Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kugutsa Kwaungaita Zvaunoda Pakunamata

Kugutsa Kwaungaita Zvaunoda Pakunamata

Kugutsa Kwaungaita Zvaunoda Pakunamata

U.S.NEWS & World Report inoti, “Mumakore gumi adarika, mabhuku anopfuura 300 anotaura nezvezvinoitwa nokushingairira kunamata uri kubasa—kubvira pane rinonzi Jesus CEO kusvika pane rinonzi The Tao of Leadership—ave akazara muzvitoro zvemabhuku.” Izvi zvinongoratidza kuti munyika dzakawanda dzakapfuma, kudiwa kwenhungamiro yezvokunamata muupenyu kuri kuwedzera. Ichitaura nezveizvi, magazini yezvebhizimisi inonzi Training & Development inoti: “Ruzivo rwokugadzira zvinhu parwava nechokuita nezvinenge zvose zvatinoita, tiri kutsvaka zvinonyatsorehwa noupenyu, chinangwa choupenyu, uye kugutsikana kwedu.”

Zvisinei, ungawana kupi nhungamiro inogutsa yezvokunamata? Kare, vanhu vaitarira kuzvitendero zvinonyatsozivikanwa kuti zvivabatsire kuwana “zvinonyatsorehwa” noupenyu uye “chinangwa” chahwo. Nhasi, vakawanda havachadi zvitendero zvinonyatsozivikanwa. Kuongororwa kwakaitwa vanamaneja vepamusorosoro uye vakuru vakuru 90 kwakaratidza kuti “vanhu vanonyatsosiyanisa chitendero nokunamata,” inodaro Training & Development. Vakabvunzurudzwa vacho vaiona chitendero se“chinonyanyisa uye chinoparadzanisa,” asi kunamata kwaioneka so“kunogamuchirwa kwose kwose uye kunobvuma zvinhu zvose.”

Vechiduku vakawanda vari munyika dzisinganyanyi kuita zvokunamata, dzakadai seAustralia, New Zealand, United Kingdom, neEurope, vanoonawo musiyano uri pakati pechitendero nokunamata. Achinyora mubhuku rinonzi Youth Studies Australia, purofesa Ruth Webber anoti: “Vechiduku vakawanda vanotenda muna Mwari, kana kuti mune rimwe simba rinopfuura revanhu asi havaoni chechi seinokosha kana kuti inobatsira pakuratidza kuti vanonamata.”

Chitendero Chechokwadi Chinotsigira Kunamata

Kusavimba nechitendero uku kunonzwisisika. Masangano ezvitendero akawanda akanyura muchitsotsi chezvematongerwe enyika nounyengeri uye akazara neropa risina mhosva rakadeurwa pahondo dzezvitendero dzisingaverengeki. Zvisinei, pavairamba masangano ezvitendero akasvibiswa nounyengeri nechitsotsi, vamwe vakaita chikanganiso chokubva varambawo Bhaibheri, ravanofunga kuti rinobvumira zviito zvakadaro.

Chokwadi ndechokuti Bhaibheri rinoshora unyengeri nokusateerera mutemo. Jesu akati kuvatungamiriri vezvitendero vomuzuva rake: “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nokuti makafanana nemakuva akadzururwa nevhu jena, ayo nechokunze zvechokwadi anooneka akanaka zvikuru asi mukati akazara nemapfupa evanhu vakafa uye nokusachena kworudzi rwose. Munzira iyoyo nemiwo, zvechokwadi nechokunze, munooneka semakarurama kuvanhu, asi mukati makazara nounyengeri nokusateerera mutemo.”—Mateu 23:27, 28.

Uyezve, Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti vasapindira mune zvematongerwe enyika. Pane kukurudzira vatendi kuti vaurayane, rinototi vanofanira kuda kufirana. (Johani 15:12, 13; 18:36; 1 Johani 3:10-12) Panzvimbo pokuti chive “chinonyanyisa uye chinoparadzanisa,” chitendero chechokwadi, chakavakirwa paBhaibheri, “chinobvuma zvinhu zvose.” Muapostora Petro akati: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.

