Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuungana “Pakati Penyika Yose”

Kuungana “Pakati Penyika Yose”

Kuungana “Pakati Penyika Yose”

Wakambonzwa mashoko okuti “Te Pito o Te Henua” here? MuRapa Nui, mutauro unotaurwa muEaster Island, zvinoreva kuti “Pakati Penyika Yose.” Chii chakaita kuti gungano romuno rive rakasiyana zvikuru nemamwe?

IRI KWAYO yoga, inoshamisa, yakasiyana nedzimwe. Aya ndiwo mamwe emashoko anoshandiswa kurondedzera Easter Island, kana kuti Rapa Nui sokudanwa kwainoitwa nevagari vayo. Zvechokwadi inzvimbo iri kwayo yoga iri nechokumucheto kweSouth Pacific Ocean, makiromita anenge 3 790 kubva kuSantiago, Chile. Yakava purovhinzi yeChile musi waSeptember 9, 1888.

Chitsuwa chine makona matatu ichi chemasikweya kiromita 166 chine makomo matatu aimboputika. Kutaura zvazviri, kufanana nezvitsuwa zvePacific zvizhinji, yakazara nemisoro yemakomo makuru ari pasi pemvura. Chitsuwa chacho chose chakatonzi chiyeuchidzo chakangosikwa chakadaro. Hapana mubvunzo kuti chinonyanya kuzivikanwa nokuda kwematombo acho anoshamisa emifananidzo yematombo, inozivikanwa semoai. *

Kunze kwenzvimbo dzinoyevedza nedzinorondedzera zvinhu zvekare, Easter Island ine miti yakasiyana-siyana inoyevedza. Nyika yacho ine michero yakadai semapaini apuro, makotopeya, mapopo, uye miti mipfumbamwe yakasiyana-siyana yemibhanana. Uye gungwa rinopa hove dzakawanda dzakasiyana-siyana nezvimwe zvokudya zvomugungwa.

Mamiriro okunze ari paEaster Island akadzikama, nemvura inogaronaya uye miraraungu, zvinoita kuti vashanyi vawane mhepo yakachena uye vayevedzwe nezvinhu zvavanoona. Pari zvino pane vanhu vanenge 3 800 vanogarapo. Vagari varipo iye zvino ndevezvizvarwa zvevakatanga kugara ipapo, muvhenganiswa wevanhu vokuEurope, Chile, nevamwe. Mazana evashanyi vanobva kuEurope neAsia anoshanyira chitsuwa chacho, zvichiita kuti kushanya kuve chinhu chinokosha muupfumi hwacho.

Mbeu dzoUmambo Dzakatanga Kudyarwa

Bhuku reGore ra1982 reZvapupu zvaJehovha rakati: “Kwenguva yakati rebei taiva nomuparidzi mumwe chete paEaster Island. Akabatsirwa mumudzimu nokunyorerana tsamba neimwe hanzvadzi yaiva mumishinari pabazi riri [muChile]. Kunyange zvazvo akazodzokera kuChile, tine mashoko anoratidza vainge vakazvinyoresa Nharireyomurindi pachitsuwa chacho. Chakatishamisa zvikuru ndechokuti muna April 1980 takatambira runhare rwaibva kure kubva kumunhu anofarira achida kuziva nguva yokuchengeta Chirangaridzo. Gare gare mugore iroro mumwe murume nomukadzi vokuValparaiso vakatamira ikoko, uye vave vachiitisa zvidzidzo zveBhaibheri vanhu vanofarira. Muna April 1981 musangano weChirangaridzo wakaitwa pachitsuwa ichi kokutanga, uine vanhu 13. Tiri kufara zvikuru kuti ‘mashoko akanaka’ ari kupinda munzvimbo iyi iri kwayo yoga!”

Gare gare musi waJanuary 30, 1991, bazi rakatumira mapiyona chaiwo murume nomudzimai, Dario naWinny Fernandez, kuchitsuwa ichi. Hama Fernandez vanoyeuka kuti: “Kufamba nendege kwemaawa mashanu kwakatisvitsa kunyika iri kwayo yoga iyi, kuvanhu vasingazivikanwi.” Misangano nebasa rokuparidza zvakarongwa nokukurumidza nokubatsira kwehama yeko uye kwehanzvadzi yakanga ichangosvika nevana vayo vaviri. Pasinei nedzvinyiriro dzemhuri, kushingaira kwechitendero, uye mamwe mararamiro anowanzoitwa mutsika dzevaPolynesia, vakaona kukomborera kwaJehovha pane zvavaiita. Hama naHanzvadzi Fernandez havasisiri mapiyona chaiwo, asi varipo pachitsuwa chacho, pavari kurera mwanakomana wavo, akaberekerwa ipapo. Nhasi, kune vaparidzi voUmambo 32 vanofara. Pane varipo pane zvizvarwa zveRapa Nui, nevamwewo vakagara pachitsuwa chacho kana kuti vakatamira ikoko kunoshandira kunodiwa vaparidzi voUmambo zvikuru.

