Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuitirwa Mutsa Worudo Uye Kutarisirwa naJehovha

Kuitirwa Mutsa Worudo Uye Kutarisirwa naJehovha

Nyaya Youpenyu

Kuitirwa Mutsa Worudo Uye Kutarisirwa naJehovha

YAKATAURWA NAFAY KING

Vabereki vangu vaiva vanhu vane mutsa, asi sezvakangoita vanhu vakawanda, vakanga vasina basa nokuenda kuchechi. Amai vangu vaiwanzoti: “Kunofanira kunge kuina Mwari, nokuti kana asipo ndiani akasika maruva, uye ndiani akasika miti?” Asi zvaingogumira ipapo.

BABA vangu vakafa muna 1939 pandaiva nemakore 11, uye ndakasara ndichigara naamai vangu muStockport, kumaodzanyemba kweManchester, England. Ndakanga ndagara ndichida kuziva zvakawanda nezvoMusiki wangu uye ndairemekedza Bhaibheri, kunyange pasina chandaiziva nezvaro. Saka ndakasarudza kuenda kuChechi yeEngland kunoona kuti yaidzidzisei.

Minamato yacho haina zvayaimboreva kwandiri, asi paiverengwa Evhangeri, mashoko aJesu akaita kuti ndibvumewo zvangu kuti Bhaibheri rinofanira kunge riri rechokwadi. Kana ndava kufunga nezvazvo, zvinenge zvinoshamisa kuti handina kuzviverengera Bhaibheri racho. Kunyange pandakazopiwa “Testamende Itsva” yeshanduro yemazuva ano neshamwari yemhuri yedu, handina kumboiverenga.

Kutanga kwakaita Hondo yeKorea muna 1950 kwakaita kuti ndinyatsofunga. Hondo yacho yaizopararira here sezvakanga zvaita Hondo Yenyika II? Kana yaizodaro, ndaizoteerera sei murayiro waJesu wokuti ndide vavengi vangu? Asizve, ndaizongomira ndichiona vanhu vachipinda nechisimba munyika yangu pasina chandinoita here? Kana ndaizodaro, chokwadi ndaizenge ndiri kunzvenga zvandinofanira kuita. Kunyange zvazvo ndakanga ndakavhiringidzika, ndakaramba ndiine chokwadi chokuti mhinduro dzemibvunzo yangu yose dzaiva muBhaibheri, asi ndisina kana karuzivo kokuti ndodziwana sei kana kuti papi.

Kutsvaka Chokwadi Ndiri kuAustralia

Muna 1954 ini naamai vangu takasarudza kutamira kuAustralia kwaigara mukoma wangu Jean. Kwapera makore mashomanana, Jean akandiudza kuti akanga akumbira Zvapupu zvaJehovha kuti zvindishanyire nokuti aiziva kuti ndaifarira Bhaibheri uye kuti ndaienda kuchechi. Aida kuona kuti ndaifungei nezvavo. “Handizivi kana tsananguro dzavo dzakarurama kana kuti dzisina,” akandiudza kudaro, “asi zviri nani nokuti vane tsanangudzo, kupfuura zvinoita mamwe machechi.”

Bill nomudzimai wake Linda Schneider, avo vakandishanyira, vaiva vanhu vanofara. Vakanga vava kuda kusvitsa makore 70 uye vakanga vava nemakore akawanda vari Zvapupu. Vakanga vamboshanda panhepfenyuro yeZvapupu zvaJehovha muguta reAdelaide, uye pakarambidzwa basa rokuparidza muAustralia muHondo Yenyika II, vakava vaparidzi venguva yakazara. Zvisinei, kunyange zvazvo Bill naLinda vaindibatsira chaizvo, ndakanga ndichiri kuongorora zvimwe zvitendero.