Bhaibheri—Nhungamiro Yakavimbika Yokuva Noutano Pakunamata

Bhaibheri rinotiudza kuti vanhu vakasikwa nomufananidzo waMwari. (Genesi 1:26, 27) Kunyange zvazvo izvi zvisingarevi kuti vanhu vakafanana naMwari sezvaari chaizvo, zvinoreva kuti vanhu vanokwanisa kuratidza unhu hwaMwari, kusanganisira zvinhu zvine chokuita nokunamata, kana kuti manamatiro.

Saka zvine musoro kutenda kuti Mwari aizotipawo zvinhu zvinoita kuti tigutse zvatinoda pakunamata, pamwe chete nenhungamiro yakakodzera yatingashandisa kusiyanisa zvinotibatsira nezvinotikuvadza pakunamata. Mwari zvaakasika miviri yedu iine simba rokuzvidzivirira rinoshamisa, rinorwisa zvirwere, richitibatsira kuramba tiine utano hwakanaka, akatipawo hana, kana kuti inzwi romumwoyo, inogona kutibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka uye kudzivisa zviito zvinotikuvadza mumuviri uye mune zvokunamata. (VaRoma 2:14, 15) Sokuziva kwedu, kuti simba redu rokuzvidzivirira rishande, rinofanira kutsigirwa zvakanaka nezvokudya. Saizvozvowo, kuti hana yedu ishande, tinofanira kuidyisa zvokudya zvomudzimu zvakanaka.

Achitaura mhando yezvokudya zvichaita kuti tirambe tiine utano mune zvokunamata, Jesu akati: “Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.” (Mateu 4:4) Zvakataurwa naJehovha zvakanyorwa muShoko rake Bhaibheri, uye zvino“betsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu.” (2 Timoti 3:16) Naizvozvo, zviri kwatiri kuti tishingairire kudya zvokudya zvomudzimu izvozvo. Tichabatsirwa mune zvokunamata uyewo mumuviri zvichienderana nokuti tinosvika pakuziva Bhaibheri sei toedza kushandisa nhungamiro yaro muupenyu hwedu.—Isaya 48:17, 18.

Kutamburira Pasina Here?

Chokwadi, zvinoda nguva kuvandudza utano hwedu hwezvokunamata nokudzidza Bhaibheri; uye zvinoita sokuti nguva iri kuramba ichinetsa kuwana. Asi mubayiro watinowana unoratidza kuti kutamburira zviripo! Chimbonzwa zvinotaura dzimwe nyanzvi dzine zvizhinji zvokuita dzichitsanangura kuti nei kuwana nguva yokutarisira utano hwadzo mune zvokunamata kuchikosha kwadziri.

Marina, chiremba, anoti: “Handina kumbogara ndafunga nezvezvandinoda pakunamata kusvikira ndava kushanda muchipatara, uye ndakatanga kunzwira vamwe tsitsi pakutambura kwavaiita. Ndakabva ndaziva kuti, kuti ndigutsikane, ndiwane rugare, ndaifanira kubvuma uye kugutsa zvandaida pakunamata, sezvo upenyu nezvinodiwa pakutarisira zvinonetsa vanhu zvichigona kupedza simba romunhu anoita basa randinoita.