Kugadzirira Gungano Redunhu

Nemhaka yedaro refu riri pakati pechitsuwa ichi nenyika, katatu pagore ungano yacho yaigamuchira mavhidhiyo epurogiramu yezuva regungano chairo, gungano redunhu, nekokorodzano yoruwa. Asi pakuguma kwa2000, pfungwa yokuti vave negungano ravo, rokutanga rorudzi urwu ikoko, yakanga yava kutarisiswa neDare reBazi muChile. Pakupedzisira, zvakazosarudzwa kuti gungano redunhu riitwe muna November 2001, uye dzimwe hama nehanzvadzi shomanana dzakakokwa kubva munzvimbo dzakasiyana-siyana dzeChile. Nemhaka yepurogiramu yokufamba kwendege, gungano raizoitwa nomusi weSvondo noMuvhuro.

Nhume dzakakokwa dzinosvika 33 dzakafara zvikuru padzakanzwa nezvokufamba dzichienda kuchitsuwa ichi kuti dzinopindawo gungano redunhu rokutanga raizoitwa munzvimbo iyoyo iri kwayo yoga. Pashure pokufamba nendege kwenguva refu nepamusoro pePacific Ocean, nhume dzakazorodzwa nokugamuchirwa nehama dzomunzvimbo iyi dzakanga dzakavamirira panhandare yendege. Nhume dzacho dzakakwaziswa nokupfekedzwa nekiresi dzakaisvonaka dzakanga dzakagadzirwa nemaruva, chipo chinowanzopiwa pachitsuwa chacho. Zvadaro dzakaendeswa kwadzaizogara, uye pashure pokuona zvishomanana chitsuwa chacho, vose vaiva nezvokuita mupurogiramu yegungano racho vakasangana muImba yoUmambo.

Kuziviswa Pachena Nomunhu Akanga Asingatarisirwi

Padzaityaira dzichienda kugungano, dzimwe nhume dzakashamiswa kunzwa mupristi womunzvimbo iyi achitaura muredhiyo nezvokushanya kwadzo. Akataura nezvevashanyi vakanga vabva kuSouth America avo vaizoshanyira misha vachitaura nezvokuuya kwomugumo wenyika. Kunyange zvazvo akakurudzira vanhu vechechi yake kuti vasateerere vashanyi vacho, chiziviso chake chakabatsira kuzivisa pachena kuvapo kweboka guru reZvapupu zvaJehovha pachitsuwa chacho. Izvi zvakaita kuti vanhu vepachitsuwa chacho vatonyanya kutarisira. Mumazuva akatevera, nhume dzacho dzichiita nounyanzvi dzakataura navo mashoko akanaka anokurudzira.

Gungano Rinotanga

Musi weSvondo mangwanani, hama dzeko dzakanga dzakamira paipindwa napo paImba yoUmambo kuti dzichingamidze nhume sezvadzaisvika musi wokutanga wezuva regungano. “Iorana Koe! Iorana Koe!” “Titambire!” Dzimwe hanzvadzi dzakanga dzakapfeka zvipfeko zvemo uye dzakagadzira bvudzi radzo nemaruva akaisvonaka nemagadziriro chaiwo anoita vanhu vokuPolynesia.

Pashure penziyo dzakaisvonaka dzinotangira purogiramu, vanhu vakawanda vakabatanidzwa mukuimba rwiyo runoti “Iva Akatsiga, Asingazununguki!” sezvo rwakanga rusati rwambonzwiwa pachitsuwa chacho. Hama dzeko dzakasvimha misodzi apo sachigaro akadzichingamidza nomutauro wadzo, Rapa Nui. Pakumbozorora masikati, Zvapupu zvitatu zvakaratidza kuzvitsaurira kwazvo kuna Mwari nokubhabhatidzwa mumvura. Purogiramu yezuva rokutanga payakapera, munhu wose akanzwa ava pedyo naJehovha uye nehama dzose.—1 Petro 5:9.

Kupupura Mangwanani

Pamusana pemamwe mamiriro ezvinhu akaitika pachitsuwa chacho, purogiramu yezuva rechipiri yegungano redunhu yakatanga pashure pokudya kwemasikati. Naizvozvo, nhume dzakashandisa zvakanaka mamiriro ezvinhu emangwanani acho kuita ushumiri hwomumunda. Zvii zvakanga zvakavamirira?

