Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Une Tsika Dzakachena Nokuchengeta Mwoyo Wako

Ramba Une Tsika Dzakachena Nokuchengeta Mwoyo Wako

Ramba Une Tsika Dzakachena Nokuchengeta Mwoyo Wako

“Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.”—ZVIREVO 4:23.

1-3. (a) Vanhu vanowanzoratidza sei kuti havakoshesi tsika dzavo dzakachena? Ipa muenzaniso. (b) Nei zvichikosha kuongorora kukosha kwetsika dzakachena?

PAMWE mufananidzo wacho wairatidzika sowechinyakare. Kuda wakanga usingachawirirani nezvimwe zvaishongedza imba yacho. Chero zvazvaive, zvinongoratidza kuti muridzi wacho akanga asisina basa nawo. Mufananidzo wacho wakazoguma wava kutengeswa pasero yezvinhu zvitsaru, uchitengeswa neUS$29 (Z$23 896). Zvisinei, makore mashomanana gare gare, wakawanikwa kuti waikosha mari inoda kusvika miriyoni yemadhora okuAmerica (Z$824 000 000)! Hungu, wakasvika pakuva basa rounyanzvi risingawanikwi. Fungidzira kuti aichimbova muridzi wawo akanzwa sei, uyo akanga asingakoshesi pfuma iyi!

2 Zvakafanana zvinowanzoitika kana munhu ane tsika dzakachena. Vanhu vazhinji nhasi havakoshesi tsika dzavo dzakachena. Vamwe vanodziona sedzechinyakare, dzisingachawirirani nemaitiro emazuva ano. Nokudaro vanodzitengesa vachingowana zvishomanana. Vamwe vanotengesa tsika dzavo dzakachena kuti vangowana nguva shomanana yokunakidzwa nokurara nomumwe munhu. Vamwe vanodzirasa vachifunga kuti vachakosheswa nevezera ravo kana kuti nomumwe murume kana mukadzi.—Zvirevo 13:20.

3 Vamwe vanozozviona pave paya kuti kuva netsika dzakachena kwanga kuchikosha zvakadini. Kurasikirwa kwavo kazhinji kunoguma nengozi. Sokutaura kunoita Bhaibheri, zvinozovapo pashure pounzenza zvinogona kuva sechepfu, ino“vava segavakava.” (Zvirevo 5:3, 4) Tichifunga nezvetsika dzakaora dziripo nhasi, ungachengetedza sei tsika dzako dzakachena? Tichataura nezvenhano nhatu dzinofambidzana dzatinogona kutora.

Chengeta Mwoyo Wako

4. Mwoyo wokufananidzira chii, uye nei tichifanira kuuchengeta?

4 Kuchengeta mwoyo kunokosha zvikuru kuti urambe une tsika dzakachena. Bhaibheri rinoti: “Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.” (Zvirevo 4:23) “Mwoyo wako” uri kutaurwa pano unorevei? Hausi mwoyo chaiwo. Uyu mwoyo wokufananidzira. Unoreva zvauri mukati somunhu, kusanganisira mafungiro ako, manzwiro ako, uye zvinokusunda. Bhaibheri rinoti: “Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose.” (Dheuteronomio 6:5) Jesu akataura nezvomurayiro uyu achiti ndiwo mukuru pane yose. (Mako 12:29, 30) Sezviri pachena, mwoyo wedu uyu unokosha zvikuru. Zvinokosha kuti tiuchengete.

5. Mwoyo ungava unokosha noune ngozi panguva imwe chete sei?

5 Zvisinei, Bhaibheri rinotaurawo kuti “mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose.” (Jeremia 17:9) Mwoyo unganyengera sei—kuva ngozi kwatiri? Somuenzaniso, motokari mudziyo unokosha, unotochengetedza upenyu panguva yokukurumidzira. Asi kana mutyairi akasadzora motokari, achiramba achimonya chidhiraivho, motokari imwe chete iyoyo ingagona kuva chombo chinouraya nyore nyore. Saizvozvo, kutoti ukachengeta mwoyo wako, uchadzorwa nezvido zvako zvose zvomukatikati, uye upenyu hwako huchabuda mumugwagwa huchienda musango ikava ngozi. Shoko raMwari rinoti: “Unotenda mwoyo wake, ibenzi; asi unofamba nouchenjeri, ucharwirwa.” (Zvirevo 28:26) Hungu, unogona kufamba nouchenjeri wonzvenga ngozi kana ukashandisa Shoko raMwari kuti rikutungamirire, sokungotarisa kwawaizoita pamepu yomugwagwa usati watanga rwendo.—Pisarema 119:105.

