Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ita Basa roMuevhangeri”

“Ita Basa roMuevhangeri”

“Ita Basa roMuevhangeri”

“Svinurira zvinhu zvose, . . . ita basa romuevhangeri.”—2 TIMOTI 4:5.

1. Jesu akapa vateveri vake basa rei?

ZITA raJehovha uye zvinangwa zvake zviri kuziviswa pasi pose. Izvi zvakadaro nokuti vanhu vaMwari vakazvitsaurira vakagamuchira nomwoyo wose basa iro Jesu Kristu akapa vateveri vake paakati: “Endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mateu 28:19, 20.

2. Mutariri Timoti akagamuchira murayiridzo upi, uye ndeipi imwe nzira yokuti vatariri vechiKristu vaite ushumiri hwavo?

2 Vadzidzi vaJesu vomuzana remakore rokutanga vakagamuchira basa iroro nomwoyo wose. Somuenzaniso, muapostora Pauro akakurudzira Timoti, mutariri wechiKristu pamwe naye achiti: “Ita basa romuevhangeri, ita ushumiri hwako kwazvo.” (2 Timoti 4:5) Nhasi, imwe nzira iyo mutariri anoita nayo ushumiri hwake ndeyokuva muzivisi woUmambo anoshingaira, munhu anoita ushumiri hwomumunda nguva dzose. Somuenzaniso, mutariri weChidzidzo Chebhuku Cheungano ane ropafadzo inogutsa yokutungamirira basa rokuparidza uye yokudzidzisa vamwe. Pauro akaita basa rake rokuzivisa mashoko akanaka, uye akabatsira pakudzidzisa vamwe kuti vaite ushumiri.—Mabasa 20:20; 1 VaKorinde 9:16, 17.

Vaevhangeri Vekare Vaishingaira

3, 4. Ndezvipi zvakasangana naFiripi somuevhangeri?

3 VaKristu vekare vaizivikanwa sevaevhangeri vanoshingaira. Funga nezvomuevhangeri Firipi. Aiva mumwe we“varume vanomwe vanopupurirwa . . . vazere nomudzimu nouchenjeri” vakasarudzwa kuti vagovere zvokudya zvezuva nezuva vasingasaruri kuchirikadzi dzechiKristu dzaitaura chiGiriki nechiHebheru dzaiva muJerusarema. (Mabasa 6:1-6) Basa rinokosha iroro rapera uye kutambudzwa kwaita kuti vamwe vose vapararire kusiya kwevaapostora, Firipi akaenda kuSamariya. Ikoko akazivisa mashoko akanaka uye akasimbiswa nomudzimu mutsvene kuti adzinge madhimoni uye kuti arape vanhu vakanga vakaremara nevakanga vakaoma rutivi rwomuviri. VaSamariya vakawanda vakagamuchira shoko roUmambo vachibva vabhabhatidzwa. Vachinzwa izvi, vaapostora vaiva muJerusarema vakatumira vaapostora Petro naJohani kuSamariya kuti vatendi vakanga vachangobhabhatidzwa vawane mudzimu mutsvene.—Mabasa 8:4-17.

4 Mudzimu waMwari wakazoita kuti Firipi asangane nomukuru mukuru wechiEtiopiya pamugwagwa unoenda Gaza. Pashure pokunge Firipi atsanangura uprofita hwaIsaya zvakajeka, “murume [uyu] aiva nesimba aiva pasi paKandase mambokadzi wevaEtiopiya” akatenda muna Jesu Kristu ndokubhabhatidzwa. (Mabasa 8:26-38) Pashure paizvozvo Firipi akaenda kuAshidhodhi, akazoenda kuKesariya, “achizivisa mashoko akanaka kumaguta ose” aiva munzira. (Mabasa 8:39, 40) Zvechokwadi akaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo mukuita basa romuevhangeri!

