Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Muranda Akatendeka’ Anokunda Muedzo!

‘Muranda Akatendeka’ Anokunda Muedzo!

‘Muranda Akatendeka’ Anokunda Muedzo!

“Inguva yakatemwa yokuti kutongwa kutange neimba yaMwari.”—1 PETRO 4:17.

1. Jesu akaonei paakaedza “muranda”?

PAPENDEKOSTI ya33 C.E., Jesu akagadza “muranda” kuti agovere “veimba” yake zvokudya panguva yakafanira. Muna 1914, Jesu akagadzwa pachigaro saMambo, uye nokukurumidza yakanga yava nguva yokuedza “muranda” iyeye. Akaona kuti vakawanda vo“muranda” wacho vakanga varatidza kuva ‘vakatendeka, vakangwara.’ Saka, akavagadza “pazvinhu zvake zvose.” (Mateu 24:45-47) Zvisinei, paivawo nomuranda akaipa, akanga asina kutendeka kana kuti kungwara.

“Muranda Akaipa Iyeye”

2, 3. “Muranda akaipa iyeye” akabva kupi, uye akaoneka sei?

2 Jesu akataura nezvomuranda akaipa achangobva kukurukura nezvo“muranda akatendeka, akangwara.” Akati: “Kana zvikaitika chete kuti muranda akaipa iyeye akati mumwoyo make, ‘Tenzi wangu ari kunonoka,’ akatanga kurova varanda pamwe naye uye akadya nokunwa nezvidhakwa zvinozivikanwa, tenzi womuranda iyeye achauya pazuva raasingatarisiri uye muawa yaasingazivi, uye achamuranga zvakaoma zvikuru kwazvo uye achamugovera mugove wake nevanyengeri. Ikoko ndiko kuchava nokuchema kwake nokugeda-geda kwemazino ake.” (Mateu 24:48-51) Mashoko okuti “muranda akaipa iyeye” anoita kuti tifunge nezvemashoko akatanga kutaurwa naJesu pamusoro pomuranda akatendeka, akangwara. Chokwadi, “muranda akaipa” wacho akabva panhengo dzomuranda akatendeka. * Sei?

3 Gore ra1914 risati rasvika, nhengo dzakawanda dzeboka romuranda akatendeka dzaitarisira zvakasimba kusangana noMuroori kudenga gore iroro, asi zvavaitarisira hazvina kuitika. Nokuda kweizvi uye zvimwe zvakaitika, vakawanda vakaodzwa mwoyo uye vashomanana vakashatiriswa. Vamwe veava ‘vakarova’ vaimbova hama dzavo nemashoko uye vakashamwaridzana ne“zvidhakwa zvinozivikanwa,” mapoka echitendero chechiKristudhomu.—Isaya 28:1-3; 32:6.

4. Jesu akabata sei no“muranda akaipa” uye navose vakaratidza pfungwa yakadaro?

4 Ava vaimbova vaKristu vakasvika pakuzivikanwa so“muranda akaipa,” uye Jesu akavaranga “zvakaoma zvikuru.” Sei? Akavaramba, uye vakarasikirwa netariro yavo yokudenga. Zvisinei, havana kubva vaparadzwa. Vaifanira kutanga vatsungirira nguva yokuchema neyokugeda-geda kwemazino “murima riri kunze” kweungano yechiKristu. (Mateu 8:12) Kubvira pamazuva iwayo okutanga, vamwe vanhu vashomanana vakazodzwa vakaratidza pfungwa yakaipa kudaro, vachizvizivisa kuti ndevo“muranda akaipa.” Vamwe ve“mamwe makwai” vakatevedzera kusatendeka kwavo. (Johani 10:16) Vavengi vaKristu vose vakadaro vanoguma vava “murima [romudzimu] riri kunze.”

5. Muranda akatendeka uye akangwara akaita sei, kusiyana no“muranda akaipa”?

5 Muranda akatendeka uye akangwara akapindawo nomumiedzo yakafanana neyo“muranda akaipa iyeye.” Zvisinei, pane kushatiriswa, vakaruramiswa. (2 VaKorinde 13:11) Kuda kwavo Jehovha uye hama dzavo kwakasimbiswa. Saka, vave vari “mbiru nechitsigiso chechokwadi” mu‘mazuva ano okupedzisira’ asina kugadzikana.—1 Timoti 3:15; 2 Timoti 3:1.