6, 7. (a) Utsvene chii, uye nei huchikosha kuvashumiri vaJehovha? (b) Tinoziva sei kuti vanhu vasina kukwana vanogona kuratidza utsvene hwaJehovha?

6 Mwoyo wedu hauzombonzwi uchingoda tsika dzakachena. Tinofanira kutouita kuti udzide. Imwe nzira yokuita kudaro ndeyokufungisisa kukosha chaiko kwetsika dzakachena. Kuchena uku kwakada kufanana noutsvene, uhwo hunoratidza kuchena, kuparadzana nechivi. Utsvene hunokosha zvokuti hunoumba unhu hwaJehovha. Mazana endima dzeBhaibheri anobatanidza unhu ihwohwo naJehovha. Chaizvoizvo, Bhaibheri rinotaura richiti “Mutsvene kuna Jehovha.” (Eksodho 28:36) Zvisinei, unhu hwakakwirira ihwohwo hunei nesu vanhu vasina kukwana?

7 MuShoko rake, Jehovha anotiudza kuti: “Munofanira kuva vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” (1 Petro 1:16) Hungu, tinogona kutevedzera utsvene hwaJehovha; tinogona kuva vakachena pamberi pake, tichichengeta tsika dzedu dzakachena. Naizvozvo patinorega kuita zvinhu zvisina kuchena, zvinosvibisa, tinenge tiri kuvavarira kuwana ropafadzo yakakwirira inofadza—yokuratidza unhu hwakanaka hwaMwari Wokumusorosoro! (VaEfeso 5:1) Hatifaniri kufungidzira kuti hatingazvigoni, nokuti Jehovha ndiTenzi akachenjera anonzwisisa uyo asingamborayiri zvinopfuura zvatinokwanisa kuita. (Pisarema 103:13, 14; Jakobho 3:17) Zvechokwadi, kuti tirambe takachena mumudzimu nomutsika zvinoda kushanda nesimba. Zvisinei, muapostora Pauro akati, “uchokwadi nokuchena zvakakodzera Kristu.” (2 VaKorinde 11:3) Hatifaniri here kuedza nepose patinogona napo kuti tirambe tine tsika dzakachena nokuda kwaKristu naBaba vake? Pamusoro pazvo, vakatiratidza rudo rukuru rwatisingagoni kudzorera. (Johani 3:16; 15:13) Iropafadzo kwatiri kuratidza kuonga kwedu nokurarama upenyu hune tsika dzakachena. Nokufunga nezvokuva kwedu netsika dzakachena munzira iyi, tichadzikoshesa, tichichengeta mwoyo wedu.

8. (a) Tingapa mwoyo wokufananidzira zvokudya sei? (b) Zvatinotaura zvingaratidzei pamusoro pedu?

8 Tinochengetawo mwoyo wedu nenzira yatinodya nayo. Tinofanira kupa pfungwa dzedu nemwoyo zvokudya zvomudzimu zvakanaka nguva dzose, tichiramba takaisa pfungwa dzedu pamashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (VaKorose 3:2) Kunyange zvatinotaura zvinofanira kuratidza kuti ndizvo zviri mupfungwa dzedu. Kana tichizivikanwa nokuda kwokutaura pamusoro pezvinhu zvenyama, nhau dzounzenza, tiri kuratidza chimwe chinhu pamusoro pezvakaita mwoyo wedu. (Ruka 6:45) Pane kudaro, ngatizivikanwe nokuda kwokutaura pamusoro pezvinhu zvomudzimu uye zvinovaka. (VaEfeso 5:3) Kuti tichengete mwoyo wedu, pane ngozi dzakakomba dzatinofanira kunzvenga. Ngatimbokurukura mbiri dzacho.

Tizai Ufeve

9-11. (a) Nei avo vanoisa zvimiti munzeve pavanonzwa zano riri pana 1 VaKorinde 6:18 vane mukana wakakura wokuguma vapinda muunzenza hwakakomba? Ipa muenzaniso. (b) Kana tiri kutiza ufeve, chii chatisingaiti? (c) Murume akatendeka Jobho akatiratidza muenzaniso upi wakanaka?