5. Vanasikana vana vaFiripi vainyanya kuzivikanwa nokuda kwei?

5 Makore anenge 20 gare gare, Firipi akanga achiri kushingaira muushumiri muKesariya. Pauro naRuka pavakagara mumusha make, “aiva nevanasikana vana, mhandara, dzaiprofita.” (Mabasa 21:8-10) Zviri pachena kuti vakanga vanyatsodzidziswa mune zvokunamata, vaishingairira ushumiri, uye vaitova neropafadzo yokuprofita. Kushingairira ushumiri kunoitwa nevabereki kungava nomugumisiro wakanaka kwazvo pavanakomana nevanasikana nhasi, zvichiita kuti kushingairira evhangeri kuve basa ravo muupenyu.

Vaevhangeri Vanoshingaira Nhasi

6. Vaevhangeri vomuzana remakore rokutanga vakabudirira kuitei?

6 Muuprofita hwake hukuru hunotaura nezvezuva redu uye nguva yomugumo, Jesu Kristu akazivisa kuti: “Mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ose.” (Mako 13:10) Mugumo waizouya pashure pokunge mashoko akanaka aparidzwa, “mupasi rose rinogarwa.” (Mateu 24:14) Pauro nevamwe vaevhangeri vomuzana remakore rokutanga zvavakazivisa mashoko akanaka, vakawanda vakava vatendi, uye ungano dzakaumbwa munzvimbo dzakawanda muUmambo hwose hweRoma. Vakuru vakagadzwa kuti vashande muungano idzi vakashanda nehama nehanzvadzi dzavo mubasa rouevhangeri uye vakaita basa rokuparidza kusvika kunzvimbo dziri kure. Shoko raJehovha rakaramba richikura uye richipararira mumazuva iwayo, sezvariri kungoitawo nhasi nokuti mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha ari kuita basa rouevhangeri. (Mabasa 19:20) Uri mumwe wevaya vanorumbidza Jehovha here?

7. Vazivisi voUmambo vari kuitei nhasi?

7 Vazivisi voUmambo vemazuva ano vakawanda vari kushandisa mikana yokuti vawedzere basa ravo rouevhangeri. Zviuru zvakapinda mubasa roumishinari, uye mazana ezviuru anoitawo basa rouevhangeri renguva yakazara semapiyona enguva dzose neebetsero. Uye ibasa rakanaka zvakadini riri kuitwa nevarume, vakadzi, nevana vari kushumira sevaparidzi voUmambo vanoshingaira! Chokwadi, vanhu vaJehovha vose vari kuwana chikomborero chake sezvavanomushumira vakabatana sevaevhangeri vechiKristu.—Zefania 3:9.

8. Ibasa ripi rokuisa chiratidzo riri kuitwa iye zvino, uye navanaani?

8 Mwari akapa vateveri vaJesu vakazodzwa basa rokuzivisa mashoko akanaka pasi pose. Nhamba inowedzera ye“mamwe makwai” aKristu inovatsigira mubasa iri rouevhangeri. (Johani 10:16) Nenzira youprofita, basa iri rinoponesa upenyu rinofananidzwa nokuisa chiratidzo pahuma dzevaya vari kuchema nokugomera pamusoro pezvinhu zvinosemesa zviri kuitika iye zvino. Munguva pfupi, vakaipa vachaparadzwa. Panguva ino, iropafadzo yakazokura kuendesera vagari vepasi pano chokwadi chinoponesa upenyu!—Ezekieri 9:4-6, 11.

9. Vatsva vangabatsirwa sei muushumiri?

9 Kana tave tichiita basa rouevhangeri kwenguva yakati, sezvingabvira tingagona kuita chimwe chinhu kuti tibatsire vatsva vari muungano. Pane imwe nguva, tingakwanisa kuita kuti vatiperekedze muushumiri. Vaya vanoshumira sevakuru vachada kuita zvose zvavanogona kuti vakurudzire vavanonamata navo mumudzimu. Mabasa akanaka kwazvo evatariri vanozvininipisa angaita zvakawanda kubatsira vamwe kuti vave vaevhangeri vanoshingaira uye vanobereka zvibereko.—2 Petro 1:5-8.

