Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vashumiri vaMwari Vakaita Semiti—Munzira Dzipi?

Vashumiri vaMwari Vakaita Semiti—Munzira Dzipi?

Vashumiri vaMwari Vakaita Semiti—Munzira Dzipi?

MUNYORI wepisarema achitaura nezvomunhu anofarira uye anoshandisa nhungamiro dzeBhaibheri muupenyu hwake, anoti: “Uchafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, mashizha awo haasvavi; chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” (Pisarema 1:1-3) Nei kuenzanisa uku kwakakodzera?

Miti inogona kugara kwenguva refu chaizvo. Somuenzaniso, mimwe miti yomuorivhi yomunharaunda yokuMediterranean inonzi yava nemakore anobvira pachiuru chimwe chete kusvikira kuzviviri. Uyewo, miuyu yomunyika dziri pakati peAfrica inorarama chaizvo, uye mupaini unonzi bristlecone wokuCalifornia unofungidzirwa kuti wave nemakore 4 600. Musango, miti yakura inowanzobatsira nharaunda yayo. Somuenzaniso, miti yakareba inopa mumvuri kumiti miduku, uye mashizha anodonha pamiti yacho anoita kuti ivhu racho riorere.

Miti yakareba kupfuura mimwe yose munyika inowanzowanikwa ichikura pamwe chete musango, mainotsigirana. Sezvo midzi yayo ingapindana-pindana, miti inoverengeka iri pamwe chete inogona kupukunyuka dutu kupfuura zvingaitwa nomuti mumwe chete unenge uri mugan’a. Midzi yakakura ingabatsirawo muti kuti uwane mvura yakakwana nezvokudya zvinobva muvhu. Pamwe pacho, midzi ingadzika pasi-pasi muvhu kupfuura kureba kunenge kwakaita muti wacho, kana kuti midzi yacho ingatambarara kupfuura kunogumira mapazi omuti wacho.

Muapostora Pauro angave aitaura nezvomuti paakatsanangura kuti vaKristu vanofanira ‘kuramba vachifamba vari pamwe na[Kristu], vakadzika midzi uye vachivakwa maari uye vachidzikamiswa pakutenda.’ (VaKorose 2:6, 7) Chokwadi, vaKristu vanogona kuramba vakasimba kana bedzi vachinge vakadzika midzi muna Kristu.—1 Petro 2:21.

Vashumiri vaMwari vangafananidzwa nemiti mune dzimwe nzira dzipi? Miti yakadyarwa pamwe chete zvainotsigirwa neimwe miti iri pedyo nayo, naizvozvo vose vaya vanoramba vari pedyo neungano yechiKristu vanotsigirwa nevavanotenda navo. (VaGaratiya 6:2) VaKristu vakatendeka, vakakura mumudzimu, zvavaine midzi yomudzimu yakadzika, vanobatsira vatendi vatsva kuti varambe vakasimba mukutenda, kunyange pavanotarisana nokushorwa kwakafanana nedutu. (VaRoma 1:11, 12) VaKristu vatsva vangakura vari mu“mumvuri” unodzivirira wevashumiri vaMwari vane ruzivo rwakawanda. (VaRoma 15:1) Uye nhengo dzose dzeungano yechiKristu yomunyika yose dzinobatsirwa nezvokudya zvomudzimu zvinosimbisa zvinogoverwa ne‘miti mikuru yokururama,’ vakasara vakazodzwa.—Isaya 61:3.

Zvinofadza sei kuti vashumiri vaMwari vose vanotarisira kuona kuzadzika kwechipikirwa chinowanikwa pana Isaya 65:22, iyo inoti: “Samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu.”

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 28]

Godo-Foto