9 Jehovha akafuridzira muapostora Pauro kunyora rimwe zano rakabatsira vazhinji kuchengetedza mwoyo yavo nokuramba vaine tsika dzakachena. Pauro akati: “Tizai ufeve.” (1 VaKorinde 6:18) Cherechedza kuti haana kungoti, “Musaita ufeve.” VaKristu vanofanira kupfuura ipapo. Vanofanira kutiza zviito zvounzenza zvakadaro, sezvavaingozoita vachitiza chinhu chinoisa upenyu hwavo mungozi. Kana tikaisa zvimiti munzeve patinonzwa zano iroro, tinowedzera mikana yokuti tigume tapinda muunzenza hwakakomba torasikirwa nenyasha dzaMwari.

10 Kupa somuenzaniso: Amai vagezesa nokupfekedza chikomana chavo vachigadzirira chimwe chiitiko chinokosha. Mwana anokumbira kunotamba panze vasati vaenda, uye amai vanobvuma—vachimukohomedza chinhu chimwe. Vanoti: “Usamboswedera zvako pedyo nepakaungana mvura apo. Kana ukazara madhaka uchandiona.” Zvisinei, pasina nguva ngani, vanoona mukomana wacho achidodomera ari mujinga chaimo memvura iya. Haasati ava nemadhaka—panguva ino. Kunyange zvakadaro, haasi kuteerera nyevero yaamai yokuti asaenda pedyo nemvura ine madhaka, uye achaguma awira mumatambudziko chete. (Zvirevo 22:15) Pwere dzakawanda nevanhu vakuru avo vanofanira kutova vakangwarira kupfuura apa vanodzokorora chikanganiso chimwe chete ichocho. Sei?

11 Munguva dzino apo vakawanda vakazviregeredza vachiguma vava “nechido chinonyadzisa chokurara nomumwe munhu,” kwakatomuka basa chairo rokungogarira kusimudzira unzenza. (VaRoma 1:26, 27) Dambudziko rezvinhu zvinonyadzisa rakapinda mumagazini, mabhuku, mavhidhiyo, uye paIndaneti. Avo vanosarudza kupinza mifananidzo yakadaro mupfungwa dzavo havasi kumbotiza ufeve chero nepaduku zvapo. Vari kutotamba nahwo, vachidodomera vari mujinga mahwo, vasingateereri nyevero yeBhaibheri. Pane kuchengeta mwoyo, vari kuuisa chepfu yemifananidzo yakajeka iyo ingatora makore kuti idzime mundangariro dzavo. (Zvirevo 6:27) Ngatidzidzei kuna Jobho akatendeka, uyo akaita sungano—chibvumirano chaicho—nemaziso ake, kuti asaaratidza zvaingozomuedza kuti aite zvakaipa. (Jobho 31:1) Zvino, uyu ndiwo muenzaniso wokutevedzera!

12. VaKristu vari kupfimbana vanga‘tiza sei ufeve?’

12 Zvinokosha zvikuru ku‘tiza ufeve’ munguva yokupfimbana. Nguva iyoyo inofanira kuva nguva inofadza, izere netariro, asi vamwe vaduku vanodanana vanoisvibisa nokutamba nounzenza. Mukuita kudaro, vanovhiringidzana kuwana hwaro hwakanakisisa hwokuroorana kwakanaka—ukama hwakasimba murudo rusina udyire, kuzvidzora, uye kuteerera Jehovha Mwari. Vamwe vaKristu vakaroorana vakaita unzenza panguva yokupfimbana. Varoorana, mudzimai wacho akabvuma kuti hana yake yaimunetsa, ichitokanganisa kunyange mufaro wezuva romuchato. Akareurura kuti: “Ndakakumbira Jehovha ruregerero kakawanda, asi kunyange zvazvo papera makore manomwe kubva ipapo, hana yangu inongoramba ichindipa mhaka.” Zvinokosha kuti avo vanoita zvivi zvakadaro vakumbire kubatsirwa nevakuru vechiKristu. (Jakobho 5:14, 15) Zvisinei, vaKristu vari kupfimbana vakawanda vanoita nokuchenjera uye vanonzvenga ngozi idzi. (Zvirevo 22:3) Vanoziva pokugumira pakuratidzirana rudo. Vanofamba nevamwe vanovaperekedza uye vanongwarira kuti vasava voga munzvimbo dzisina vanhu.

