Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Irwa Kurwa Kwakanaka Kwazvo Kwokutenda”

“Irwa Kurwa Kwakanaka Kwazvo Kwokutenda”

“Irwa Kurwa Kwakanaka Kwazvo Kwokutenda”

PANE here murwi upi noupi waungafungidzira munguva yehondo asingafari kuudzwa kuti:“Unofanira kudzokera kumusha wombova nomudzimai wako nemhuri”?

Mumwe murwi munguva yaMambo Dhavhidhi weIsraeri akarayirwa izvozvo. Uria muHiti akarayirwa namambo pachake uye akakurudzirwa kudzokera kumusha. Asi Uria akaramba kuenda kumba kwake. Paakabvunzwa nezvemaitiro ake akanga asingatarisirwi, Uria akapindura kuti areka yesungano, inomiririra kuvapo kwaMwari, uye uto revaIsraeri rakanga riri musango richirwa. Akabvunza kuti, “Zvino ini ndingapinda seiko mumba mangu ndidye ndinwe, ndivate nomukadzi wangu?” Kuna Uria izvi zvakanga zvisina kururama panguva iyoyo yakaoma.—2 Samueri 11:8-11.

Zvakaitwa naUria zvinomutsa mibvunzo inokosha, nokuti isuwo tiri kurarama munguva yehondo. Pane hondo iri kutotsviriridza isina kumbofanana nehondo ipi neipi yakamborwiwa nevanhu venyika. Ihombe kudarika hondo mbiri dzenyika yose kana ichienzaniswa nadzo, uye unobatanidzwa muhondo iyi. Mikana yenjodzi yakakura, muvengi wacho anotyisa. Muhondo iyi, hamuna pfuti dzinoridzwa, hamuna mabhomba anodonhedzwa, asi kurwa kwacho kunoda unyanzvi.

Usati wava murwi, unofanira kuziva kana zvakarurama uye kuziva chinangwa chokurwa kwacho. Uri kurwira zviripo here? Chinangwa chokurwa uku kwakasiyana nokumwe, chinojekeswa nomuapostora Pauro mutsamba yake kuna Timoti paanoti: “Irwa kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda.” Chokwadi, muhondo iyi unofanira kudzivirira, kwete nyika, asi “kutenda”—chokwadi chose chomuKristu sokuratidzwa kwachinoitwa muBhaibheri. Zviri pachena kuti unofanira kudavira zvakakwana “kutenda” kuti ukurwire wokunda.—1 Timoti 6:12.

Murwi akachenjera anoedza kuziva muvengi wake. Muhondo iyi muvengi wacho ane makore akawanda achirwa, ane zvinhu nezvombo zvakawanda zvokushandisa. Anewo simba rinopfuura revanhu. Satani anotyisa, ane chisimba, uye anonyengera. (1 Petro 5:8) Zvombo uye kunyengera kwevanhu hazvishandi pakurwisa muvengi uyu. (2 VaKorinde 10:4) Chii chaungashandisa muhondo iyi?

Chombo chikuru i“bakatwa romudzimu, iro, shoko raMwari.” (VaEfeso 6:17) Muapostora Pauro anoratidza kushanda kwarinoita achiti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa ripi neripi rinocheka nekwose uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu, nemapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro dzemwoyo.” (VaHebheru 4:12) Chombo chakapinza, chinocheka kwazvo, zvokuti rinogona kubaya pfungwa dzomukatikati nevavariro zvomunhu, chokwadi rinofanira kushandiswa nounyanzvi nokungwarira.

