Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ChiKristu Chechokwadi Chiri Kuwedzera

ChiKristu Chechokwadi Chiri Kuwedzera

ChiKristu Chechokwadi Chiri Kuwedzera

USHUMIRI hwaJesu Kristu hwakatanga nomukurumbira muzana remakore rokutanga. Shoko rake raipa simba, raivhura maziso, uye raikurudzira zvaishamisa vanhu. Vakawanda vakamunzwa achitaura vakanyatsobayiwa mwoyo nemashoko ake.—Mateu 7:28, 29.

Jesu akarambisisa kubatanidzwa mune zvechitendero nezvematongerwe enyika zvaidzvinyirira zvomuzuva rake, asi akaita kuti vanhuwo zvavo vakwanise kukurukura naye. (Mateu 11:25-30) Akabvuma pachena kuti midzimu yakaipa yainge yakapararira panyika yaidzora vanhu uye akaratidza simba rake raakapiwa naMwari pairi. (Mateu 4:2-11, 24; Johani 14:30) Nounyanzvi Jesu akabudisa pachena kubatana kukuru kuri pakati pokutambura nechivi, uye norudo akaratidza kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchaunza rusununguko rusingaperi. (Mako 2:1-12; Ruka 11:2, 17-23) Pakupedzisira, akabvisa zvachose rima rakanga ranguva ravharidzira unhu hwechokwadi hwaBaba vake, achiita kuti zita raMwari rizivikanwe navose vaida kuva noukama hwomunhu oga Naye.—Johani 17:6, 26.

Naizvozvo, hazvishamisi kuti pasinei nokutambudzwa kukuru mune zvechitendero nezvematongerwe enyika, vadzidzi vaJesu vakakurumidza kuparadzira shoko rake raiva nomukurumbira. Mumakore anenge 30 chete, ungano dzechiKristu dzakasimba dzakaumbwa muAfrica, Asia, neEurope. (VaKorose 1:23) Chokwadi chiri nyore chakanga chadzidziswa naJesu chakavhenekera mwoyo yevanhu vaizvininipisa, vaiva nemwoyo yakarurama muUmambo hwose hweRoma.—VaEfeso 1:17, 18.

Zvisinei, vadzidzi vatsva vose ava vaiva nemararamiro akasiyana mune zvoupfumi, zvetsika, mitauro, nechitendero vaizosvika sei pakubatana zvechokwadi mu“kutenda kumwe,” sezvakataurwa naPauro? (VaEfeso 4:5) Chii chaizoita kuti varambe ‘vachitaura vachibvumirana’ kuitira kuti vasaparadzana? (1 VaKorinde 1:10) Tichifunga nezvokusabatana kukuru kuri pakati pevanozviti vaKristu nhasi, zvakanaka kuti tiongorore zvakadzidziswa naJesu.

Chinoita Kuti Pave Nokubatana kwechiKristu

Paaitongwa ari pamberi paPondiyo Pirato, Jesu akataura chinoita kuti pave nokubatana kwechiKristu. Akati: “Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi. Munhu wose ari kurutivi rwechokwadi anoteerera inzwi rangu.” (Johani 18:37) Naizvozvo, kugamuchira dzidziso dzaJesu pamwe chete neShoko raMwari rose rakafuridzirwa, Bhaibheri, kune simba rinoita kuti pave nokubatana kwevadzidzi vaKristu vechokwadi.—1 VaKorinde 4:6; 2 Timoti 3:16, 17.

Kutaura zvazviri, pane dzimwe nguva vadzidzi vaJesu vaimbova nemibvunzo yemwoyo wose kana kuti vaimbokakavadzana. Saka chii chaivabatsira? Jesu akatsanangura kuti: “Panosvika iyeye, mudzimu wechokwadi, achakutungamirirai muchokwadi chose, nokuti haazotauri zvake oga, asi zvinhu zvaanonzwa achataura, uye achakuzivisai zvinhu zvinouya.” (Johani 16:12, 13) Saka, mudzimu mutsvene waMwari waizobatsira vadzidzi vaJesu vechokwadi kuti vanzwisise chokwadi sezvachaiziviswa naMwari zvishoma nezvishoma. Uyewo, mudzimu iwoyo waizova nezvibereko, zvakadai sorudo, mufaro, uye rugare, izvo zvaizoitawo kuti ivo vabatane.—Mabasa 15:28; VaGaratiya 5:22, 23.

Jesu haana kumbobvumidza kukakavadzana kana kuti mapoka-mapoka pakati pevadzidzi vake; uyewo haana kuvapa simba rokutsanangurazve chokwadi chaMwari kuti zvipindirane netsika kana kuti magamuchidzanwa ezvitendero zvevaya vavaizosangana navo. Pane kudaro, usiku hwokupedzisira ainavo, akanyengetera nomwoyo wose achiti: “Ndinokumbirira, kwete ivava bedzi, asiwo avo vanotenda mandiri nomushoko ravo; kuti vose vave vamwe, semi, Baba, muri pamwe neni uye ini ndiri pamwe nemi, kuti ivowo vave pamwe nesu, kuti nyika itende kuti makandituma.” (Johani 17:20, 21) Saka, kubatana chaikoiko mumudzimu nechokwadi ndiko kwaizova chiratidzo chinosiyanisa vadzidzi vaKristu kubvira pakutanga kusvikira muzuva redu. (Johani 4:23, 24) Kunyange zvakadaro, machechi anhasi haana kubatana, asi akakamukana. Nei zvakadaro?

