Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Une Mwoyo Wakakwana Here?

Une Mwoyo Wakakwana Here?

Une Mwoyo Wakakwana Here?

MAMBO Dhavhidhi akakurudzira mwanakomana wake uye mutsivi, Soromoni, kuti ashumire Jehovha “nomwoyo wakakwana.” (1 Makoronike 28:9, NW) Mashoko iwayo anoshandawo zvakafanana kune vaya vanoda kushumira Mwari nhasi. Kuti tinzwisise zvakakwana zvaanoreva, tinofanira kunzwisisa zvinorehwa nevanyori veBhaibheri pavanotaura nezvomwoyo womunhu.

Mwoyo unoshandiswa chaizvo muMagwaro, unotaurwa kanenge kane chiuru munzira dzakasiyana-siyana. Shoko rechiHebheru re“mwoyo” ndi(lev, le·vavʹ) uye rechiGiriki ndi(kar·diʹa). Mashoko aya anoshandiswa nevanyori veBhaibheri sezvaanoreva chaizvoizvo uye nenzira yokufananidzira. Muzviitiko zvishomanana, panotaurwa nezvomwoyo chaiwoiwo, uyo une basa guru rokupomba ropa kuitira kuti masero omuviri awane zvokudya. (2 Madzimambo 9:24) Shoko rokuti “mwoyo” rinoshandiswa nenzira yokufananidzira munzvimbo zhinji yarinowanikwa muMagwaro.

Mwoyo Wokufananidzira

Mwoyo wokufananidzira womuBhaibheri haungorevi panobva chido uye kurudziro yokuita chimwe chinhu, uyewo haugumiri pakureva nezvouchenjeri. Bhuku rinonzi The Metaphorical Use of the Names of Parts of the Body in Hebrew and in Akkadian rinowedzera kutsanangura richiti: “Kune vaSemite . . . zvinhu zvose zvakanga zvisinganzwisisiki kuvanhu, manzwiro uyewo ungwaru nechido, zvainzi zvaibva pamwoyo.” Bhuku iri rinotizve mwoyo “ndiwo munhu wose womukati, kusiyana nomuviri, uyo uri munhu wokunze anobatika.”

Chinokosha kuna Mwari uyo anoongorora mwoyo, hachisi chitarisiko chokunze chete asi zvakaita munhu chaizvo mukati. (Zvirevo 17:3; 24:12) Saka Magwaro anonyevera kuti: “Chengeta mwoyo wako [munhu wose womukati] kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.” (Zvirevo 4:23) Uye madzimai echiKristu anokurudzirwa kunyanya kuchenjerera, kuti asangoshonga kunze chete, asi “munhu akavanzika wemwoyo akapfeka chipfeko chisingaori chomudzimu wakanyarara uye munyoro, uyo unokosha zvikuru mumaziso aMwari.”—1 Petro 3:3, 4.

Kakawanda muBhaibheri panoshandiswa shoko rokuti “mwoyo,” zviri pachena kuti rinenge richireva mano okufunga, asi kwete nepfungwa yokusiyanisa mano iwayo nezvimwe zvose zvinoumba munhu womukati. Mosesi akakurudzira vaIsraeri kuti, “Uzvichengete mumwoyo mako [kana kuti, unofanira kuyeuka], kuti Jehovha ndiye Mwari.” Uye gare gare akavaudza kuti, “Jehovha haana kukupai mwoyo [kana kuti, pfungwa yoku]ziva.”—Dheuteronomio 4:39, mashoko omuzasi, NW, Ref.; Dhe29:4, mashoko omuzasi, NW, Ref.

Mwoyo Nekurudziro

Simba rinotsigira mufambiro wedu ndechimwe chinhu chinokosha chomunhu womukati anomiririrwa no“mwoyo.” Saka, vaya vaipa mipiro yokuvaka tebhenekeri “vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomwoyo wake.” (Eksodho 35:21) VaHebheru 4:12 inotsanangura kuti shoko raMwari rechipikirwa, sezvinoita bakatwa rinopinza, rinokwanisa “kunzwisisa kufunga nevavariro dzemwoyo.” Jesu akaratidzawo kuti mumwoyo ndimo munobva simba rinokurudzira mufambiro wedu, ungava wakanaka kana kuti wakaipa.—Mateu 15:19.