Mhandara Dzakangwara Nedzakapusa

6. (a) Jesu akaenzanisira sei kungwara kweboka rake romuranda akatendeka? (b) Gore ra1914 risati rasvika, vaKristu vakazodzwa vakazivisa mashoko echii?

6 Apedza kutaura nezvo“muranda akaipa iyeye,” Jesu akataura mifananidzo miviri kuti aratidze kuti nei vamwe vaKristu vakazodzwa vaizova vakatendeka uye vakangwara nepo vamwe vaisazodaro. * Achienzanisira kungwara, akati: “Umambo hwokumatenga huchava hwakafanana nemhandara dzine gumi dzakatora marambi adzo dzikabuda kunochingura muroori. Shanu dzadzo dzakanga dzakapusa, uye shanu dzakanga dzakangwara. Nokuti dzakapusa dzakatora marambi adzo asi hadzina kutora mafuta, asi dzakangwara dzakatora mafuta mumidziyo yadzo nemarambi adzo.” (Mateu 25:1-4) Mhandara gumi idzi dzinotiyeuchidza nezvevaKristu vakazodzwa 1914 asati asvika. Dzakanga dzaona kuti muroori, Jesu Kristu, akanga ava kuda kuoneka. Saka, dzaka“buda,” kuti dzinomuchingura, dzichiparidza dzisingatyi kuti “nguva dzakatemwa dzemamwe marudzi” dzaizoguma muna 1914.—Ruka 21:24.

7. VaKristu vakazodzwa vakaita sokunge va‘rara,’ rini uye nei?

7 Vakanga vakarurama. Nguva dzakatemwa dzemamwe marudzi dzakaguma muna 1914, uye Umambo hwaMwari hunotongwa naKristu Jesu hwakatanga kutonga. Asi izvozvo zvakaitika kumatenga asingaoneki. Pasi pano, vanhu vakatanga kutambura “nhamo” yakanga yafanotaurwa. (Zvakazarurwa 12:10, 12) Nguva yokuedzwa yakatevera. Vasinganyatsonzwisisi zvinhu zvacho, vaKristu vakazodzwa vakafunga kuti ‘muroori akanga ari kunonoka.’ Vavhiringidzika uye vachishorwa nenyika, vakawanda vacho vakarega kushingaira uye vakatoda kurega basa rakarongwa rokuparidza pachena. Kufanana nemhandara dzomumufananidzo wacho, kana tichitaura nezvokunamata, va‘katsimwaira vakarara,’ sezvakaitwa nevaizviti vaKristu ivo vasina kutendeka pashure pokunge vaapostora vaJesu vafa.—Mateu 25:5; Zvakazarurwa 11:7, 8; 12:17.

8. Chii chakaita kuti pave nokudanidzira kwokuti: “Heuno muroori!” uye yakanga yava nguva yokuti vaKristu vakazodzwa vaitei?

8 Zvadaro muna 1919 chimwe chinhu chakanga chisingatarisirwi chakaitika. Tinoverenga kuti: “Pakati pousiku chaipo kudanidzira kwakavapo, ‘Heuno muroori! Budai muzomuchingura.’ Ipapo mhandara dzose idzodzo dzakamuka dzikagadzira marambi adzo.” (Mateu 25:6, 7) Zvinhu pazvakanga zvoita sezvisina kujeka, pakava nokudanidzira kuti vanhu vaite basa! Muna 1918, Jesu, “Mutumwa wesungano,” akanga auya kutemberi yomudzimu yaJehovha kuzoedza ungano yaMwari uye kuzoichenesa. (Maraki 3:1) Zvino, vaKristu vakazodzwa vaida kubuda kuti vanosangana naye muzvivanze zvepasi pano zvetemberi iyoyo. Yakanga yava nguva yokuti va“vheneke.”—Isaya 60:1; VaFiripi 2:14, 15.

9, 10. Muna 1919, nei vamwe vaKristu vakanga va“kangwara” uye vamwe va“kapusa”?

