Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kugutsikana Kunobva Kuna Mwari Kwakandisimbisa

Kugutsikana Kunobva Kuna Mwari Kwakandisimbisa

Nyaya Youpenyu

Kugutsikana Kunobva Kuna Mwari Kwakandisimbisa

YAKATAURWA NABENJAMIN IKECHUKWU OSUEKE

Ndichangobva kutanga kunyatsopinda muushumiri hwechiKristu, ndakashanyira musha wevabereki vangu. Pavakandiona, baba vangu vakabata hembe yangu vakatanga kushevedzera kuti, “Mbavha!” Vakatora zibanga ravo vakandirova nokudivi risingacheki. Vanzwa ruzha, vamwe vagari vomumusha imomo vakaungana pamba pedu. Ndakanga ndabei? Regai nditsanangure.

NDAKABEREKWA muna 1930 mumusha weUmuariam nechokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweNigeria, uye ndaiva wokutanga pavana vanomwe. Hanzvadzi yangu hombe yakashayika iine makore 13. Vabereki vangu vaiva vaAnglican. Baba vaiva murimi, uye Amai vaingovawo munhu aitengesa-tengesa. Vaifamba kuenda kumisika yomunzvimbo imomo yaiva kure neanenge makiromita 30 kubva mumusha wedu kuti vanotenga mugomo wemafuta omuti womuchindwe vodzoka kwasviba zuva rimwe chete iroro. Vaibva vafumomuka mangwanani acho aitevera, vofamba kuenda kutaundi ine chiteshi cheraruwe iri kure nemakiromita 40 kuti vanotengesa mafuta acho. Kana vaiwana purofiti, iyo kakawanda yaisapfuura masendi 15 (U.S.), [Z$123,60] vaitenga zvokudya zvemhuri vodzoka zuva rimwe chete iroro. Izvozvo ndizvo zvavaigara vachiita kwemakore anenge 15 kusvikira vazofa muna 1950.

Ndakatanga kudzidza ndiri mumusha wokwedu pachikoro cheChechi yeAnglican, asi kuti ndipedze puraimari yangu ndaifanira kugara paimba yandaibhadhara yaiva kure nemakiromita anenge 35. Vabereki vangu zvavaiva vasina mari yokuti ndienderere mberi nedzidzo, ndakatanga kutsvaka basa. Pakutanga ndakashanda mumba momurindi aishanda kuraruwe muLagos, nechokumadokero muNigeria, ndikazoshandira mushandi wehurumende muKaduna, nechokuchamhembe muNigeria. MuGuta reBenin, nechepakati pakadziva kumadokero muNigeria, ndakawana basa samabharani werimwe gweta, uye gare gare ndakashanda panzvimbo yaichekwa mapuranga. Pandakabva ipapo ndakaenda kuCameroon muna 1953 kunogara nasekuru hanzvadzi yaamai, avo vakandibatsira kuwana basa musango remiti inogadziriswa rabha. Ndaitambira madhora mapfumbamwe (U.S.), [Z$7 416]. Ndaingoitawo mabasa akaderera, asi ndaigutsikana chero bedzi ndaiwana zvokudya zvakakwana.

Murombo Wokupedzisira Anoparadzira Upfumi

Silvanus Okemiri, mumwe wandaishanda naye, aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Aishandisa mikana yose kuti ataure neni zvaaiziva zviri muBhaibheri pataicheka uswa tichihuisa makapoteredza miti inogadziriswa rabha kuti huchengetedze unyoro. Kunyange zvazvo ndaimuteerera, handina chandakaita pane zvandakanzwa panguva yacho. Zvisinei, sekuru vangu pavakaziva kuti ndaikurukurirana neZvapupu, vakaita zvose zvavaigona kuti vandiodze mwoyo. Vakandinyevera kuti: “Benji, usashanyira VaOkemiri. Ivo munhu anotenda Jehovha uye murombo wokupedzisira. Munhu wose anoshamwaridzana navo achangova akafanana navo.”

Kutanga kwa1954, ndisingachakwanisizve kutsungirira mashandiro akaoma pakambani yacho, ndakadzokera kumusha. Mumazuva iwayo Chechi yeAnglican yaiomerera zvikuru patsika dzayo. Ndakakura ndichisema unzenza. Zvisinei, ndakakurumidza kusemburwa nounyengeri hwaiva pakati pevamwe vangu vandaienda navo kuchechi. Kunyange vaitaura zvakasimba kuti vaitevera tsika dzomuBhaibheri, mararamiro avo aipesana nezvavaitaura. (Mateu 15:8) Ndakakakavadzana nababa vangu kakawanda, izvo zvakakanganisa ukama hwedu. Humwe usiku ndakabva pamusha.