“Ndava kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kudzidza uku kunondibatsira kuongorora zvandinoita nezvandinovavarira munzira inobatsira uye kunondidzidzisa kuti ndive nemafungiro akanaka, zvokuti ndinogona kuita kuti upenyu hwangu hurambe hwakanaka. Ndava kugutsikana kwazvo nebasa rangu randinoita. Asi kudzidza kwangu Bhaibheri kwakavandudza manzwiro angu, zvichindibatsira kudzora mafungiro asina kunaka, kuderedza kuzvidya mwoyo, uye kuva anoshivirira neanonzwira vanhu tsitsi. Kushandisa nhungamiro dzeBhaibheri kwakabatsirawo mhuri yangu. Zvinotokosha, ndava kuziva Jehovha uye pamwero muduku, ndinowana mudzimu wake wepachena, izvo zvinoita kuti upenyu hwangu huve nezvahunonyatsoreva.”

Nicholas, anonyora mapurani ezvivako, anoti: “Ndisati ndadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, ndakanga ndisingafariri zvokunamata. Chandaingofarira muupenyu kwaiva kubudirira mubasa rangu randakanga ndasarudza. Kudzidza kwangu Bhaibheri kwakandidzidzisa kuti upenyu hunosanganisira zvakawanda uye kuti kuita zvinodiwa naJehovha kunounza mufaro wechokwadi, unogara nokusingaperi.

“Basa randinoshanda rinoita kuti ndigutsikane, asi Bhaibheri ndiro rakandidzidzisa kukosha kwokuramba ndiine upenyu huri nyore nokufunga zvinhu zvine chokuita nokunamata. Nokuita kudaro, ini nomudzimai wangu takadzivisa kuzvidya mwoyo kunokonzerwa nemararamiro okuda pfuma. Takavawo neshamwari chaidzo dzakawanda nokushamwaridzana neavo vanoonawo upenyu semaonero atinohuita mune zvokunamata.”

Vincent, gweta, anoti: “Kushanda basa rakanaka kungaita kuti uti gutsikanei. Zvisinei, ndakaona kuti pane zvakawanda zvinodiwa kuti uwane mufaro nokugutsikana. Ndisati ndava kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri panyaya yacho, ndinoyeuka ndichingoerekana ndava kuona kuti upenyu hahuna chinangwa—unoberekwa, wokura, woroora, woshanda kuti ugovere zvinodiwa kuti urere vana, wovadzidzisa kuti vatevedzere mararamiro akangofanana, uye pakupedzisira wochembera, wofa.

“Ndakatozowana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yangu pamusoro pechinangwa choupenyu pashure pokunge ndadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kudzidza Bhaibheri kwakaita kuti ndisvike pakuziva Jehovha somunhu uye kuti ndimude zvikuru. Izvi ndizvo zvinoita kuti ndirambe ndakasimba mune zvokunamata sezvandinoedza kurarama maererano nezvandinoziva kuti ndicho chinangwa chake. Iye zvino ini nomudzimai wangu tava kugutsikana kuziva kuti nepatinogona napo tiri kushandisa upenyu hwedu nenzira ine chinangwa.”

Iwewo unogona kuwana chinangwa uye zvinorehwa noupenyu nokudzidza Bhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zvinofara kukubatsira. SaMarina, Nicholas, naVincent, unogona kusvika pakugutsikana kunobva pakudzidza nezvaJehovha nezvinangwa zvake kuvanhu vose zvavo uye kwauri pachako. Hauzongowani chete mufaro wokugutsa zvaunoda pakunamata iye zvino asi uchawanawo tariro yokuva noupenyu husingagumi uine utano hwakanaka—tariro ine vaya bedzi “vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.”—Mateu 5:3.

Kunyengetera ndiyo imwe nzira yokuti tikudziridze kuda zvokunamata. Jesu akazvipa nguva yokudzidzisa vadzidzi vake nzira yokunyengetera nayo, achivapa unowanzonzi Munyengetero waShe. Munyengetero iwoyo unorevei kwauri nhasi? Ungabatsirwa sei nawo? Uchawana mhinduro dzacho munyaya mbiri dzinotevera.

[Mifananidzo iri papeji 6]

Marina

[Mifananidzo iri papeji 7]

Nicholas

[Mifananidzo iri papeji 7]

Vincent