Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anogovera Zvinodiwa Zvedu Zvezuva Nezuva

Jehovha Anogovera Zvinodiwa Zvedu Zvezuva Nezuva

Jehovha Anogovera Zvinodiwa Zvedu Zvezuva Nezuva

“Musaramba muchifunganya; nokuti . . . Baba venyu vanoziva kuti munoda zvinhu izvi.”—RUKA 12:29, 30.

1. Jehovha anotarisira sei mhuka?

WATI WAMBOONA shiri duku kana kuti imwewo shiri ichichobora-chobora mumarara here? Zvimwe unotoshamisika kuti ichawana chii chokudya mukuchobora-chobora pasi. MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akaratidza kuti tinogona kuwana chidzidzo munzira iyo Jehovha anotarisira nayo shiri. Akati: “Nyatsocherechedzai shiri dzokudenga, nokuti hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidzira mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Hamukoshi kupfuura zvadziri here?” (Mateu 6:26) Jehovha anopa zvokudya kuzvisikwa zvake zvose nenzira dzinoshamisa.—Pisarema 104:14, 21; 147:9.

2, 3. Zvidzidzo zvomudzimu zvipi zvatingawana pane zvatakadzidziswa naJesu pakunyengeterera chingwa chezuva nezuva?

2 Saka, nei Jesu akadudzawo mumunyengetero wake womuenzaniso chikumbiro chokuti: “Tipei nhasi chingwa chedu chanhasi”? (Mateu 6:11) Zvidzidzo zvomudzimu zvakadzama zvinogona kuwanikwa muchikumbiro ichi chakanaka. Kutanga, chinotiyeuchidza kuti Jehovha Mugoveri Mukuru. (Pisarema 145:15, 16) Vanhu vanogona kudyara uye kurima, asi Mwari bedzi ndiye anoita kuti zvinhu zvimere, mumudzimu nomunyama. (1 VaKorinde 3:7) Zvatinodya nezvatinonwa chipo chinobva kuna Mwari. (Mabasa 14:17) Kumukumbira kuti atipe zvinodiwa zvedu zvezuva nezuva kunomuratidza kuti tinoonga zvinhu izvozvo. Chokwadi, chikumbiro chakadaro hachitibvisiri mutoro wokushanda kana tichikwanisa kuita kudaro.—VaEfeso 4:28; 2 VaTesaronika 3:10.

3 Chechipiri, kukumbira kwedu “chingwa chedu chanhasi” kunoratidza kuti hatifaniri kunyanya kuzvidya mwoyo pamusoro penguva yemberi. Jesu akatizve: “Musambofunganya muchiti: ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinorondwa nemarudzi nemwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi. “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri. Nokudaro, musambofunganya pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nekufunganya kwaro.” (Mateu 6:31-34) Kunyengeterera “chingwa chedu chanhasi” kunoratidza muenzaniso wokurarama upenyu huri nyore hwo‘kuzvipira kuna Mwari pamwe nokugutsikana.’—1 Timoti 6:6-8.

Zvokudya Zvomudzimu Zvezuva Nezuva

4. Zviitiko zvipi muupenyu hwaJesu nehwevaIsraeri zvinosimbisa kukosha kwokuwana zvokudya zvomudzimu?

4 Kunyengeterera chingwa chedu chezuva nezuva kunofanirawo kutiyeuchidza nezvokudiwa kwezvokudya zvedu zvomudzimu zvezuva nezuva. Kunyange akanga ava nenzara zvikuru pashure pokutsanya kwenguva refu, Jesu akaramba muedzo waSatani wokushandura matombo kuti ave chingwa, achiti: “Zvakanyorwa kuti, ‘Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.’” (Mateu 4:4) Pano Jesu akatora mashoko omuprofita Mosesi, uyo akaudza vaIsraeri kuti: “[Jehovha] akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana, yawakanga usingazivi, kunyange madzibaba ako akanga asingaziviwo; kuti akuzivise kuti munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.” (Dheuteronomio 8:3) Nzira iyo Jehovha akagovera nayo mana haina kungopa vaIsraeri zvokudya zvokunyama chete asiwo zvidzidzo zvomudzimu. Chimwe chinhu chinokosha ndechokuti, vaifanira “kundozviunganidzira chiyero chinoringana zuva rimwe nerimwe.” Kana vaizounganidza zvakawandisa zvinopfuura zvezuva rimwe, zvaisara zvaizotanga kunhuwa zvoita makonye. (Eksodho 16:4, 20) Asi, izvi hazvina kuitika pazuva rechitanhatu pavaifanira kuunganidza zvakapetwa kaviri zvaizoita kuti vawane zvokudya paSabata. (Eksodho 16:5, 23, 24) Saka mana yacho yakaita kuti vazive kuti vaifanira kuteerera uye kuti upenyu hwavo hwaitsamira kwete pachingwa bedzi asi pa“zvose zvinobuda mumuromo waJehovha.”