13. Nei vaKristu vasingafaniri kupfimbana nomumwe munhu asingashumiri Jehovha?

13 VaKristu vanotanga kupfimbana nevaya vasingashumiri Jehovha vanogona kusangana nezvinetso zvakaoma. Somuenzaniso, ungazvibatanidza sei nomunhu asingadi Jehovha Mwari? Zvinokosha kuti vaKristu vazvibatanidze nevanoda Jehovha bedzi uye vanoremekedza mitemo yake yetsika dzakachena. Shoko raMwari rinotiudza kuti: “Musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi. Nokuti kururama kune ushamwari hwei nokusateerera mutemo? Kana kuti chiedza chine mugove wei nerima?”—2 VaKorinde 6:14.

14, 15. (a) Mafungiroi asina kururama ayo vamwe vanawo pamusoro pezvinoreva “ufeve”? (b) “Ufeve” hunosanganisira zviito zvorudzii, uye vaKristu vanga‘tiza ufeve’ sei?

14 Zivo inokosha. Hatigoni kutiza ufeve nenzira yakakodzera kana tisingazivi kuti chii chaizvo. Vamwe munyika yanhasi vakatanga pfungwa isiri iyo yezvinoreva “ufeve.” Vanofungidzira kuti vanogona kugutsa zvishuvo zvavo zvokuda kurara nomumwe munhu wavasina kuroorana naye chero bedzi vasiri kusangana pabonde. Kunyange mamwe masangano ezveutano anoremekedzwa anoda kuderedza nhumbu dzisingadiwi dzevachiri kuyaruka, akakurudzira pwere kuita mimwe miitiro younzenza isingagumi nokuita nhumbu. Zvinosuruvarisa kuti mazano akadaro akarasika. Kunzvenga kubata nhumbu pasina kuroorana hakuna kufanana nokuramba uine tsika dzakachena, uye zvinoreva “ufeve” chaizvoizvo hazvigumiri ipapo chete.

15 Shoko rechiGiriki rokuti por·neiʹa, rinoshandurwa kuti “ufeve,” rinoreva zvakawanda kwazvo. Rinoreva kusangana pabonde kwevanhu vasina kuroorana uye rinonyanya kureva kushandiswa zvisizvo kwenhengo dzomuviri dzakavanzika. Shoko rokuti por·neiʹa rinosanganisira zviito zvokurara nomumwe munhu nomumukanwa, nokunobuda nako tsvina, uye kuitisa bonhora mumwe munhu—zviito zvinowanzoitwa nepfambi. Vanhu vanofunga kuti zviito zvakadaro hazvisi “ufeve” vari kuzvinyengera uye vakatowira mune mumwe wemisungo yaSatani. (2 Timoti 2:26) Uyezve, kuchengeta tsika dzakachena hakungorevi kurega kuita chiito choufeve. Kuti ti‘tize ufeve,’ hatifaniri kuita chero zvipi nezvipi zvokurara nomumwe munhu zvisina kuchena uye unzenza zvinogona kutungamirira kuchivi chakakomba chepor·neiʹa. (VaEfeso 4:19) Nenzira iyi tinenge tichichengeta tsika dzakachena.

Nzvenga Ngozi Dzokutamba Kworudo

16. Kutamba kwokuratidzirana rudo kwakakodzera vanaani, sezvinoratidzwa nomuenzaniso upi weMagwaro?

16 Kana tichizochengeta tsika dzedu dzakachena, imwe ngozi yatinofanira kungwarira kutamba kworudo. Vamwe vangaita nharo vachiti kutamba kworudo hakuna mhosva, kutamba kusina ngozi kunoitwa nomunhurume nomunhukadzi. Zvechokwadi, pane nguva nenzvimbo yokutamba nokuita zvokuratidzana rudo. Isaka naRebheka vakaonekwa vachi“tamba,” uye zvakanga zviri pachena kune vaiona kuti vakanga vasingori hanzvadzi nehanzvadzi. (Genesi 26:7-9) Zvisinei, vakanga vari murume nomudzimai. Kuratidzana rudo pakati pavo kwakanga kwakakodzera. Kutamba kworudo ndeimwewo nyaya yakasiyana.

17. Kutamba kworudo chii, uye chinetso chacho chingadzorwa sei?

17 Kutamba kworudo kungarondedzerwa nenzira iyi: kupa chiratidzo chokuda mumwe munhu asi usina chinangwa chaicho chokuroorana naye. Vanhu zvisikwa zvakaoma kunzwisisa, saka hapana mubvunzo kuti kune nzira dzakawandisa dzokutamba kworudo, dzimwe dzacho hadzisi nyore kuona. (Zvirevo 30:18, 19) Saka kuisa mitemo chaiyo hakungagoni kubatsira panhau yacho. Chimwe chinhu chinotokosha kupfuura izvi chinodiwa—kuzviongorora nokutendeseka uye kunyatsoshandisa nheyo dzemitemo yeBhaibheri.