9 Asi chimbomira! Mumufananidzo wacho, dzimwe mhandara dzacho dzaiva nechinetso. Jesu akaenderera mberi achiti: “Dzakapusa dzakati kune dzakangwara, ‘Tipeiwo mamwe emafuta enyu, nokuti marambi edu ave kuda kudzima.’” (Mateu 25:8) Marambi aisazovheneka asina mafuta. Saka mafuta emarambi anotiyeuchidza nezveShoko raMwari rechokwadi uye mudzimu wake mutsvene, zvinosimbisa vanamati vechokwadi kuti vave vatakuri vechiedza. (Pisarema 119:130; Dhanieri 5:14) Gore ra1919 risati rasvika, vaKristu vakazodzwa vakangwara vakanga vashingairira kutsvaka kunzwisisa zvaidiwa naMwari kwavari, pasinei nokuti vakanga vasina kusimba kwekanguva. Saka, kudanidzira pakwakaitwa kuti vavheneke, vakanga vakagadzirira.—2 Timoti 4:2; VaHebheru 10:24, 25.

10 Zvisinei, vamwe vakazodzwa vakanga vasina kugadzirira kurega zvimwe zvinhu kana kuti kushingaira—kunyange zvazvo vaida nomwoyo wose kuva noMuroori. Saka payakanga yava nguva yokushingairira kuparidza mashoko akanaka, vakanga vasina kugadzirira. (Mateu 24:14) Vakatoedza kuita kuti shamwari dzavo dzisashingaira, vachitokumbira mamwe mafuta avo. Mumufananidzo waJesu, mhandara dzakangwara dzakapindura sei? Dzakati: “Zvichida pangasava neakanyatsotikwanira isu nemi. Asi, endai kune vanoatengesa muzvitengere.” (Mateu 25:9) Saizvozvowo, vaKristu vakazodzwa vaiva vakavimbika muna 1919 vakaramba kuita chero chinhu chipi zvacho chaizoderedza simba ravo kuti vatakure chiedza. Saka, vakakunda muedzo.

11. Chii chakaitika kumhandara dzakapusa?

11 Jesu anogumisa achiti: ‘Mhandara dzakapusa padzakanga dzichienda kunotenga, muroori akasvika, uye mhandara dzakanga dzakagadzirira dzakapinda naye mumuchato; uye musuo wakapfigwa. Pashure paizvozvo dzimwe mhandara dzose dzakauyawo, dzichiti, ‘Changamire, changamire, tizarurireiwo!’ Iye akapindura kuti, ‘Ndinokuudzai chokwadi, handikuzivii.’’ (Mateu 25:10-12) Chokwadi, vamwe vakanga vasina kugadzirira kusvika kwoMuroori. Saka, havana kukunda muedzo uye vakarasikirwa nomukana wokupinda mutambo womuchato wokudenga. Zvinosuruvarisa kwazvo!

Mufananidzo Wematarenda

12. (a) Jesu akashandisei kuenzanisira kutendeka? (b) Ndiani murume “akaenda kunze kwenyika”?

12 Pashure pokuenzanisira kungwara, Jesu akaenderera mberi achienzanisira kutendeka. Akati: “Zvakafanana neapo mumwe murume, akanga ave kuda kuenda kunze kwenyika, akadana varanda vake akavaronzesa zvinhu zvake. Uye akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwezve rimwe, mumwe nomumwe maererano nemano ake, akaenda kunze kwenyika.” (Mateu 25:14, 15) Murume womumufananidzo wacho ndiJesu pachake, uyo “akaenda kunze kwenyika” paakakwira kudenga mugore ra33 C.E. Asi asati akwira, Jesu akaronzesa “zvinhu zvake” kuvadzidzi vake vakatendeka. Sei?

13. Jesu akagadzirira sei munda mukuru webasa ndokubvumira “varanda” vake kuti vaite bhizimisi?

13 Paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu akatanga kugadzirira munda mukuru webasa nokuparidza mashoko akanaka oUmambo munyika yose yeIsraeri. (Mateu 9:35-38) Asati “aenda kunze kwenyika,” akaronzesa munda iwoyo kuvadzidzi vake vakatendeka, achiti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:18-20) Nemashoko iwayo, Jesu akabvumira “varanda” vake kuti vaite bhizimisi kusvikira adzoka, “mumwe nomumwe maererano nemano ake.”

