Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kukurira Kusava Nechokwadi

Unogona Kukurira Kusava Nechokwadi

Unogona Kukurira Kusava Nechokwadi

“ZVECHOKWADI!” “Chinhu chaicho!” “Chakavimbika!” Hapana mubvunzo kuti wakanzwa mashoko akadaro kakawanda. Zvisinei, muupenyu hwedu hwezuva nezuva, hapana zvizhinji zvokuva nechokwadi nazvo. Upenyu hunongochinja-chinja zvokuti hatinyatsozivi kana paine chinhu chatinogona kunyatsova nechokwadi nacho. Kunenge kuti kuva nemwoyo miviri uye kusava nechokwadi ndiwo mararamiro.

Zvinonzwisisika kuti vanhu vakawanda nemhuri dzavo vanoda kuchengeteka uye mufaro. Vanoshanda nesimba kuti vawane zvinhu zvavanofunga kuti zvichavaita kuti vafare uye vakachengeteka—kazhinji mari nepfuma. Zvisinei, kudengenyeka kwepasi, dutu, tsaona, kana kuti utsotsi hwechisimba zvingaerekana zvatsvaira pfuma iyoyo. Kurwara kwakakomba, kurambana, kana kuti kushayikwa kwemabasa kunogona kuchinja upenyu kamwe kamwe. Chokwadi, zvinhu zvakadaro zvingasaitika chaizvoizvo kwauri. Asi kungoziva kuti chimwe chinhu chakaipa chingaitika chero panguva ipi zvayo, izvozvo zvinovhiringidza uye zvinoshungurudza. Asi izvozvo handizvo zvoga.

Kusava nechokwadi kwakafanana nokuva nemwoyo miviri, uye rimwe duramanzwi rinorondedzera “kuva nemwoyo miviri” so“kusava nechokwadi nezvokutenda kana kuti kuva nepfungwa dzinowanzotikanganisa pakusarudza” Uyezve, maererano nebhuku rinonzi Managing Your Mind, “kusava nechokwadi nezvechimwe chinhu chinokosha chikonzero chikuru chokuzvidya mwoyo uye kunetseka.” Kuva nemwoyo miviri kana kukasagadziriswa kunogona kutungamirira kukuzvidya mwoyo, kushungurudzika, uye kutsamwa. Chokwadi, kunetseka pamusoro pezvingaitika kana kuti zvingasaitika kunogona kutikuvadza mupfungwa nomumuviri.

Saka vamwe vanoguma vava kunyanyisa. Vanoita seimwe pwere yokuBrazil yakati: “Ndinonetsekerei nezvichaitika? Nhasi ndinhasi mangwana ndimangwana.” Maonero akadaro asina tariro okuti “ngatidye, ngatinwe,” anongoodza mwoyo, anoshungurudza, uye pakupedzisira anouraya. (1 VaKorinde 15:32) Zviri nani chaizvo kuti titarire kune Musiki, Jehovha Mwari, uyo Bhaibheri rinoti nezvake “kwavari hakuna kushanduka kwokuchinja kwomumvuri.” (Jakobho 1:17) Kana tikaongorora Shoko raMwari, Bhaibheri, tichawana zano rakanaka nenhungamiro zvokuti tikurire kusava nechokwadi kwoupenyu. Rinogona kutibatsirawo kunzwisisa chikonzero nei paine kusava nechokwadi kwakawanda.

Chikonzero Chokusava Nechokwadi

Magwaro anoratidza maonero echokwadi oupenyu uye anotibatsira kukudziridza maonero akanaka kuchinja kwezvinhu uye kusava nechokwadi. Kunyange zvazvo vomumhuri, kuva nechinzvimbo, kuva akachenjera, kuva ane utano hwakanaka, nezvimwewo zvakadaro zvingaita kuti tive vakati chengetekei, Bhaibheri rinoratidza kuti hatigoni kuzvirerutsa kana kuti kutarisira upenyu “hwakanaka.” Mambo Soromoni akachenjera akati: “Unomhanyisa haazi iye unokunda, une simba haazi iye unokunda pakurwa, wakachenjera haazi iye une zvokudya, vanhu vane njere havazi ivo vane pfuma, vanhu vane umhizha havazi ivo vanofarirwa.” Nei zvakadaro? Nokuti “vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.” Saka, Soromoni akanyevera kuti: “Sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe, saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe kamwe.”—Muparidzi 9:11, 12.