Pamwe unoziva uto ringave rine zvombo zvemberi, asi zvombo izvozvo hazvibatsiri kana varwi vacho vasina unyanzvi hwokuzvishandisa. Zvimwe iwewo unoda mirayiridzo yokushandisa bakatwa rako zvakanaka. Zvinofadza kuti pane varwi vagara kwazvo nebasa varipo kuti vakubatsire. Jesu akadana varwi ava vanodzidzisa vamwe kuti “muranda akatendeka, akangwara” vakapiwa basa rokupa zvokudya zvokumudzimu, kana kuti mirayiridzo, nokuda kwevateveri vake. (Mateu 24:45) Unogona kuziva boka iri romuranda nokuongorora kudzidzisa kwaro nokushingairira uye nokunyevera kwaro panguva nezvemazano omuvengi. Uchapupu hunoratidza kuti iboka renhengo dzevakazodzwa nomudzimu veungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha.—Zvakazarurwa 14:1.

Boka iri romuranda rakaita zvakawanda pane kungorayiridza chete. Rakaratidza mafungiro omuapostora Pauro, uyo akanyorera ungano yeTesaronika kuti: “Takava vanyoro pakati penyu, sezvinoita amai vanoyamwisa kana vachitarisira vana vavo. Nokudaro, zvataiva norudo rukuru kwazvo nemi, takafara zvikuru kukupai, kwete mashoko akanaka aMwari bedzi, asi mweya yeduwo, nokuti makadiwa nesu.” (1 VaTesaronika 2:7, 8) Zviri kumurwi wechiKristu mumwe nomumwe kushandisa kurovedzwa kworudo kuripo.

Nhumbi Dzose Dzokuzvidzivirira Nadzo

Nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzokufananidzira dziripo kuti uzvidzivirire. Unogona kuwana mazita enhumbi idzi dzokuzvidzivirira nadzo pana VaEfeso 6:13-18. Murwi akangwarira haazopindi muhondo yacho kana asina imwe nhumbi yokumudzimu kana kuti ichida kugadziriswa.

MuKristu anoda nhumbi dzake dzose dzokuzvidzivirira nadzo, asi nhoo huru yokutenda ndiyo inonyanya kukosha. Ndokusaka Pauro akanyora kuti: “Kupfuura zvinhu zvose, torai nhoo huru yokutenda, yamuchakwanisa kudzima nayo zvombo zvinokandwa zvinopisa zvowakaipa.”—VaEfeso 6:16.

Nhoo huru, iyo yaigona kuvharidzira muviri wose, inomiririra kutenda. Unofanira kuva nokutenda kwakasimba pakutungamirira kwaJehovha, uchibvuma pasina mubvunzo zvose zvaanopikira kuti zvichaitika zvechokwadi. Unofanira kunzwa sokunge zvipikirwa izvi zvakatozadzika. Usamborega kuva nechokwadi chokuti nyika yose yaSatani ichaparadzwa nokukurumidza, kuti pasi richachinjwa kuva paradhiso, uye vanhu vakavimbika kuna Mwari vachava vakakwanazve.—Isaya 33:24; 35:1, 2; Zvakazarurwa 19:17-21.

Zvisinei, muhondo iri kurwiwa iye zvino yakasiyana nedzimwe dzose, unoda chimwe chinhu—shamwari. Munguva yehondo, ushamwari hwepedyo hunoumbwa sezvo varwi vanenge vari kudivi rimwe chete vanokurudzirana nokudzivirirana, dzimwe nguva vachitoponesa upenyu hwomumwe parufu. Kunyange zvazvo shamwari dzichikosheswa, kupona muhondo iyi, hapana munhu upi noupi waungaita ushamwari naye kunze kwaJehovha oga. Ndosaka Pauro akagumisa mazita enhumbi dzokuzvidzivirira nadzo nemashoko anoti: “Muchiramba muchinyengetera mumudzimu nguva dzose nokunyengetera kworudzi rwose nokuteterera.”—VaEfeso 6:18.

Tinoda kuva neshamwari yedu yepamwoyo. Tinoda kupedza nguva nayo. Nokutaura naJehovha nguva dzose mumunyengetero, anova chaiyeiye kwatiri, shamwari yatinovimba. Mudzidzi Jakobho anotikurudzira achiti: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8.

