Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngwarira Kunyengerwa

Ngwarira Kunyengerwa

Ngwarira Kunyengerwa

“Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi . . . nounyengeri husina maturo.”—VAKOROSE 2:8.

1-3. (a) Mienzaniso ipi inoratidza kuti kunyengera kwazara muzvinhu zvinenge zvose zvoupenyu hwezuva nezuva? (b) Nei tisingafaniri kushamiswa nokunyengera kuri munyika?

“VANGANI venyu vasati vambonyeperwa nomunhu wavaibatsira pamhosva yake?” Makore mazhinji akapfuura, rimwe gweta rakabvunza mubvunzo uyu kune vamwe vakawanda. Vakati kudii? Anotsanangura kuti: “Pazviuru zvemagweta, mumwe bedzi ndiye asina kumbonyeperwa nomunhu waaibatsira pamhosva yake.” Nemhaka yei? “Gweta racho rakanga richangobva kutanga basa pane imwe kambani huru uye rakanga risati rambobatsira munhu aiva nemhosva.” Izvi zvinoratidza chokwadi chinosuruvarisa—kureva nhema nokunyengera zvakazara munyika yanhasi.

2 Kune nzira dzakawanda dzokunyengera uye kwazara munenge muzvinhu zvose zvoupenyu hwemazuva ano. Mishumo yenhau yakazara nemienzaniso—vezvematongerwe enyika vachinyepa pamusoro pezvavanoita, magweta nevanotarisira akaunzi vachiwedzerera mubereko wemakambani, vashambadzi vachinyengera vatengi, vamwe vachibiridzira makambani einishuwarenzi, kungotaura vashomanana. Panewo kunyengera kwechitendero. Vafundisi vanotsausa vanhu vazhinji nokudzidzisa dzidziso dzenhema, seyokuti mweya haufi, moto wehero, uye Utatu.—2 Timoti 4:3, 4.

3 Tinofanira kushamiswa nokunyengera kwose uku here? Kwete. Maererano ne“mazuva okupedzisira,” Bhaibheri rakanyevera kuti: “Vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa nokutsauswa.” (2 Timoti 3:1, 13) SevaKristu, tinofanira kuva vakamuka papfungwa dzinotsausa dzinogona kutitsausa pachokwadi. Mibvunzo miviri inongovapo ndeyokuti: Nei kunyengera kwakapararira nhasi, uye tingangwarira sei kuti tisanyengerwa?

Nei Kune Kunyengera Kwakawanda Kwazvo Nhasi?

4. Bhaibheri rinotsanangura sei kuti nei kunyengera kwakazara munyika?

4 Bhaibheri rinotsanangura zvakajeka kuti nei kune kunyengera kwakawanda munyika ino. Muapostora Johani akanyora kuti “nyika yose iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) “Wakaipa” iyeye ndiSatani Dhiyabhorosi. Nezvake, Jesu akati: “Haana kumira zvakasimba muchokwadi, nokuti chokwadi hachisi maari. Paanotaura nhema, anotaura maererano nemafungiro ake, nokuti murevi wenhema nababa venhema.” Saka zvinoshamisa here kuti nyika ino inoratidza mudzimu wacho, tsika, uye unhu hwokunyengera hwomutongi wayo?—Johani 8:44; 14:30; VaEfeso 2:1-3.

5. Satani akawedzera sei mazano ake ounyengeri munguva ino yomugumo, uye ndivanaani vaanonyanya kuvavarira?

5 Munguva ino yomugumo, Satani akawedzera kushanda kwake. Akakandirwa pasi pano. Anoziva kuti nguva yake ipfupi, uye “akatsamwa kwazvo.” Atsunga kuparadza vakawanda sezvinobvira, ari “kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9, 12) Satani haasi munyengeri anongonyengera nenguva dziri kure. Asi, haaregi mukunyengera kwake vanhu. * Anoshandisa nzira dzose dzokunyengera dzaanadzo—kusanganisira kuchera—kupofumadza pfungwa dzevasingatendi uye kuti vasaswedera pedyo naMwari. (2 VaKorinde 4:4) Tenzi wokunyengera uyu akatsunga zvikuru kuparadza vaya vari kunamata Mwari “nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:24; 1 Petro 5:8) Usambokanganwa kuti Satani, chaizvoizvo, akataura kuti: ‘Ndinogona kutsausa munhu wose pana Mwari.’ (Jobho 1:9-12) Ngatimbotarisa mamwe e“mazano ounyengeri” aSatani.—VaEfeso 6:11, Jewish New Testament.

