Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chitendero Ndicho Musimboti Wezvinetso Zvevanhu Here?

Chitendero Ndicho Musimboti Wezvinetso Zvevanhu Here?

Chitendero Ndicho Musimboti Wezvinetso Zvevanhu Here?

“CHITENDERO pachinenge chisiri kukurudzira hondo, chinenge chichishanda sembanje inotindivadza hana dzevanhu uye inoita kuti vanhu vasaone zvinhu sezvazviri. . . . chinoita kuti vanhu vangoomerera pachinhu chimwe, vadavire mashura, uye vazare noruvengo nokutya.” Mumwe aimbova mumishinari weMethodist uyo akanyora izvozvo akawedzera kuti: “Zviri kutaurwa izvi ichokwadi. Pane chitendero chakanaka nechakaipa.”—Start Your Own Religion.

Vamwe vangati, ‘Chokwadi uku kwava kunyanya kutsoropodza.’ Asi, ndiani angaramba zvakaitika zvinozivikanwa? Muzvinhu zvizhinji, chitendero—chinorondedzerwa se“basa uye kunamata Mwari kana rimwe simba rinopfuura romunhu”—chakaita zvakaipa zvinotyisa. Chinofanira kutivhenekera nokutikurudzira. Zvisinei, kakawanda chinokurudzira kurwisana, rusaruro, uye ruvengo. Nei zvakadaro?

“Ngirozi yechiedza” Inotsausa

Maererano neBhaibheri, mhinduro yacho iri pachena chaizvo. Achiita se“ngirozi yechiedza,” Satani Dhiyabhorosi akatsausa mamiriyoni kuti atevere dzidziso dzake panzvimbo pedzaMwari. (2 VaKorinde 11:14) Muapostora Johani akaratidza kuti simba raSatani rakakura zvokuti “nyika yose iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) Johani aiziva kuti Satani akanga ari “kutsausa pasi rose rinogarwa.”—Zvakazarurwa 12:9.

Izvi zvakaguma nei? Satani akakurudzira zvitendero zvinoratidzika sezvitsvene nechepamusoro. Zvine “mufananidzo bedzi wokunamata,” asi zvazviri chaizvo zvinofumurwa nezvibereko zvakaipa zvazvinobudisa. (2 Timoti 3:5 Union Shona; Mateu 7:15-20) Panzvimbo pokubatsira kugadzirisa zvinetso zvevanhu, chitendero chinotovawo chinetso.

Usakurumidza kuramba pfungwa iyoyo uchifunga kuti haisi yechokwadi kana kuti haina musoro. Yeuka, chinangwa chokunyengera ndechokuti ari kunyengerwa wacho asazvizive. Muapostora Pauro akapa muenzaniso weizvi paakanyora kuti: “Zvinhu zvinobayirwa nemarudzi anozvibayira kumadhimoni, kwete kuna Mwari.” (1 VaKorinde 10:20) Vanhu ivavo pamwe vaizodaro vakarohwa nehana kufunga kuti vakanga vachinamata madhimoni. Vaifunga kuti vakanga vachinamata mwari akanaka, kana kuti vanamwari, vorumwe rudzi. Asi chokwadi ndechokuti vakanga vanyengerwa ne“midzimu yakaipa iri munzvimbo dzomumatenga,” inotsigira Satani mukuedza kwake kutsausa vanhu.—VaEfeso 6:12.

Somuenzaniso, ngatimboona kuti Satani akakwanisa sei kunyengedza nokutsausa vakawanda vanozviti vaKristu avo vakasarudza kusateerera nyevero yomuapostora Johani pamusoro pesimba iroro rakaipa.—1 VaKorinde 10:12.

Zvaidzidziswa naJesu Zvaibva Kuna Mwari

Jesu Kristu akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezveakandituma.” (Johani 7:16) Hungu, zvaaidzidzisa zvaibva kuna Mwari Wamasimba ose. Saka dzidziso dzaJesu dzaiva nesimba, dzichikurudzira vose vaimuteerera. Hadzina ‘kutindivadza hana dzevanhu kana kuvaita kuti vasaone zvinhu sezvazviri.’ Pane kudaro, dzidziso dzaJesu dzakasunungura vanhu pachitendero chenhema nouzivi hwevanhu hwaibudiswa nenyika yakanga iri “murima mupfungwa” nemhaka yokunyengera kwaDhiyabhorosi.—VaEfeso 4:18; Mateu 15:14; Johani 8:31, 32.

