Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudya kwaShe Kwemanheru—Kunochengetwa Sei?

Kudya kwaShe Kwemanheru—Kunochengetwa Sei?

Kudya kwaShe Kwemanheru—Kunochengetwa Sei?

ACHIPA tsanangudzo yakadzama yokuchengetwa kwoKudya kwaShe Kwemanheru, muapostora wechiKristu Pauro anonyora kuti: “Ndakagamuchira kubva kunaShe zviya zvandakakugamuchidzaiwo, kuti Ishe Jesu muusiku hwaakanga achizogamuchidzwa akatora chingwa uye, akati aonga, akachimedura ndokuti: ‘Ichi chinoreva muviri wangu uri nokuda kwenyu. Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.’ Akaitawo saizvozvo nekapu, paakanga apedza kudya kwemanheru, achiti: ‘Kapu iyi inoreva sungano itsva muropa rangu. Rambai muchiita izvi, nguva dzose pamunoinwa, muchindiyeuka.’ Nokuti nguva yose pamunodya chingwa ichi nokunwa kapu iyi, munoramba muchizivisa rufu rwaShe, kusvikira asvika.”—1 VaKorinde 11:23-26.

Sezvinotaura Pauro, Jesu akatanga Kudya kwaShe Kwemanheru “muusiku [Jesu] hwaakanga achizogamuchidzwa” naJudhasi Isikariyoti kuvatungamiriri vechitendero chechiJudha avo vakamanikidza vaRoma kuti varoverere Kristu. Kudya ikoko kwakaitika musi weChina manheru, March 31, 33 C.E. Jesu akafira padanda rokutambudzikira musi weChishanu masikati, April 1. Kudya kwaShe Kwemanheru nokufa kwaJesu Kristu zvakaitika musi mumwe chete, nokuti mazuva ekarenda yechiJudha aitanga manheru erimwe zuva kusvikira manheru ezuva raitevera—Nisani 14, 33 C.E.

Vadyi vechingwa newaini vaifanira ‘kuramba vachiita izvi’ vachiyeuka Jesu. Maererano neimwe shanduro, Jesu akati: “Itai izvi muchindirangarira.” (1 VaKorinde 11:24, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Kudya kwaShe Kwemanheru kunonziwo Chirangaridzo Chorufu rwaKristu.

Nei Tichifanira Kuchengeta Rufu rwaJesu?

Mhinduro yacho inobva pakunzwisisa zvinorehwa norufu irworwo. Jesu akafa somutsigiri mukuru wouchangamire hwaJehovha. Saka akaratidza kuti Satani murevi wenhema pakupomera vanhu kuti vanoshumira Mwari bedzi nezvinangwa zvoudyire. (Jobho 2:1-5; Zvirevo 27:11) Nokufa kwaakaita somunhu akakwana, Jesu ‘akapawo mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevakawanda.’ (Mateu 20:28) Adhamu paakatadzira Mwari, akarasikirwa noupenyu hwakakwana hwevanhu nezvaitarisirwa mahuri. Asi “Mwari akada nyika [yevanhu] zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Zvechokwadi, “mubayiro unoripa chivi rufu, asi chipo chinopiwa naMwari upenyu husingaperi achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu.”—VaRoma 6:23.

Saka rufu rwaJesu Kristu rwakabatana nokuratidzwa kworudo kuviri kukuru zvikuru—rudo rukuru rwakaratidzwa vanhu naJehovha paakapa Mwanakomana wake uye rudo rwokuzvipira rwakaratidzwa vanhu naJesu paakapa upenyu hwake nokuzvidira. Chirangaridzo chorufu rwaJesu chinokudziridza kuratidzwa kworudo kuviri uku. Zvatiri kugamuchira rudo urwu, hatifaniri kuratidza kuti tinoruonga here? Imwe nzira yokuita izvozvo ndeyokuvapo pakuchengetwa kwoKudya kwaShe Kwemanheru.

