Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuratidza Kwatinoita Kuti Tinoda Mwari

Kuratidza Kwatinoita Kuti Tinoda Mwari

Kuratidza Kwatinoita Kuti Tinoda Mwari

KUKUDZIRIDZA kuda Mwari hakusi kungomuziva. Sezvingapupurirwa nevashumiri vaMwari pasi pose, munhu paanoziva unhu hwaMwari, kumuda zvechokwadi kwaanoita kunowedzera uye kunotosimba paanojairana nezvaanoda, zvaanovenga, uye zvaanofarira nezvaanorayira.

Norudo, Jehovha akatipa Shoko rake, Bhaibheri, maanotiudza nezvake. Mariri, tinodzidza zvaakaita mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Tsamba inobva kumudiwa zvainotifadza zvikuru, Bhaibheri rinotifadzawo sezvatinoona zvinhu zvitsva zvounhu hwaJehovha zvichiziviswa.

Zvisinei, sezvatinomboona muushumiri hwedu hwepachena, kudzidza nezvaMwari nguva dzose hakuiti kuti munhu amude. Jesu akati kune vamwe vaJudha vomuzuva rake vakanga vasingaongi: “Munonzvera Magwaro, nokuti munofunga kuti muchava noupenyu husingaperi nawo; . . asi ndinonyatsoziva kuti kuda Mwari hakusi mamuri.” (Johani 5:39, 42) Vamwe vanopedza makore akawanda vachidzidza nezvezviito zvaJehovha zvorudo asi havatombomudi. Nei? Vanokundikana kufungisisa zvinorehwa nezvavanodzidza. Kusiyana neizvi, mamiriyoni evanhu vakatendeseka vatinodzidza navo Bhaibheri vanoona kuti kuda kwavanoita Mwari kunoramba kuchiwedzera. Nei? Nokuti, sezvatakaita isu, vanotevera muenzaniso waAsafi. Sei?

Fungisisa Uchionga

Asafi akatsunga kukudziridza kuda Jehovha mumwoyo make. Akanyora kuti: “Ndinotaurirana nomwoyo wangu . . . Ndichareva zvakaitwa naJehovha; nokuti ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare. Ndichafungisisawo basa renyu rose, nokurangarira zvamakaita.” (Pisarema 77:6, 11, 12) Kuda Mwari kuchakura mumwoyo womunhu anofungisisa nzira dzaJehovha sezvakaitwa nomunyori wepisarema.

Uyezve, kuyeuka zviitiko zvakatifadza tichishumira Jehovha kunosimbisa ukama hwedu naye. Muapostora Pauro akati tiri “vashandi pamwe” naMwari, uye ushamwari hwatingava nahwo nevatinoshanda navo hunokosha zvikuru. (1 VaKorinde 3:9) Patinoratidza kuti tinoda Jehovha, anozvifarira, uye zvinoita kuti mwoyo wake ufare. (Zvirevo 27:11) Zvadaro, patinokumbira kubatsirwa naJehovha, iye obva atibatsira kugadzirisa rimwe dambudziko rakati, tinoziva kuti anesu, uye kumuda kwatinoita kunowedzera.

Ushamwari hwevanhu vaviri hunokura sezvavanoratidzirana manzwiro avo. Saizvozvowo, patinoudza Jehovha kuti nei takazvipira kwaari, kumuda kwatinoita kunosimbiswa. Tinenge tava kutofunga mashoko aJesu anoti: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose uye nesimba rako rose.” (Mako 12:30) Tingaitei kuti tive nechokwadi chokuti ticharamba tichida Jehovha nomwoyo wedu wose, mweya wedu wose, pfungwa dzedu dzose, uye simba redu rose?

Kuda Jehovha Nomwoyo Wedu Wose

Magwaro anotaura nezvomwoyo wokufananidzira, uyo uri munhu womukati—zvatinoshuva, mafungiro edu, nemanzwiro edu. Saka kuda Jehovha nomwoyo wedu wose kunoreva kuti tinoda kumufadza kupfuura zvimwe zvinhu zvose. (Pisarema 86:11) Tinoratidza kuti tine rudo rwakadaro nokuita kuti unhu hwedu hugamuchirike kwaari. Tinoedza kutevedzera Mwari ‘nokusema zvakaipa tonamatira kune zvakanaka.’—VaRoma 12:9.

Kuda kwedu Mwari kunochinja maonero atinoita zvinhu zvose. Somuenzaniso, tingaona basa redu richinakidza kana kuti richitora nguva yedu yakawanda, asi ndipo pane mwoyo wedu here? Aiwa. Sezvo tichida Jehovha nomwoyo wedu wose, chokutanga tiri vashumiri vaMwari. Saizvozvowo, tinoda kufadza vabereki vedu, watakaroorana naye, uye watinoshandira, asi tinoratidza kuda Jehovha nomwoyo wose nokuita kuti kumufadza kuve chinhu chokutanga. Nokutika ndiye akakodzerwa nenzvimbo yokutanga mumwoyo yedu.—Mateu 6:24; 10:37.

