Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ita Ushumiri Hwako Kwazvo”

“Ita Ushumiri Hwako Kwazvo”

“Ita Ushumiri Hwako Kwazvo”

“Nyatsoita basa rako.”—2 TIMOTI 4:5, Byington.

1, 2. Kunyange zvazvo vaKristu vose vari vaevhangeri, Magwaro anodei kuvakuru?

URI muzivisi woUmambo here? Kana zvakadaro, tenda Jehovha Mwari nokuda kweropafadzo iyi yakaisvonaka. Uri mukuru muungano here? Iyoyo ndeimwe ropafadzo inobva kuna Jehovha. Asi hatimbofaniri kukanganwa kuti haisi dzidzo yokunyika kana kuti mano okutaura zvinoita kuti chero upi wedu zvake akodzere ushumiri kana kuti utariri muungano. Jehovha ndiye anoita kuti tinyatsokwanisa kuita ushumiri, uye izvi zvakadaro nokuti vamwe varume pakati pedu vane zvimwe zvinodiwa neMagwaro zvinovaita kuti vave neropafadzo yokushumira sevatariri.—2 VaKorinde 3:5, 6; 1 Timoti 3:1-7.

2 VaKristu vose vakazvitsaurira vanoita basa revaevhangeri, asi zvikurukuru vatariri, kana kuti vakuru, vanofanira kuratidza muenzaniso wakanaka muushumiri. Vakuru “vanoshanda nesimba pakutaura nepakudzidzisa” vanocherechedzwa naMwari naKristu, uyewo neZvapupu zvaJehovha zvavanonamata nazvo. (1 Timoti 5:17; VaEfeso 5:23; VaHebheru 6:10-12) Mumamiriro ezvinhu ose, kudzidzisa kwomukuru kunofanira kupa utano mune zvokunamata, nokuti muapostora Pauro akaudza mutariri Timoti kuti: “Pachava nenguva yavasingazoshiviriri kudzidzisa kunopa utano, asi, maererano nokuda kwavo, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo; uye vacharamba kunzwa chokwadi, vachitendeukira kungano. Asi iwe, svinurira zvinhu zvose, tambura zvakaipa, ita basa romuevhangeri, ita ushumiri hwako kwazvo.”—2 Timoti 4:3-5.

3. Chii chinofanira kuitwa kuitira kuti dzidziso dzenhema dzisatyisidzira ungano mune zvokunamata?

3 Kuti ave nechokwadi chokuti dzidziso dzenhema hadzityisidziri ungano mune zvokunamata, mutariri anofanira kuita maererano nezano raPauro rinoti: “Iva akamuka muzvinhu zvose, . . . nyatsoita basa rako.” (2 Timoti 4:5, Byington) Chokwadi, mukuru anofanira ‘kuita ushumiri hwake zvizere.’ Anofanira kuhuita zvakakwana, kunyatsohuita, kana kuti zvakazara. Mukuru anoita ushumiri hwake zvizere anonyatsoisa pfungwa dzake pamabasa ake ose, pasina chaanoregeredza kana kuti chaasingapedzisi. Munhu akadaro akatendeka kunyange muzvinhu zviduku.—Ruka 12:48; 16:10.

4. Chii chingatibatsira kuita ushumiri zvizere?

4 Kuita ushumiri hwedu zvizere hakudi nguva yakawanda nguva dzose, asi kunoda kuti nguva ishandiswe zvakanaka. Kutsiga kungabatsira vaKristu vose kuita ushumiri. Kuti mukuru apedzere nguva yakawanda mubasa romumunda, zvinhu zvake zvinofanira kunge zvakarongeka uye kuti anofanira kuziva zvokupa vamwe kuti vaite uye maitirwo azvo. (VaHebheru 13:17) Zvinotarisirwa kuti mukuru anoremekedzwa aitewo basa iri, saNehemia, uyo akaitawo basa rokuvakazve rusvingo rweJerusarema. (Nehemia 5:16) Uye vashumiri vaJehovha vose vanofanira kuitawo basa rokuparidza Umambo nguva dzose.—1 VaKorinde 9:16-18.

