Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyaradzo Nokuda Kwevanotambura Zvikuru

Nyaradzo Nokuda Kwevanotambura Zvikuru

Nyaradzo Nokuda Kwevanotambura Zvikuru

VARUME nevakadzi vakatendeka vekare pavaitambura zvikuru, vainyengetera nomwoyo wose kuna Mwari kuti avatungamirire. Asi, vaiva nezvavaiitawo kuti vaderedze kutambura kwacho kwakakomba, zvakadai sokushandisa ungwaru kuti vatize vadzvinyiriri. Somuenzaniso, kuvimba naJehovha nezvaaiitawo iye pachake kwakagonesa Dhavhidhi kutsungirira dambudziko rake. Zvakadini nesu nhasi?

Paunotambura zvikuru, zvichida iwe ndiwe unotanga kutora matanho okugadzirisa chinetso chako. Somuenzaniso, kana ukaona wapererwa nebasa, hauedzi kutsvaka rimwe basa rakakodzera richakuraramisa pamwe nemhuri yako here? (1 Timoti 5:8) Kana kuti ukatambura nechimwe chirwere, hautsvaki rubatsiro rwokurapwa rwakafanira here? Zvinofadza kuti Jesu, uyo aiva nesimba raibva kuna Mwari rokuporesa zvirwere zvemarudzi ose, akabvuma kuti ‘vanorwara vanoda chiremba.’ (Mateu 9:12) Zvisinei, hapasi pose pangabviswa matambudziko ako; dzimwe nguva ungafanira kuramba uchiatsungirira.

Unodii kunyengetera kuna Jehovha Mwari pamusoro penhau yacho? Somuenzaniso, kana tichitsvaka basa, kunyengetera nokuvimba naMwari kuchatibatsira kukurira muedzo upi noupi wokubvuma basa rinopesana nenhungamiro dzeBhaibheri. Tichanzvengawo ‘kutsauswa pakutenda’ nokukara kana kuda mari. (1 Timoti 6:10) Zvechokwadi, patinoita zvisarudzo zvinokosha pamusoro pebasa kana mhuri kana utano, tinogona kutevedzera zvakakurudzirwa naDhavhidhi kuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.”—Pisarema 55:22.

Munyengetero womwoyo wose uchatibatsirawo kuramba tiine mafungiro akadzikama kuitira kuti dambudziko racho risazonyanya kutiremera. Muapostora Pauro uyo aiva muKristu wechokwadi, akanyora kuti: “Muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga.” Kunyengetera nomwoyo wose kungatinyaradza sei? “Rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Rugare rwaMwari “runopfuura kufunga kwose.” Naizvozvo, runogona kuita kuti tigadzikane patinenge takaremerwa nokufunganya. Ru‘charinda mwoyo yedu nemasimba edu okufunga,’ nokudaro zvichitibatsira kuti tisaite zvinhu tisingangwariri uye nokusachenjera, izvo zvingaita kuti titonyanya kutambura.

Munyengetero ungatoita kuti zvinhu zviitike neimwe nzira. Muapostora Pauro paakava musungwa muRoma, akakukumbira vamwe vaKristu nokuzvininipisa kuti vamunyengeterere. Nei Pauro akakumbira izvi? Akavanyorera kuti, “Ndinokurayirai zvikurukuru kuita izvi, kuti ndidzorerwe kwamuri nokukurumidza.” (VaHebheru 13:19) Nemamwe mashoko, Pauro aiziva kuti kunzwa kwaJehovha minyengetero yenguva dzose yevamwe vaaitenda navo kwaizoita kuti zvinhu zvifambe neimwe nzira pamusoro penguva yaaizosunungurwa.—Firimoni 22.

Munyengetero uchachinja mugumisiro wokutambura kwedu here? Ungadaro. Asi, tinofanira kuziva kuti Jehovha Mwari angasapindura minyengetero yedu sezvataizoda. Pauro akanyengetera kanoverengeka nezve“munzwa munyama” waaiva nawo, pamwe chirwere chaaiva nacho. Zvisinei pane kubvisa chaimutambudza, Mwari akaudza Pauro kuti: “Mutsa wangu usina kufanirwa unokukwanira; nokuti simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.”—2 VaKorinde 12:7-9.

Nokudaro, kutambura kwedu kungasapera nokukurumidza. Zvisinei, tichava nomukana wokuratidza kuvimba kwedu naBaba vedu vokudenga. (Jakobho 1:2-4) Iva nechivimbo chokuti kunyange Jehovha Mwari akasabvisa dambudziko racho, anogona ku‘tiitira nzira yokubuda nayo kuti tikwanise kuritsungirira.’ (1 VaKorinde 10:13) Zvinokosha kuti Jehovha anonzi ndi“Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinde 1:3, 4) Mwari anogona kutipa zvatinoda kuti titsungirire, uye tine tariro youpenyu husingaperi.

Bhaibheri, Shoko raMwari, rinopikira kuti Jehovha “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Nyika isina kutambura inonzwika seyakanyanya kunaka zvokusava yechokwadi here? Zvingadaro kana wakajaira kurarama munhamo. Kunyange zvakadaro, Mwari akapikira kutisunungura pakutya uye pakutambudzika, uye chinangwa chake chichabudirira zvechokwadi.—Isaya 55:10, 11.

[Mifananidzo iri papeji 9]

Kubva pakuora mwoyo kuenda pakuzorodzwa