Kuda Jehovha Nomweya Wedu Wose

MuMagwaro shoko rokuti “mweya” rinowanzoreva munhu wose sezvaari uyewo upenyu hwaanahwo. Saka kuda Jehovha nomweya wedu wose kunoreva kuti tinoshandisa upenyu hwedu kumurumbidza uye kuratidza kuti tinomuda.

Chokwadi, tingava nezvimwe zvinhu zvatinofarira muupenyu, zvakadai sokudzidzira basa rakati, kuva nebhizimisi, kana kuti kurera mhuri. Asi panguva imwe chete, tinoratidza kuda Jehovha nomweya wedu wose nokuita zvinhu nenzira yake uye nokurega zvimwe zvinhu zviri munzvimbo yazvo yakakodzera muupenyu hwedu. Tikadaro tinenge ti“chitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.” (Mateu 6:33) Kunamata nomweya wose kunorevawo kushingaira. Tinoratidza Jehovha kuti tinomuda nokushingairira kuparidza shoko roUmambo, kutsinhira zvinovaka pamisangano, kana kuti kubatsira hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu. Muzvinhu zvose, tinoramba ti“chiita kuda kwaMwari nemweya wose.”—VaEfeso 6:6.

Jesu akaratidza kuda Mwari nomweya wose nokuzviramba. Akaisa kuda Mwari panzvimbo yokutanga uye zvaaida panzvimbo yechipiri. Jesu akatikumbira kuti titevedzere muenzaniso wake. Akati: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atore danda rake rokutambudzikira arambe achinditevera.” (Mateu 16:24, 25) Kuzviramba kunoreva kuzvitsaurira. Kunoreva kuti tinoda Mwari chaizvo zvokuti isu sezvatiri tinozvipa kwaari, sokuda kwaiita muIsraeri tenzi wake munguva inotaurwa muBhaibheri zvokuti aizvipira kwaari ova muranda nokusingaperi. (Dheuteronomio 15:16, 17) Kutsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha kunopa uchapupu husingarambiki hwokuti tinomuda.

Kuda Jehovha Nepfungwa Dzedu Dzose

Kuda Jehovha nepfungwa dzedu dzose zvinoreva kuti tinoita zvose zvinodiwa kuti tinzwisise unhu hwaJehovha, zvinangwa zvake, uye zvaanoda. (Johani 17:3; Mabasa 17:11) Tinoratidza kuda kwedu Jehovha nokushandisa mano edu ose okufunga mukubatsira vamwe kuti vasvikewo pakuda Jehovha uye nokuwedzera unyanzvi hwedu hwokudzidzisa. “Sungai pfungwa dzenyu nokuda kwebasa,” akakurudzira kudaro muapostora Petro. (1 Petro 1:13) Uyewo, tinoedza kufarira vamwe, zvikurukuru vaya vatinonamata navo Mwari. Tinoziva mamiriro avo ezvinhu uye tinocherechedza pazvinenge zvakakodzera kuti varumbidzwe kana kuti pavanenge vachida kunyaradzwa.

Tinoratidza kuti tinoda Jehovha nepfungwa dzedu dzose nokumuteerera mupfungwa. Tinoedza kuona zvinhu semaonero aanoita, kushandisa nhungamiro yake patinoita zvisarudzo, uye kuvimba kuti nzira yake ndiyo yakanakisisa. (Zvirevo 3:5, 6; Isaya 55:9; VaFiripi 2:3-7) Asi sezvatinoramba tichiratidza kuda kwedu Mwari, tingashandisa sei simba redu?

Kuda Jehovha Nesimba Redu Rose

Pwere dzakawanda dziri muungano yechiKristu dzinoshandisa simba radzo kurumbidza Jehovha. (Zvirevo 20:29; Muparidzi 12:1) Imwe nzira iyo vaKristu vechiduku vakawanda vanoratidza nayo kuti vanoda Jehovha nesimba ravo rose kuitawo basa roupiyona, ushumiri hwenguva yakazara. Vanaamai vakawanda vanoitawo ushumiri uhwu vana vavo pavanenge vari kuchikoro. Vakuru vakatendeka vanoita basa rokufudza kuwedzera pakutarisira mhuri dzavo vanoratidza kuti vanoda Jehovha nesimba ravo rose. (2 VaKorinde 12:15) Jehovha anopa simba vaya vanoisa tariro yavo maari, zvokuti vanogona kuratidza kuti vanomuda nokumurumbidza, vachishandisa chero simba ripi zvaro ravainaro.—Isaya 40:29; VaHebheru 6:11, 12.

Rudo ruchakura kana rukakudziridzwa zvakafanira. Naizvozvo, tinoramba tichitsvaka nguva yokuti tifungisise. Tinoyeuka zvatakaitirwa naJehovha uye kuti nei achikodzerwa nokuzvipira kwedu. Sevazukuru vaAdhamu vasina kukwana, hatingambovi vakakodzerwa ne“zvinhu izvo Mwari akagadzirira vanomuda,” asi tinogona kuratidza kuti tinoda Jehovha nesimba redu rose. Ngatirambei tichiita izvozvo!—1 VaKorinde 2:9.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Tinoratidza kuti tinoda Mwari nezviito