Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chitendero—Chinobatsira Here Kana Kuti Chinoparadza?

Chitendero—Chinobatsira Here Kana Kuti Chinoparadza?

Chitendero—Chinobatsira Here Kana Kuti Chinoparadza?

“NDINOONGA zvandakaitirwa nechiKristu, uye ndinofunga kuti ndizvo zvinoitawo nyika yatagara mairi kwemakore anopfuura 2000.”—Sumo yebhuku rinonzi Two Thousand Years—The First Millennium: The Birth of Christianity to the Crusades.

Mashoko iwayo okurumbidza “chiKristu” akataurwa naMelvyn Bragg, mumwe munyori uye mushamarari wokuEngland. Mashoko ake anoratidza mafungire emamiriyoni evagari vepasi pano avo vanoongawo zvakadzama saizvozvo uye vakazvipira kune chimwe chitendero. Vane chokwadi chokuti chitendero chakavabatsira zvikuru muupenyu hwavo. Somuenzaniso, mumwe munyori anotaura kuti chiIslam “chaita kuti nyika ibudirire zvikuru . . . [izvo] zvabatsira nyika yose.”

Basa Rechitendero—Rakanaka Here kana kuti Rakaipa?

Zvisinei, mashoko aBragg anotevera anoita kuti pave nomubvunzo wakakomba kana chitendero chose zvacho chave chichibatsira zvechokwadi. Anoenderera mberi achiti: “ChiKristu chine zvachinofanirawo kunditsanangurira.” Anoda kutsanangurirwei? Anoti: “Nezvorusaruro, uipi, utsinye, uye kuomesa musoro nemaune kwakazara mu‘nhoroondo’ yose yechiKristu.”

Vazhinji vaizobvumirana nazvo kuti rusaruro, uipi, utsinye, uye kuomesa musoro nemaune ndizvo zvave zvakazara muzvitendero zvizhinji zvenyika yose munhoroondo yevanhu. Maonero avo ndeokuti chitendero chinongoita sechinobatsira vanhu—kuti nechepamusoro chakapfeka utsvene nokunaka, asi chaizvoizvo nechomukati chizere nounyengeri nenhema. (Mateu 23:27, 28) A Rationalist Encyclopædia inoti: “Hapana mashoko akakurumbira mumabhuku edu kupfuura okuti chitendero chinokosha kwazvo kuti nyika ibudirire.” Inoenderera mberi ichiti, “Uye kutaura zvazviri zvakaitika kare zvinoratidza kuti mashoko iwayo haana kururama.”

Chero pepanhau ripi zvaro raunoverenga nhasi, uchawana mienzaniso yakawanda kwazvo yevatungamiriri vechitendero vanoparidza nezvorudo, rugare, uye tsitsi asi vachikuchidzira ruvengo uye vachidana zita raMwari kuti hondo dzavo dzoutsinye dziite sedzakarurama. Ndosaka vanhu vakawanda vachifunga kuti kazhinji chitendero chinoparadza upenyu!

Zvaizova Nani Dai Pasina Chitendero Here?

Vamwe vakatosvika pakutaura sezvakaita mumwe muzivi wokuEngland anonzi Bertrand Russell, kuti zvaizonaka dai pakupedzisira “zvitendero zvose zvaizoparara.” Mumaonero avo kubviswa kwechitendero ndiyo nzira bedzi yokunyatsogadzirisa nayo zvinetso zvose zvevanhu. Zvisinei, vangave vachikanganwa kuti vaya vanoramba chitendero vanogona kungovawo noruvengo rukuru rwakadaro norusaruro sezvinongoitawo vaya vanochitsigira zvakasimba. Mumwe munyori wezvechitendero anonzi Karen Armstrong anotiyeuchidza kuti: “Zvimwe zvezvinhu zvakaratidzwa noKuparadzwa Kukuru kwevaJudha kwakaitwa nevaNazi ndezvokuti gwara rezvematongerwe enyika risingatsigiri zvechitendero [rinogona] kungouraya sezvinongoita chero hondo ipi zvayo yechitendero.”—The Battle for God—Fundamentalism in Judaism, Christianity and Islam.

Saka chitendero chinobatsira zvechokwadi here, kana kuti ndicho musimboti chaiwo wezvinetso zvevanhu? Nzira yokugadzirisa nayo zvinetso izvozvo ndeyokubvisa zvitendero zvose here? Imboona zvinotaura Bhaibheri pamusoro penhau iyi munyaya inotevera. Mhinduro yacho ingangokushamisa.