Mumwe munhu wandaishanda naye akaenda neni kumusangano womuparidzi ainzi Billy Graham, vamwe vedu tichibva tazonoonana nomumwe mufundisi uyo akati tibvunze mibvunzo. Ndakabvunza mubvunzo wakanga uchiri kundinetsa wokuti: “Ungava sei muKristu woda vavengi vako asi uchienda kunovauraya muhondo?” Vose vakanga varipo vakabva vaita mheremhere yokufarira—zvaiva pachena kuti mubvunzo iwoyo waivanetsawo vose! Papera nguva, mufundisi wacho akati: “Iwoyo handigoni kuupindura. Ndichiri kufunga nezvawo.”

Munguva iyi, ndakaenderera nokudzidza kwangu Bhaibheri naBill naLinda, uye ndakabhabhatidzwa muna September 1958. Ndakafunga nezvokutevedzera vadzidzisi vangu, saka pakazosvika August wegore raitevera, ndakanga ndanyoresa kuva piyona wenguva dzose, muparidzi wenguva yakazara. Kwapera mwedzi misere ndakakokwa kuti ndive piyona chaiye. Ndakafara chaizvo kuziva kuti mukoma wangu, Jean, akanga afambirawo mberi muzvidzidzo zvake uye akanga abhabhatidzwa!

Musuo Webasa Wakazarurwa

Ndaiva mune imwe yeungano dzomuSydney ndichiitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha zvinoverengeka. Rimwe zuva ndakasangana neaimbova mufundisi weChechi yeEngland ndikamubvunza kuti chechi yaiti chii nezvokuguma kwenyika. Kunyange zvazvo akandiudza kuti akanga adzidzisa dzidziso dzechechi kwemakore 50, mhinduro yake yakandishamisa, akati: “Ndinoda nguva yokumbotsvakurudza nokuti handinyatsozivi Bhaibheri sezvinoita Zvapupu zvaJehovha.”

Izvi zvichangobva kuitika, pakakumbirwa vazvipiri kuti vaende kunoshumira vari kuPakistan. Ndakanyorera ndisingazivi kuti vakadzi vasina kuroorwa vakanga vasiri kutumirwa, kwaingotumirwa varume vasina kuroora nevanhu vakaroorana. Zviri pachena kuti tsamba yangu yakatumirwa kudzimbahwe redu reBrooklyn nokuti nokukurumidza ndakagamuchira tsamba yaiti kuBombay (zvino yava kunzi Mumbai) India, kwaidiwa vanhu, kana ndaida kuenda ikoko. Ipapo maiva muna 1962. Ndakaenda ndikanogara muBombay kwemwedzi 18 ndokuzotamira kuAllahabad.

Nokukurumidza ndakasarudza kuti ndidzidze chiHindi. Mumutauro uyu wokuIndia manyorerwo aunoitwa ndiwo mataurirwo aunoitwa, saka hauna kuoma kuubata. Zvisinei, zvaiwanzoodza mwoyo pandaikumbirwa navanasaimba kutaura Chirungu pane kushupika nomutauro wavo! Asi nyika iyi yaiva nezvinetso zvayowo zvainakidza uye zvaida kuti ufunge, uye ndakafara kushamwaridzana nezvimwe Zvapupu zvaibva kuAustralia.

Ndichiri muduku, ndaimbofunga nezvokuroorwa, asi pandakazobhabhatidzwa, ndakanga ndava nezvizhinji zvokuita ndichishumira Jehovha zvokuti handina kumbofunga nezvazvo. Zvisinei, iye zvino ndakanga ndava kutangazve kunzwa ndichida shamwari muupenyu. Chokwadi, ndaisada kusiya mugove wangu wokune imwe nyika, saka ndainyengetera kuna Jehovha ndorega kufunga nezvazvo.

Chikomborero Chisingatarisirwi

Panguva iyoyo Edwin Skinner ndiye aitarisira basa repabazi reIndia. Akanga apinda kirasi yechisere yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi muna 1946 nedzimwe hama dzakawanda dzakatendeka, kusanganisira Harold King naStanley Jones, vakatumirwa kuChina. * Muna 1958, Harold naStanley vakapfigirwa mujeri mumwe nomumwe achigara ari oga nokuda kwebasa ravo rokuparidza muShanghai. Harold paakasunungurwa muna 1963, Edwin akamunyorera tsamba. Harold akapindura paakanga adzokera kuHong Kong achibva kunzendo dzake dzokuUnited States neBritain uye akataura kuti aida kuroora. Akaudza Edwin kuti akanga anyengeterera izvi achiri mujeri, uye akabvunza Edwin kana aiziva Chapupu chaizova mudzimai akakodzera.