Mumwe mukadzi akanga ati kurei aiva nevanakomana nevanasikana vasere akaudza Zvapupu kuti akanga asingatauri nazvo nokuti aiva muKaturike. Pavakamuudza kuti vaida kutaura nezvezvinetso zviri kusangana nevanhu vose, zvakadai sokushandisa zvinodhaka zvisina kufanira uye zvinetso zvemhuri, akabvuma kuteerera.

Mumwe mukadzi akanga ati kurei womunzvimbo imomo haana kugamuchira zvakanaka zvimwe Zvapupu zviviri. Mukadzi wacho akazviudza kuti zviende hazvo uye zvitaure nevamwe vanhu vaiva pachitsuwa chacho vaiitira vamwe utsinye kwazvo. Zvapupu zvacho zvakamuudza kuti “mashoko akanaka oumambo” ari kupiwa munhu wose uye kuti chinangwa chazvo chokuuya pachitsuwa chacho chaiva chokupinda gungano raizobatsira vanhu vose kukura mukuda Mwari. (Mateu 24:14) Zvakamubvunza kana aizoda upenyu hurefu mumamiriro ezvinhu eparadhiso, akafanana neepachitsuwa chacho asi pasina kurwara norufu. Pashure pokunge zvamubatsira kufunga nokutaura nezvemakomo anoputika epachitsuwa chacho kuti akanga agara kwenguva yakareba zvakadini, akafungisisa nezvokupfupika kwoupenyu ndokubvunza kuti: “Nei tichirarama kwenguva pfupi yakadaro?” Akashamiswa paakaverenga Pisarema 90:10.

Pashure pacho, nenguva isipi Zvapupu zvakanzwa kudaidzira pamusha wakavakidzana. Kunyange zvazvo vasina kunzwisisa kupopota kwacho, mukadzi wacho akavaudza kuti vavakidzani vakanga vachipopota uye vachiratidza pachena kuti vakanga vasingadi kushanyirwa neZvapupu. Zvisinei, mukadzi wacho akanga ari nua, kana kuti mwanasikana mukuru womumhuri. Sezvo baba vake vakanga vafa, rakanga riri basa rake kusarudza zvakanga zvakanakira mhuri. Ari pamberi pehama dzake, akadzivirira Zvapupu zvacho achitaura nomutauro weko uye nomutsa akagamuchira mabhuku aakapiwa. Gare gare vhiki iyoyo, pavakanga vachityaira vachipfuura Zvapupu, akaudza hanzvadzi yake kuti imise motokari. Pasinei nokusafarira kwehanzvadzi yake kwaitonyatsooneka, akaonekana neZvapupu zvacho uye akati aizofarira kuti vabudirire muushumiri hwavo.

Kunyange zvazvo vanhu vepachitsuwa chacho pakutanga vairatidzika sevairamba mashoko aiparidzwa neZvapupu zvokuSouth America, zvakava pachena kuvashanyi kuti vanhu vanotaura chiRapa Nui vangori nomutsa noushamwari. Vakawanda vavo vakateerera nomufaro mashoko akanaka. Kutaura zvazviri, paZvapupu 20 zvakabhabhatidzwa pachitsuwa ichi, 6 vagari vepachitsuwa chacho. Mumwe wacho akatanga kudzidza chokwadi cheBhaibheri nokungoteerera ari mukamuri yaiva pedyo apo mudzimai wake akanga achidzidziswa Bhaibheri. Iye nomudzimai wake zvino vava Zvapupu zvakabhabhatidzwa, uye iye mushumiri anoshumira muungano.

Purogiramu Yokunamata Inoenderera Mberi

Pashure pokudya kwemasikati, purogiramu yezuva rechipiri yakatanga. Zvakare, hama nehanzvadzi dzepo 32 uye nhume 33 dzakaungana pamwe chete nevanhu vanofarira vanoverengeka. Vanhu vanoda kusvika zana vakateerera purogiramu yacho, kusanganisira hurukuro yavose yaiti “Kukunda Nyika Kunoita Rudo Nokutenda.” Kutaura chokwadi, avo vakanga varipo vakazvionera voga rudo ruri pakati pevanhu vaJehovha, kunyange pakati pevemarudzi akasiyana.—Johani 13:35.

Munguva yegungano racho redunhu, mutariri wedunhu uye woruwa vakaita musangano unokosha nemapiyona. Mapiyona enguva dzose matatu epachitsuwa akapinda pamwe chete nemapiyona enguva dzose kana kuti chaiwo akanga auya senhume. Vose vakakurudzirwa zvikuru.