Jesu Kristu akataurawo nezvenguva yokuzvidya mwoyo zvikuru uye yokusava nechokwadi yaizouya kuvanhu vose. Nemashoko akajeka, akati: “Kuchava nezviratidzo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi, uye kurwadziwa zvikuru kwemarudzi pasi pano, asingazivi nzira yokubuda nayo nemhaka yokunyanduka kwegungwa nokusagadzikana kwaro, vanhu vachipera simba nokutya uye nokutarisira zvinhu zvinouya pamusoro pepasi rinogarwa; nokuti masimba okudenga achazununguswa.” Asi Jesu akataura nezvechimwe chinhu chakanaka kuvanhu vane mwoyo yakatendeseka nhasi achiti: “Pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.” (Ruka 21:25, 26, 31) Saizvozvowo, pane kuti titye remangwana risina chokwadi, tine kutenda muna Mwari kunobatsira kuona remangwana rakanaka nerakachengeteka rinopfuura kungoona kusava nechokwadi kuripo.

‘Kuva Nevimbiso Yakazara Yetariro’

Kunyange zvazvo tisingagoni kuva nechokwadi nezvezvinhu zvatinonzwa, zvatinoverenga, kana zvatinoona, tine chikonzero chakanaka chokuvimba noMusiki. Haasi Changamire bedzi asiwo ndiBaba vane rudo vanotarisira vana vavo pasi pano. Nezveshoko rake, Mwari akati: “Haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isaya 55:11.

Jesu Kristu akadzidzisa chokwadi chaibva kuna Mwari, uye vakawanda vaimuteerera vakachigamuchira nokutenda nechokwadi. Somuenzaniso, boka revaSamariya vaiva nemwoyo yakatendeseka vakaudza mukadzi uya akanga amboteerera kuna Jesu kuti: “Hatichatendi chete nemhaka yokutaura kwako; nokuti tazvinzwira uye tinoziva kuti munhu uyu zvechokwadi ndiye muponesi wenyika.” (Johani 4:42) Saizvozvowo nhasi, kunyange zvazvo tichirarama munguva isina kuchengeteka, hatifaniri hedu kusava nechokwadi nezvezvatinofanira kuteerera.

Kana totaura nezvezvinodavirwa muchitendero, vakawanda vanofunga kuti pane kuti tiedze kunzwisisa, tinofanira kungotenda chete. Zvisinei, munyori weBhaibheri, Ruka, akanga asingafungi izvozvo. Akatsvakurudza ndokupa mashoko akarurama kuti vamwe va“zive kwazvo uchokwadi hwezvinhu” zvaakanga anyora. (Ruka 1:4) Sezvo vomumhuri neshamwari vatisingatendi navo vanganetseka kuti tingazoguma tavhiringika uye taora mwoyo, zvinokosha kuti tikwanise kudzivirira kutenda kwedu. (1 Petro 3:15) Tingazobatsira vamwe kuvimba naMwari kana isu tichiziva zvakarurama chikonzero chezvatinotenda. Bhaibheri rinorondedzera Jehovha nemashoko aya anoti: “Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi.”—Dheuteronomio 32:4.

