Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mamiriro Ezvinhu Enyika Ino Ari Kuchinja”

“Mamiriro Ezvinhu Enyika Ino Ari Kuchinja”

“Mamiriro Ezvinhu Enyika Ino Ari Kuchinja”

“Ndinotaura izvi, hama, kuti nguva yasara ipfupi.”—1 VAKORINDE 7:29.

1, 2. Kuchinja kupi kwawaona muupenyu hwako?

WAONA kuchinja kupi muupenyu hwako? Unogona kurondedzera kumwe kwacho here? Somuenzaniso, pane kufambira mberi kwave kuchiitwa musayenzi yezvokurapa. Pamusana pokutsvakurudza kwakaitwa mune izvi, avhareji youpenyu hunotarisirwa kuraramwa mune dzimwe nyika yawedzera kubva pasi pemakore 50 pakuvamba kwezana remakore rechi20 kusvika kumakore anopfuura 70 nhasi! Fungawo nezvenzira dzatave tichibatsirwa nadzo nokushandisa zvakanaka redhiyo, terevhizheni, serura, uye nhare dzetsamba. Chinokoshawo kufambira mberi kwave kuchiitika mune zvedzidzo, zvokufambisa, uye mukodzero dzevanhu, zvose zvaita kuti upenyu hwemamiriyoni huve nani.

2 Chokwadi, hakusi kuchinja kwose kwave kuchibatsira. Hazvibviri kufuratira migumisiro inoparadza yemhosva dzinoparwa dzinoramba dzichiwanda, tsika dzinoramba dzichiderera, kushandiswa kwezvinodhaka, nokurambana zviri kuwedzera, kushayiwa simba kwemari, uye kutyisidzira kwougandanga kunoramba kuchiwedzera. Chero zvazviri, zvichida uchabvumirana nezvakanyorwa nomuapostora Pauro kare kare kuti: “Mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.”—1 VaKorinde 7:31.

3. Pauro airevei paakanyora kuti “mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja”?

3 Pauro paakataura mashoko iwayo, akanga achienzanisa nyika nedariro. Vatambi vari mudariro racho—vezvematongerwe enyika, vechitendero, uye vakakurumbira mune zvetsika—vanopindawo mudariro,voita zvavanoita, vobva vasiyira vamwe dariro racho. Izvi zvave zvichiitika kwemazana emakore. Munguva yekare, imba youmambo yaigona kutonga kwemakumi emakore—kunyange mazana emakore—uye kuchinja kwaitora nguva. Hazvina kudaro nhasi, sezvazvingaita apo zvinhu zvingachinja nokukurumidza mutungamiriri paanourayirwa chigaro! Zvechokwadi, munguva ino isina kugadzikana, hatizivi kuti mangwana achange akadini.

4. (a) VaKristu vanofanira kuva nemaonero api ari pakati nepakati maererano nezviitiko zvenyika? (b) Uchapupu hupi huviri hunoita kuti titende hwatichakurukura iye zvino?

4 Kana nyika iri dariro uye vatungamiriri vayo vari vatambi, ipapo vaKristu ndivo vaoni. * Zvisinei, sezvo vasiri “rutivi rwenyika,” havazvinetsi zvakanyanya nezvinoitwa kana kuti kunyange nokuzivikanwa kwevatambi vacho. (Johani 17:16) Asi, vanotarira nomwoyo wose zviratidzo zvokuti mutambo wacho wava kusvika kwaunoperera—mugumo wakaipisisa—nokuti vanoziva kuti nyika ino inofanira kuguma Jehovha asati aunza nyika itsva yokururama yave yakamirirwa kwenguva refu. * Naizvozvo ngationgororei uchapupu huviri hunoratidza kuti tiri kurarama munguva yomugumo uye kuti nyika itsva yava pedyo. Ndouhwu (1) kuverenga nguva kweBhaibheri uye (2) mamiriro ezvinhu enyika ari kuramba achiipa.—Mateu 24:21; 2 Petro 3:13.

Chakavanzika Chinozivikanwa Pakupedzisira!

