Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ehudhi Anotyora Joko Romudzvinyiriri

Ehudhi Anotyora Joko Romudzvinyiriri

Ehudhi Anotyora Joko Romudzvinyiriri

IYI inyaya yechokwadi youshingi uye kugona kuronga. Yakaitika anenge makore 3 000 apfuura. Nhoroondo yacho yepaMagwaro inotanga nemashoko aya anoti: “Vana vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akasimbisa Egroni, mambo waMoabhi, kuti arwe navaIsraeri, nokuti vakanga vaita zvakaipa pamberi paJehovha. Akaunganidza kwaari vana vaAmoni navaAmareki, akandokunda vaIsraeri, vakavatorera guta remichindwe. Vana vaIsraeri vakashumira Egroni, mambo waMoabhi, makore ane gumi namasere.”—Vatongi 3:12-14.

Nharaunda yevaMoabhi yaiva kumabvazuva kwoRwizi rwaJodhani neGungwa Rakafa. Asi vakanga vayambuka rwizi rwacho uye vakanga vava kugara munzvimbo yakapoteredza Jeriko, “guta remichindwe,” vachiita kuti vaIsraeri vave varanda. (Dheuteronomio 34:3) Mambo weMoabhi, Egroni, “munhu wakakora kwazvo,” akanga achimanikidzira vaIsraeri kuti vabhadhare chipo kana kuti mutero wairema uye waivaderedza chaizvo kweanenge makore makumi maviri. (Vatongi 3:17) Zvisinei, kurayira kwake mutero kwakapa mukana wokubvisa mudzvinyiriri wacho.

Nhoroondo yacho inoti: “Vana vaIsraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akavamutsira muponesi, iye Ehudhi, mwanakomana waGera, muBhenjamini, munhu waiva neziboshwe; vana vaIsraeri vakatumira Egroni, mambo waMoabhi, chipo naye.” (Vatongi 3:15) Jehovha anofanira kunge akava nechokwadi chokuti Ehudhi ndiye aizosarudzwa kuti ape mutero wacho. Hazvitaurwi kuti akanga amboita basa iroro here. Zvisinei, kunyatsogadzirira kwakaita Ehudhi kuonana kwacho uye mazano aakashandisa zvinoratidza kuti anofanira kunge aive akajairana nomuzinda waEgroni uye zvaaigona kutarisira kuona ikoko. Mune zvose izvi, kushandisa kwake ziboshwe kune zvakwaireva.

Aiva Munhu Akaremara Here Kana Kuti Murwi?

Sezvariri, shoko rokuti “ziboshwe” rinoreva ‘kuvharwa, kuremadzwa, kana kuti kusungwa ruoko rworudyi.’ Izvi zvinoreva here kuti Ehudhi akanga akaremara, zvimwe akaremara ruoko rworudyi? Imbofunga zvinotaura Bhaibheri nezve“varume vane mazana manomwe vakasanangurwa” vakanga vaine ziboshwe vedzinza raBhenjamini. Vatongi 20:16 inoti, “mumwe nomumwe wavo waigona kurova ruvhudzi nebwe asingaposhi.” Zvingangodaro kuti vakasarudzwa pamusana pounyanzvi hwavo pakurwa. Maererano nedzimwe nyanzvi dzeBhaibheri, munhu aiva ne“ziboshwe,” munhu “aishandisa ruoko rworuboshwe uyewo rworudyi,” kureva kuti, munhu anoshandisa maoko ose zvakafanana.—Vatongi 3:15, The Douay Version.

Chokwadi, dzinza raBhenjamini raiva nomukurumbira nokuda kwevarume varo vaishandisa ziboshwe. Makoronike Wokutanga 12:1, 2 inotaura nezve‘mhare, dzechiBhenjamini dzaibatsira pakurwa. Dzakanga dzakabata uta uye dzaigona kuposha mabwe nemiseve nouta noruoko rworudyi kana rworuboshwewo.’ Rimwe bhuku rinoti unyanzvi uhwu hwaigona kunge hwakawanikwa “nokusunga maoko orudyi evana vaduku—paainge ‘akasungwa ruoko rwake rworudyi’—kwava kumudzidzisa kuti ruoko rworuboshwe rwuve nounyanzvi.” Vavengi vaIsraeri vaiwanzodzidziswa kuzorwisana nevarwi vaishandisa ruoko rworudyi. Saka, kudzidziswa kwomuvengi kwaizoshaya basa kana aizongoerekana asangana nomusoja aishandisa ziboshwe.

“Shoko Rakavanzika” Kuna Mambo

Chakatanga kuitwa naEhudhi kwaiva kuzvigadzirira “munondo”—bakatwa rinocheka kwose rakanga riri pfupi zvokuti raigona kuvigwa muhembe dzake. Angave aitarisira kusechwa. Mapakatwa aiwanzopfekwa kuruboshwe, uko vanoshandisa ruoko rworudyi vaigona kukurumidza kuavhomora. Zvaaishandisa ziboshwe, Ehudhi akaviga bakatwa rake ‘pasi penguvo dzake pachidya chorudyi,’ pakanga pasingafungirwi kuti varindi vamambo vangatsvaka. Naizvozvo, pasina chaimudzivisa, “akandopa Egroni, mambo waMoabhi, chipo.”—Vatongi 3:16, 17.

