Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuchengeta Kune Chokuita Newe

Kuchengeta Kune Chokuita Newe

Kuchengeta Kune Chokuita Newe

PAAIVA pasi pano, Jesu Kristu akatanga kuchengeta kunokudza Mwari. Uyu ndiwo bedzi mutambo wechitendero waakarayira zvakananga kuti vateveri vake vachengete. Kwaiva Kudya kwaShe Kwemanheru, kunozivikanwawo soKudya Kwemanheru Kwokupedzisira.

Fungidzira kuti uri mucherechedzi asingaoneki wezviitiko zvinotungamirira kuchiitiko ichocho. Jesu nevaapostora vake vaungana mukamuri repamusoro muJerusarema kuti vachengete Paseka yechiJudha. Vapedza kudya zvinogara zvichidyiwa paPaseka, zvinosanganisira gwayana rakagochwa, miriwo inovava, chingwa chisina kuviriswa, uye waini tsvuku. Muapostora Judhasi Isikariyoti asina kuvimbika adzingwa uye achakurumidza kutengesa Tenzi wake. (Mateu 26:17-25; Johani 13:21, 26-30) Jesu ari oga nevaapostora vake vakatendeka 11. Mateu ndomumwe wavo.

Maererano nenhoroondo yaMateu yezvaakaona, aya ndiwo matangiro anoita Jesu Kudya kwaShe Kwemanheru: “Jesu akatora chingwa [chisina kuviriswa] uye, akati akumbira chikomborero, akachimedura uye, achichipa kuvadzidzi, akati: ‘Torai, mudye. Ichi chinoreva muviri wangu.’ Uyewo, akatora kapu [yewaini] uye, aonga, akaipa kwavari, achiti: ‘Inwai, imi mose; nokuti iyi inoreva “ropa rangu resungano,” richadururirwa vakawanda nokuda kwokukanganwirwa kwezvivi.’”—Mateu 26:26-28.

Nei Jesu akatanga Kudya kwaShe Kwemanheru? Paaiita kudaro, nei akashandisa chingwa chisina kuviriswa uye waini tsvuku? Vateveri vaKristu vose vaizodya zviratidzo izvi here? Kudya uku kwaizochengetwa kakawanda sei? Uye kune zvakunonyatsoreva kwauri here?