Zvinoreva Chingwa Chacho Newaini Yacho

Paakatanga Kudya kwaShe Kwemanheru, Jesu akashandisa chingwa nekapu yewaini tsvuku sezviratidzo. Jesu akatora chingwa, uye “akati aonga, akachimedura ndokuti: ‘[Chingwa] ichi chinoreva muviri wangu uri nokuda kwenyu.’” (1 VaKorinde 11:24) Chingwa chacho chaifanira kumedurwa kuti chigovaniswe uye chidyiwe nokuti chaiva chingwa chakati omararei chaigadzirwa nefurawa nemvura pasina mbiriso, kana kuti yisiti. MuMagwaro, mbiriso inofananidzira chivi. (Mateu 16:11, 12; 1 VaKorinde 5:6, 7) Jesu akanga asina chivi. Naizvozvo, muviri wake wakakwana wenyama wakashanda sechibayiro chorudzikinuro chakakodzera vanhu. (1 Johani 2:1, 2) Zvakakodzera kwazvo kuti chingwa chinoshandiswa kumiririra muviri waKristu usina chivi chive chisina mbiriso!

Jesu akanyengetererawo kapu yewaini tsvuku isina kushatiswa achiti: “Kapu iyi inoreva sungano itsva muropa rangu.” (1 VaKorinde 11:25) Waini tsvuku yaiva mukapu inomiririra ropa raJesu. Sezvo ropa renzombe nembudzi dzaibayirwa rakasimbisa sungano yoMutemo pakati paMwari norudzi rwaIsraeri muna 1513 B.C.E., naizvozvo ropa raJesu rakadururwa parufu rakasimbisa sungano itsva.

Ndivanaani Vanofanira Kudya?

Kuti tizive kuti ndivanaani vane kodzero yokudya zviratidzo zveChirangaridzo, tinofanira kunzwisisa kuti sungano itsva yacho iri pamusoro pei uye kuti ndivanaani vanobatanidzwa mairi. Bhaibheri rinoti: “Tarirai, mazuva anouya—ndizvo zvinotaura Jehovha—andichaita sungano itsva neimba yaIsraeri, uye neimba yaJudha. . . . Ndichaisa murayiro wangu mukati mavo, ndichaunyora pamwoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu. . . . Ndichakanganwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.”—Jeremia 31:31-34.

Sungano Itsva inoita kuti zvikwanisike kuva noukama hunokosha naJehovha Mwari. Rimwe boka revanhu rinova vanhu vake uye iye anova Mwari wavo, richishandisa sungano iyi. Mutemo waJehovha wakanyorwa mavari, mumwoyo yavo, uye kunyange vaya vasiri vaJudha vakadzingiswa munyama vanogona kuva noukama hwesungano itsva naMwari. (VaRoma 2:29) Munyori weBhaibheri Ruka anonyora nezvechinangwa chaMwari choku‘funga nezvemamwe marudzi kuti atore Maari vanhu vezita rake.’ (Mabasa 15:14) Maererano na1 Petro 2:10, va‘imbove vasiri vanhu, asi zvino vava vanhu vaMwari.’ Magwaro anotaura nezvavo sa“Israeri waMwari,” kureva kuti, Israeri womudzimu. (VaGaratiya 6:16; 2 VaKorinde 1:21) Saka, sungano itsva isungano iri pakati paJehovha Mwari naIsraeri womudzimu.

Pausiku hwake hwokupedzisira aine vadzidzi vake, Jesu akaitawo sungano yake oga navo yakasiyana neiri pamusoro apa. “Ndinoita sungano nemi,” akavaudza kudaro, “sokuita sungano youmambo neni kwakaita Baba vangu.” (Ruka 22:29) Iyi isungano yoUmambo. Nhamba yevanhu vasina kukwana vanopinzwa musungano yoUmambo i144 000. Pashure pokunge vamutsirwa kudenga, vachatonga naKristu vari madzimambo nevapristi. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1-4) Saka, vaya vari musungano itsva naJehovha Mwari vari musungano yoUmambo naJesu Kristuwo. Ndivo bedzi vane kodzero yokudya zviratidzo zvoKudya kwaShe Kwemanheru.