Ngwarira Kunyengerwa Nevakaramba Kutenda

6, 7. (a) Vakaramba kutenda vangati chii? (b) Magwaro anoratidza sei zvakajeka zvinodiwa nevakaramba kutenda?

6 Satani akashandisa vakaramba kutenda kuti vanyengere vashumiri vaMwari kubvira kare. (Mateu 13:36-39) Vakaramba kutenda vangati vanonamata Jehovha uye vanodavira Bhaibheri, asi vanoramba sangano rake rinooneka. Vamwe vanotodzokera kudzidziso dzinozvidza Mwari dze“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 17:5; 2 Petro 2:19-22) Vachifuridzirwa naMwari, vanyori veBhaibheri vakashandisa mashoko akasimba kufumura vavariro nenzira dzinoshandiswa nevakaramba kutenda.

7 Vakaramba kutenda vanodei? Vazhinji havagutsikani nokungosiya kutenda uko zvimwe vaimboona sechokwadi. Kazhinji, vanoda kuenda nevamwe. Pane kuenda vonozviitira vateveri vavo, vakaramba kutenda vazhinji vanotsvaka kuti “vatsause vadzidzi [kureva, vadzidzi vaKristu] vavatevere.” (Mabasa 20:29, 30) Pamusoro pevadzidzisi venhema, muapostora Pauro akapa nyevero iyi yokukurumidzira inoti: “Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata.” (VaKorose 2:8) Izvozvo hazvirondedzeri zvinowanzoitwa nevakaramba kutenda vakawanda here? Kufanana nomunhu anoba vanhu, uyo anoba munhu anenge asingambozvifungiri omubvisa mumhuri yake, vakaramba kutenda vanobata semhuka vanhu vari muungano vakatendeka, vachida kuvabvisa muboka.

8. Vakaramba kutenda vanoshandisa nzira dzipi kuti vabudirire pavavariro yavo?

8 Vakaramba kutenda vanoshandisa nzira dzipi kuti vabudirire pavavariro yavo? Vanowanzomonyanisa mashoko, kuvhenganisa chokwadi nenhema, uye nhema chaidzo. Jesu aiziva kuti vateveri vake vaizovhiringwa nevamwewo vaizova“revera nhema dzemarudzi ose.” (Mateu 5:11, Today’s English Version) Vashori vane ruvengo zvakadaro vaizotaura zvisiri izvo nechinangwa chokunyengera vamwe. Muapostora Petro akanyevera pamusoro pevakaramba kutenda vaizoshandisa “mashoko enhema,” nokuparadzira “dzidziso . . . dzinonyengera,” uye ‘kumonyanisa Magwaro’ kuti vaite zvavanoda. (2 Petro 2:3, 13; 3:16) Zvinosuruvarisa kuti, vakaramba kutenda vanobudirira “kuparadza kutenda kwevamwe.”—2 Timoti 2:18.

9, 10. (a) Tingangwarira sei kuti tisanyengerwa nevakaramba kutenda? (b) Nei tisingafaniri kunetseka kana kunzwisisa kwedu chinangwa chaMwari kuchida kugadziridzwa?

9 Tingangwarira sei kuti tisanyengerwa nevakaramba kutenda? Nokuteerera zano rinobva muShoko raMwari, rinoti: “Mungwarire vanoparira kupesana nezvinhu zvinogumbura zvakasiyana nedzidziso dzamakadzidza, [“muvanzvenge,” Union Shona].” (VaRoma 16:17) Tinova‘nzvenga’ nokuramba dzidziso dzavo—vangava vachitaura ivo, dzakadhindwa papepa, kana kuti dziri paIndaneti. Nei tichidaro? Chokutanga, nokuti Shoko raMwari rinotirayira kuti tidaro, uye tinovimba kuti Jehovha nguva dzose ane hanya nezvakatinakira.—Isaya 48:17, 18.