5. Chii chiri “nguva dzakatemwa dzemamwe marudzi,” uye nei tichidzifarira?

5 Kuverenga nguva kunoreva kudzidza nezvokupindirana kwenguva nezviitiko. Jesu akataura nezvenguva apo vatungamiriri venyika vaizova pakati pedariro pasina kupindira kwoUmambo hwaMwari. Jesu akadana nguva iyoyo kuti “nguva dzakatemwa dzemamwe marudzi.” (Ruka 21:24) Pakupera kwe“nguva dzakatemwa” idzodzo, Umambo hwaMwari hwokudenga hwaizotonga, Jesu ari Mutongi wahwo akakodzera. Pakutanga, Jesu aizotonga “pakati pevavengi [vake].” (Pisarema 110:2) Zvadaro, maererano naDhanieri 2:44, Umambo hwaizo“putsanya nokuparadza” hurumende dzose dzevanhu, uye ihwo hwaizomira nokusingaperi.

6. “Nguva dzakatemwa dzemamwe marudzi” dzakatanga rini, dzakatora nguva yakareba sei, uye dzakaguma rini?

6 “Nguva dzakatemwa dzemamwe marudzi” dzaizoguma rini, Umambo hwaMwari hwotanga kutonga? Mhinduro yacho, iyo yakanga yaka“namirwa nechisimbiso kusvikira panguva yokupedzisira,” ine chokuita nokuverenga nguva kweBhaibheri. (Dhanieri 12:9) Pakasvika “nguva” iyoyo, Jehovha akatora nhanho dzokuzivisa mhinduro yacho kuboka revadzidzi veBhaibheri vaizvininipisa. Vachibatsirwa nomudzimu waMwari, vakanzwisisa kuti “nguva dzakatemwa dzemamwe marudzi” dzakatanga nokuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E. uye kuti “nguva” idzodzo dzaiva dzakareba makore 2 520. Kubva pane izvi, vakaziva kuti gore ra1914 ndiro raiva mugumo we“nguva dzakatemwa dzemamwe marudzi.” Vakasvikawo pakuziva kuti gore ra1914 ndiro raiva mavambo omugumo wenyika ino. Somudzidzi weBhaibheri, unogona kutsanangura here kubva muMagwaro kuti gore ra1914 rinowanikwa sei? *

7. Magwaro api anotibatsira kuziva mavambo, urefu, uye mugumo wenguva nomwe dzinotaurwa mubhuku raDhanieri?

7 Chimwe chinhu chinobatsira chakavanzwa mubhuku raDhanieri. Sezvo Jehovha akashandisa Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi kuparadza Jerusarema pakutanga kwe“nguva dzakatemwa,” muna 607 B.C.E., achishandisa mutongi iyeye Akazivisa kuti marudzi aizoramba achitonga pasina kupindira kwaMwari kwenguva nomwe dzokufananidzira. (Ezekieri 21:26, 27; Dhanieri 4:16, 23-25) Nguva nomwe idzodzo dzakareba sei? Maererano naZvakazarurwa 11:2, 3 uye Zvakazarurwa12:6, 14, nguva nhatu nehafu dzakareba mazuva 1 260. Saka, nguva nomwe dzinofanira kupetwa kaviri kureba ikoko, kana kuti mazuva 2 520. Uku ndiko kuguma kwadzo here? Kwete, nokuti Jehovha akapa muprofita Ezekieri, uyo akararama pamwe naDhanieri, mutemo wokududzira nguva dzokufananidzira unoti: “Zuva rimwe nerimwe rifananidze gore.” (Ezekieri 4:6) Saka nguva nomwe, chaizvoizvo dzaizova dzakareba makore 2 520. Tichishandisa 607 B.C.E. sepokutangira uye makore 2 520 sourefu, tinogona kugumisa kuti nguva dzakatemwa dzaizoguma muna 1914.

“Nguva Yokupedzisira” Yakasimbiswa

8. Uchapupu hupi hwaungataura hunoratidza kuti mamiriro ezvinhu enyika awedzera kuipa kubvira muna 1914?

8 Zviitiko zvenyika kubvira muna 1914 zvinosimbisa kuti kunzwisiswa kwezviri pamusoro apa kwakavakirwa pakuverenga nguva kweBhaibheri ndokwechokwadi. Jesu pachake akati “kuguma kwegadziriro yezvinhu” kwaizoonekwa nehondo, nzara, uye nhenda. (Mateu 24:3-8; Zvakazarurwa 6:2-8) Zvechokwadi izvi zvave zvichiitika kubvira muna 1914. Muapostora Pauro akawedzera kune zviri pamusoro apa achiti kwaizova nokuchinja kukuru munzira iyo vanhu vanoonana nayo. Kurondedzera kwake kuchinja kwezvose zvatave tichiona kwakanga kwakarurama.—2 Timoti 3:1-5.