5. Jehovha anotipa sei zvokudya zvomudzimu zvezuva nezuva?

5 Zuva nezuva tinodawo kudya zvokudya zvomudzimu zvinogoverwa naJehovha achishandisa Mwanakomana wake. Nechinangwa ichi, Jesu akagadza “muranda akatendeka, akangwara” kuti ape veimba yokutenda ‘zvokudya panguva yakafanira.’ (Mateu 24:45) Boka iroro romuranda akatendeka haringopi zvokudya zvomudzimu zvakawanda richishandisa mabhuku anoyamura kudzidza Bhaibheri asiwo rinotikurudzira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva. (Joshua 1:8; Pisarema 1:1-3) SaJesu, isuwo tinogona kuwana zvokudya zvomudzimu mazuva ose patinoshanda nesimba kuti tidzidze nezvaJehovha uye kuita kuda kwake.—Johani 4:34.

Kukanganwirwa Kwezvivi

6. Zvikwereti zvipi zvatinofanira kukumbirira kukanganwirwa, uye Jehovha anoda kuzvipfudza kana tichinge taita sei?

6 Chikumbiro chinotevera mumunyengetero womuenzaniso chinoti: “Tikanganwirei mhosva dzedu, sezvatakanganwirawo vane mhosva nesu.” (Mateu 6:12) Pano Jesu akanga asiri kutaura nezvezvikwereti zvemari. Aifunga nezvokukanganwirwa kwezvivi zvedu. Mumunyengetero womuenzaniso wakanyorwa naRuka, chikumbiro ichi chinoti: “Tikanganwirei zvivi zvedu, nokuti isu tinokanganwirawo munhu wose ane chikwereti nesu.” (Ruka 11:4) Saka, patinotadza, zvinoita sokuti tinova nechikwereti naJehovha. Asi Mwari wedu ane rudo akagadzirira ‘kudzima,’ kana kuti kupfudza, chikwereti ichocho kana tikapfidza zvepachokwadi, ‘totendeuka,’ uye tomukumbira kukanganwirwa nokutenda kwedu muchibayiro chorudzikinuro chaKristu.—Mabasa 3:19; 10:43; 1 Timoti 2:5, 6.

7. Nei tichifanira kunyengeterera kukanganwirwa zuva nezuva?

7 Nemamwe maonero, tinotadza patinokundikana kuita zvinodiwa naJehovha zvakarurama. Pamusana pechivi chokuberekwa nacho, tose tinokanganisa pakutaura, pakuita, uye pakufunga kana kuti tinokundikana kuita zvatinofanira kuita. (Muparidzi 7:20; VaRoma 3:23; Jakobho 3:2; 4:17) Naizvozvo, tingave tichiziva kana kuti tisingazivi kuti nhasi tambotadza, tinofanira kukumbira kukanganwirwa kwezvivi zvedu muminyengetero yedu yezuva nezuva.—Pisarema 19:12; 40:12.