14. Nei vose vakanga vasiri kutarisirwa kuita bhizimisi zvakafanana?

14 Mashoko iwayo anoratidza kuti havasi vaKristu vose vomuzana remakore rokutanga vakanga vaine mamiriro ezvinhu kana kuti zvavaikwanisa kuita zvakaenzana. Vamwe vakanga vakaita saPauro naTimoti, vaikwanisa kuita basa rokuparidza nokudzidzisa nepavaigona napo. Mamiriro ezvinhu evamwe angave akavatadzisa kuita zvakawanda. Somuenzaniso, vamwe vaKristu vaiva varanda, uye vamwe vairwara, vaiva vakwegura, kana kuti vaiva nemitoro yemhuri. Chokwadi, havasi vadzidzi vose vaiwana dzimwe ropafadzo dzeungano. Vakadzi vakazodzwa uye vamwe varume vakazodzwa vakanga vasingadzidzisi muungano. (1 VaKorinde 14:34; 1 Timoti 3:1; Jakobho 3:1) Zvisinei, chero angava aiva mamiriro avo ezvinhu, vadzidzi vaKristu vose vakazodzwa—varume nevakadzi—vakanzi vaende kunoita bhizimisi, vachishandisa zvakanaka mikana yavo uye mamiriro avo ezvinhu muushumiri hwechiKristu. Vamwe vavo vemazuva ano vanoita zvakafanana.

Nguva Yokuedzwa Inotanga!

15, 16. (a) Nyaya dzemari dzaifanira kugadziriswa rini? (b) Vaya vakatendeka vakapiwa mikana ipi mitsva yo‘kuita bhizimisi’?

15 Mufananidzo wacho unoenderera mberi uchiti: “Pashure penguva refu tenzi wevaranda ivavo akauya akagadzirisa zvemari dzake navo.” (Mateu 25:19) Muna 1914—pava nenguva refu kwazvo 33 C.E. apfuura—Kristu Jesu akatanga kuvapo kwake muumambo. Kwapera makore matatu nehafu, muna 1918, akauya kutemberi yaMwari yomudzimu ndokuzadzika mashoko aPetro anoti: “Inguva yakatemwa yokuti kutongwa kutange neimba yaMwari.” (1 Petro 4:17; Maraki 3:1) Yakanga yava nguva yokugadzirisa nyaya dzemari.

16 Hama dzaJesu dzakazodzwa, varanda, vakanga vaitei ne“matarenda” aMambo? Kubvira muna 33 C.E., kusanganisira makore anotisvitsa muna 1914, vakawanda vakanga vave vachishanda nesimba mu“bhizimisi” raJesu. (Mateu 25:16) Kunyange muhondo yenyika yokutanga, vakanga varatidza chido chakasimba chokushumira Ishe. Zvino zvaiva zvakakodzera kupa vaya vakatendeka mikana mitsva yokuti ‘vaite bhizimisi.’ Nguva yomugumo wenyika ino yakanga yasvika. Mashoko akanaka aifanira kuparidzwa pasi pose. “Zvinokohwiwa zvepasi” zvaifanira kukohwiwa. (Zvakazarurwa 14:6, 7, 14-16) Nhengo dzokupedzisira dzeboka regorosi dzaifanira kuwanikwa uye “boka guru” remamwe makwai rounganidzwa.—Zvakazarurwa 7:9; Mateu 13:24-30.

17. VaKristu vakazodzwa vakatendeka ‘vakapinda mumufaro watenzi wavo’ sei?

17 Nguva yokukohwa inguva inofadza. (Pisarema 126:6) Saka, zvakakodzera kuti muna 1919, Jesu paakaronzesa hama dzake dzakazodzwa dzakatendeka rimwe basa, akati: “Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma. Ndichakugadza pazvinhu zvakawanda. Pinda mumufaro watenzi wako.” (Mateu 25:21, 23) Uyezve, mufaro waTenzi saMambo achangogadzwa woUmambo hwaMwari unopfuura zvatingafungidzira. (Pisarema 45:1, 2, 6, 7) Boka romuranda akatendeka rinowana mufaro iwoyo nokumiririra Mambo wacho uye nokuwedzera zvaanoda pasi pano. (2 VaKorinde 5:20) Mufaro wavo unooneka mumashoko ouprofita aIsaya 61:10 anoti: “Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro muna Mwari wangu; nokuti wakandifukidza nguo dzoruponeso.”