18. Chii chinoita kuti vamwe vatambe norudo uye nei kutamba norudo kune ngozi?

18 Kana takatendeka, vazhinji vedu pamwe vachafanira kubvuma kuti patinonzwa kuti mumwe munhu wechirume kana kuti wechikadzi ari kuratidza kutida, tinonzwa kuti tiri kubatwa kumeso. Izvi zvinoitika kuvanhu vose. Asi tinoita kutamba kworudo kuitira kuti tiite kuti mumwe munhu anzwe nenzira iyoyo here—kungoitira kuti tiwedzere kuzviremekedza kana kuti mumwe munhu atione nenzira yakadai? Kana zvakadaro, taona marwadzo atingadaro tichikonzera. Somuenzaniso, Zvirevo 13:12 inoti: “Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo.” Kana tikatamba norudo rwomumwe munhu nemaune, zvimwe hatizivi kuti munhu iyeye zvinomurwadza zvakadini. Angatanga kutarisira kupfimbana uye kunyange kunotoguma nokuroorana. Kuora mwoyo kunozoguma kwaitika kunogona kukuvadza zvikuru. (Zvirevo 18:14) Kutamba nemanzwiro evamwe nemaune utsinye.

19. Kutamba kworudo kungaisa mungozi sei vaKristu vakaroorana?

19 Zvinokosha zvikuru kuti vanhu vakaroorana vangwarire kutamba kworudo. Kupa chiratidzo chokuda mumwe munhu akaroorwa—kana kuti munhu akaroora aratidze kufarira mumwe munhu waasina kuroorana naye—hakuna kururama. Zvinosuruvarisa kuti vamwe vaKristu vakava nemafungiro asina kururama okuti hazvina kuipa kunzwa kufarira mumwe murume kana mudzimai asiri wavakaroorana naye. Vamwe vanotaura zviri pasi pemwoyo yavo ku“shamwari” yakadaro, kunyange kutomuudza zvakavanzika zvavasingaudzi murume kana kuti mudzimai wavo. Kufarira kuya kwakazoguma nokutonzwa kudanana kungakanganisa kana kunyange kutoputsa imba. VaKristu vakaroorana vanoita zvakanaka kuyeuka nezvenyevero yaJesu yokuchenjera pamusoro poupombwe—hunotangira mumwoyo. (Mateu 5:28) Saka ngatichengete mwoyo tonzvenga mamiriro ezvinhu angatungamirira kumigumisiro inoparadza yakadaro.

20. Tinofanira kutsunga kuona sei tsika dzedu dzakachena?

20 Zvechokwadi, hazvisi nyore kuramba munhu akachena munyika yanhasi izere unzenza. Zvisinei, yeuka kuti zviri nyore nokure kuchengeta tsika dzakachena pane kuzodziwanazve kana dzangorasika. Ndizvo hazvo kuti Jehovha anogona ku“kanganwira zvikuru” uye anogona kuchenesa avo vanopfidza zvechokwadi pazvivi zvavo. (Isaya 55:7) Zvisinei, Jehovha haadziviriri avo vanoita unzenza pamigumisiro yezviito zvavo. Zvibereko zvacho zvinogona kugara kwemakore, kunyange kwoupenyu hwose. (2 Samueri 12:9-12) Nepose paunogona napo, ramba uine tsika dzakachena nokuchengeta mwoyo wako. Ona kuva kwako netsika dzakachena pamberi paJehovha Mwari sepfuma inokosha—uye usambodziregedza!

Ungapindura Sei?

• Zvinorevei kuva netsika dzakachena, uye nei dzichikosha kwazvo?

• Tingachengeta sei mwoyo wedu?

• Chii chinodiwa pakutiza ufeve?

• Nei tisingafaniri kutamba norudo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 11]

Motokari inogona kuva nengozi kana ikasadzorwa zvakanaka

[Mifananidzo iri papeji 12]

Chii chinogona kuitika tikaisa zvimiti munzeve tichinyeverwa?

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kupfimbana kwakachena kunofadza uye kunokudza Mwari