Kupupurira Paimba Neimba

10. Kristu nevateveri vake vekare vakaratidza muenzaniso upi muushumiri?

10 Jesu Kristu akaratidza vateveri vake muenzaniso wakaisvonaka somuevhangeri. Nezvoushumiri hwaKristu nevaapostora vake, Shoko raMwari rinoti: “Akaenda muguta neguta uye musha nomusha, achiparidza nokuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari. Vane gumi nevaviri vakanga vanaye.” (Ruka 8:1) Zvakadini nevaapostora pachavo? Pashure pokunge mudzimu mutsvene wadururwa paPendekosti ya33 C.E., “mazuva ose vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, mutemberi uye paimba neimba vasingaregi.”—Mabasa 5:42.

11. Maererano naMabasa 20:20, 21, muapostora Pauro akaitei muushumiri hwake?

11 Nokuda kwebasa rake rouevhangeri rokushingaira, muapostora Pauro aigona kuudza vakuru vechiKristu vokuEfeso kuti: “Handina kurega kukuudzai zvinhu zvaikubatsirai kana kukudzidzisai pachena uye pamba nemba.” Pauro ‘paaidzidzisa pamba nemba,’ akanga achishanyira misha yevaainamata navo Jehovha here, achishanya kuti anofudza vatendi? Aiwa, nokuti anoenderera mberi achitsanangura kuti: “Ndakapupura kwazvo kuvaJudha nevaGiriki pamusoro pokupfidza kuna Mwari nokutenda munaShe wedu Jesu.” (Mabasa 20:20, 21) Kazhinji, vaya vakatozvitsaurira kuna Jehovha havangafaniri havo kurayiridzwa pamusoro “pokupfidza kuna Mwari nokutenda munaShe wedu Jesu.” Pauro akadzidzisa vakuru vechiKristu vokuEfeso ushumiri hwepaimba neimba uku achidzidzisa vakanga vasingatendi pamusoro pokupfidza nokutenda. Paaiita izvi, Pauro akanga achitevedzera nzira yakatangwa naJesu.

12, 13. Maererano naVaFiripi 1:7, vanhu vaJehovha vakaitei pamusoro pekodzero yavo yokuparidza?

12 Ushumiri hwepaimba neimba hungava hwakaoma. Somuenzaniso, vamwe vanogumburwa patinoenda pamusuo wavo neshoko reBhaibheri. Isu hatifariri kugumbura vanhu. Asi, ushumiri hwepaimba neimba ndohwepaMagwaro, uye kuda Mwari nomuvakidzani zvinotikurudzira kuti tipupurire seizvi. (Mako 12:28-31) Kuti ‘tidzivirire nokusimbisa zviri pamutemo’ kodzero yedu yokuparidza paimba neimba, takaendesa nyaya kumatare, kusanganisira Dare Repamusorosoro rokuUnited States. (VaFiripi 1:7) Kakawanda dare iroro rakatitsigira. Muenzaniso chaiwo weizvi mutongo unotevera:

13 “Kuparadzirwa kwematurakiti echitendero ndeimwe nzira yekare kare yokuparidza evhangeri yave ichishandiswa nemamishinari—yave iripo kubvira panguva yakagadzirwa michina yokudhindisa. Kwave kuri simba guru mumasangano ezvitendero akasiyana-siyana mumakore ose aya. Nzira iyi yokuparidza evhangeri iri kushandiswa nhasi, kunyanya notumapoka twezvitendero twakasiyana-siyana, tune vanhu vanofambisira mberi basa ravo nokuendesa Evhangeri kuzviuru nezviuru zvemisha, voedza kukwezvera vanhu kuchitendero chavo nokuvashanyira. . . . Nzira iyi yebasa rechitendero inokoshawo muFirst Amendment [yeBumbiro reUnited States] sezvinoitawo kunamata mumachechi uye kuparidza pazvikuva.”—Murdock v. Pennsylvania, 1943.

Nei Tichifanira Kuramba Tichiparidza?