Nechinangwa chokutibatsira kuva nekurudziro yakanaka, Bhaibheri rinonyevera kuti zvatinoita nevamwe zvisasvibiswe nechido chokuwana zvinhu noudyire kana kuti mararamire edu asarudzwe nokuda mari, uye kukara pfuma. (1 Timoti 6:9, 10; Judha 16) Asi rinotikurudzira kukudziridza kuda Mwari zvechokwadi sepanotangira kumushumira kwatinoita, uye rudo rwokurega zvimwe zvinhu senhungamiro mukubata nevatinonamata navo. (Johani 15:12, 13; 1 Johani 5:3) Bhaibheri rinotikurudzirawo kuva netsika yokuda vamwe sokuzvida kwatinozviita.—Ruka 10:27-37.

Zvakaita mwoyo wedu wokufananidzira zvinoratidzwa nemafungiro edu, zvatinofunga, tingave vanodada kana kuti vanozvininipisa. (Zvirevo 16:5) Manzwiro edu nepfungwa dzedu zvinoumbawo munhu womukati. Izvi zvinosanganisira rudo, mufaro, kurwadziwa nokusuruvara, uye ruvengo.—Revhitiko 19:17; Dheuteronomio 6:5; 28:47; VaRoma 9:2.

Ngwaririra Mwoyo Unonyengera

Kunyange zvazvo Adhamu akanga akakwana, akarega mwoyo wake uchinyengerwa; akaramba chokwadi uye akatsauka pana Mwari. (Ona Jakobho 1:14, 15.) Saka, vanhu vose, vana vaAdhamu akatadza, vakaberekerwa muchivi uye vakarererwa mune zvakaipa. (Pisarema 51:5) Mafashamo apera, nezvevanhuwo zvavo vanotadza Mwari akati: “Kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake.”—Genesi 8:21.

Mwari akaudza rudzi runopandukira rwaJudha kuti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose.” (Jeremia 17:9) Iyi inyevero yakakomba yokuti vaya vari kutsvaka kufadza Mwari vanofanira kuchenjerera kwete zvinoonekwa nevamwe vanhu asi rudzi rwomunhu rwavari chaizvoizvo, munhu womukati. Munhu angave ave ari muKristu kwemakore akawanda, aine zivo yakanaka yeBhaibheri, uye achinzwa aine chivimbo kuti anogona kutarisana nemamiriro ezvinhu ose angamuka. Asi, kunyange zvazvo achinyatsoziva kuti chimwe chinhu chakaipa uye chinoshorwa zvakananga nomutemo waMwari, pfungwa nezvido zvagara zviri pamwoyo pake zvingamunyengera kuita chivi.

Nokuda kwezvikonzero izvi muKristu, kunyange zvazvo achiziva chokwadi uye achizviona seakura, anofanira kuyeuka kuti unyengeri hunogona kuratidzwa nomwoyo wake saka anofanira kuzvichenjerera chaizvo kuti asazviisa pamuedzo.—1 VaKorinde 10:8-12.

Kushumira No“mwoyo Wakakwana”

Mwoyo chaiwoiwo unofanira kunge wakakwana kuti ushande zvakanaka, asi mwoyo wokufananidzira unogona kuva wakakamukana. Dhavhidhi akanyengetera kuti: “Batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu,” zvichiratidza kuti mwoyo womunhu unogona kuva wakakamukana kana totaura nezvezvaunoda uye zvaunotyira. (Pisarema 86:11) Munhu akadaro angave aine “mwoyo miviri”—achingotiwo zvake ari kushumira Mwari. (Pisarema 119:113; Zvakazarurwa 3:16) Munhu angavawo ne“mwoyo miviri” (chaizvoizvo, mwoyo nemwoyo), achiedza kushumira vanatenzi vaviri, kana kuti achitaura chimwe chinhu nokunyengera uku achifunga chimwewo.—1 Makoronike 12:33; Pisarema 12:2, mashoko omuzasi, NW, Ref.

Munhu anotsvaka kufadza Mwari haafaniri kuva nemwoyo miviri asi anofanira kumushumira nomwoyo wakakwana. (1 Makoronike 28:9) Izvi zvinoda kushanda nesimba tichifunga nezvokuora kwomwoyo uye kuda kuita zvakaipa. (Jeremia 17:9, 10) Zvinobatsira kuti mwoyo urambe wakakwana ndeizvi: munyengetero womwoyo wose, kudzidza Shoko raMwari nguva dzose, kuparidza mashoko akanaka nokushingaira, uye kusonganirana nevamwe vane mwoyo yakakwana kuna Jehovha.—Ezra 7:10; Pisarema 119:145; enzanisa na2 Madzimambo 10:15, 16; Jeremia 20:9.