Ngatifungei nezvemashoko okupedzisira anoti: “Wakarurama, ndowazvokwadi.” Uchapupu hupi hwatinahwo kuti tive nechokwadi neizvi? Muapostora Petro ainyatsova nechokwadi neizvozvo. Akaudza Mukuru mukuru weRoma neveimba yake kuti: “Zvechokwadi ndinoona kuti Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Petro akataura mashoko aya nokuti akanga achangobva kuona kutungamirira kwakanga kwaita Mwari zvinhu zvokuti mhuri yeVemamwe Marudzi, vaimbonzi havana kuchena uye vasingagamuchirwi, vakava vanogamuchirwa Naye. SaPetro, tinogonawo kuva nechokwadi nokusasarura kwaMwari uye kururama kwake patinoona nemaziso edu “boka guru revanhu”—vanopfuura mamiriyoni matanhatu—vanobva munyika dzinopfuura 230 munyika yose vakasiya mararamiro avo ekare uye vava kufamba munzira yokururama.—Zvakazarurwa 7:9; Isaya 2:2-4.

SevaKristu vechokwadi, hatidi kuva vanonyanyisa kana kuti vasingadi kuchinja, asi vanozvininipisa nevanonzwisisa. Asi izvi hazvirevi kuti hatina chokwadi pane zvatinotenda uye zvatinotarisira mune remangwana. Pauro akanyorera vaKristu vomuzana remakore rokutanga kuti: “Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu aratidze kubishaira kwakafanana naikoko kuti muve nechivimbo chakakwana chetariro kusvikira kumugumo.” (VaHebheru 6:11) Saizvozvowo, mashoko akanaka anobva muBhaibheri akatiunzira “chivimbo chakakwana chetariro.” Tariro iyoyo, inobva zvakasimba muShoko raMwari, “haitungamiriri kukuora mwoyo,” sezvakataurwawo naPauro.—VaRoma 5:5.

Uyezve, tinonyatsova nechokwadi chokuti kudzidzisa vamwe mashoko akanaka anobva muBhaibheri kunogona kuvaunzira kuchengeteka nokuva nechokwadi mune zvokunamata, kunyange mupfungwa nomumuviri. Tingabvumirana naPauro paanoti: “Mashoko akanaka atinoparidza haana kuuya kwamuri nokutaura kwoga asiwo nesimba nomudzimu mutsvene nokutendiswa kwakasimba.”—1 VaTesaronika 1:5.

Zvikomborero Zvazvino Zvinobva Mukuchengeteka Mune Zvokunamata

Kunyange zvazvo tisingagoni kutarisira kuchengeteka kwakakwana muupenyu nhasi, pane zvatingaita zvichatibatsira kurarama upenyu hwakagadzikana uye hwakachengeteka. Somuenzaniso, kugara tichisonganira neungano yechiKristu pamisangano kunobatsira kuva vakagadzikana nokuti ikoko tinodzidziswa nhungamiro netsika dzakarurama nedzakanaka. Pauro akanyora kuti: “Rayira vakapfuma mugadziriro ino yezvinhu iripo kuti varege kuzvikudza, uye kuti vaise tariro yavo, kwete papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotigovera zvinhu zvose kwazvo kuti tifare.” (1 Timoti 6:17) Vazhinji vakakwanisa kuita kuti vasazvidya mwoyo uye vasavhiringidzika sezvaimboitika nokuti vakadzidza kuvimba naJehovha kwete nezvinhu kana kuti mufaro unopfuura.—Mateu 6:19-21.

Muungano, tine ukama hwakanaka, hunotibatsira nokutitsigira munzira dzakasiyana-siyana. Pane imwe nguva muushumiri hwake, muapostora Pauro newaaifamba naye vainge va“kamanikidzika zvikuru” uye vakanga va“sina chokwadi zvikuru kunyange noupenyu” hwavo. Pauro akawana kupi rutsigiro uye zororo? Chokwadi, kuvimba kwake naMwari hakuna kumbotsuduguka. Kunyange zvakadaro, akakurudzirwa uye kunyaradzwa nevamwe vaKristu vakamubatsira. (2 VaKorinde 1:8, 9; 7:5-7) Nhasi panoitika njodzi dzinongoitika dzoga kana kuti mamwe matambudziko, kakawanda hama dzedu dzechiKristu ndidzo dzinotanga kusvika kuti dzibatsire sezvinodiwa nezvokunyama uye zvinenge zvichidiwa pakunamata kune vamwe vavo vaKristu nevamwewo zvavo.