9. Vacherechedzi vanoti kudini maererano nemamiriro ezvinhu enyika kubvira muna 1914?

9 Chaizvoizvo “mamiriro ezvinhu enyika ino” achinja zvakanyanya here kubvira muna 1914? Mubhuku rinonzi The Generation of 1914, Purofesa Robert Wohl anoti: “Vaya vakararama panguva yehondo yacho havana kumbokanganwa kuti imwe nyika yakanga yaguma uye imwe yakatanga muna August 1914.” Achisimbisa izvi, Chiremba Jorge A. Costa e Silva, ari mutungamiriri woutano hwepfungwa weWorld Health Organization, akanyora kuti: “Tinorarama munguva yokuchinja kunokurumidza zvikuru, kunozokonzera kuzvidya mwoyo nokunetseka zvisina kumboitika munhau yevanhu.” Ndozvave zvichiitika kwauri here?

10. Bhaibheri rinotijekesera sei nezvechinokonzera mamiriro ezvinhu enyika anoramba achiipa kubvira muna 1914?

10 Ndiani ari kukonzera mamiriro ezvinhu enyika ari kuramba achiipa? Zvakazarurwa 12:7-9 inozivisa honzeri yacho ichiti: “Hondo yakavapo mudenga: Mikayeri [Jesu Kristu] nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni [Satani Dhiyabhorosi], uye dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa asi haina kukurira, uyewo nzvimbo yavo haina kuzombowanika kudenga. Nokudaro dhiragoni huru yakakandirwa pasi, . . . ari kutsausa pasi rose rinogarwa.” Saka Satani Dhiyabhorosi ndiye ane mhosva yokukonzera kutambura, uye kudzingwa kwake mudenga muna 1914 kwave kuchireva “nhamo nokuda kwepasi negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”—Zvakazarurwa 12:10, 12.

Matambirwo Achaitwa Dariro Rokupedzisira

11. (a) Satani anoshandisa nzira dzipi kutsausa “pasi rose rinogarwa”? (b) Muapostora Pauro akataura nezvokuedza kupi chaiko kwaSatani?

11 Kubvira muna 1914 Satani ave achiwedzera mabasa ake okutsausa “pasi rose rinogarwa,” achiziva kuti mugumo wake uri kusvika. Sezvo ari munyengeri mukuru nguva dzose, Satani anonyengera ari seri kwedariro, achiisa mudariro vatungamiriri venyika uye vanotungamirira kuchinja kwacho sevatambi. (2 Timoti 3:13; 1 Johani 5:19) Chimwe chezvinangwa zvake ndechokunyengera vanhu kufunga kuti nzira yake yokutonga inogona kuunza rugare rwechokwadi. Kazhinji, kuparadzira kwake mashoko kwave kuchibudirira, nokuti vanhu vanoramba vaine tariro pasinei zvapo nouchapupu hunowedzera hwokuti mamiriro ezvinhu ari kubva pakuipa achienda pakuipisisa. Muapostora Pauro akafanotaura kuti nguva pfupi nyika ino isati yaparadzwa, pachava nokunyatsooneka kwokuparadzirwa kwemashoko aSatani. Akanyora kuti: “Panguva ipi kana ipi yavanoti: ‘Rugare nokuchengeteka!’ ipapo kuparadzwa kwakamwe kamwe kuchava pavari nokukurumidza sokurwadziwa kwomukadzi ane pamuviri.”—1 VaTesaronika 5:3; Zvakazarurwa 16:13.

12. Kuedza kupi kwave kuchiitwa kwokuunza rugare munguva yedu?

12 Mumakore achangopfuura, vezvematongerwe enyika vave vachiwanzoshandisa mashoko okuti “rugare nokuchengeteka” kurondedzera zvirongwa zvevanhu zvakasiyana-siyana. Gore ra1986 vakatoriti Gore Remarudzi Akawanda Rorugare, kunyange zvazvo gore iroro rakanga risina rugare. Kuedza kwakadaro kwevatungamiriri venyika kungabva kwanzi ndiko kuzadzika kwakakwana kwa1 VaTesaronika 5:3 here, kana kuti Pauro akanga achitaura nezvechimwe chiitiko chaichoicho chinoshamisa zvokuti nyika yose inobva yachiziva?

13. Pauro paakafanotaura kudanidzirwa kwo“Rugare nokuchengeteka!,” akaenzanisa kuparadza kwaizouya nechii, uye tingadzidzei pane izvi?