Hatina kupiwa mashoko ezvakatanga kuitika mudare raEgroni. Bhaibheri rinongoti: “Zvino [Ehudhi] wakati apedza kumupa chipo, akaendesa vanhu vakanga vakatakura chipo.” (Vatongi 3:18) Ehudhi akapa chipo kana kuti mutero, akaperekedza vatakuri vomutero kusvika kusina ngozi kubva pamuzinda waEgroni, achibva adzoka pashure pokuvati vaende. Akazviitirei? Akanga auya navo kuti vazomudzivirira here, kana kuti setsikawo zvayo, kana kuti zvichida vaingova vatakuri vomutero here? Aida kuti vaende kure kusina ngozi asati aita zvaakanga aronga here? Chero zvaangave akazviitira, nechivindi Ehudhi akadzokazve ava oga.

“[Ehudhi] wakadzoka pamifananidzo yakavezwa yamabwe paGirgari, akati: Ndine shoko rakavanzika nemi mambo.” Magwaro haatsananguri kuti akasvikazve sei pamberi paEgroni. Varindi vaisafanira kunge vakanyumwa here? Vangave vakafunga here kuti muIsraeri mumwe chete akanga asiri ngozi kuna ishe wavo? Kuuya kwaEhudhi ari oga kungadaro kwakaita kuti afungirwe kuti akanga achitengesa vanhu vokwake here? Chero zvazvingava, Ehudhi akakumbira mukana wokukurukura namambo vari voga, uye akauwana.—Vatongi 3:19.

Nhoroondo yakafuridzirwa inoenderera mberi ichiti: “Ehudhi akaswedera kuna [Egroni]; iye wakanga agere ari oga muimba yake inotonhorera; Ehudhi akati: Ndine shoko kwamuri rinobva kuna Mwari.” Ehudhi akanga asingatauri nezveshoko chairo rakanga rataurwa naMwari. Aifunga nezvokushandisa bakatwa rake. Zvichida achitarisira kunzwa shoko raibva kuna mwari wake Kemoshi, mambo aka“simuka pachigaro chake.” Achikurumidza sezvinoita mheni, Ehudhi akavhomora bakatwa rake ndokurinyudza mudumbu raEgroni. Zviri pachena kuti bakatwa racho rakanga risina chaivharidzira kuti risaramba richinyura. Saka, ‘chibato chakapindawo chichitevera chese, mafuta akadzivira pamusoro pechese, . . . tsvina ikatanga kubuda,’ neparonda racho kana kuti ura hwaEgroni hwakangoduruka hwoga.—Vatongi 3:20-22.

Kutiza Zviri Nyore

Ehudhi haana kumbomirira kuti abudise bakatwa rake, ‘akabuda pabiravira, akapfiga mikova yeimba yokumusoro shure kwake, akaikiya. Wakati abuda varanda vaEgroni vakasvika, vakawana mikova yeimba yokumusoro yakapfigwa; vakati: Uri kuzvibatsira hake muimba yomukati inotonhorera.’—Vatongi 3:23, 24.

“Biravira” rakabuda naEhudhi chii? Rimwe bhuku rinoti, “zvinonyatsorehwa [neshoko iri rechiHebheru] hazvizivikanwi,” asi zvakanzi zvingangoreva “‘vharanda,’ kana kuti ‘berere.’” Ehudhi akakiya misuo ari mukati achibva abuda neimwe nzira here? Kana kuti akakiya misuo ari kunze nekiyi yaakatora kuna mambo akanga afa here? Akabva azobuda hake achipfuura nepavarindi achiita sezvinonzi hapana chakanga chaitika here? Magwaro haatauri. Zvisinei, chero zvingave zvakaitwa naEhudhi, varanda vaEgroni hapana chavakakurumidza kufungira pavakaona misuo yakakiyiwa. Vakangofunga kuti mambo akanga ‘achingozvibatsira hake.’

Varanda vamambo pavakanga vachiri kuverengera, Ehudhi akatiza. Akabva ashevedza varume vokwake akati: “Nditeverei, nokuti Jehovha wakaisa vaMoabhi, vavengi venyu, mumaoko enyu.” Pavakanogarira kumazambuko eJodhani, varume vaEhudhi vakavharira vaMoabhi vakanga vasisina mutungamiriri kuti vasatiza vachienda kunyika yokumusha kwavo. Saka, “nenguva iyo [vaIsraeri] vakauraya varume vaMoabhi vanenge zvuru zvine gumi, vose vari varume vane simba novoumhare, hakuna munhu mumwe wakapukunyuka. Naizvozvo vaMoabhi vakakundwa musi iwoyo noruoko rwavaIsraeri, nyika ikazorora makore ane makumi masere.”—Vatongi 3:25-30.

Zvatingadzidza

Zvakaitika mumazuva aEhudhi zvinotidzidzisa kuti kana tikaita zvakaipa mumaziso aJehovha, panova nematambudziko. Asiwo, Jehovha anobatsira vaya vanopfidza votendeukira kwaari.

Zvirongwa zvaEhudhi zvakabudirira, kwete nokuti akanga akangwara, kana kuti nokuti muvengi akanga asina kungwaririra. Kubudirira kwezvinangwa zvaMwari hakubvi pane zvinoitwa nevanhu. Chikonzero chikuru chakaita kuti Ehudhi abudirire ndechokuti aitsigirwa naMwari sezvaaiita maererano nechido Chake chisingakundwi chokusunungura vanhu Vake. Mwari akanga amutsa Ehudhi, uye “Jehovha waiti kana achinge achivamutsira [vanhu vake] mutongi, Jehovha waiva nomutongi uyo.”—Vatongi 2:18; 3:15.