Nzira Dzinoshandiswa Nomuvengi

Kurwisana nenyika ino dzimwe nguva kungafanana nokufamba mumunda wakachererwa zvimbambaira. Tinogona kurwiswa chero nokumativi ose, uye muvengi anoedza kutibata tisingambofungiri. Zvisinei, iva nechivimbo chokuti Jehovha akakupa zvose zvaunoda kuti uzvidzivirire.—1 VaKorinde 10:13.

Muvengi angada kuparadza nokurwisa chokwadi cheBhaibheri icho chinokosha pakutenda kwako. Vakaramba kutenda vangashandisa mashoko okunatsa mukanwa, kubata kumeso, uye mafungiro akamonyana kuedza kukukunda. Vakaramba kutenda havakufariri. Zvirevo 11:9 inoti: “Wakashata unoparadza wokwake nomuromo wake; asi wakarurama ucharwirwa nezivo.”

Kwaizova kukanganisa kufunga kuti unofanira kuteerera vakaramba kutenda kana kuverenga zvavanonyora kuti urambe dzidziso dzavo. Mafungiro avo akamonyana, mashoko avo ane chepfu zvinogona kukuvadza mumudzimu uye zvinogona kusvibisa kutenda kwako seronda rinoramba richinyenga. (2 Timoti 2:16, 17) Pane kudaro, tevedzera maonero anoita Mwari vakaramba kutenda. Jobho akataura nezvaJehovha kuti: “Munhu usingatendi Mwari haangasviki pamberi pake.”—Jobho 13:16.

Muvengi angaedza imwe nzira yakasiyana yaakaona kuti inoshanda. Kana uto riri kufora richigona kunyengerwa kuti riparadzane kuti riite mufambiro wounzenza, izvi zvinogona kukonzera nyongano.

Zvinovaraidza zvenyika, zvakadai semafirimu ounzenza nemapurogiramu eterevhizheni uye nziyo dzokupengereka, chiteyeso chinoita kuti zvibudirire. Vamwe vanotaura kuti vanogona kuona mifananidzo younzenza kana kuverenga mabhuku ounzenza vasingavhiringidzwi. Asi mumwe munhu aigaroona mafirimu ounzenza akabvuma pachena kuti: “Mifananidzo iyoyo haumboikanganwi, paunonyanya kufunga nezvayo unowana wava kuda kuita zvawakaona . . . Firimu rinoita kuti ufunge kuti uri kurasikirwa nechimwe chinhu.” Zvinobatsira here kukuvadzwa nokurwisa uku kwounyengeri?

Chimwe chombo chinoshandiswa nomuvengi ndechokunyengera nezvinhu zvenyama. Ngozi yacho ingasaoneka nyore nyore nokuti tose tine zvinhu zvatinoda. Tinoda musha, zvokudya, uye zvokupfeka uye hazvina kuipa kuva nezvinhu zvakanaka. Ngozi yacho iri pamaonero anoita munhu zvinhu zvakadaro. Mari ingakosha kwazvo kudarika zvinhu zvokunamata. Tinogona kuva vadi vemari. Zvinokosha kuzviyeuchidza kuziva panoperera kukosha kwepfuma. Inopera, asi upfumi hwokumudzimu hunogara nokusingaperi.—Mateu 6:19, 20.

Kana uto riine chivimbo zvishoma, mikana yokuti rikunde inodzikira. “Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, simba rako ishoma.” (Zvirevo 24:10) Kuora mwoyo ndechimwe chombo chinoshandiswa naSatani zvinobudirira. Kupfeka “sengowani tariro yoruponeso” kuchakubatsira kurwisa kuora mwoyo. (1 VaTesaronika 5:8) Edza kugara uine tariro yakasimba seyaAbrahamu. Paakakumbirwa kupa mwana wake mumwe woga, Isaka, sechibayiro, Abrahamu haana kuzeza. Aidavira kuti Mwari aizozadzika chipikirwa Chake kuti akomborere marudzi ose nembeu yake uye kuti Mwari aigona kumutsa Isaka kubva kuvakafa kana zvakakodzera kuitira kuti azadzike chipikirwa chake.—VaHebheru 11:17-19.