5. Tinofanira kunzwa sei pamusoro poushumiri?

5 Tine basa rinofadza kwazvo sevazivisi voUmambo hwakagadzwa kudenga! Zvechokwadi tinokoshesa ropafadzo yedu yokuparidzawo mashoko akanaka mupasi rose rinogarwa mugumo usati wauya. (Mateu 24:14) Kunyange zvazvo tisina kukwana, tinogona kukurudzirwa nemashoko aPauro anoti: “Tine pfuma iyi [youshumiri] mumidziyo yevhu, kuti simba rinopfuura romuzvarirwo rive raMwari kwete rinobva matiri.” (2 VaKorinde 4:7) Chokwadi, tinogona kuita basa rinogamuchirika—asi tichingoita izvi nesimba uye uchenjeri zvinobva kuna Mwari.—1 VaKorinde 1:26-31.

Kuratidza Mbiri yaMwari

6. Kusiyana kupi kwaivapo pakati paIsraeri wokunyama naIsraeri womudzimu?

6 Achitaura nezvevaKristu vakazodzwa, Pauro anoti Mwari “akatiita vanonyatsokwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva.” Muapostora wacho anosiyanisa sungano itsva yakaitwa naIsraeri womudzimu kuburikidza naJesu Kristu nesungano yoMutemo yekare yakaitwa naIsraeri chaiye kuburikidza naMosesi. Pauro anowedzera kuti Mosesi paakaburuka paGomo reSinai aine mahwendefa ane Mitemo Gumi, chiso chake chakanga chakajeka kwazvo zvokuti vaIsraeri vaisagona kuramba vakachitarira. Zvisinei, nokufamba kwenguva, chimwe chinhu chakakomba zvikuru chakaitika nokuti “masimba okufunga avo akagomadzwa” uye pamwoyo yavo pakava nechifukidziro. Zvisinei, kana vanhu vakatendeukira kuna Jehovha nokuzvipira nomwoyo wose, chifukidziro chinobviswa. Achitaurazve nezvoushumiri hwakapiwa vaya vari musungano itsva, Pauro anoti: “Isu tose . . . tinoratidzira semagirazi mbiri yaJehovha nezviso zvisina kufukidzwa.” (2 VaKorinde 3:6-8, 14-18; Eksodho 34:29-35) “Mamwe makwai” aJesu anhasi anewo ropafadzo yokuratidza mbiri yaJehovha.—Johani 10:16.

7. Vanhu vanogona sei kuratidza mbiri yaMwari?

7 Vanhu vanotadza vangaratidza sei mbiri yaMwari, kana pasina munhu anogona kuona chiso chake akararama? (Eksodho 33:20) Kunze kwembiri yaJehovha pachake, panewo chinangwa chake chine mbiri chokureverera uchangamire hwake achishandisa Umambo hwake. Chokwadi chine chokuita noUmambo chinoumba chikamu che“zvinhu zvikuru zvaMwari” zvakatanga kuziviswa nevaya vakadururirwa mudzimu mutsvene paPendekosti ya33 C.E. (Mabasa 2:11) Vachitungamirirwa nomudzimu, vaigona kuita zvizere ushumiri hwavakaronzeswa.—Mabasa 1:8.

8. Nezvoushumiri, Pauro akanga akatsunga kuitei?

8 Pauro akanga akatsunga kusarega chinhu chipi nechipi chichimutadzisa kuita ushumiri hwake zvizere. Akanyora kuti: “Zvatine ushumiri uhwu maererano nengoni dzatakaratidzwa, hatiregi; asi takaramba zvinhu zvakavanzika zvatinonyara nazvo, tisingafambi nemanomano, kana kushatisa shoko raMwari, asi nokuonesa chokwadi tichizvirumbidza kuhana yomunhu wose pamberi paMwari.” (2 VaKorinde 4:1, 2) Chokwadi chinooneswa uye chiedza chomudzimu chinoparadzirwa kure nohunonzi naPauro “ushumiri uhwu.”

9, 10. Zvinobvira sei kuratidza mbiri yaJehovha?

9 Nezvokunobva chiedza chaicho uye chomudzimu, Pauro anonyora kuti: “Mwari ndiye akati: ‘Chiedza ngachipenye murima,’ uye akapenyera pamwoyo yedu kuti aivhenekere nezivo ine mbiri pamusoro paMwari nechiso chaKristu.” (2 VaKorinde 4:6; Genesi 1:2-5) Sezvo takapiwa ropafadzo isina imwe inoenzana nayo yokuva vashumiri vaMwari, ngatizvichengetei takachena kuitira kuti isu semagirazi tigone kuratidza mbiri yaJehovha.