Chimwe chinotibatsira kutarisana nokusava nechokwadi kwoupenyu munyengetero. Tinogona kunyengetera kuna Baba vedu vokudenga vane rudo patinoerekana tatarisana nedambudziko. “Jehovha uchava nhare yakasimba kuna vanomanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika.” (Pisarema 9:9) Vabereki vangakundikana kudzivirira vana vavo. Zvisinei, Mwari anoda kutibatsira kukurira kutya uye kunzwa kwokusava nechokwadi. Kana tikakandira zvinotidya mwoyo pana Jehovha mumunyengetero, tinogona kuva nechokwadi chokuti anogona “kuita zvakawanda zvikuru kwazvo kupfuura zvinhu zvose zvatinokumbira kana kufunga.”—VaEfeso 3:20.

Unonyengetera kuna Mwari nguva dzose here? Une chokwadi chokuti minyengetero yako inonzwiwa naMwari here? “Amai vangu vakandiudza kuti ndinofanira kunyengetera kuna Mwari,” akadaro musikana wechiduku wokuSão Paulo. “Asi ndakazvibvunza kuti: ‘Nei ndichifanira kutaura nomunhu wandisingatombozivi?’ Zvisinei, Zvirevo 18:10 yakandibatsira kunzwisisa kuti tinoda rubatsiro rwaMwari uye tinofanira kutaura naye mumunyengetero.” Rugwaro rwacho runoti: “Zita raJehovha inhare yakasimba; wakarurama unovangiramo ndokuchengetwa.” Chaizvoizvo, tingavimba sei naJehovha kana tisingagari tichitaura naye? Kuti tiwane zvikomborero zvokuchengeteka pakunamata, tinofanira kugara tichinyengetera nomwoyo wose zuva nezuva. Jesu akati: “Ipapo, rambai makamuka, muchigaroteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika, uye pakumira pamberi peMwanakomana womunhu.”—Ruka 21:36.

Chimwe chinhu chatinogona kuva nechokwadi nacho itariro yedu muUmambo hwaMwari. Ona mashoko ari pana Dhanieri 2:44 anoti: “Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.” Tariro iyoyo yakasimba uye chimwe chinhu chatinogona kuva nechokwadi nacho. Vimbiso dzevanhu dzinowanzokundikana, asi tinogona kuvimba neshoko raJehovha nguva dzose. Pane kuva asina kuvimbika, Mwari akaita soruware rwatinogona kuvimba narwo. Tinogona kunzwa saDhavhidhi, uyo akati: “Mwari idombo rangu, ndichavimba naye senhoo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira, noutiziro hwangu. Muponesi wangu, unondiponesa pakumanikidzwa.”—2 Samueri 22:3.

Bhuku rambotaurwa rinonzi Managing Your Mind rinotizve: “Kana munhu akaramba achifunga nezvezvinhu zvakaipa zvingangoitika, zvinobva zvawedzera kuva zvechokwadi, zvobva zvatoita sezvakaoma kuzvikurira.” Saka, nei tichifanira kuzviremedza nokuzvidya mwoyo nokusava nechokwadi kwenyika? Pane kudaro, ngatitsivei kusava nechokwadi kwenyika nechokwadi chinopiwa naMwari. Kana kutenda kwedu kukaramba kwakasimba muzvipikirwa zvaJehovha zvisingakundikani, tine vimbiso iyi inoti: “Hapana anoisa kutenda kwake paari achaodzwa mwoyo.”—VaRoma 10:11.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]

Shoko raMwari rinovimbisa vanhu zvikomborero mune remangwana

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]

“Hapana anoisa kutenda kwake paari achaodzwa mwoyo”

[Mufananidzo uri papeji 31]

Mashoko akanaka oUmambo anounzira vanhu kuchengeteka