Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mafashamo apera, Noa akatuma njiva yaiva muareka iyo yakazodzoka ne“shizha romuorivhi.” Njiva iyi yakawana kupi shizha racho?

Bhaibheri rinotiudza kuti “mvura ikakwirira kwazvo kwazvo panyika, makomo marefu ose pasi pedenga rose akafukidzwa.” (Genesi 7:19) Mvura yemafashamo payakaserera, Noa akatuma njiva katatu—ichidzokerazve pashure pevhiki yoga yoga. Nguva yechipiri, njiva yacho yakadzoka “mumuromo mayo makanga mune rushizha rwomuorivhi rwakatanhwa; naizvozvo Noa wakaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika.”—Genesi 8:8-11.

Zvechokwadi, pari zvino hapana nzira yokuziva nayo kuti chimwe chikamu chenyika chakagara nguva yakareba sei chiri mumvura, nokuti mamiriro enyika pasina mubvunzo akachinjwa neBoporodzi. Kunyange zvakadaro, mvura ingangove yakafukidza nzvimbo dzakawanda kwenguva yakati rebei zvokuuraya miti yakawanda. Asi, zviri pachena kuti mimwe haina kufa, zvokuti yakagona kutungirazve mashizha matsva pakaserera mvura.

Nezvomuti womuorivhi, The New Bible Dictionary rinoti: “Kana ukatemwa, mabukira anomerazve kubva pamudzi, zvokuti panogona kubuda miti yakawanda inosvika mishanu. Miorivhi inenge yava kuda kufa inowanzotunga nenzira iyi.” Zvinoita “sokuti haufi,” inodaro The New Schaff-Herzog Encyclopedia of Religious Knowledge. Nhasi hakuna munhu anonyatsoziva kuti mvura yemafashamo yaiva netembiricha yakadini uye kuti yaiva nomunyu wakawanda zvakadini. Saka hatigoni kuva nechokwadi chokuti mvura yacho yaizoitei pamiti yomuorivhi nemimwe miti.

Zvisinei, muorivhi womusango haugoni kurarama munzvimbo inotonhora, sezvinoita nzvimbo dzine makomo akakwirira. Unowanzokura munzvimbo dzisina kukwirira kusvika mamita 1 000 kubva pagungwa, umo tembiricha inopfuura madhigirii 10. Bhuku rinonzi The Flood Reconsidered rinoti, “Saka Noa aigona kuona neshizha rakanga ratanhwa kuti mipata yemakomo yakanga isisina mvura.” Noa paakatumazve njiva yacho vhiki imwe gare gare, haina kudzoka, zvichiratidza kuti pakanga pava nemiti yakawanda uye nzvimbo dzokuti njiva yacho imhare.—Genesi 8:12.