Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunamata Uye Kugara Kwako Zvakanaka

Kunamata Uye Kugara Kwako Zvakanaka

Kunamata Uye Kugara Kwako Zvakanaka

ZVIMWE unopedza nguva yako yakawanda uchitarisira utano hwako. Zuva roga roga, ungapedza maawa masere wakarara, maawa anoverengeka uchibika nokudya, uye maawa masere kana anopfuura uchishanda kuti ubhadhare paunorara uye zvokudya zvako. Kana ukarwara, ungapedza nguva nemari kuti uone chiremba kana kuti uchizvigadzirira mushonga. Unochenesa musha wako, kugeza, kunyange kugara uchirovedza muviri, zvose izvi uchizviitira kuti uve noutano hwakanaka.

Zvisinei, kugara uine utano hwakanaka kunosanganisira zvinopfuura kungotarisira zvaunoda. Pane chimwewo chinhu chinokosha mukugara kwako zvakanaka. Kutsvakurudza mune zvoutano kwakaratidza kuti utano hwako hwomuviri hunonyatsobatana noutano hwako mune zvokunamata—kushingaira kwaunoita mune zvokunamata kana kuti kuregeredza kwaunoita.

Kunyatsobatana Kwazvinoita

Purofesa Hedley G. Peach weYunivhesiti yeMelbourne, Australia anoti, “Kutsvakurudza kwakaitwa panyaya iyi kwakabudisa kunyatsobatana kuri pakati pokuwedzera mune zvokunamata nokuva noutano hwakanaka.” The Medical Journal of Australia (MJA) ichitsinhira pane zvakawanwa izvi inoti: “Kunamata kunonzi kune chokuitawo . . . nomwero wakaderera weBP, mafuta mashoma, . . . kunyange kuderedza ngozi yekenza muura.”

Uyewo, muUnited States, kuongororwa kwevanhu 6 545 kwakaitwa muna 2002 neYunivhesiti yeCalifornia (UC), Berkeley, kwakaratidza kuti “vanhu vanopinda minamato yechitendero kamwe chete pavhiki vane mukana wokufa wakaderera zvikuru pane vaya vasingawanzopindi kana kuti vasingatombopindi.” Doug Oman, munyori mukuru wokuongorora kwacho uye mudzidzisi wepaUC Berkeley’s School of Public Health, akati: “Takawana musiyano uyu kunyange pashure pokuongorora zvinhu zvakadai seshamwari uye kuzvitarisira kunoita munhu, kusanganisira kusvuta uye kurovedza muviri.”

MJA ichitaura zvimwe zvinobatsira vaya vanoona upenyu nenzira yokunamata inoti: “Kuongorora kwokuAustralia kwakaratidza kugara zvakanaka mumhuri, kusanyanya kunwa doro uye kushandisa zvinodhaka, mwero yokuzviuraya uye yokufunga izvozvo yakaderera, kusanyanya kuzvidya mwoyo nokuora mwoyo, uye kusava noudyire pane vaya vanonamata.” Uyewo BMJ (yaimbonzi The British Medical Journal) inoti: “Vanhu vanozviti vakasimba chaizvo mune zvokunamata vanoita sevanokurumidza kupedza shungu dzavo uye kudzipedza zvachose kana vafirwa nehama yepedyo kupfuura zvinoitwa nevanhu vasinganamati.”

Pane pfungwa dzakasiyana-siyana pakuti kunamata kwechokwadi chii. Asi, manamatiro ako ane zvaanoita pautano hwako mumuviri nomupfungwa. Uchapupu uhwu hunoenderana nezvakataurwa naJesu Kristu makore anoda kusvika 2 000 apfuura. Akati: “Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Utano hwako nomufaro zvazviine chokuita nemanamatiro ako, zvine musoro kubvunza kuti: ‘Ndokupi kwandingawana nhungamiro yakavimbika mune zvokunamata? Uye kuva munhu akasimba pakunamata kunosanganisirei?’

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 2]

Kwakabva Mifananidzo: Peji 18: Mao Tse-tung naGolda Meir: Hulton/Archive by Getty Images; Francis Ferdinand: Kubva mubhuku rinonzi The War of the Nations; Hirohito, Lindbergh, & Einstein: U.S. National Archives photo; Stalin: U.S. Army photo; Roosevelt: Franklin D. Roosevelt Library; Churchill: The Trustees of the Imperial War Museum (MH 26392)