10 Chechipiri, tinoda sangano rakatidzidzisa chokwadi chinokosha icho chinotiparadzanisa zvakajeka neBhabhironi Guru. Panguva imwe chete, tinoziva kuti zivo yedu yechinangwa chaMwari haina kukwana; kunzwisisa kwedu kwakagadziridzwa nokufamba kwemakore. VaKristu vakavimbika vanogutsikana nokumirira Jehovha nokuda kwokugadziridza kwose kwakadaro. (Zvirevo 4:18) Panguva ino, hatisi kuzosiya sangano iro Mwari achiri kuda kushandisa, nokuti tinoona uchapupu hwakajeka hwokurikomborera kwake.—Mabasa 6:7; 1 VaKorinde 3:6.

Ngwarira Kuzvinyengera

11. Nei vanhu vasina kukwana vane muitiro wokuzvinyengera?

11 Vanhu vasina kukwana vane muitiro uyo Satani asingatani kushandisa—kuzvinyengera. “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose,” inodaro Jeremia 17:9. Uye Jakobho akanyora kuti: “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake.” (Jakobho 1:14) Kana mwoyo wedu ukanyengerwa, unogona kuzoguma wava kutinyemudza chivi pamberi pedu, uchiita kuti chiratidzike sechakanaka uye chisina ngozi. Maonero akadaro ndeounyengeri, nokuti kana munhu akazviregeredza achiita chivi zvinoguma nokuparadzwa.—VaRoma 8:6.

12. Munzira dzipi matingapinzwa mumusungo wokuzvinyengera?

12 Kuzvinyengera kunogona kutiisa mumusungo nyore nyore. Mwoyo unonyengera unogona kurerutsa chimwe chinhu chisina kunaka paunhu hwedu kana kuti kupembedza chivi chakakomba. (1 Samueri 15:13-15, 20, 21) Mwoyo wedu wakaora ungatsvaka nzira dzokupembedza mufambiro usina kunaka. Ngatitore somuenzaniso nhau yezvinovaraidza. Zvimwe zvinovaraidza zvakanaka uye zvinonakidza. Zvisinei, zvizhinji zvinobudiswa nenyika ino—mumafirimu nemapurogiramu eterevhizheni nepaIndaneti—zvinonyadzisa uye ndezvounzenza. Zviri nyore kuzviudza kuti tinogona kuona zvinovaraidza zvisina kuchena tisingakuvadzwi. Vamwe vanototaura kuti, “Hazvinetsi hana yangu, saka chii chinonetsa?” Asi vanhu vakadaro vari ‘kuzvinyengera nokufunga kwenhema.’—Jakobho 1:22

13, 14. (a) Muenzaniso upi uri muMagwaro unoratidza kuti hana yedu haisi mutungamiriri akanaka nguva dzose? (b) Tingangwarira sei kuzvinyengera?

13 Tingangwarira sei kusazvinyengera? Chokutanga, tinofanira kuyeuka kuti hana yomunhu haigoni kuvimbwa nayo nguva dzose. Funga nezvomuapostora Pauro. Asati ava muKristu, akatambudza vateveri vaKristu. (Mabasa 9:1, 2) Hana yake ingave isina kumunetsa panguva iyoyo. Zvisinei, sezviri pachena yakanga yakatsauswa. Pauro akati: “Ndakanga ndisingazivi uye ndaiita nokusava nokutenda.” (1 Timoti 1:13) Saka kungoti zvimwe zvinhu zvinovaraidza hazvisi kunetsa hana yedu hachisi chiratidzo chokuti tiri kuita zvakarurama. Hana yakanaka yakanyatsodzidziswa bedzi neShoko raMwari ndiyo inogona kuva mutungamiriri akanaka.

14 Kana tichizonzvenga kuzvinyengera, pane mazano anobatsira zvikuru atinofanira kugara tichiyeuka. Zviongorore nokunyengetera. (Pisarema 26:2; 2 VaKorinde 13:5) Kuzviongorora nokutendeseka kunogona kukuita kuti uone panoda kugadziriswa mumaonero ako nemaitiro. Teerera vamwe. (Jakobho 1:19) Sezvo kuzviongorora kuchienderana nemaonero edu, kuchenjera kuteerera mashoko emaonero evamwe vaKristu vakakura mumudzimu. Kana ukaona wava kuita zvisarudzo kana kuti uchiita zvinhu zvisina kunaka pamaonero evamwe vatendi vane ruzivo, ungazvibvunza kuti, ‘Kungava here kuti hana yangu haina kunyatsodzidziswa kana kuti ndiri kunyengerwa nomwoyo wangu?’ Gara uchidzidza Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri. (Pisarema 1:2) Kuita izvozvo kuchakubatsira kuchengeta pfungwa dzako, uye manzwiro ako zvichiwirirana nemitemo yaMwari.