14. Ushumiri hwedu hunogona kuva nematanho api?

14 Pane zvikonzero zvakawanda zvokupupura paimba neimba. Pose patinoshanyira saimba, tinoedza kudyara mbeu yechokwadi chomuMagwaro. Nokudzokerazve, tinoedza kuidiridza. Uye panogona kuva nematanho anotevedzana akanaka, nokuti Pauro akanyora kuti: “Ndakadyara, Aporosi akadiridza, asi Mwari akaramba achiita kuti zvikure.” (1 VaKorinde 3:6) Saka ngatirambei ‘tichidyara nokudiridza,’ tichivimba kuti Jehovha ‘achaita kuti zvikure.’

15, 16. Nei tichiramba tichidzokera kumisha yevanhu?

15 Tinoita basa revaevhangeri nokuti upenyu huri pangozi. Nokuparidza tinogona kuzviponesa isu pamwe nevaya vanotiteerera. (1 Timoti 4:16) Kudai taiziva kuti upenyu hwomunhu hwaiva pangozi, taizongoedza kumubatsira kamwe chete tisingaiti nomwoyo wose here? Kana! Sezvo zvichireva kuponeswa, tinoramba tichidzokera pamisha yevanhu. Mamiriro ezvinhu anoramba achichinja. Pamwe pacho mumwe munhu akanyanya kubatikana zvokusagona kuteerera, angada kuzonzwa shoko reBhaibheri pane imwe nguva. Tingawana paimba pacho paine imwe nhengo yemhuri, uye izvozvo zvingaita kuti tikurukurirane zviri muMagwaro.

16 Haasi mamiriro ezvinhu chete avanasaimba angachinja asiwo mafungiro avo. Somuenzaniso, kufirwa nomudiwa kunorwadza kungaita kuti munhu ateerere shoko roUmambo. Tinotarisira kunyaradza munhu wacho, kumuita kuti azive zvinodiwa zvake zvomudzimu, uye kumuratidza kuti zvingaitwa sei.—Mateu 5:3, 4.

17. Chikonzero chikuru chebasa redu rokuparidza ndechipi?

17 Chikuru pazvikonzero zvedu zvokupupura paimba neimba kana kuti kuita mamwe marudzi oushumiri hwechiKristu ndicho chido chokubatanidzwawo pakuita kuti zita raJehovha rizivikanwe. (Eksodho 9:16; Pisarema 83:18) Zvinofadza zvikuru kana basa redu rouevhangeri richibatsira vanhu vanoda chokwadi nokururama kuti vave varumbidzi vaJehovha! “Majaya nemhandara; vatana navana,” akaimba kudaro munyori wepisarema. “Ngavarumbidze zita raJehovha; nokuti zita rake roga rakakurumbira; Umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga.”—Pisarema 148:12, 13.

Kuparidza Evhangeri Kunotibatsira Isu Pachedu

18. Tinobatsirwa sei nokuita basa rouevhangeri?

18 Kuita basa romuevhangeri kunotibatsira isu pachedu munzira dzakasiyana-siyana. Kuenda paimba neimba nemashoko akanaka kunotibatsira kukudziridza kuzvininipisa, zvikurukuru patisingagamuchirwi nomutsa. Kuti tive vaevhangeri vanobudirira, tinofanira kuita saPauro, uyo ‘akava zvinhu zvose kune vanhu vamarudzi ose kuti zvimwe angaponesa vamwe.’ (1 VaKorinde 9:19-23) Ruzivo muushumiri runotibatsira kuva nounyanzvi. Nokuvimba naJehovha uye kusarudza mashoko edu zvakanaka, tinogona kushandisa zano raPauro rokuti: “Kutaura kwenyu ngakugarova nenyasha, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive nzira yamunofanira kupindurana nayo.”—VaKorose 4:6.