Ndakatamira kuOmoba, taundi duku reraruwe. Ikoko zvakare ndakaonana neZvapupu zvaJehovha. Priscilla Isiocha, wandaiziva kubvira ndichiri kumusha kwedu, akandipa kabhuku kanonzi “Aya Mashoko Akanaka oUmambo” uye kamwe kanonzi After Armageddon—God’s New World. * Ndakanyatsotuverenga, ndichigutsikana kuti ndakanga ndawana chokwadi. Kuchechi kwandaienda taisadzidza Bhaibheri, tainyanya kusimbisa tsika dzevanhu. Zvisinei, kazhinji mabhuku eZvapupu aitora mashoko muBhaibheri.

Kwapera usingasviki mwedzi, ndakabvunza Hama naHanzvadzi Isiocha kuti vaizoenda rini kuchechi kwavo. Pandakapinda musangano weZvapupu zvaJehovha kokutanga, hapana kana chandakanzwisisa. Nyaya yeNharireyomurindi yacho yaitaura nezva‘Gogi waMagogi,’ anotaurwa nezvake mubhuku rouprofita raEzekieri. (Ezekieri 38:1, 2) Ndakanga ndisina kujairana nemashoko akawanda akashandiswa, asi ndakafadzwa kwazvo nokugamuchirwa zvakanaka kwandakaita zvokuti musi weSvondo waitevera ndakasarudza kudzokera. Pamusangano wechipiri, ndakanzwa nezvokuparidza. Naizvozvo ndakabvunza Priscilla kuti vakanga vari kuenda rini kunoparidza. Pamusi weSvondo wechitatu, ndakaenda navo, ndakatakura kaBhaibheri kaduku. Ndaiva ndisina bhegi rokuparidzira kana mabhuku eBhaibheri chero api zvawo. Zvisinei, ndakava muparidzi woUmambo uye ndakashuma basa romumunda pakupera kwomwedzi iwoyo!

Hapana munhu akadzidza neni Bhaibheri, asi pose pandaishanyira vanaIsiocha, ndaidzidza mashoko okutenda nokukurudzira kunobva muMagwaro uye ndaiwana mamwe mabhuku eBhaibheri. Musi waDecember 11, 1954, pakokorodzano yoruwa muAba, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura. Mukoma wangu wokwababamukuru wandaigara naye uye aindidzidzisa basa, akarega kundipa zvokudya nokundidzidzisa uye haana kumbondibhadhara kana sendi zvaro pamabasa andaimuitira. Asi handina kumuchengetera mafi, ndaingotenda kuti somunhu oga ndaiva noukama naMwari. Izvi zvaindinyaradza uye zvaindipa rugare rwepfungwa. Zvapupu zvomunharaunda iyoyo zvakandibatsira. VanaIsiocha vakandipa zvokudya, uye vamwe vakandikweretesa mari yokuti nditangewo kutengesa-tengesa. Pakati pa1955, ndakatenga bhasikoro rakanga ramboshandiswa, uye muna March 1956, ndakatanga basa roupiyona hwenguva dzose. Ndichangopedza izvozvo, ndakabhadhara zvikwereti zvangu. Purofiti yandaiwana pakutengesa yaiva shoma kwazvo, asi zvino ndakanga ndava kukwanisa kuzvitarisira. Zvaigoverwa naJehovha zvaindikwanira.

“Kuba” Vanun’una Nehanzvadzi Dzangu

Pandakangotanga kugara ndoga, ndakatanga kufunga nezvokubatsira vanun’una vangu nehanzvadzi mune zvokunamata. Baba vaishora kuti ndaiva Chapupu, nokuda kwokufungira kwavo zvakaipa uye kunyumwira kwakadzama. Saka, ndaigona sei kubatsira vanun’una vangu nehanzvadzi kuti vadzidze chokwadi cheBhaibheri? Ndakazvipira kuti ndaizotarisira munun’una wangu Ernest, saka Baba vakamubvumira kuti agare neni. Ernest akakurumidza kugamuchira chokwadi uye akabhabhatidzwa muna 1956. Kuchinja kwake kwakaita kuti baba vangu vatonyanya kushora. Zvisinei, hanzvadzi yangu yakanga yatoroorwa yakagamuchirawo chokwadi pamwe chete nomurume wayo. Pandakaronga kuti hanzvadzi yangu yechipiri, Felicia, auye kuzogara neni pazororo rechikoro, Baba vakangobvumawo havo. Pasina nguva, Felicia akabhabhatidzwawo somumwe weZvapupu zvaJehovha.