VaKristu vechokwadi vaizivikanwa, kwete nokungozviti vatsvene, asi nokutenda kwairatidza unhu hwakanaka hwaibudiswa nomudzimu mutsvene waMwari. (VaGaratiya 5:22, 23; Jakobho 1:22; 2:26) Chainyanya kuonekwa paunhu uhwu—uye chinoratidza vaKristu vechokwadi—ndirwo rudo rukuru.—Johani 13:34, 35.

Zvisinei, cherechedza pfungwa iyi inokosha: Jesu nevaapostora vake vakanga vasingatarisiri kuti ungano yechiKristu yaizoramba yakaita sezvayakanga yakaita payakatanga. Vaiziva kuti paizomuka vamwe vaizoramba kutenda uye kuti chiKristu chechokwadi chaizovhungwa kwechinguva.

Chitendero Chechokwadi Chinovanzwa Kwechinguva

Mumuenzaniso wegorosi nemasora, Jesu akafanotaura kuti chitendero chechokwadi chaizombovanzwa kwechinguva. Zviverengere woga nhoroondo iri pana Mateu 13:24-30, 36-43. Jesu akadyara gorosi mumunda, “mbeu yakanaka kwazvo,” yaifananidzira vadzidzi vakatendeka avo vaizoumba ungano yechiKristu yokutanga. Akanyevera kuti “muvengi,” Satani Dhiyabhorosi, nokufamba kwenguva aizodyarawo “masora” mumunda wegorosi—vanhu vaiti vaitevera Jesu Kristu asi chaizvoizvo vachiramba dzidziso dzake.

Vaapostora vaJesu pavakangopera kufa, kwakamuka vamwe vanhu vakaratidza kuti vaiva “masora,” vachifarira dzidziso dzevanhu dzakamonyana kupfuura “shoko raJehovha.” (Jeremia 8:8, 9; Mabasa 20:29, 30) Somugumisiro, chiKristu chenhema chakasvibiswa chakatanga kuonekwa panyika. Chaidzorwa nouyo Bhaibheri rinodana kuti “asingateereri mutemo”—boka revafundisi vane uori iro rakanga rakanyura mu“kunyengera kwose kusina kururama.” (2 VaTesaronika 2:6-10) Jesu akafanotaura kuti mamiriro ezvinhu aya aizochinja pa“kuguma kwegadziriro yezvinhu.” VaKristu vakaita segorosi vaizounganidzwa pamwe chete vakabatana uye “masora” aizoparadzwa.

ChiKristu chenhema ichi ndicho chine mhosva nokuda “kwemazana emakore okusaziva zvachose” nerima romudzimu rakaputira chiKristudhomu mumazana emakore akazotevera. Achifanoona izvi nemimwe miitiro yose yakaipa uye yechisimba yakaitwa kubva ipapo muzita rechitendero, muapostora Petro akafanotaura nenzira yakakodzera kuti ‘nemhaka yevaKristu vokuedzesera zvakaipa zvaizotaurwa pamusoro penzira yechokwadi.’—2 Petro 2:1, 2.

“Chitendero Chinodzidzisa Hasha Noruvengo”

Chokwadi hachisi chiKristudhomu choga chakapa chitendero mukurumbira wakaipa. Somuenzaniso, funga nezvemarudzi akasiyana-siyana e“zvitendero zvinoomerera pane zvazvinodavira zvichishandisa chisimba” izvo Karen Armstrong aimbova akapikira usisita anoti zvakavambwa ne“zvitendero zvose zvikuru.” Maererano naArmstrong, muedzo unokosha wechitendero chipi nechipi ndewokuti chinofanira kuita kuti vanhu varatidze “tsitsi nemabasa.” Chii chave chiri kuitwa nezvitendero zvinoomerera pane zvazvinodavira panhau iyi? Anonyora kuti: “Zvitendero zvinoomerera pane zvazvinodavira, zvingava chiJudha, chiKristu, kana kuti chiMuslim, zvinokundikana muedzo uyu unokosha kana zvikava zvitendero zvinodzidzisa hasha noruvengo.” (The Battle for God—Fundamentalism in Judaism, Christianity and Islam) Asi zvinongova zvitendero zvinoomerera pane zvazvinodavira chete here zvakakundikana muedzo uyu zvikava “zvitendero zvinodzidzisa hasha noruvengo”? Zvakaitika hazviratidzi kudaro.

Zviripo chaizvo ndezvokuti Satani akatoumba umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema, chinozivikanwa nehasha noruvengo, uye kuuraya kusina mugumo. Bhaibheri rinodana umambo uhwu kuti “Bhabhironi Guru, amai . . . vezvinhu zvinosemesa zvepasi,” uye rinofananidzirwa nehure rinotasva gadziriro yezvematongerwe enyika yakaita sechikara. Zvinokosha kucherechedza kuti ndicho chinopiwa mhosva nokuda kwe“ropa . . . revose vakaurawa pasi pano.”—Zvakazarurwa 17:4-6; 18:24.