8. Kunyengeterera kukanganwirwa kunofanira kuita kuti tiitei, uye nomugumisiroi unobatsira?

8 Tinofanira kunyengeterera kukanganwirwa kana tichinge tazviongorora nokutendeseka, tapfidza, uye tareurura, tichivimba uye tichitenda musimba reropa raKristu rakadeurwa rinodzikinura. (1 Johani 1:7-9) Kuti tiratidze kuti munyengetero wedu ndowechokwadi, tinofanira kutsigira kukumbira kwedu kukanganwirwa “nokuita mabasa anokodzera rupfidzo.” (Mabasa 26:20) Zvadaro tinogona kutenda kuti Jehovha akagadzirira kukanganwira zvivi zvedu. (Pisarema 86:5; 103:8-14) Tinoguma norugare rwepfungwa rusina chinoenzana narwo, “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose,” urwo “rucharinda mwoyo [yedu] nemasimba [edu] okufunga naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:7) Asi munyengetero waJesu womuenzaniso unotidzidzisa zvakatowanda zvatinofanira kuita kuti tikanganwirwe zvivi zvedu.

Kuti Tikanganwirwe, Tinofanira Kukanganwira

9, 10. (a) Jesu akawedzera kutaura nezvei mumunyengetero womuenzaniso, uye izvi zvakasimbisa chii? (b) Jesu akazoenzanisirazve sei kudiwa kwokuti tikanganwire?

9 Nenzira inofadza, chikumbiro chokuti “tikanganwirei mhosva dzedu, sezvatakanganwirawo vane mhosva nesu,” ndicho chikamu bedzi chomunyengetero womuenzaniso chakatsanangurwa naJesu. Apedza kunyengetera, akatizve: “Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vokudenga vachakukanganwiraiwo; asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu.” (Mateu 6:14, 15) Saka, Jesu akajekesa kuti kukanganwirwa kwedu naJehovha kunobva pakuti isu tinoda kukanganwira vamwe.—Mako 11:25.

10 Pane imwe nguva, Jesu akapa muenzaniso achiratidza kuti tinofanira kukanganwira kana tichizoda kuti Jehovha atikanganwirewo. Akataura nyaya yomumwe mambo akadzima nomwoyo wose chikwereti chihombe chaiva nomuranda. Mambo wacho akazoranga murume uyu zvinorwadza paakaramba kudzima chikwereti chiduku zvikuru chomumwe muranda. Jesu akagumisa muenzaniso wake nokuti: “Baba vangu vokudenga vachabatawo nemi saizvozvowo kana musingakanganwiri mumwe nomumwe hama yake zvichibva mumwoyo menyu.” (Mateu 18:23-35) Chidzidzo chacho chakajeka: Chikwereti chechivi chatakakanganwirwa naJehovha chakakura zvikuru kupinda kudarika kupi nokupi kwatakamboitirwa naani zvake. Uyezve, Jehovha anotikanganwira zuva nezuva. Saka, zvechokwadi tinogona kukanganwira kukanganisirwa nevamwe kunoitika apo neapo.

11. Tichatevera zano ripi rakapiwa nomuapostora Pauro kana tichizoda kuti Jehovha atikanganwire, nemigumisiroi yakanaka?

11 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi zvikuru, muchikanganwirana zvikuru sezvo Mwari akakukanganwiraiwo zvikuru nokuna Kristu.” (VaEfeso 4:32) Kukanganwirana kunochengeta rugare pakati pevaKristu. Pauro akakurudzirazve kuti: “Sevakasarudzwa vaMwari, vatsvene nevanodiwa, pfekai rudo rukuru kwazvo rwetsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvidukupisa, unyoro, nemwoyo murefu. Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru kana pane munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha sezvaakakukanganwirai zvikuru, nemiwo itai kudaro. Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti chisungo chakakwana chokubatana.” (VaKorose 3:12-14) Zvose izvi zvaiva mumunyengetero watakadzidziswa naJesu wokuti: “Tikanganwirei mhosva dzedu, sezvatakanganwirawo vane mhosva nesu.”

Kudzivirirwa Patinenge Tiri Mumuedzo

12, 13. (a) Chii chisingarehwi nechikumbiro chinotevera mumunyengetero womuenzaniso? (b) Ndiani Muedzi mukuru, uye zvinorevei kunyengeterera kusapinzwa mumuedzo?