MuIndia michato yakawanda inoita zvokurongerwa, uye Edwin aigara achikumbirwa kuita zvirongwa zvakadaro, asi nguva dzose aisarudza kusazviita. Saka akapa Ruth McKay, mudzimai waHomer, aiva mutariri wedunhu, tsamba yaHarold. Pakupedzisira, Ruth akandinyorera tsamba achiti mumwe mumishinari akanga ari muchokwadi kwemakore akawanda akanga achitsvaka mudzimai, uye akabvunza kana ndaizoda kumunyorera tsamba. Haana kundiudza kuti hama iyi yaiva ani hapana chimwe chaakandiudza nezvayo.

Chokwadi, hapana aimboziva nezvokunyengeterera kwangu shamwari kunze kwaJehovha, uye pakutanga ndakaramba pfungwa yacho. Asi pandakaramba ndichifunga nezvazvo, ndakagumisa kuti Jehovha haawanzopinduri minyengetero yedu nenzira yatinofunga kuti ndiyo yaachapindura nayo. Saka ndakanyorera Ruth ndokumuudza kuti chero bedzi ndakanga ndisingazomanikidzwi kuroorwa naye, aigona kuudza hama yacho kuti inyorezve. Tsamba yechipiri yakanyorwa naHarold King yakauya kwandiri.

Mifananidzo yaHarold nenyaya yake zvakanga zvabuda mumapepanhau nemagazini akasiyana-siyana pashure pokunge abudiswa mujeri muChina. Panguva iyi, akanga ava kunyatsozivikanwa munyika yose, asi basa rake rechiKristu rokutendeka ndiro rakandifadza chaizvo. Saka takanyorerana kwemwedzi mishanu, ndikabva ndazoenda kuHong Kong. Takaroorana musi waOctober 5, 1965.

Tose tainzwa kuti tinoda mumwe munhu wokuroorana naye uye taida kuramba tiri mubasa renguva yakazara, uye sezvatakanga tava kukwegura, tainzwa kuda kushamwaridzana kupfuura zvinhu zvose. Ndakasvika pakunyatsoda Harold, uye sezvandaiona kubata kwaaita vanhu nomutsa uye nehanya pamwe nezvinetso zvaimuka maererano nebasa redu, zvakaita kuti ndimuremekedze kwazvo. Takava noupenyu hwemhuri hunofadza zvikuru kwemakore 27 uye takawana zvikomborero zvakawanda kubva kuna Jehovha.

VaChina vanhu vanoshanda nesimba, uye ndinovada chaizvo. MuHong Kong munotaurwa chiCantonese, mumwe mutauro wakada kufanana nechiChina une mataurire akasiyana-siyana, kana kuti kukwidza nokudzikisa inzwi, kupfuura chiMandarin, saka wakati omei kudzidza. Ini naHarold takatanga tiri pamusha wemamishinari pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha, tikabva tazoshanda mune mimwe migove yomunzvimbo dzakasiyana-siyana dzendima yacho. Chokwadi, taifara chaizvo, asi muna 1976 ndakava nechinetso chikuru choutano.

Kutarisana Nezvinetso Zvoutano

Ndakanga ndave ndichibuda ropa risingamiri kwemwedzi yakati, uye ropa rangu rakanga rava shoma kwazvo. Ndaifanira kuvhiyiwa, asi vanachiremba vepachipatara chacho vakandiudza kuti vaisazondivhiya pasina kuwedzera ropa nokuti kana vaizodaro pamwe ndaizofa nokuva neropa shoma. Rimwe zuva vanachiremba vachitaura nezvenyaya yangu, vanamukoti vakaedza kundichinjisa pfungwa dzangu, vachiti ndakanga ndisina kodzero yokurasa upenyu hwangu. Paiva nokuvhiya kunokwana 12 kwaifanira kuitwa zuva iroro, 10 kwacho kuri kubvisa pamuviri, asi ndakaona kuti hapana chakambotaurwa kuvakadzi vacho vaiva nepamuviri nezvokuuraya vana vavo.