Vaya vane kodzero yokudya zviratidzo zveChirangaridzo vanoziva sei kuti vane ukama naMwari hwakasiyana nohumwe uye kuti vagari venhaka pamwe naKristu? Pauro anotsanangura achiti: “Iwo mudzimu [mutsvene] unopupurirana nomudzimu wedu [mafungiro edu] kuti tiri vana vaMwari. Zvino, kana tiri vana, tiriwo vagari venhaka: vagari venhaka zvechokwadi vaMwari, asi vagari venhaka pamwe naKristu, chero bedzi tichitambura pamwe kuti tipiwe mbiri pamwe.”—VaRoma 8:16, 17.

Mwari anozodza vagari venhaka pamwe naKristu achishandisa mudzimu wake mutsvene, kana kuti simba rinobata basa. Izvi zvinoita kuti vave nechokwadi chokuti vagari venhaka yoUmambo. Zvinoita kuti vaKristu vakazodzwa vave netariro yokudenga. Vanoona zvose zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro poupenyu hwokudenga sezviri kutaurwa kwavari ivo. Uyezve, vanonyatsoda kurega zvose zvine chokuita noukama hwepanyika ino, kusanganisira upenyu hwepasi pano uye ukama hwose hwevanhu. Kunyange zvazvo vaKristu vakazodzwa nomudzimu vachiziva kuti upenyu muParadhiso yepasi huchange hwakaisvonaka, iyi handiyo tariro yavo. (Ruka 23:43) Vane tariro yokudenga isingachinjiki, kwete nokuda kwemaonero enhema echitendero asi nokuda kwokushanda kwomudzimu waMwari, naizvozvo vane kodzero yokudya zviratidzo zveChirangaridzo.

Ngatitii munhu haana chokwadi chaicho chokuti ari musungano itsva uye musungano yoUmambo. Zvakadini kana asingaoniwo kupupurira kwomudzimu waMwari kuti mugari wenhaka pamwe naKristu? Saka zvaizova zvakaipa kuti adye zviratidzo zveChirangaridzo. Kutaura zvazviri, Mwari aisazofadzwa kana munhu nemaune akazviti mumwe wevakadanwa kuti ave mambo wokudenga nomupristi iye asina kudanwa zvakadaro.—VaRoma 9:16; Zvakazarurwa 22:5.

Runofanira Kuchengetwa Kakawanda Sei?

Rufu rwaJesu runofanira kuchengetwa vhiki nevhiki kana kuti kunyange zvichida zuva nezuva here? Kristu akatanga Kudya kwaShe Kwemanheru uye akaurayiwa zvisiri pamutemo Musi wePaseka. Paseka, iyo yaingoitwa kamwe chete pagore, musi waNisani 14, yairangaridza kununurwa kwaIsraeri muusungwa hweIjipiti. (Eksodho 12:6, 14; Revhitiko 23:5) Saka rufu rwa“Kristu paseka yedu” runofanira kungoyeukwa kamwe chete gore negore, kwete vhiki nevhiki kana kuti zuva nezuva. (1 VaKorinde 5:7) Pavanenge vachichengeta Kudya kwaShe Kwemanheru, vaKristu vanotevera zvakangoitwa naJesu paakakutanga.

Saka, chii chinorehwa nemashoko aPauro anoti: “Nguva yose pamunodya chingwa ichi nokunwa kapu iyi, munoramba muchizivisa rufu rwaShe, kusvikira asvika”? (1 VaKorinde 11:26) Mundima iyi Pauro akashandisa shoko rinoreva kuti “nguva yose yamuno-,” kana kuti “pose pamuno-.” Saka, akanga achiti pose apo vaKristu vakazodzwa vaidya zviratidzo, vaizozivisa kuti vanotenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu.