10 Vanhu vari murima romudzimu havagoni kuona mbiri yaJehovha kana kuti kuratidzwa kwayo pana Jesu Kristu, Mosesi Mukuru. Asi sevashumiri vaJehovha, tinowana chiedza chine mbiri muMagwaro uye tinochiratidza kune vamwe. Kuti vaya vachiri murima romudzimu vapone pakuparadza, vanoda chiedza chinobva kuna Mwari. Saka, nomufaro mukuru uye nokushingaira, tinoteerera murayiro waMwari wokurega chiedza chichipenya murima kuti Jehovha apiwe mbiri.

Chiedza Chako Ngachivheneke Pazvidzidzo zveBhaibheri Zvepamusha

11. Jesu akati chii pamusoro pokuita kuti chiedza chedu chivheneke, uye ndeipi imwe nzira yokuita izvi muushumiri hwedu?

11 Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Imi muri chiedza chenyika. Guta harigoni kuvanzwa kana riri pamusoro pegomo. Vanhu vanobatidza rambi voriisa, kwete pasi pedengu rokuyeresa, asi pamusoro pechigadziko cherambi, uye rinovhenekera vose vari mumba. Saizvozvowo chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka kwazvo vape mbiri kuna Baba venyu vari kumatenga.” (Mateu 5:14-16) Mufambiro wedu wakanaka ungaita kuti vamwe vape mbiri kuna Mwari. (1 Petro 2:12) Uye zvinhu zvakasiyana-siyana zvebasa redu rokuparidza evhangeri zvinotipa mikana yakawanda yokuita kuti chiedza chedu chivheneke. Chimwe chezvinangwa zvedu zvikuru ndechokuratidza chiedza chomudzimu chinobva muShoko raMwari nokuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha zvinobudirira. Iyi inzira inokosha zvikuru yokuita nayo ushumiri hwedu zvizere. Mazano api angatibatsira kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinosvika pamwoyo yevanhu vanotsvaka chokwadi?

12. Munyengetero unei chokuita nebasa rokuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha?

12 Kunyengetera kuna Jehovha nezvenhau iyi kunoratidza chido chedu chomwoyo wose chokuitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Kunoratidzawo kuti tinoona kukosha kwokubatsira vamwe kuwana zivo yaMwari. (Ezekieri 33:7-9) Jehovha ane chokwadi chokupindura minyengetero yedu uye chokukomborera zvatinoita nomwoyo wose muushumiri. (1 Johani 5:14, 15) Asi hatingonyengetereri kuwana mumwe munhu wokudzidzisa Bhaibheri. Pashure pokunge tawana munhu wokudzidza naye, kunyengetera nokufungisisa zvinhu chaizvo zvinodiwa nomudzidzi wacho weBhaibheri kuchatibatsira kuitisa chidzidzo chimwe nechimwe zvinobudirira.—VaRoma 12:12.

13. Ndezvipi zvingatibatsira kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha zvinobudirira?

13 Kuti tiitise zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha zvinobudirira, tinofanira kunyatsogadzirira chidzidzo chimwe nechimwe. Kana tichinzwa tisinganyatsokwanisi, zvingabatsira zvikuru kucherechedza kuti mutariri weChidzidzo Chebhuku Cheungano anoitisa sei chidzidzo chevhiki nevhiki. Pane imwe nguva, tingagona kuenda nevaparidzi voUmambo vakava nemigumisiro yakanaka mukuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. Asi, tinofanira kunyanyofungisisa maitiro uye nzira dzokudzidzisa nadzo dzaJesu Kristu.

14. Tingasvika sei pamwoyo pomudzidzi weBhaibheri?

14 Jesu aifarira kuita kuda kwaBaba vake vokudenga uye kutaurira vamwe nezvaMwari. (Pisarema 40:8) Aiva munyoro uye akabudirira kusvika pamwoyo yevaya vaimuteerera. (Mateu 11:28-30) Naizvozvo ngatiedzei kusvika pamwoyo yevatinodzidza navo Bhaibheri. Kana tichizodaro, tinofanira kugadzirira chidzidzo chimwe nechimwe tichifunga nezvemamiriro ezvinhu akati omudzidzi mumwe nomumwe. Somuenzaniso, kana achibva mudzinza revanhu vasingazivi nezveBhaibheri, tingafanira kumuita kuti abvume kuti Bhaibheri nderechokwadi. Kana zvakadaro, zviri pachena kuti tichatofanira kuverenga magwaro akawanda toatsanangura.

Batsira Vadzidzi Kunzwisisa Mifananidzo

15, 16. (a) Tingabatsira sei mudzidzi asinganzwisisi mufananidzo wakashandiswa muBhaibheri? (b) Tingaitei kana rimwe remabhuku edu richishandisa mufananidzo wakaomera mumwe mudzidzi weBhaibheri kuti anzwisise?

