Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Machechi Anogona Kubatsirwa Here?

Machechi Anogona Kubatsirwa Here?

Machechi Anogona Kubatsirwa Here?

“VANHU vokuBritain vachiri kutenda muna Mwari asi havadi kuzvipira kuna Kristu,” anodaro Stephen Tirwomwe, mufundisi wokuUganda. Anenge makore 20 apfuura, akapukunyuka kubviswa nechisimba kwevamwe vatungamiriri vechechi yaaipinda kuUganda. Nhasi, anoparidza mumasangano evanhurume muLeeds, kuEngland, uye anotaura kwemaminitsi gumi vateereri vake vasati vatanga kutamba mutambo wemakasi unonzi bingo.

Kubva kuBritain kusvika kuAmerica, Chirongwa cheAnglican chichangobva kurongwa muAmerica chiri kutarisana nedambudziko rakafanana mune zvokunamata. “Munyika yose United States zvino ndiyo yave nyika ine vanhu vakawanda kwazvo vanotaura Chirungu vasingaendi kuchechi uye vasingafariri zvokunamata,” inodaro Indaneti yechirongwa cheAnglican. “Tazova ndima inoda mamishinari.” Vechirongwa chitsva ichi havachatevedzeri zvagara zvichiitwa uye vakabatana nevatungamiriri vokuAsia nevokuAfrica kuti vatange “kuita kuti mamishinari aendewo kuUnited States,” mushure mokunge vaodzwa mwoyo nokukundikana kuchinja zvinhu muchechi yavo.

Zvisinei, nei mamishinari okuAfrica, Asia, uye Latin-America ari ‘kuparidza’ munyika dzinozviti ndedzechiKristu dzeEurope neNorth America?

Ndiani Ari Kubatsira Mumwe?

Kwemakore anopfuura mazana mana, mamishinari akazvipira okuEurope aiteverawo nyika dzaiwedzera kuva pasi poudzori hwenyika dzokuEurope dzakadai sedzomuAfrica, Asia, Pacific, neSouth America. Chinangwa chavo chaiva chokuunza chitendero chavo kune vainzi vahedheni vaiva munyika idzodzo. Nokufamba kwenguva nyika dzaidzorwa neAmerica, dzainzi dzaiva nenhungamiro yechiKristu, dzakatangawo zvirongwa zvadzo zvokutumira mamishinari sezvaiitwa nevamwe vavo vokuEurope, dzikazopedzisira dzavapfuura. Iye zvino zvinhu zvachinja.

“Muzinda [wechiKristu chezita] wachinja,” anodaro Andrew Walls, mutungamiriri akatanga Muzinda Wokudzidza chiKristu muNyika Dzisiri Dzokumadokero. Muna 1900, 80 muzana yevaya vaizviti vaKristu vaiva vokuEurope kana kuti vokuNorth America. Zvisinei, nhasi 60 muzana yevose vanozviti vaKristu vanogara muAfrica, Asia, neLatin America. Mumwe mushumo womupepanhau uchangobva kubuda unoti: “Chechi dzeKaturike dzomuEurope dzava kutongovimba nokuwana vapristi kubva kuPhilippines nokuIndia,” uye “mupristi mumwe chete pavatanhatu anoshumira muchechi dzeKaturike dzokuAmerica zvino ave kutorwa kubva kune imwe nyika.” Vaparidzi vokuAfrica vari muNetherlands, kunyanya vanobva kuGhana, vanozviona se“chechi yemamishinari iri munyika dzisingadi zvokunamata.” Uye vaparidzi vanobva kuBrazil zvino vanoita misangano yechechi munzvimbo dzakasiyana-siyana dzeBritain. Mumwe munyori anoti: “Kwaimbobva mamishinari ndiko kwaave kutumirwa.”

Dambudziko Riri Kuramba Richiwedzera

Mamishinari angatodiwa munyika dziri kuramba dzichiwedzera kusada zvokunamata dzokuEurope nedzokuNorth America. “MuScotland vaKristu vari pasi pe10 muzana ndivo vanogaroenda kuchechi,” inodaro imwe magazini. MuFrance nomuGermany vanotova vashoma. Pavanobvunzurudzwa, “vokuAmerica vanenge 40 muzana uye vokuCanada vanenge 20 muzana vanoti vanogaroenda kuchechi,” unodaro mumwe mushumo womupepanhau. Kusiyana neizvi, vanoenda kuchechi muPhilippines vanonzi vanotoda kusvika 70 muzana, uye ndozvazviriwo mune dzimwe nyika dzichiri kubudirira.

Zvinotokosha kuti muNyika Dzokumaodzanyemba vaya vanoenda kuchechi vanoita zvagara zvichitaurwa nechechi kupfuura vaya vari muNyika Dzokuchamhembe. Somuenzaniso vaKaturike vokuUnited States neEurope pavanobvunzurudzwa, vanogara vachingotaura nezvokusavimba kwavo nevatungamiriri uye vanotsigira kuti vanhuwo zvavo vave nezvavanoitawo uye kuti vakadzi vaenzaniswe nevarume. Asi vaKaturike vari muNyika Dzokumaodzanyemba, vanobvuma nomwoyo wose zvagara zvichitaurwa nechechi panyaya idzi. Sezvo Nyika Dzokumaodzanyemba dziri kuramba dzichitsigira chechi kupfuura Nyika Dzokuchamhembe, patova nepokutangira kuti pazova nokurwisana munguva yemberi. Philip Jenkins, nyanzvi yezvenhau nezvechitendero, inofungidzira kuti: “Mukana uripo chaizvo wokuti mumakore gumi kana kuti makumi maviri, vanhu vomumachechi aya havazooni chechi dzokune rimwe divi renyika sedzechiKristu chaichoicho kana kuti chechokwadi.”

Achifunga nezveizvi, Walls anoti nyaya inoda kukurumidzirwa ndeyokuti “vaKristu vomuAfrica, Asia, Latin America, North America nevokuEurope vangagarisana sei muchechi imwe chete, vachitaura zvechokwadi kuti vanotenda zvakafanana.” Iwe unofungei? Machechi angabatsirwa here munyika yakaparadzana? Chii chinoumba kubatana kwechokwadi kwechiKristu? Nyaya inotevera ichapa mhinduro dzomuMagwaro, pamwe chete nouchapupu hwakajeka hwokuti vaKristu vechokwadi vakatowanda pasi pose.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Resitorendi iyi inoitwa zvemimhanzi yaimbova chechi

[Kwazvakatorwa]

AP Photo/Nancy Palmieri