Havasi Vose Vakanyengerwa

Zvisinei, zvakaitika zvinoratidza kuti havasi vose vakanyengerwa. Kunyange munguva dzakaipisisa, anodaro Melvyn Bragg, “vanhu vakanaka vazhinji vakaita zvakanaka apo vazhinji vakanga vakavapoteredza vakanga vakaipa.” VaKristu vechokwadi vakaramba vachi“namata [Mwari] nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:21-24) Vakamira vakaparadzana nezvitendero zvenyika yose izvo zvakanga zvazviita mhombwe no“kutsigira chiuto.” Vakaramba kupinzwa muukama hweChechi neHurumende sezvinoratidzwa nezvakaitika kare kuti hwaiva “chibvumirano chakaitwa naSatani kwete naJesu weNazareta.”—Two Thousand Years—The Second Millennium: From Medieval Christendom to Global Christianity.

Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichizivikanwa nokuda kwokubatsira kwazvinoita. Kuti zvisave noruvara rupi norupi rwechitendero chenhema, zvakavakira zvakakwana zvazvinodavira uye zviito paShoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri. (2 Timoti 3:16, 17) Uye kufanana nevaKristu vomuzana rokutanga remakore, zvakatevedzera murayiro waJesu wokusava “rutivi rwenyika.” (Johani 15:17-19; 17:14-16) Somuenzaniso, muNazi yeGermany, zvakaramba kuita zvinopesana nenhungamiro dzechiKristu uye naizvozvo zvakanga zvisingadiwi maererano negwara revaNazi rezvematongerwe enyika. Hitler ndozvaaivengera Zvapupu. Rimwe bhuku rechikoro rinoti: “Zvapupu zvaJehovha . . . zvaitevedza zvinodzidzisa Bhaibheri zvokusashandisa zvombo nokuda kwechikonzero chipi nechipi. Saka zvakaramba kushanda muchiuto kana kuita chimwe chinhu chipi nechipi chaidiwa nevaNazi. Vachitsiva, vaSS vakaisa mujeri mhuri dzose dzeZvapupu zvaJehovha.” (Germany—1918-45) Zvechokwadi, mazana eZvapupu zvaJehovha akafa nokutambudzwa nevaNazi.

Zvechokwadi, vamwe vanhu vakashinga vezvitendero zvakasiyana-siyana vakatambura pamusana pezvavaidavira. Asi Zvapupu zvaJehovha zvakatambura seboka rakabatana rechitendero. Vazhinji vavo vakatsigira zvakasimba nhungamiro yeMagwaro inokosha inoti: “Teerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29; Mako 12:17.

Musimboti Wechinetso

Saka neimwe nzira ichokwadi kuti chitendero ndicho musimboti wezvinetso zvose zvevanhu. Chitendero chenhema ndicho musimboti wezvinetso zvose zvevanhu. Asi, Mwari achabvisa zvitendero zvose zvenhema munguva pfupi kubva zvino. (Zvakazarurwa 17:16, 17; 18:21) Murayiro wake kuna ani naani anoda kururamisira nokururama ndouyu: “Budai mariri, vanhu vangu, kana musingadi kugoverana naro muzvivi zvaro, uye kana musingadi kuwana mamwe ematambudziko aro. Nokuti zvivi zvaro zvatutirana kusvika kudenga, uye Mwari arangarira mabasa aro okusaruramisira.” (Zvakazarurwa 18:4, 5) Hungu, Mwari pachake anogumburwa zvikuru nechitendero ‘chinokurudzira hondo, chinotindivadza hana dzevanhu, chinoita kuti vanhu vasaone zvinhu sezvazviri, uye chinoita kuti vanhu vangoomerera pachinhu chimwe, vadavire mashura, uye vazare noruvengo nokutya’!

Panguva ino, Mwari ari kuunganidza vaya vanomuda achivaisa muchitendero chakachena. Icho chitendero chinoomerera panhungamiro nedzidziso dzoMusiki ane tsitsi, rudo, uye anoruramisira. (Mika 4:1, 2; Zefania 3:8, 9; Mateu 13:30) Unogonawo kuvamo. Kana uchida mashoko akawanda emaziviro aungaita chitendero chakachena, inzwa wakasununguka kunyorera vabudisi vemagazini ino, kana kukumbira chero mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti akubatsire.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vanhu vakasiyana-siyana vakawana mufaro muchitendero chakachena