12 Chikumbiro chinotevera mumunyengetero waJesu womuenzaniso chinoti: “Musatipinze mumuedzo.” (Mateu 6:13) Jesu aireva here kuti tinofanira kukumbira Jehovha kuti asatiedza? Izvi hazvina kudaro, nokuti mudzidzi Jakobho akafuridzirwa kunyora kuti: “Paanenge achiedzwa, munhu ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nokuti Mwari haangaedzwi nezvinhu zvakaipa kana iye pachake haaedzi munhu.” (Jakobho 1:13) Uyezve, munyori wepisarema akanyora kuti: “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire, Ishe?” (Pisarema 130:3) Jehovha haatariri zvose zvatinokanganisa, uye zvechokwadi haaedzi kutipingirisha. Saka, chikamu ichi chomunyengetero womuenzaniso chinorevei?

13 Satani Dhiyabhorosi ndiye anoedza kutipingirisha, anoedza kuti tidonhe nemanomano ake, uye kunyange kutiparadza. (VaEfeso 6:11) Ndiye Muedzi mukuru. (1 VaTesaronika 3:5) Patinonyengetera kuti tisapinzwa mumuedzo, tiri kukumbira Jehovha kuti asatibvumira kukanganisa patinenge tiri mumuedzo. Tiri kumukumbira kuti atibatsire kuti “tirege kunyengerwa naSatani,” kuti tisabvume miedzo yake. (2 VaKorinde 2:11) Tinonyengeterera kuti tirambe tiri “panzvimbo yokuvanda yoWokumusorosoro,” tichiwana dziviriro mune zvokunamata inopiwa vaya vanobvuma uchangamire hwaJehovha mune zvose zvavanoita.—Pisarema 91:1-3.

14. Muapostora Pauro anotivimbisa sei kuti Jehovha haazotisiyi kana tikatarira kwaAri patinenge tiri mumuedzo?

14 Tinogona kuva nechokwadi chokuti kana chiri icho chido chedu chomwoyo wose, chinoratidzwa muminyengetero yedu uye muzviito zvedu, Jehovha haazombotisiyi. Muapostora Pauro anotivimbisa kuti: “Hapana muedzo wakakubatai kunze kweinozivikanwa nevanhu. Asi Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.”—1 VaKorinde 10:13.

“Tinunurei Pane Wakaipa”

15. Nei zvichinyanya kukosha kupfuura kare kunyengeterera kununurwa pane wakaipa?

15 Maererano nemanyoro akavimbika eMagwaro echiKristu echiGiriki, munyengetero womuenzaniso waJesu unoguma nemashoko anoti: “Tinunurei pane wakaipa.” * (Mateu 6:13) Kudzivirirwa pana Dhiyabhorosi kunotodiwa zvakanyanya munguva ino yomugumo. Satani nemadhimoni ake vari kurwa nevasara vevakazodzwa, “vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu,” pamwe chete neshamwari dzavo ve“boka guru revanhu.” (Zvakazarurwa 7:9; 12:9, 17) Muapostora Petro akarayira vaKristu kuti: “Svinurirai, rindai. Muvengi wenyu Dhiyabhorosi, anofamba-famba seshumba inodzvova, iri kutsvaka kudya mumwe munhu. Asi mudzivisei, makasimba pakutenda.” (1 Petro 5:8, 9) Satani anoda kumisa basa redu rokuparidzira, uye achishandisa vamiririri vake vari pasi pano—vangave vechitendero, vezvokutengeserana, kana kuti vezvematongerwe enyika—anoedza kutityisidzira. Zvisinei, kana tikamira takasimba Jehovha achatinunura. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Naizvozvo, zviisei pasi paMwari; asi dzivisai Dhiyabhorosi, uye achakutizai.”—Jakobho 4:7.

16. Jehovha anogona kushandisei kubatsira vashumiri vake vari mumuedzo?

16 Jehovha akabvumira Mwanakomana wake kuedzwa. Asi Jesu paakashora Dhiyabhorosi, achishandisa Shoko raMwari kuzvidzivirira, Jehovha akatuma ngirozi kuzomusimbisa. (Mateu 4:1-11) Saizvozvowo, Jehovha anoshandisa ngirozi dzake kutibatsira kana tikanyengetera nokutenda uye tikatizira kwaari. (Pisarema 34:7; 91:9-11) Muapostora Petro akanyora kuti: “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vakazvipira kuna Mwari mumuedzo, asi kuchengetera vanhu vasina kururama zuva rokutongwa kuti vagurwe.”—2 Petro 2:9.