VaKristu vakazodzwa vaizochengeta rufu rwaKristu “kusvikira asvika.” Kuchengeta uku kwaizoenderera mberi kusvikira Jesu achisvika kuti agamuchire vateveri vake vakazodzwa mudenga nokuvamutsira kuupenyu hwomudzimu panguva yo“kuvapo” kwake. (1 VaTesaronika 4:14-17) Izvi zvinoenderana nemashoko aKristu kuvaapostora 11 vakavimbika, anoti: “Kana ndikaenda ndikakugadzirirai nzvimbo yenyu, ndiri kudzokazve uye ndichakugamuchirai kumba kwandiri, kuti pandiri imi muvepowo.”—Johani 14:3.

Chinorevei Kwauri?

Unofanira kudya zviratidzo zveChirangaridzo kuti ubatsirwe nechibayiro chaJesu uye kuti uwane upenyu husingaperi pasi pano here? Aiwa. MuBhaibheri hapana panoratidza kuti pashure pokunge vamutsirwa pasi pano, vanhu vanotya Mwari vakadai saNoa, Abrahamu, Sara, Isaka, Rebheka, Josefa, Mosesi, naDhavhidhi vachazombodya zviratidzo izvi. Asi, ivo nevamwe vose vanoda upenyu husingaperi pasi pano vachafanira kutenda muna Mwari naKristu uye muurongwa hwaJehovha hwechibayiro chaJesu chorudzikinuro. (Johani 3:36; 14:1) Kuti uwane upenyu husingaperi, iwewo unofanira kuva nokutenda kwakadaro. Kuvapo kwako pakuchengetwa kworufu rwaKristu kunoitwa gore negore kuchakuyeuchidza nezvechibayiro ichocho chikuru uye kunofanira kuwedzera kuonga kwaunochiita.

Muapostora Johani akasimbisa kukosha kwechibayiro chaJesu paakati: “Ndiri kukunyorerai [vamwe vangu vakazodzwa] zvinhu izvi kuti murege kuita chivi. Asi, kana munhu akaita chivi, tine mubetseri ari kuna Baba, Jesu Kristu, akarurama. Uye iye chibayiro cheyananiso nokuda kwezvivi zvedu, asi kwete wezvedu bedzi asi wezvenyika yosewo.” (1 Johani 2:1, 2) Zvakakodzera kuti vakazodzwa vataure kuti chibayiro chaJesu chifukidziro chokuyananisa zvivi zvavo. Asi ichowo chibayiro chezvivi zvenyika yose, chinoita kuti vanhu vanoteerera vagone kuwana upenyu husingaperi!

Uchange uripo here musi waApril 4, 2004, kuzochengeta rufu rwaJesu? Kuchengeta uku kuchaitwa pasi pose neZvapupu zvaJehovha panzvimbo dzazvinoitira misangano yazvo. Kana ukavapo, uchabatsirwa nokuteerera hurukuro yeBhaibheri inokosha zvikuru. Uchayeuchidzwa nezvokuti Jehovha Mwari naJesu Kristu vakatiitira zvakawanda kwazvo. Zvichave zvichifadzawo mumudzimu kuungana nevaya vanokoshesa zvikuru Mwari naKristu uye chibayiro chaJesu chorudzikinuro. Chiitiko chacho chingasimbisa zvikuru chido chako chokugamuchira mutsa worudo waMwari, unoita kuti uzowana upenyu husingaperi. Usarega chero chinhu chipi zvacho chichikukanganisa. Iva pachiitiko ichi chinonyevenutsa mwoyo icho chinokudza nokufadza Baba vedu vokudenga, Jehovha Mwari.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Rufu rwaJesu rwakabatana nokuratidzwa kworudo kuviri kukuru zvikuru

[Mufananidzo uri papeji 6]

Chingwa chisina mbiriso uye waini zviratidzo zvakakodzera zvomuviri waJesu usina chivi uye ropa rake rakadeurwa