15 Mudzidzi weBhaibheri angava asina kujairana nomumwe wemifananidzo yakashandiswa muMagwaro. Somuenzaniso, angasanzwisisa zvairehwa naJesu paakataura nezvokuisa rambi pachigadziko cherambi. (Mako 4:21, 22) Jesu aitaura nezverambi rekare raiiswa mafuta raiva netambo inobvira. Rambi rakadaro raiiswa pachigadziko rovhenekera chikamu chakati cheimba. Zvingada kuti titsvakurudze pamisoro inoti “Lamp” (rambi) uye “Lampstand” (chigadziko cherambi) mumabhuku akadai serinonzi Insight on the Scriptures kuti tijekese mufananidzo waJesu. * Asi zvinofadza kwazvo kuenda kune watinodzidza naye Bhaibheri tiine tsanangudzo yaanonzwisisa uye yaanofarira!

16 Bhuku rinoyamura kudzidza Bhaibheri ringashandisa mufananidzo wakaomera mumwe mudzidzi kunzwisisa. Iva nenguva yokuutsanangura, kana kuti shandisa mumwe mufananidzo unopa pfungwa yakafanana. Zvichida bhuku racho riri kusimbisa kuti murume kana kuti mukadzi akanaka uye kushandira pamwe zvinokosha mumuchato. Kuenzanisira izvi, ungataura nezvomushauri anoshaura zvinopindirana nevaridzi vengoma. Zvimwe zvaungashandisa kuenzanisira kudiwa kwomurume kana kuti mukadzi akanaka uye kushandira pamwe, muenzaniso wevashandi vaviri vanokandirana zvidhina, mumwe ari murori mumwe ari pasi.

17. Tingadzidzei pana Jesu nezvemifananidzo?

17 Kushandisa mumwe mufananidzo kungada kufanogadzirira. Asi, iyoyo ndiyo nzira yokuratidza kuti tinofarira mudzidzi weBhaibheri. Jesu akashandisa mifananidzo iri nyore kuti ajekese nhau dzakaoma. Mharidzo yake yepaGomo inopa mienzaniso yeizvi, uye Bhaibheri rinoratidza kuti kudzidzisa kwake kwaiva nomugumisiro wakanaka pavateereri vake. (Mateu 5:1–7:29) Jesu aishivirira pakutsanangura zvinhu nokuti aifarira vamwe zvikuru.—Mateu 16:5-12.

18. Chii chinokurudzirwa nezvemagwaro akanyorwa mumabhuku edu?

18 Kufarira kwatinoita vamwe kuchatikurudzira ‘kutaurirana navo tichishandisa Magwaro.’ (Mabasa 17:2, 3) Izvi zvinoda kuti patinenge tichidzidza tinyengetere uye tishandise nokuchenjera mabhuku anobudiswa no“mutariri akatendeka.” (Ruka 12:42-44) Somuenzaniso, bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi rinodzokorora mashoko ari mumagwaro akawanda. * Asi nokuda kwenzvimbo shoma, mamwe acho akangonyorwa asina mashoko. Patinenge tichidzidza Bhaibheri nomunhu, zvinokosha kuti tiverenge uye titsanangure mamwe emagwaro akanyorwa. Pamusoro pazvo, kudzidzisa kwedu kwakavakirwa paShoko raMwari, uye rine simba guru. (VaHebheru 4:12) Verenga Bhaibheri pachidzidzo chimwe nechimwe, nguva nenguva uchishandisa magwaro ari mundima dzacho. Batsira mudzidzi kuti aone zvinotaura Bhaibheri pamusoro penyaya yakati kana kuti zvinoitwa zvakati. Edza kumuratidza kuti achabatsirwa sei nokuteerera Mwari.—Isaya 48:17, 18.

Bvunza Mibvunzo Inoita Kuti Munhu Afunge

19, 20. (a) Zvinobatsirei kushandisa mibvunzo inoita kuti munhu ataure maonero ake patinenge tichiitisa chidzidzo cheBhaibheri chepamusha? (b) Chii chingaitwa kana imwe nyaya ichida kukurukurwazve?