Muna 1959 ndakaenda kumba kunotora Bernice, hanzvadzi yangu yechitatu, kuti inogara naErnest. Ndipo pandakatukwa naBaba, vachindipomera kuti ndakanga ndavabira vana vavo. Havana kunzwisisa kuti vainge vaita chisarudzo somunhu oga kuti vashumire Jehovha. Baba vakapika kuti vaisazofa vakabvumira Bernice kuti aende neni. Asi ruoko rwaJehovha rwakanga rusina kupfupika, nokuti gore rakatevera racho chairo, Bernice akauya kuzogara naErnest pazororo rake rechikoro. Sezvakanga zvangoitawo madzikoma ake, akagamuchira chokwadi uye akabhabhatidzwa.

‘Kudzidza Chakavanzika Chacho’

Muna September 1957, ndakatanga kushanda sapiyona chaiye, ndichipedzera maawa anenge 150 mubasa rokuparidza mwedzi woga woga. Ini nowandaishanda naye, Sunday Irogbelachi, takashanda ndima yakakura iri muAkpu-na-abuo, Etche. Pagungano redunhu rokutanga ratakapinda tiri ikoko, vanhu vanokwana 13 vaibva paboka redu vakabhabhatidzwa. Tinofara sei iye zvino kuona ungano 20 dziri munharaunda iyoyo!

Muna 1958, ndakaziva Christiana Azuike, mumwe piyona wenguva dzose aipinda neUngano yeAba East. Ndakayemura kushingaira kwake, uye muna December wegore iroro, takaroorana. Kutanga kwa1959, ndakagadzwa somutariri anofambira, ndichishanyira nokusimbisa ungano dzehama dzedu dzomudzimu. Kubvira panguva iyoyo kusvikira muna 1972, ini nomudzimai wangu takashanyira dzinenge ungano dzose dzevanhu vaJehovha nechokumavirira uye nechepakati pemadokero eNigeria.

Ungano dzacho dzaiva kure nokure, uye tainyanya kushandisa bhasikoro pakufamba. Pataishanyira ungano dzaiva mumataundi makuru, hama dzedu dzaitihayira tekisi kuti itiendese kuungano inotevera. Pamwe pacho dzimba dzataigara dzaiva nouriri hwemadhaka uye dzisina sirin’i. Tairara pamibhedha yematanda omuti unonzi muraffia. Mimwe mibhedha yacho yaiva nematiresi dzouswa, dzaifukidzwa nebonde; imwe yacho yaiva isina kana matiresi dzacho. Kuwanda nokunaka kwezvokudya kwaisava chinetso kwatiri. Zvatakanga tatodzidza kare kugutsikana nezvishoma, taifarira chero zvokudya zvaigoverwa, uye vaitigamuchira vaizvifarira kwazvo. Mamwe maguta aiva asina magetsi mazuva iwayo, saka taigara tichifamba nerambi redu reparafini. Zvisinei, pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma, kakawanda taifara neungano dzacho.

Mumakore iwayo, takanzwisisa kukosha kwezano romuapostora Pauro, rokuti: “Kana tine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” (1 Timoti 6:8) Nokuda kwenhamo, Pauro akadzidza chakavanzika chakamuita kuti agare achigutsikana. Chaiva chii? Akatsanangura kuti: “Zvechokwadi ndinoziva kuva nezvinhu zvishoma, zvechokwadi ndinoziva kuva nezvakawanda. Muzvinhu zvose uye mumamiriro ezvinhu ose ndakadzidza nzira yokuva akaguta nokuva ane nzara, zvose zviri zviviri kuva nezvakawanda uye kushayiwa. Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo [Mwari] anondipa simba.” (VaFiripi 4:12, 13) Izvozvo zvakava chokwadi sei kwatiri! Takakomborerwa nokugutsikana, mwero wakazara wemabasa echiKristu anovaka, uye rugare rwepfungwa.

