ndokuvaudza kuti: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi.” (Genesi 1:27, 28; 2:15) Zvakajeka kuti chinangwa choMusiki ndechokuti pasi rigarwe norudzi rwakakwana rwevanhu vakarurama vanozviisa pasi pouchangamire hwaJehovha vachifara uye vorarama nokusingaperi muParadhiso yakapikirwa naKristu.—Pisarema 37:11, 29; Ruka 23:43.

18, 19. (a) Chii chinofanira kuitwa kuda kwaMwari kusati kwaitwa zvizere pasi pano? (b) Ndezvipi zvimwe zvinhu zvomumunyengetero waJesu womuenzaniso zvichaongororwa munyaya inotevera?

18 Kuda kwaJehovha nokuda kwepasi hakungamboitwi zvizere kana pasi richigarwa nevarume nevakadzi vanozvidza uchangamire hwake. Achishandisa mauto omudzimu ane simba anotungamirirwa naKristu, Mwari acha‘paradza vanoparadza pasi.’ Nyika yaSatani yose yakaipa, nechitendero chayo chenhema, vezvematongerwe enyika vane uori, vezvokutengeserana vane makaro uye vasina kutendeseka, uye mauto anoparadza, zvichatsvairwa nokusingaperi. (Zvakazarurwa 11:18; 18:21; 19:1, 2, 11-18) Uchangamire hwaJehovha hucharevererwa uye zita rake richatsveneswa. Tinonyengeterera zvose izvi patinoti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.”—Mateu 6:9, 10.

19 Zvisinei, mumunyengetero wake womuenzaniso, Jesu akaratidza kuti tinogona kunyengetererawo nhau dzedu pachedu. Izvi zvinhu zvemirayiridzo yake pakunyengetera zvichaongororwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Ona chitsauko 6 chebhuku raFungisisa Uprofita hwaDhanieri!, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Kudzokorora

• Nei zvakakodzera kutaura naJehovha tichimuti “Baba vedu”?

• Nei zvichikosha zvikuru kuti tinyengeterere kutsveneswa kwezita raJehovha?

• Nei tichinyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye?

• Chii chinorehwa patinonyengeterera kuda kwaMwari kuti kuitwe pasi pano sokudenga?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Minyengetero yaJesu yaiva yakasiyana zvikuru neminyengetero mitsvene yevaFarisi

[Mufananidzo uri papeji 10]

VaKristu vanonyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye, zita rake kuti ritsveneswe, uye kuda kwake kuti kuitwe