18. Nei vamwe vasina kukunda muedzo, uye zvakaguma nei?

18 Zvinosuruvarisa kuti vamwe havana kukunda muedzo wacho. Tinoverenga kuti: “Uya akanga agamuchira tarenda rimwe akauya akati, ‘Tenzi, ndaikuzivai kuva munhu akaoma, anokohwa paasina kudyara uye anounganidza paasina kuurutsa. Nokudaro ndakatya ndikanovanza tarenda renyu muvhu. Heri torai zvenyu.’” (Mateu 25:24, 25) Saizvozvowo, vamwe vaKristu vakazodzwa vakanga vasina kuita “bhizimisi.” Gore ra1914 risati rasvika, vakanga vasina kuda kuudza vamwe tariro yavo, uye havana kuda kutanga kuita kudaro muna 1919. Jesu akaitei nokuvirima kwavo? Akavatorera ropafadzo dzavo dzose. Vaka‘kandirwa murima rokunze, uko kwavaizochema uye kwavaizogeda-geda mazino avo.’—Mateu 25:28, 30.

Kuedzwa Kwacho Kunoenderera Mberi

19. Kuedzwa kunoenderera mberi munzira ipi, uye vaKristu vakazodzwa vose vakatsunga kuitei?

19 Chokwadi, vazhinji vevaya vaizova varanda vaKristu vakazodzwa munguva yomugumo vakanga vasati vava kushumira Jehovha apo Jesu akatanga kuedza kwacho muna 1918. Havana kuzowana mukana wokuedzwa here? Kwete. Kuedzwa kwacho kwakazotanga muna 1918/19 apo muranda akatendeka uye akangwara akakunda muedzo wacho seboka. MuKristu akazodzwa oga oga acharamba achiedzwa kusvikira vaiswa chisimbiso zvachose. (Zvakazarurwa 7:1-3) Dzichiziva izvi, hama dzaKristu dzakazodzwa dzakatsunga kuramba ‘dzichiita bhizimisi’ dzakatendeka. Dzakatsunga kuva dzakangwara, dzichichengeta mafuta akawanda kuitira kuti chiedza chipenye zvakajeka. Dzinoziva kuti mumwe nomumwe paanosvika pamugumo woupenyu hwake akatendeka, Jesu achamugamuchira munzvimbo yokugara kudenga.—Mateu 24:13; Johani 14:2-4; 1 VaKorinde 15:50, 51.

20. (a) Nhasi mamwe makwai akatsunga kuitei? (b) VaKristu vakazodzwa vanoziva nezvei?

20 Boka guru remamwe makwai rakatevedzera hama dzaro dzakazodzwa. Vanoziva kuti kuziva kwavo zvinangwa zvaMwari kunounza mutoro mukuru. (Ezekieri 3:17-21) Saka, vachibatsirwa neShoko raJehovha uye mudzimu mutsvene, vanoitawo kuti mafuta avo arambe akawanda nokudzidza uye nokupinda misangano yechiKristu. Uye vanoita kuti chiedza chavo chipenye, vachiitawo basa rokuparidza nokudzidzisa nokudaro ‘vachiita bhizimisi’ pamwe nehama dzavo dzakazodzwa. Zvisinei, vaKristu vakazodzwa vanonyatsoziva kuti matarenda akaiswa mumaoko avo. Vanofanira kuzvidavirira nokuda kwokutarisirwa kuri kuitwa zvinhu zvaIshe zviri pasi pano. Kunyange zvazvo vari vashoma, havagoni kupa boka guru mutoro wavo. Achifunga izvi, muranda akatendeka uye akangwara anoramba achitungamirira mukutarisira bhizimisi raMambo, achionga rutsigiro rwenhengo dzakazvipira dzeboka guru. Ava vanoziva mutoro wehama dzavo dzakazodzwa uye vanonzwa vaine ropafadzo yokushanda vachitarisirwa navo.