Ngwarira Nhema dzaSatani

15, 16. (a) Paanenge achiedza kutinyengera, Satani anoshandisa nhema dzipi? (b) Tingaita sei kuti tisanyengerwa nenhema dzakadaro?

15 Satani anoshandisa nhema dzakasiyana-siyana achiedza kutinyengera. Anoedza kuti tibvume kuti kuva nezvinhu kunounza mufaro uye kugutsikana, asi kazhinji zvakapesana ndizvo zvinoitika. (Muparidzi 5:10-12) Angada kuti tidavire kuti nyika ino yakaipa icharamba iripo nokusingaperi, kunyange zvazvo paine uchapupu hwakajeka hwokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1-5) Satani anosimudzira pfungwa yokuti hazvikuvadzi kuronda upenyu hwounzenza, kunyange zvazvo vanotsvaka mafaro vachiwanzokohwa migumisiro yakaipisisa. (VaGaratiya 6:7) Tingaita sei kuti tisanyengerwa nenhema dzakadaro?

16 Batsirwa nemienzaniso yomuBhaibheri. Bhaibheri rine mienzaniso inonyevera yevanhu vakanyengerwa nenhema dzaSatani. Vakada zvinhu zvenyama, havana kukoshesa nguva yavairarama mairi, kana kuti vakabvuma kuita unzenza—zvisingagumi nezvakanaka. (Mateu 19:16-22; 24:36-42; Ruka 16:14; 1 VaKorinde 10:8-11) Dzidza kumienzaniso yemazuva ano. Zvinosuruvarisa kutaura kuti, vamwe vaKristu vanombopota vachikanganwa kurarama nepfungwa yokukurumidzira uye vanosvika pakufunga kuti nokushumira Mwari vari kurasikirwa nechimwe chinhu chakanaka. Vangasiya chokwadi vachitevera hunonzi upenyu hwemafaro. Zvisinei, vanhu vakadaro vari“panotedza,” nokuti nhasi kana mangwana mufambiro wavo usiri waMwari uchavasandukira. (Pisarema 73:18, 19) Tinenge takachenjera kana tikadzidza kuzvikanganiso zvevamwe.—Zvirevo 22:3.

17. Nei Satani achisimudzira nhema dzokuti Jehovha haatidi uye haatikoshesi?

17 Pane dzimwe nhema idzo Satani akashandisa zvinobudirira—nhema dzokuti Jehovha haambotidi kana kutikoshesa. Satani ave nezviuru zvemakore achidzidza vanhu vasina kukwana. Anonyatsoziva kuti kuora mwoyo kunogona kutinetesa. (Zvirevo 24:10) Saka, anosimudzira nhema dzokuti hatikoshi mumaziso aMwari. Kana tika“punzirwa pasi” uye tikafunga kuti Jehovha haana hanya nesu, tinganzwa tichida kurega. (2 VaKorinde 4:9) Ndizvo chaizvo zvinoda Munyengeri mukuru! Saka, tingangwarira sei kuti tisanyengerwa nenhema dzaSatani?

18. Bhaibheri rinotivimbisa sei kuti Jehovha anotida?

18 Fungisisa pachako zvinotaura Bhaibheri nezvorudo rwaMwari kwatiri. Shoko raMwari rinoshandisa mienzaniso yakajeka kutivimbisa kuti Jehovha anotiona uye anotida somunhu mumwe nomumwe. Anoisa misodzi yako “mumudziyo” wake, kureva kuti anoona uye anoyeuka misodzi yaunobudisa paunenge uchitamburira kuramba wakatendeka. (Pisarema 56:8) Anoziva paunenge une ‘mwoyo wakaputsika’ uye ari pedyo newe panguva dzakadaro. (Pisarema 34:18) Anoziva zvose nezvako, kusanganisira uwandu hwe‘bvudzi romusoro wako chairo.’ (Mateu 10:29-31) Kupfuura zvose, Mwari “akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi” nokuda kwako. (Johani 3:16; VaGaratiya 2:20) Dzimwe nguva, ungazviwana zvakaoma kudavira kuti magwaro akadaro anoshanda kwauri. Zvisinei, tinofanira kudavira zvinotaura Jehovha. Anoda kuti tidavire kuti anotida kwete seboka chete asi somunhu mumwe nomumwe.