13 Sezvo uprofita hweBhaibheri huchiwanzonzwisiswa zvizere chete pashure pokunge hwazadzika kana kuti huri kuzadzika, tichafanira kumirira kuti tione. Zvisinei, zvinofadza kuti Pauro akaenzanisa kuparadza kwekamwe kamwe kunotevera kudanidzirwa kwo“Rugare nokuchengeteka!” nokurwadziwa kwomukadzi ane pamuviri. Kwenguva yemwedzi inenge mipfumbamwe, amai vane pamuviri vanowedzera kuziva nezvomwana ari kukura mavari. Vangagona kunzwa kurova kwomwoyo womwana wavo kana kuti kunzwa kutamba-tamba kwake mudumbu. Angatovakava. Kazhinji zviratidzo zvacho zvinoramba zvichiva pachena kusvikira, rimwe zuva, vanonyatsonzwa kurwadziwa, zvichiratidza kuti chiitiko chave chichitarisirwa—kuberekwa kwomwana—chasvika. Zvisinei, saka kudanidzirwa kwo“Rugare nokuchengeteka!” kwakaprofitwa kungazadzika, kuchatungamirira kuchiitiko chekamwe kamwe, chinorwadza, asi pakupedzisira chinofadza—kuparadzwa kwouipi uye kutanga kwenyika itsva.

14. Zviitiko zvenguva yemberi zvichatevedzana sei, zvichizoguma nei?

14 Kuparadza kuri kuuya kuchange kuchichityisa vaKristu vakatendeka vanenge vachiona. Kutanga, madzimambo enyika (chikamu chesangano raSatani rezvematongerwe enyika) achapandukira vatsigiri veBhabhironi Guru (zvitendero) vovaparadza. (Zvakazarurwa 17:1, 15-18) Saka, nokuchinja kunoshamisa zvikuru, umambo hwaSatani huchange hwakamukana ihwo pachahwo, rimwe divi richirwisa rimwe, uye Satani achange asina simba rokuti azvidzivise. (Mateu 12:25, 26) Jehovha achazviisa mumwoyo yemadzimambo epasi ‘kuti aite kufunga kwake,’ kureva kuti, kubvisa pamusoro pepasi vavengi vake vezvitendero. Kana chitendero chenhema chaparadzwa, Jesu Kristu achatungamirira mauto ake okudenga kuti aparadze zvachose zvinenge zvasaririra pasangano raSatani—vezvokutengeserana nevezvematongerwe enyika. Pakupedzisira, iye Satani pachake achabviswa. Zvadaro, izvi zvinobva zvatisvitsa kumugumo, uye mutambo wanga uchitambwa kwenguva refu unobva wapera.—Zvakazarurwa 16:14-16; 19:11-21; 20:1-3.

15, 16. Chiyeuchidzo chokuti “nguva yasara ipfupi” chinofanira kuita kuti tinzwe sei muupenyu hwedu?

15 Zvinhu zvose izvi zvichaitika rini? Hatizivi musi nenguva. (Mateu 24:36) Zvisinei, tinoziva kuti “nguva yasara ipfupi.” (1 VaKorinde 7:29) Saka zvinokosha kuti tishandise nguva yasara nokuchenjera. Sei? Sezvinotsanangura muapostora Pauro, tinofanira ‘kutenga nguva yakafanira’ yezvinhu zvinonyanya kukosha kubva muzvinhu zvisingakoshi toita kuti zuva rimwe nerimwe rikoshe. Nechikonzero chei? “Nokuti mazuva akaipa.” Uye ‘tichinzwisisa zvinodiwa naJehovha kwatiri,’ hatizotambisi nguva shoma inokosha yasara.—VaEfeso 5:15-17; 1 Petro 4:1-4.

16 Tichiziva kuti kuparadzwa kwakamirira nyika yose, isusu tinofanira kunzwa sei? Muapostora Petro akatinyorera kuti tibatsirwe achiti: “Zvinhu zvose izvi zvazvichanyungudutswa kudaro, munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari!” (2 Petro 3:11) Zvechokwadi vanhu vakadini! Maererano nenyevero yaPetro youchenjeri, tinofanira (1) kutarisisa mufambiro wedu kuti tive nechokwadi chokuti mutsvene uye (2) kuti tive nechokwadi chokuti zviito zvedu zvokushingaira mubasa raJehovha nguva dzose zvinoratidza kumuda kwakadzama.