19. Vaevhangeri vanobatsirwa sei nomudzimu mutsvene?

19 Basa rouevhangeri rinotikurudzirawo kuvimba nomudzimu mutsvene waMwari. (Zekaria 4:6) Zvadaro, zvibereko zvawo—“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora”—zvinova pachena muushumiri hwedu. (VaGaratiya 5:22, 23) Rinochinja maonero atinoita vanhu, nokuti kubvuma nhungamiro yomudzimu kunotibatsira kuva norudo, kuva vanofara nevane rugare, kuva vane mwoyo murefu nomutsa, kuratidza kunaka nokutenda, uye kuratidza unyoro nokuzvidzora patinenge tichizivisa mashoko akanaka.

20, 21. Tinowana zvikomborero zvipi uye tinobatsirwa sei nokuramba takabatikana sevaevhangeri?

20 Chimwe chikomborero chatinowana sevaevhangeri ndechokuti tinowedzera kuva vanonzwira tsitsi. Vanhu pavanotaura zvinetso zvavo—kurwara, kushayiwa mabasa, zvinetso zvomudzimba—hatiiti sevanachipangamazano, asi tinovaudza magwaro anokurudzira uye anonyaradza. Tine hanya nevanhu vakapofumadzwa mumudzimu asi vanoita sevanoda kururama. (2 VaKorinde 4:4) Uye chikomborero chakazokura kubatsira vaya ‘vanoda upenyu husingaperi’ mune zvokunamata!—Mabasa 13:48.

21 Kugaroita basa rouevhangeri kunotibatsira kuita kuti pfungwa dzedu dzirambe dzichifunga zvinhu zvomudzimu. (Ruka 11:34) Zvechokwadi izvozvo zvinobatsira, sezvo tingakurirwa nemiedzo yakawanda kwazvo munyika ino. Muapostora Johani akakurudzira vaKristu kuti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari; nokuti zvinhu zvose zviri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika. Uyezve, nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johani 2:15-17) Kuramba takabatikana sevaevhangeri tiine zvakawanda zvokuita mubasa raIshe kunotibatsira kuti tisada nyika.—1 VaKorinde 15:58.

Zviunganidzirei Pfuma Yokudenga

22, 23. (a) Vaevhangeri vechiKristu vanounganidza pfuma ipi? (b) Nyaya inotevera ichatibatsira sei?

22 Basa rokuparidza Umambo nokushingaira rinounza zvikomborero zvisingaperi. Jesu akaratidza izvi paakati: “Musazviunganidzira pfuma pasi pano, apo chipfukuto nengura zvinodya, uye apo mbavha dzinopaza dzoba. Asi, zviunganidzirei pfuma kudenga, uko chipfukuto kana ngura zvisingadyi, uye uko mbavha dzisingapazi dzoba. Nokuti pane pfuma yako, mwoyo wako uchava ipapowo.”—Mateu 6:19-21.

23 Ngatirambei tichizviunganidzira pfuma kudenga, tichiziva kuti hatigoni kuva neropafadzo yakakura kupfuura iya yokumiririra Changamire Ishe Jehovha seZvapupu zvake. (Isaya 43:10-12) Sezvatinoita basa redu sevashumiri vaMwari, tinganzwa somumwe mukadzi wechiKristu ane makore okuma 90 uyo akataura izvi nezvoupenyu hwake hurefu hwokushumira Mwari: “Ndinoonga Jehovha nokundishivirira makore ose aya, uye ndinonyengetera nomwoyo wose kuti achava Baba vangu vanodiwa nokusingaperi.” Isuwo kana tichikoshesa ukama hwedu naMwari, zvechokwadi tinofanira kuita basa romuevhangeri zvakakwana. Nyaya inotevera ichatibatsira kuona kuti tingaita sei ushumiri hwedu zvizere.

Ungapindura Sei?

• Nei tichifanira kuita basa romuevhangeri?

• Ungati kudini nezvebasa revaevhangeri vekare nevemazuva ano?

• Nei tichipupura paimba neimba?

• Iwe pachako unobatsirwa sei nokuita basa romuevhangeri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 10]

Vaevhangeri vakadai saFiripi nevanasikana vake vane vamwewo vakafanana navo vemazuva ano vanofara zvikuru

[Mufananidzo uri papeji 14]

Iwe pachako unobatsirwa sei paunoudza vamwe mashoko akanaka?