Usakanda Mapfumo Pasi

Vamwe vakarwa noushingi kwenguva refu vangave vari kuneta uye saka havasi kurwisa vakangwarira. Muenzaniso waUriya, wataurwa kwatangira nyaya ino, unogona kubatsira vose vari kurwa kuramba vaine maonero akanaka. Varwi vechiKristu vakawanda vatinonamata navo vanofanira kutsungirira zvinhu zvakaoma, vanotarisana nenjodzi, kana kuti vanotambura nechando uye nzara. Kufanana naUriya, hatifaniri kufunga nezvoupenyu hwomutambarakede hwatingawana iye zvino kana kukundwa nechido chokurarama upenyu huri nyore. Tinoda kurambira muuto raJehovha riri munyika yose revarwi vakavimbika toramba tichirwa kusvikira tagona kuwana zvikomborero zvatakachengeterwa.—VaHebheru 10:32-34.

Zvingava nengozi tikarega kungwarira, pamwe tichifunga kuti kurwisa kwokupedzisira kuchiri kure mberi. Muenzaniso waMambo Dhavhidhi unoratidza ngozi yacho. Nechimwewo chikonzero akanga asiri nemauto ake muhondo. Zvakaguma zvaitika ndezvokuti, Dhavhidhi akaita chivi chakakomba zvokuti chakamurwadza uye chakamutambudza kwoupenyu hwake hwose.—2 Samueri 12:10-14.

Zvinobatsira here kupinda muhondo iyi, kutarisana nezvinhu zvakaoma zvehondo yacho, kutsungirira kusekwa, uye kusiyana nezvinofadza zvinomutsa mubvunzo zvenyika ino? Vaya vari kurwa nokubudirira vanobvuma kuti zvinopiwa nenyika zvingaratidzika sezvinokwezva, sezvinhu zvinopenyerera zvinoiswa pamucheka, asi kuzvitarisa pedyo, zvinooneka kuti hazvinyanyi kukosha. (VaFiripi 3:8) Uyezve, kazhinji mafaro iwayo anoguma nemarwadzo uye kuora mwoyo.

MuKristu ari muhondo iyi yomudzimu anova noushamwari hwepedyo neshamwari dzechokwadi, hana yakachena, uye tariro inofadza. VaKristu vakazodzwa nomudzimu vanotarisira kurarama upenyu hwokusafa kudenga naJesu Kristu. (1 VaKorinde 15:54) Varwi vechiKristu vazhinji vanotarisira upenyu hwakakwana sevanhu muparadhiso yepasi. Zvechokwadi mubayiro wakakodzera kuti tirasikirwe nezvose zvinokosha kuti tiuwane. Uye kusiyana nehondo dzenyika, mugumisiro wedu muhondo iyi ndewokuti tichakunda chero tikaramba takatendeka. (VaHebheru 11:1) Zvisinei, mugumisiro wenyika ino inodzorwa naSatani, kuparadzwa kwakakwana.—2 Petro 3:10.

Sezvaunoramba uchienderera mberi nehondo iyi, yeuka mashoko aJesu okuti: “Shingai! Ini ndakunda nyika.” (Johani 16:33) Akakunda nokuramba akangwarira uye kuvimbika paaiedzwa. Tinogona kuitawo zvimwezvo.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]

Hamuna pfuti dzinoridzwa, hamuna mabhomba anodonhedzwa, asi kurwa kwacho kunoda unyanzvi

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]

Mugumisiro wedu muhondo iyi ndewokuti tichakunda chero tikaramba takatendeka

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ngowani yoruponeso ichatibatsira kukunda kuora mwoyo

Shandisa nhoo huru yokutenda kuti uvharidzire “zvombo zvinokandwa zvinopisa” zvaSatani

[Mufananidzo uri papeji 28]

“Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi”

[Mufananidzo uri papeji 29]

Tinofanira kuva nokutenda mukuzadzika kwezvipikirwa zvaMwari