19 Kushandisa mibvunzo nounyanzvi kwaiitwa naJesu kwaibatsira vanhu kuti vafunge. (Mateu 17:24-27) Kana tikabvunza mibvunzo inoita kuti munhu ataure maonero ake asi isinganyadzisi mudzidzi weBhaibheri, mhinduro dzake dzingaratidza zvaanofunga nezvenyaya yakati. Tingaona kuti achine maonero asiri epamagwaro. Somuenzaniso, angadaro achidavira Utatu. Muchitsauko 3, bhuku raZivo rinotaura kuti shoko rokuti “Utatu” hariwanikwi muBhaibheri. Bhuku racho rinodzokorora mashoko omumagwaro uye rine magwaro anoratidza kuti Jehovha akasiyana naJesu uye kuti mudzimu mutsvene isimba raMwari rinobata basa, kwete munhu. Kuverenga uye kukurukura ndima idzi dzeBhaibheri kungave kwakakwana. Asi zvakadini kana paine zvimwe zvinodiwa? Zvichida pashure pechidzidzo chenyu chinotevera, munogona kupedza imwe nguva mukukurukurirana kunobatsira muchishandisa rimwe remabhuku eZvapupu zvaJehovha rinotaura nezvenyaya iyi, rakadai sebhurocha rinonzi Unofanira Kudavira Utatu Here? Zvadaro, mungachienderera mberi nechidzidzo chacho mubhuku raZivo.

20 Ngatitii mhinduro yemaonero omudzidzi wacho inoshamisa kana kuti inotoodza mwoyo. Kana iri nyaya yokusvuta, kana kuti imwe nyaya inogona kugumbura munhu, tingataura kuti tienderere mberi nechidzidzo tozokurukura nyaya yacho pane imwe nguva. Kuziva kuti mudzidzi wacho achiri kusvuta kunotibatsira kutsvaka mashoko akabudiswa angamubatsira kuti afambire mberi mune zvokunamata. Sezvatinoedza kusvika pamwoyo womudzidzi wacho, tinganyengetera kuti Jehovha amubatsire kukura mumudzimu.

21. Chii chingaitika kana tikachinja madzidzisiro edu kuti aenderane nezvinodiwa chaizvo nomudzidzi weBhaibheri?

21 Kana tikagadzirira zvakanaka uye tikabatsirwa naJehovha, hapana mubvunzo kuti tichakwanisa kuchinja madzidzisiro edu kuti aenderane nezvinodiwa chaizvo nomudzidzi wacho weBhaibheri. Nokufamba kwenguva, tingakwanisa kumubatsira kuti ade Mwari kwazvo. Tingabudirirawo kuita kuti aremekedze uye kuti akoshese sangano raJehovha. Uye zvinofadza kwazvo vadzidzi veBhaibheri pavanobvuma kuti ‘Chaizvoizvo Mwari ari pakati pedu’! (1 VaKorinde 14:24, 25) Naizvozvo ngatiitisei zvidzidzo zveBhaibheri zvinobudirira toita zvose zvatinokwanisa kuti tibatsire vamwe kuti vave vadzidzi vaJesu.

Pfuma Inofanira Kukosheswa

22, 23. Chii chinodiwa kana tichizoita ushumiri hwedu zvizere?

22 Kuti tiite ushumiri hwedu zvizere, tinofanira kuvimba nesimba ratinopiwa naMwari. Achitaura nezvoushumiri, Pauro akanyorera vamwe vake vaKristu vakazodzwa kuti: “Tine pfuma iyi mumidziyo yevhu, kuti simba rinopfuura romuzvarirwo rive raMwari kwete rinobva matiri.”—2 VaKorinde 4:7.

23 Tingava tiri vakazodzwa kana kuti ve“mamwe makwai,” takaita semidziyo yevhu isina kusimba. (Johani 10:16) Asi, Jehovha angatipa simba rinodiwa kuti tiite mabasa edu pasinei nematambudziko atinotarisana nawo. (Johani 16:13; VaFiripi 4:13) Naizvozvo ngativimbei naJehovha zvakakwana, ngatikoshesei basa redu, uye ngatiitei ushumiri hwedu zvizere.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 18 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungapindura Sei?

• Vakuru vangaitei kuti vaite ushumiri hwavo zvizere?

• Tingavandudza sei kubudirira kwezvidzidzo zvedu zveBhaibheri zvepamusha?

• Chii chaungaita kana mudzidzi weBhaibheri asinganzwisisi mumwe mufananidzo kana kuti achida mamwe mashoko pane imwe nhau?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vakuru vechiKristu vanodzidzisa ungano uye vanobatsira kudzidzisa vavanonamata navo muushumiri

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha zvinobudirira ndiyo imwe nzira yokuita kuti chiedza chedu chipenye