21. Ndeipi kurudziro inoshanda kuvaKristu vose kutanga 1919 asati asvika kusvikira kuzuva redu?

21 Saka, kunyange zvazvo mifananidzo miviri iyi ichijekesa zviitiko zvomuna 1919 uye mumakore akapoteredza, nhungamiro dziri mairi dzinoshandawo kuvaKristu vechokwadi vose mumazuva okupedzisira. Nenzira iyi, nepo kurudziro yakapiwa naJesu pamugumo womufananidzo wemhandara gumi pakutanga ichishanda kuvaKristu vakazodzwa 1919 asati asvika, nhungamiro yacho ichiri kushandawo kumuKristu wose. Saka, tose zvedu ngatifungisisei mashoko aJesu anoti: “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi zuva racho kana awa yacho.”—Mateu 25:13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Saizvozvowo, vaapostora vafa, “mhumhi dzinodzvinyirira” dzakabva panhengo dzevakuru vechiKristu vakazodzwa.—Mabasa 20:29, 30.

^ ndima 6 Nokuda kwokumwe kukurukurwa kwomufananidzo waJesu, ona zvitsauko 5 ne6 zvebhuku rinonzi Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda Worugare,” rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungatsanangura Here?

• Jesu akaedza vateveri vake rini, uye akawanei?

• Nei vaKristu vakazodzwa vakatanga kuva nemafungiro o“muranda akaipa iyeye”?

• Tingaratidza sei kuti takangwara mune zvokunamata?

• Tichitevedzera hama dzaJesu dzakazodzwa dzakatendeka, tingaramba ‘tichiita bhizimisi’ munzira ipi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 16]

JESU ANOUYA RINI?

Muzvitsauko 24 ne25 zvaMateu, Jesu anonzi ano“uya” muzviitiko zvakasiyana-siyana. Haafaniri hake kuita zvokutofamba kuti a‘uye.’ Asi, ano“uya” mupfungwa yokutendeudzira pfungwa dzake kuvanhu kana kuti kuvateveri vake, kazhinji kuti atonge. Saka, muna 1914 aka“uya” kuti atange kuvapo kwake saMambo akagadzwa pachigaro choumambo. (Mateu 16:28; 17:1; Mabasa 1:11) Muna 1918 aka“uya” senhume yesungano ndokutanga kutonga vaya vaiti vanoshumira Jehovha. (Maraki 3:1-3; 1 Petro 4:17) PaAmagedhoni, acha“uya” kuzotonga vavengi vaJehovha.—Zvakazarurwa 19:11-16.

Kuuya (kana kuti, kusvika) kunotaurwa kakawanda muna Mateu 24:29-44 uye 25:31-46 kuchaitika pa“kutambudzika kukuru.” (Zvakazarurwa 7:14) Ukuwo, kuuya kunotaurwa kakawanda muna Mateu 24:45 kusvika pana 25:30 kune chokuita nokutonga kwake vave vachizviti vadzidzi vake kubvira muna 1918. Somuenzaniso, zvaisazova nomusoro kutaura kuti kupiwa mubayiro kwomuranda akatendeka, kutongwa kwemhandara dzakapusa, uye kutongwa kwomuranda ane usimbe, uyo akaviga tarenda raTenzi, kuchaitika pano“uya” Jesu pakutambudzika kukuru. Izvozvo zvingareva kuti vakawanda vevakazodzwa vachawanikwa vasina kutendeka panguva iyoyo uye vachafanira kutsiviwa. Zvisinei, Zvakazarurwa 7:3 inoratidza kuti varanda vaKristu vose vakazodzwa vachave va‘simbiswa’ zvachose panguva iyoyo.

[Mufananidzo uri papeji 14]

“Muranda akaipa” haana kuwana zvikomborero muna 1919

[Mufananidzo uri papeji 15]

Mhandara dzakachenjera dzakanga dzakagadzirira pakasvika muroori

[Mufananidzo uri papeji 17]

Varanda vakatendeka vakanga vaita “bhizimisi”

Muranda ane usimbe akanga asina

[Mifananidzo iri papeji 18]

Vakazodzwa uye “boka guru revanhu” vanoramba vachiita kuti chiedza chavo chipenye