19, 20. (a) Nei zvichikosha kuziva uye kuramba nhema dzaSatani dzokuti Jehovha haakudi?(b) Mumwe mutariri anofambira akabatsira sei vakaora mwoyo?

19 Ziva uye ramba nhema. Kana ukaziva kuti mumwe munhu ari kunyepa, unogona kuzvidzivirira kuti usanyengerwa. Naizvozvowo kungoziva kuti Satani anoda kuti udavire nhema dzokuti Jehovha haakudi pachakwo kunogona kukubatsira zvikuru. Averenga imwe nyaya yomuNharireyomurindi yainyevera nezvemazano aSatani, mumwe muKristu akati: “Handina kumboziva kuti Satani anoedza kushandisa manzwiro angu kundiodza mwoyo. Kuziva izvi kunondikurudzira kurwisa manzwiro aya.”

20 Chimbofunga zvinoitwa nomumwe mutariri anofambira mune imwe nyika yokuSouth America. Paanoshanyira hama dzake dzakaora mwoyo achifudza, anowanzodzibvunza kuti, ‘Munodavira Utatu here?’ Munhu akaora mwoyo wacho anowanzopindura kuti, ‘Kwete,’ achiona kuti idzi ndedzimwe nhema dzaSatani. Mukuru anofambira wacho anozobvunza kuti, ‘Unodavira kuti kune moto wehero here?’ Anopindurazve kuti, ‘Kwete!’ Mukuru anofambira wacho anozovaudza kuti pane dzimwezve nhema dzaSatani idzo dzisingawanzoonekwi senhema. Anovaratidza peji 249, ndima 21, iri mubhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha, * rinofumura nhema dzokuti Jehovha haatidi somunhu mumwe nomumwe. Mutariri anofambira wacho anoshuma migumisiro yakanaka inobva mukubatsira vakaora mwoyo kuziva uye kuramba nhema dzaSatani idzi.

Zvidzivirire Kuti Usanyengerwa

21, 22. Nei tisiri murima pamusoro pemazano okunyengera aSatani, uye tinofanira kutsunga kuitei?

21 Mumazuva ano okupedzisira, zvinotarisirwa kuti Satani acharamba achibudisa nhema dzakawanda nokunyengera. Zvinofadza ndezvokuti Jehovha haana kutisiya murima pamusoro pemazano okunyengera aSatani. Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri o“muranda akatendeka, akangwara” anonyatsofumura nzira dzakaipa dzinoshandiswa naDhiyabhorosi. (Mateu 24:45) Akuruma nzeve ndowako.—2 VaKorinde 2:11.

22 Saka, ngatirambei takangwaririra mafungiro evakaramba kutenda. Ngatitsungei kunzvenga musungo wokuzvinyengera usingaoneki. Uye ngatizivei nokuramba nhema dzose dzaSatani. Nokuita saizvozvo, tichachengetedza ukama hwedu naMwari wechokwadi,” uyo anovenga kunyengera.—Pisarema 31:5; Zvirevo 3:32.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Nezveshoko rechiito rakashandurwa kuti “ari kutsausa” pana Zvakazarurwa 12:9, rimwe bhuku rinotaura kuti rino“ratidza chiito chinoramba chichienderera mberi chinenge chava tsika.”

^ ndima 20 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Nei kune kunyengera kwakawanda kudai munyika nhasi?

• Tingangwarira sei kunyengerwa nevakaramba kutenda?

• Tingangwarira sei miitiro ipi neipi yokuzvinyengera?

• Tinganzvenga kunyengerwa nenhema dzaSatani sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Usazvinyengera pamusoro pezvinhu zvinovaraidza

[Mifananidzo iri papeji 18]

Pakungwarira kuzvinyengera, zviongorore nokunyengetera, teerera vamwe, uye gara uchidzidza Shoko raMwari