Kushumira Ungano Semhuri

Gore ra1959 rava kuda kunopera, mwanakomana wedu wokutanga, Joel, akaberekwa, uye muna 1962, mukomana wechipiri, Samuel, akatevera. Ini naChristiana takaramba tiri mubasa rokufambira, tichishanyira ungano tiine vanakomana vedu. Muna 1967, hondo yevanhu vomunyika imwe chete yeNigeria yakatanga. Zvikoro zvakavhara nokuda kwemabhomba airamba achikandwa nendege. Mudzimai wangu aiva mudzidzisi wepachikoro asati abatana neni mubasa rokufambira, saka muhondo, aidzidzisira vana kumba. Paakanga ava nemakore matanhatu, Samuel akanga ava kugona kuverenga nokunyora. Paakazoenda kuchikoro hondo yapera, akanga atova mberi kwevamwe vezera rake nemakore maviri.

Panguva iyoyo, taisanyatsonzwisisa kunetsa kwokurera vana uku tichiramba tiri mubasa rokufambira. Zvisinei, kupiwa mugove wokunoshanda semapiyona chaiwo muna 1972 kwakatibatsira. Izvi zvakaita kuti tigare panzvimbo imwe chete zvokuti taigona kunyatsotarisira mhuri yedu pane zvine chokuita nokunamata. Kubvira pakutanga, takadzidzisa vanakomana vedu kukosha kwokugutsikana kunobva kuna Mwari. Muna 1973, Samuel akabhabhatidzwa, uye Joel akatanga basa roupiyona hwenguva dzose gore rimwe chete iroro. Vanakomana vedu vose vakaroora vakadzi vechiKristu vakanaka kwazvo uye zvino vari kurera mhuri dzavowo muchokwadi.

Nhamo Yokurwisana Kwevanhu Vomunyika Imwe Chete

Pakatanga kurwisana kwevanhu vomunyika medu, ndakanga ndichifambira ungano iri muOnitsha somutariri wedunhu, ndiine mhuri yangu. Hondo iyoyo yakatisimbisira kuti hazvina maturo kuunganidza zvinhu zvenyama kana kuti kuvimba nazvo. Ndakaona vanhu vachitiza noupenyu hwavo—vachisiya zvinhu zvavo zvavaikoshesa mumigwagwa.

Hondo zvayakaramba ichiwedzera, vanhurume vose vakagwinya vakatorwa kuti vanoshanda muchiuto. Hama dzakawanda dzakaramba kunyorwa dzakatambudzwa. Taisakwanisa kufamba-famba takasununguka. Kushayikwa kwezvokudya kwakavhiringidza nyika. Mutengo womufarinya wairema hafu yekirogiramu wakakwira kubva pamasendi manomwe kusvikira pamadhora gumi nerimwe okuUnited States [Z$57,68 kusvikira ku$11 536], uye wekapu yomunyu kubva pamadhora masere kusvikira pamadhora 42 okuUnited States [Z$6 592 kusvikira ku$34 608]. Mukaka, majarini, neshuga zvakanga zvisingawaniki. Kuti tirarame, taikuya mapopo asina kuibva toasanganisa nefurawa shomanana yomufarinya. Taidyawo mhashu, makanda omufarinya, mashizha omuti unonzi muhibiscus, uswa—chero mashizha api zvawo ataigona kuwana. Nyama yaisawanika, naizvozvo ndaibata madzvinyu kuti vana vadye. Kunyange zvakadaro, pasinei nokuoma kwakanga kwaita zvinhu, Jehovha aigara achitigovera.

Zvisinei, kushaya zvokudya zvomudzimu kwakanga kwakonzerwa nehondo ndiko kwaitonyanya kuva nengozi. Hama dzakawanda dzakatiza nharaunda yehondo dzichienda mumasango kana kuti mune mimwe misha, uye padzaidaro, dzakarasikirwa nemabhuku adzo eBhaibheri akawanda kana kutoti ose zvawo. Uyezve, kudzivirira kwaiva kwakaita mauto ehurumende kwakatadzisa mabhuku eBhaibheri matsva kuti apinde munharaunda yeBiafra. Kunyange zvazvo ungano dzakawanda kwazvo dzakaedza kuva nemisangano, hama dzakatambura mune zvokunamata nokuti nhungamiro yaibva kuhofisi yebazi yaisakwanisa kusvika kwadzaiva.