Nei Machechi Akakamukana

Tsananguro yechokwadi yokusiyana kukuru kwezvinotendwa nezvinoitwa nevanozviti vaKristu nhasi ndeyokuti havatevedzeri dzidziso dzaJesu. Mumwe munyori akati: “Sezvaingoitwa kare, vaKristu vatsva vanhasi vanenge vanongobvuma zviri muBhaibheri zvinopindirana nezvavanoda—vosiyana nezvisingapindirani netsika dzechitendero dzomunharaunda yavo.” Izvi ndizvo chaizvo zvakataurwa naJesu nevaapostora vake kuti zvaizoitika.

Somuenzaniso, afuridzirwa, muapostora Pauro akanyorera Timoti uyo aivawo mutariri kuti: “Pachava nenguva yavasingazoshiviriri kudzidzisa kunopa utano, asi, maererano nokuda kwavo, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo; uye vacharamba kunzwa chokwadi, vachitendeukira kungano.” VaKristu vose vaizotsauswa here? Aiwa. Pauro akaenderera mberi achiti: “Asi iwe, svinurira zvinhu zvose, tambura zvakaipa, ita basa romuevhangeri, ita ushumiri hwako kwazvo.” (2 Timoti 4:3-5; Ruka 21:8; Mabasa 20:29, 30; 2 Petro 2:1-3) Timoti nevamwe vaKristu vakatendeka vakararama maererano nezano iroro rakafuridzirwa.

VaKristu Vechokwadi Vachakabatana

SaTimoti, vaKristu vechokwadi nhasi vari kuramba vakasvinura vachiramba mafungiro evanhu uye vachingogamuchira zvinotaurwa neMagwaro pane zvavanotenda. (VaKorose 2:8; 1 Johani 4:1) Zvichitevedzera vaKristu vomuzana remakore rokutanga, Zvapupu zvaJehovha zviri kuita ushumiri hwazvo munyika dzinopfuura 230, zvichiendesa shoko raJesu rakafanana nerepakutanga, iwo mashoko akanaka oUmambo, kuvanhu vari kwose kwose. Ngationei nzira ina dzinokosha dzavanotevedzera nadzo Jesu vakabatana vachitevedzera chiKristu chechokwadi pasinei nokwavanogara.

Zvavanotenda zvinobva muShoko raMwari. (Johani 17:17) Mumwe mupristi wechechi wokuBelgium akanyora nezvavo kuti: “Chimwe chinhu chatinogona kudzidza kuZvapupu zvaJehovha kuda kwavo kuteerera Shoko raMwari uye kushinga kwavo kupupurira nezvaro.”

Vanotarisira kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchavasunungura muzvinetso zvenyika yose. (Ruka 8:1) MuBarranquilla, Colombia, chimwe Chapupu chakataura naAntonio, mutsigiri akasimba wesangano rezvematongerwe enyika. Chapupu chacho hachina kumutsigira, uyewo hachina kutsigira imwe dzidziso yezvematongerwe enyika. Pane kudaro, chakati chaida kudzidza Bhaibheri naAntonio nehanzvadzi dzake pasina mubhadharo. Nokukurumidza Antonio akaziva kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete tariro chaiyo yevarombo muColombia nomunyika yose zvayo.

Vanokudza zita raMwari. (Mateu 6:9) Zvapupu zvaJehovha pazvakatanga kuonana naMaria, muKaturike akanga akazvipira aigara muAustralia, akabvumira Zvapupu kuti zvimuratidze zita raMwari muBhaibheri. Akaita sei paakariona? “Pandakatanga kuona zita raMwari muBhaibheri, ndakachema. Ndakabayiwa mwoyo kwazvo nokuziva kuti ndaikwanisa kunyatsoziva uye kushandisa zita raMwari.” Maria akaramba achidzidza Bhaibheri, uye kokutanga muupenyu hwake, akaziva Jehovha somunhu uye akakwanisa kutanga ukama hunogara kwenguva refu naye.

Vanobatanidzwa norudo. (Johani 13:34, 35) Nyaya yaiva mupepanhau rokuCanada rinonzi The Ladysmith-Chemainus Chronicle, yakati: “Pasinei nezvaunotenda mune zvechitendero, kana kuti kana usina zvaunotenda, unofanira kurumbidza Zvapupu zvaJehovha zvinokwana 4 500 zvichangobva kushanda siku nesikati kwevhiki imwe chete nehafu, zvichivaka Imba yeMagungano muCassidy, yakakura masikweyamita 2 300 . . . Kuita izvi zvichifara pasina kurwisana, kukakavadzana kana kuti kuzvitsvakira mukurumbira chiratidzo chechiKristu chechokwadi.”

Saka, funga nezvouchapupu hwacho. Nepo vafundisi vechiKristudhomu, mamishinari, nevanoenda kuchechi vachiramba vachirwisana nedambudziko riri kuramba richikura rokukakavadzana mumachechi avo, chiKristu chechokwadi chiri kuwedzera munyika yose. Kutaura zvazviri, vaKristu vechokwadi vari kuita ushumiri hwavo hwavakapiwa hwokuparidza nokudzidzisa Shoko raMwari. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Kana uri mumwe wevaya vari ku“gomera nokuchema” pamusoro pezvinhu zvinosemesa zviri kuitika iye zvino uye uri kunetseka nokusabatana kwezvitendero zvechiKristudhomu, tinokukumbira kuti ubatane neZvapupu zvaJehovha mukunamata Mwari wechokwadi bedzi, Jehovha, kunoitwa nevaKristu vakabatana.—Ezekieri 9:4; Isaya 2:2-4.