Pakupedzisira, Harold akanyorera chipatara chacho tsamba achichisunungura pamhosva kana ndaizofa, uye vanachiremba vacho vakabvuma kundivhiya. Ndakaendeswa mukamuri rokuvhiyira vachigadzirira kunditindivadza. Zvisinei, pakupedzisira chaipo, mutindivadzi akaramba kunditindivadza, saka chipatara chacho chaitofanira kundibudisa.

Takazotsvaka mumwe chiremba wevakadzi asiri wepachipatara ichi. Paakaona kukomba kwechinetso changu, akazvipira kuti andivhiye ndichibhadhara mari yakaderera—chero bedzi taisazoudza vanhu kuti ainge atibhadharisa marii. Akabudirira pakuvhiya kwacho—uye haana kana kumboshandisa ropa. Ini naHarold takaona mutsa worudo waJehovha uye kutarisira kwake kunyanya panguva iyi.

Muna 1992, Harold akarwara nechirwere chaizomuuraya. Takatamira kuhofisi yebazi uye ikoko tose takatarisirwa norudo. Murume wangu anodiwa akapedza upenyu hwake hwepasi muna 1993 ava nemakore 81.

Kudzokera kuEngland

Ndaifara senhengo yemhuri yeBheteri yeHong Kong, asi kupisa nounyoro zvakanga zvava kuramba zvichindiomera. Ndakabva ndawana tsamba yandakanga ndisingatarisiri kubva kudzimbahwe reBrooklyn, ichibvunza kana ndaida kufunga nezvokutamira kune rimwe bazi rinotarisira utano zviri nani, nokuda kwoutano hwangu. Saka mugore ra2000, ndakadzokera kuEngland ndokubatana nemhuri yeBheteri muLondon. Chokwadi uhwu hwave huri urongwa hworudo chaihwo! Ndakagamuchirwa zvakanaka kwazvo, uye ndinonakidzwa kwazvo nemabasa angu akasiyana-siyana, anosanganisira kubatsira kutarisira raibhurari yemhuri yeBheteri ine mabhuku anopfuura 2 000.

Ndinopinda neungano yechiChina inosonganira muLondon, asi zvinhu zvachinja muno. Mazuva ano, vanhu havachanyanyi kubva kuHong Kong asi kunyika yeChina. Vanotaura chiMandarin, uye izvi zvinokonzera rimwe dambudziko mubasa rokuparidza. Munyika yose pane mishumo yevanobva kuChina vakapedza kudzidza payunivhesiti vakawanda vari kuitiswa zvidzidzo zveBhaibheri zvinonakidza. Vanoshanda nesimba uye vanofarira chokwadi cheBhaibheri chavari kudzidza. Zvinofadza kuvabatsira.

Murunyararo rwomusha wangu mutsva, ndinowanzofunga nezvoupenyu hwangu hunofadza uye ndinoramba ndichishamiswa nomutsa worudo waJehovha. Uri muzvinhu zvose zvine chokuita nechinangwa chake, uye kutarisira kwaanoita vashumiri vake somunhu mumwe nomumwe kuri pachena. Ndine zvikonzero zvose zvokuonga kunditarisira kwake kworudo.—1 Petro 5:6, 7.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 19 Nyaya dzoupenyu dzemamishinari maviri aya dziri muNharireyomurindi yeChirungu yaJuly 15, 1963, mapeji 437-42, uye yaDecember 15, 1965, mapeji 756-67.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Ndichishumira ndiri kuIndia

[Mifananidzo iri papeji 25]

Harold King muna 1963 achishumira ari kuChina kuma1950

[Mifananidzo iri papeji 26]

Musi womuchato wedu kuHong Kong, October 5, 1965

[Mufananidzo uri papeji 26]

Tiine nhengo dzemhuri yeBheteri yokuHong Kong, vanaLiang vari pakati, vanaGannaway vari kurudyi