Kurwisana Nenzara Yomudzimu

Vatariri vanofambira vakaita zvavaigona kuti varambe vaine urongwa hwokushanyira ungano imwe neimwe. Hama dzakawanda zvadzakanga dzatiza mumataundi, ndakadzitsvaka chero kupi zvako kwadzaigona kuwanikwa. Pane imwe nguva, ndakasiya mudzimai wangu nevana vari munzvimbo yakachengeteka ndokuenda ndiri ndoga kwevhiki nhanhatu, ndichishanyira misha yakasiyana-siyana uye mamwe masango ndichitsvaka hama.

Pandaishanyira imwe ungano kuOgbunka, ndakanzwa kuti paiva neboka guru reZvapupu munharaunda yeIsuochi muruwa rweOkigwe. Naizvozvo ndakakumbira kuti shoko risvitswe hama dzaiva munharaunda iyoyo kuti dziungane pachisango chemiti yemicashew chaiva mumusha weUmuaku. Ini neimwe hama yakanga yakwegura takachovha mabhasikoro edu kwemakiromita anenge gumi tichienda kuchisango chacho, kwakanga kwakaungana Zvapupu zvinenge 200, kusanganisira madzimai nevana. Ndichibatsirwa neimwe hanzvadzi yaiva piyona, ndakakwanisa kuwana rimwe boka reZvapupu zvinenge zana, zvakanga zvatizira musango reLomara.

Lawrence Ugwuegbu aiva mumwe weboka rehama dzakashinga dzaigara mutaundi raiva rasakadzwa nehondo reOwerri. Akandiudza kuti munharaunda yeOhaji maiva neZvapupu zvakawanda. Zvaisakwanisa kufamba-famba zvakasununguka, sezvo varwi vaiva munharaunda yacho. Isu tiri vaviri takachovha mabhasikoro tichienda ikoko usiku uye takaonana neZvapupu zvinenge 120 zvaiva mukomboni yeimwe hama. Takashandisawo mukana iwoyo kuti tishanyire zvimwe Zvapupu zvaiva zvakavanda.

Hama Isaac Nwagwu vakaisa upenyu hwavo pangozi kuti vandibatsire kutsvaka dzimwe hama dzakanga dzasiya misha yadzo. Vakandiyambutsa Rwizi runonzi Otamiri ndiri muigwa kuti tinoonana neZvapupu zvaipfuura 150 zvaiva zvakaungana muEgbu-Etche. Imwe hama yaiva ikoko yakati: “Iri ndiro zuva rinopfuura mamwe ose muupenyu hwangu! Handina kumbofa ndakafunga kuti ndaizoonazve mutariri wedunhu. Kana ndikafa iye zvino muhondo iyi iri kupisa, ndinogutsikana.”

Ndaiva mungozi yokutorwa kuti ndiende kubasa rechiuto, asi nguva nenguva ndainzwa kuti Jehovha aindichengetedza. Mamwe masikati, sezvandaidzoka kumba kwandaigara pashure pokunge ndaonana nehama dzinenge 250, boka revarwi rakandimisa parodhibhuroku. “Nei usina kuenda kuhondo nevamwe?” vakandibvunza kudaro. Ndakatsanangura kuti ndaiva mumishinari aiparidza mashoko oUmambo hwaMwari. Ndakabva ndaona kuti vaida kundisunga. Pashure pomunyengetero mupfupi womumwoyo, ndakati kumukuru mukuru wavo, “Ndapota ndisunungurei.” Zvinoshamisa kuti akapindura achiti, “Uri kuti tikurege uchienda here?” “Hungu,” ndakapindura kudaro, “ndisunungurei.” Iye akabva ati, “Chienda.” Hapana kana mumwe wevarwi akataura chimwe chinhu.—Pisarema 65:1, 2.

Kugutsikana Kunounza Zvimwe Zvikomborero

Pashure pokunge hondo yapera muna 1970, ndakaramba ndichishanda mubasa redunhu. Kubatsira kurongazve ungano yaiva ropafadzo. Saka, ini naChristiana takashanda semapiyona chaiwo kusvikira muna 1976, pandakagadzwazve somutariri wedunhu. Nechepakati pegore iroro, ndakanzi ndiite basa rokutarisira ruwa. Kwapera makore manomwe, ini nomudzimai wangu takakokwa kuti tizoshanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha yokuNigeria, kwatiri kugara iye zvino. Pano pabazi, tinogara tichifara kuonazve hama nehanzvadzi dzataisangana nadzo pairwisana vanhu vomunyika ino nepane dzimwewo nguva uye vachiri kushumira Jehovha vakatendeka.