Kununurwa Kwakakwana Kwava Pedyo

17. Jesu akaisa sei zvinhu munzvimbo yazvo yakakodzera nokutipa munyengetero womuenzaniso?

17 Mumunyengetero womuenzaniso, Jesu anoisa zvinhu munzvimbo yazvo yakakodzera. Chinhu chatinofanira kuva nehanya nacho zvikuru kutsveneswa kwezita raJehovha guru uye dzvene. Sezvo chinoshandiswa kuita izvi huri Umambo hwaMesiya, tinonyengeterera kuti Umambo huuye kuzoparadza umambo hwose hwevanhu vasina kukwana, kana kuti hurumende, uye kuva nechokwadi chokuti kuda kwaMwari kunoitwa zvakazara pasi panowo sezvakunoitwa kudenga. Tariro yedu youpenyu husingaperi muparadhiso pasi pano inotsamira pakutsveneswa kwezita raJehovha uye kuzivikanwa kwouchangamire hwake hwakarurama mune zvakasikwa zvose. Tanyengeterera zvinhu izvi zvinokosha kupfuura zvimwe zvose, tinogona kunyengeterera zvatinoda zvezuva nezuva, kukanganwirwa zvivi zvedu, uye kununurwa pamiedzo uye pakunyengera kwewakaipa, Satani Dhiyabhorosi.

18, 19. Munyengetero waJesu womuenzaniso unotibatsira sei kuti tirambe takasvinura uye kuita kuti tariro yedu irambe ya“kasimba kusvika kumugumo”?

18 Kununurwa kwedu zvakakwana pane wakaipa nenyika yake yakaipa kwava pedyo. Satani anonyatsoziva kuti angosarirwa ne“nguva pfupi” yokuratidza kuti ‘akatsamwira kwazvo’ pasi rino, kunyanya vashumiri vaJehovha vakatendeka. (Zvakazarurwa 12:12, 17) Muchiratidzo chine zvizhinji cho“kuguma kwegadziriro yezvinhu,” Jesu akafanotaura nezvezviitiko zvinofadza, zvimwe zvacho zvichiri mberi kwedu. (Mateu 24:3, 29-31) Sezvatinoona izvi zvichiitika, tariro yedu yokununurwa ichava yakajeka. Jesu akati: “Panotanga kuitika zvinhu izvi, mirai muti twasu musimudze misoro yenyu, nokuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.”—Ruka 21:25-28.

19 Munyengetero waJesu mupfupi womuenzaniso waakapa vadzidzi vake unotipa nhungamiro yakanaka yezvatingataura muminyengetero yedu sezvo mugumo unoswedera pedyo. Ngatirambei tiine chivimbo chokuti kusvika pakuguma chaipo, Jehovha acharamba achitipa zvatinoda zvezuva nezuva, mune zvokunamata nomunyama. Kuramba kwedu takasvinura tichinyengetera kuchaita kuti tigone ku“batisisa chivimbo chataiva nacho pakutanga chakasimba kusvika kumugumo.”—VaHebheru 3:14; 1 Petro 4:7.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Mamwe maBhaibheri ekare, akadai seBhaibheri muNdimi yeUnion Shona, anogumisa Munyengetero waShe nemashoko okurumbidza Mwari okuti: “Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba, nokubwinya, nokusingaperi. Ameni.” The Jerome Biblical Commentary rinoti: “Mashoko okurumbidza Mwari . . . haawaniki [mumanyoro] anonzi akavimbika zvikuru.”

Kudzokorora

• Ndezvipi zvinorehwa nokukumbira kwedu “chingwa chedu chanhasi”?

• Tsanangura munyengetero wokuti “tikanganwirei mhosva dzedu, sezvatakanganwirawo vane mhosva nesu.”

• Zvinorevei patinokumbira Jehovha kuti asatipinza mumuedzo?

• Nei tichifanira kunyengetera kuti “tinunurei pane wakaipa”?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 15]

Tinofanira kukanganwira vamwe kana tichizokanganwirwa

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 13]

Lydekker