17. VaKristu vakatendeka vanofanira kudzivisa misungo ipi yaSatani?

17 Kuda Mwari kuchaita kuti tisaomerere kunyika ino pamusana pezvinokwezva zvayo. Tichifunga nezvezvakachengeterwa nyika ino iripo, zvine ngozi kuti titorwe mwoyo nezvinoyevedza uye zvinokwezva zvenyika, upenyu hwokuda mafaro. Kunyange zvazvo tichigara nokushanda munyika, tinofanira kutevera zano rouchenjeri rokusashandisa nyika zvakazara. (1 VaKorinde 7:31) Kutaura zvazviri, tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tisatsauswe nemashoko anoparadzirwa enyika. Nyika ino haisi kuzobudirira mukugadzirisa zvinetso zvayo. Haisi kuzoramba ichizvitsigira nokusingaperi. Nei tingava nechokwadi zvakadaro? Nokuti Shoko raMwari rakafuridzirwa rinoti: “Nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:17.

Zvakanakisisa Zvichati Zvouya!

18, 19. Uri kutarisira kuchinja kupi munyika itsva, uye nei kumirira kwacho kuchange kwakafanira?

18 Nokukurumidza Jehovha achaparadza Satani nevatsigiri vake. Zvadaro, vachikomborerwa naMwari, vakatendeka vanenge vapukunyuka mugumo uyu vachatanga kugadzirisa dariro—“mamiriro ezvinhu” ayo achazogara nokusingaperi. Hondo haizoipisi dariro—mamiriro acho ezvinhu, Mwari acha“gumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.” (Pisarema 46:9) Panzvimbo pokuperevedza kwezvokudya, ‘kuchava nezviyo zvizhinji pasi; . . . zvichafashukira.’ (Pisarema 72:16) Kunenge kusisina majeri, kamba dzemapurisa, zvirwere zvinotapuriranwa pabonde, vatengesi vezvinodhaka, matare okurambana, kushaya mari yokubhadhara zvikwereti, uye ugandanga.—Pisarema 37:29; Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:3-5.

19 Vari mumakuva okurangaridza vachabuda, uye mabhiriyoni evanenge vamutswa—vamwe vatambi—vachauyazve. Uchava mufaro wakadini sezvo zvizvarwa nezvizvarwa zvichabatanidzwa uye apo vadiwa vave vakaparadzana kwenguva refu vachambundirana noushamwari, nomwoyo wose! Pakupedzisira, munhu wose mupenyu achanamata Jehovha. (Zvakazarurwa 5:13) Kana kuchinja uku kwapera, mutambo mutsva uchatanga muparadhiso yepasi pose. Uchanzwa sei sezvaunoongorora dariro racho—mamiriro ezvinhu? Hapana mubvunzo kuti uchanzwa uchida kuti, ‘Izvi ndakazvimirira kwenguva refu, uye kumirira kwacho kwanga kwakafanira!’

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Mune imwewo ndima, Pauro akataura nezvevaKristu vakazodzwa sevari “chinhu chinoshamisa chepanzvimbo yemitambo kunyika, nokungirozi, nokuvanhu.”—1 VaKorinde 4:9.

^ ndima 4 Somuenzaniso, nezvokuzivikanwa kwa“mambo wokumusoro,” anotaurwa pana Dhanieri 11:40, 44, 45, ona bhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!, mapeji 280-1.

^ ndima 6 Bhaibheri rinoratidza kuti Jerusarema rakawa makore 70 vaJudha vakatapwa vasati vadzoka muna 537 B.C.E. (Jeremia 25:11, 12; Dhanieri 9:1-3) Nokuda kwokukurukurwa kwakadzama kwe“nguva dzakatemwa dzemamwe marudzi,” ona mapeji 240-2 ebhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungapindura Sei?

• Mashoko omuapostora Pauro anoti “mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja” ave ari echokwadi sei munguva yedu?

• Kuverenga nguva kweBhaibheri kunoratidza sei mugumo we“nguva dzakatemwa dzemamwe marudzi”?

• Kuchinja kwemamiriro ezvinhu enyika kunosimbisa sei kuti “nguva yokupedzisira” yakatanga muna 1914?

• Chokwadi chokuti “nguva yasara ipfupi” chinofanira kuita kuti tinzwe sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 20]

Pakupedzisira—chakavanzika chinozivikanwa!