Mumakore ose aya, Christiana ave achinditsigira kwazvo uye akavimbika kwandiri. Kuva kwake munhu ane tariro uye akatsunga, pasinei zvapo nokugara achinetseka noutano zvaave achitsungirira kubvira muna 1978, kwakandibatsira kuti ndirambe ndichienderera. Takaona kuti mashoko omunyori wepisarema ndeechokwadi, anoti: “Jehovha uchamutsigira panhoo yourwere.”—Pisarema 41:3.

Ndichifunga nezvemakore aya ebasa rechiKristu, chokwadi ndinotenda Jehovha nokuda kwezvikomborero zvake zvinoshamisa. Nokugutsikana nezvaanogovera, chokwadi ndinogona kutaura kuti ndakawana mufaro mukuru. Mufaro wokuona vanun’una vangu nehanzvadzi, vana vangu, uye mhuri dzavo vose vachishumira Jehovha pamwe chete neni nomudzimai wangu chikomborero chisingaenzaniswi. Jehovha akandigutsa noupenyu hwakapfuma uye hune zvahunoreva. Hapana zvandaishuva zvisina kuitika.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Twakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Asi iye zvino hatuchadhindwi.

[Bhokisi riri papeji 27]

Urongwa Hwakaitwa Panguva Yakakodzera Hunobatsira Kutsigira Hama

Pakati pema1960, kuvengana kwemapoka edzinza kuchamhembe nokumabvazuva kweNigeria kwakaita kuti pave nokuvhiringidzika, kumukira, kusateerera mutemo, uye chisimba pakati pemadzinza. Zviitiko izvi zvakaita kuti Zvapupu zvaJehovha izvo zvakanga zvakatsunga kuramba zvisina kwazvakarerekera muhondo yacho, zviomerwe kwazvo. Zvinenge 20 zvakapondwa. Zvakawanda zvakarasikirwa nezvinhu zvazvo zvose.

Musi waMay 30, 1967, nzvimbo dzokumabvazuva kweNigeria dzakabuda muboka racho, dzikaumba Republic of Biafra. Uto reboka racho rakaunganidzwa, uye rakadzivirira kuMabvazuva. Hondo yevanhu vomunyika imwe chete yechisimba uye yakateurwa ropa rakawanda kwazvo yakatanga.

Kusava nokwavakarerekera kweZvapupu zvaJehovha munharaunda yeBiafra kwakaita kuti varwiswe. Mapepanhau akabudisa mashoko anotyisa, achikurudzira vanhuwo zvavo kuti vavarwise. Zvisinei, Jehovha akava nechokwadi chokuti vashumiri vake vagamuchira zvokudya zvomudzimu. Sei?

Kutanga kwa1968, mumwe mushandi wehurumende akanzi ashandire kuEurope uye mumwe wacho akanzi ashandire kunhandare yendege yokuBiafra. Vose vaiva Zvapupu. Mabasa avo akavaisa kumiganhu yakapesana yaiita kuti Biafra ikwanise kuwana zvaibva kunze kwenyika. Zvapupu izvi zviviri zvakazvipira kuita basa raiva nengozi rokupinza zvokudya zvomudzimu muBiafra. Zvakabatsirawo kugovera hama dzedu dzaitambura zvinhu zvaiyamura. Hama dzacho mbiri dzakakwanisa kuita kuti urongwa uhwu hurambe huchienderera munguva yehondo yose, iyo yakazoguma muna 1970. Mumwe wavo akazoti: “Urongwa uhwu hausi chinhu chingadai chakarongwa nevanhu.”

[Mufananidzo uri papeji 23]

Muna 1956

[Mufananidzo uri papeji 25]

Muna 1965, tiine vanakomana vedu, Joel naSamuel

[Mufananidzo uri papeji 26]

Chikomborero chakadini kushumira Jehovha semhuri!

[Mufananidzo uri papeji 27]

Nhasi, ini naChristiana tinoshanda tiri pabazi reNigeria