Zuva rakatevera racho, hama dzemo dzinoshanda kuratidza vanhu nzvimbo dzakaratidza nhume chitsuwa chacho. Vakashanyira rimwe dombo rakanga rakavezwa moai, nemakomo anoputika apo paiitirwa makwikwi kare uyewo, jecha rinoyevedza rakatsvukuruka repamhenderekedzo yeAnakena, apo pakaburukira vakatanga kuuya kuzogara pachitsuwa chacho. *

Mukana wokupedzisira wokuva nehama dzemo waiva kuChidzidzo Chebhuku Cheungano. Pashure pomusangano wacho, Zvapupu zvemo zvakashamisa vaenzi vazvo nezvokudya zvemo. Gare gare, vakapfeka zvipfeko zvavo zvemo, vakaratidza matambiro evanhu vemo. Nhume, pamwe chete nehama nehanzvadzi dzechiRapa Nui, vakanga vane chokwadi chokuti kuedza kwose kugadzirira gungano kwaiva kutamburira zviripo.

Vose vakanga vauya senhume vakanzwa vakabatana zvakasimba nehama nehanzvadzi dzavo, idzo vakanga vapedza svondo rinofadza zvikuru vari pamwe chete nadzo. Kubva pachitsuwa chacho kwakanga kwakaoma zvikuru. Vacharamba vachikoshesa zvikuru shamwari itsva dzavakawana pamwe chete nokukurudzirwa mumudzimu kwavakawana. Panhandare yendege, hama dzemo dzakashongedza mitsipa yenhume nenekiresi dzehozhwa dzomugungwa dzavakanga vagadzira.

Nhume dzacho sezvadzakaenda, dzakavimbisa kuti: “Iorana! Iau he hoki mai e Rapa Nui ee,” izvo zvinoreva kuti: “Chisara zvakanaka! Ndichadzoka kwauri, Rapa Nui.” Hungu, vanoshuva kudzokera kunoshanyira shamwari dzavo itsva dzavakawana uye vamwe vemhuri yavo yomudzimu vari paEaster Island iri kwayo yoga, inoshamisa, uye ine ushamwari!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Ona Mukai! yeChirungu yaJune 22, 2000, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 27 Pamusoro pemakomo anoputika eRano Raraku, pane zvakawanda zvakavezwa nokunyorwa pamatombo. PaRano Kau ndipo paitangira makwikwi eavo vaida kutonga chitsuwa chacho. Aisanganisira kudzika nemawere, kushambira kuenda kune chimwe chezvitsuwa zviduku, kutora zai reimwe shiri yemo, kushambirazve kudzokera kuchitsuwa chikuru, uye kukwira mawere aya asingapunzi zai racho.

[Bhokisi riri papeji 24]

Kupupurira paEaster Island

Anenge makore maviri gungano risingakanganwiki iri risati raitika, mutariri wedunhu nomudzimai wake vakashanyira chitsuwa chacho vakanakidzwa nezvakaitika zvizhinji zvaifadza. Somuenzaniso, fungidzira kuti vakashamisika sei apo imwe hanzvadzi yakavatora kuenda navo kwavaizogara yakavayeuchidza kuti vakanga vadzidza nayo Bhaibheri nechokumaodzanyemba kweChile payakanga ichine makore 16. Gare gare mbeu iyoyo yakaita zvibereko paRapa Nui.

Zvimwewo zvakaitika zvakavanakidza ndezvokuti: Mumwe muridzi wechimwe chitoro chinotengesa zvishongo akagamuchira New World Translation of the Holy Scriptures nebhuku rokubatsira kudzidza Bhaibheri rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Pavakadzokera kunomuona, akavaudza kuti akanga asingagoni kuverenga Bhaibheri iroro. Vakanga vamusiira Bhaibheri rechiFrench, kwete rechiSpanish! Chinetso chacho chakagadziriswa nokukurumidza, uye achibatsirwa neZvapupu zvemo, uyewo neBhaibheri mumutauro wake akazoona kuti Bhaibheri rakanga risina kumbooma kunzwisisa.

[Mepu iri papeji 22]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

EASTER ISLAND

CHILE

[Mifananidzo iri papeji 23]

Vamwe vaviri vakabhabhatidzwa pagungano redunhu racho

[Mifananidzo iri papeji 25]

Mawere egomo rinoputika reRano Raraku; mufananidzo uri mukati: Muchero womusango unonzi “guayaba” unowanikwa pachitsuwa chacho