Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Sezvo vaRevhi vainge vasina nhaka muIsraeri yekare, Hanameri muRevhi aigona sei kutengesera munda kumuzukuru wake muRevhi, Jeremia, sezviri pana Jeremia 32:7?

NezvevaRevhi, Jehovha akaudza Aroni kuti: “Iwe haungavi nenhaka . . . , haungavi nomugove pakati pavo [vaIsraeri].” (Numeri 18:20) Kunyange zvakadaro, vaRevhi vakapiwa maguta 48 pamwe chete nemafuro awo, izvo zvaiva kwose kwose muNyika Yakapikirwa. Taundi rokumusha kwaJeremia rainzi Anatoti, rimwe remaguta akapiwa ‘vana vaAroni mupristi.’—Joshua 21:13-19; Numeri 35:1-8; 1 Makoronike 6:54, 60.

Pana Revhitiko 25:32-34, tinowana kuti Jehovha akapa mirayiridzo yakananga nezve‘kodzero yokudzikinura’ pfuma yevaRevhi. Zviri pachena kuti mhuri imwe neimwe yevaRevhi yaiwana kodzero yenhaka pamusoro pokuva nepfuma yakati, kuishandisa, uye kuitengesa. Izvozvo zvaisanganisira kutengeswa nokutengwazve kwepfuma. * Kakawanda, vaRevhi vaiva nepfuma uye vaiishandisa sezvaiita vaIsraeri vemamwe madzinza.

Zvichida, muRevhi aigona kuva nepfuma yakadaro iri nhaka yemhuri. Zvisinei, nezve‘kodzero yokudzikinura,’ vaRevhi ndivo vaigona kutengeserana chete. Uyewo, zvinoita sokuti kutengeswa nokudzikinurwa kwomunda kwaingoitwa kupfuma yaiva mumaguta, sezvo “minda yokuruwa rwamaguta avo” yaisafanira kutengeswa nokuti yaiva “yavo nokusingaperi.”—Revhitiko 25:32, 34.

Saka zviri pachena kuti munda wakatengwa naJeremia kuna Hanameri ndouya waigona kutengeserwa mumwe munhu. Waigona kunge uri muguta racho. Jehovha pachake akasimbisa kuti “munda” watiri kutaura nezvawo waiva waHanameri uye kuti Jeremia aiva ‘nekodzero yokuudzikinura.’ (Jeremia 32:6, 7) Jehovha akashandisa kutengeserana uku nenzira yokufananidzira kuti asimbise chipikirwa chake chokuti vaIsraeri vaizodzoka kuzotora nhaka yavo yenyika pashure penguva yakati vari nhapwa muBhabhironi.—Jeremia 32:13-15.

Hapana chinoratidza kuti Hanameri akanga awana pfuma iyi yaiva muAnatoti, nenzira isina kukodzera. Hapana chinoratidza kuti akaputsa mutemo waMwari nokushevedza Jeremia kuti azotenga munda uyu waiva muAnatoti kana kuti Jeremia akashandisa zvisina kunaka kodzero yake yokudzikinura nokutenga munda wacho.—Jeremia 32:8-15.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Muzana rokutanga remakore C.E., muRevhi ainzi Bhanabhasi akatengesa munda waaiva nawo akapa mari yacho kuti ibatsire vateveri vaKristu vaishayiwa vaiva muJerusarema. Pfuma iyi ingave yaiva muParestina kana kuti muKupro. Kana kuti inogona kunge yaive munda wokuviga vakafa uyo Bhanabhasi akanga atenga munharaunda yeJerusarema.—Mabasa 4:34-37.