Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Chii chakaitika pachiitiko chakanyorwa pana Eksodho 4:24-26, uye upenyu hwaani hwaiva pangozi?

Mosesi akanga achienda kuIjipiti nomudzimai wake, Zipora, nevanakomana vake, Gershomi naEriyezeri, pakaitika chiitiko ichi chinotevera: “Vachiri panzira, pavakanga vavata, Jehovha akasongana naye, akatsvaka kumuuraya. Ipapo Zipora akatora ibwe rinopinza, akacheka rukanda rwapamberi rwomwanakomana wake, akarukanda patsoka dzake, akati: Zvirokwazvo, uri chikomba cheropa kwandiri. Naizvozvo wakamurega. Ipapo akati: Uri chikomba cheropa nokuda kwokudzingiswa.” (Eksodho 4:20, 24-26) Kunyange zvazvo chikamu ichi chisina kunyatsojeka uye zvisiri nyore kuva nechokwadi nezvachinoreva, Magwaro anojekesa ndima idzi.

Nhoroondo yacho haitauri zvakajeka kuti upenyu hwaani hwaiva pangozi. Zvisinei, zvine musoro kuti tigumise kuti hwakanga husiri upenyu hwaMosesi, nokuti Mwari akanga achangobva kumupa basa rokutungamirira vaIsraeri kubuda muIjipiti. (Eksodho 3:10) Zvinenge zvisingaiti kuti Mosesi ari kuenda kunoita basa iroro, upenyu hwake hwaizodai hwakaiswa pangozi nengirozi yaMwari. Naizvozvo hwaizova upenyu hwomumwe wevanakomana vake. Mutemo wakanga wapiwa Abrahamu pakutanga maererano nokudzingiswa waiti: “Munhurume usina kudzingiswa, usina kudzingiswa panyama yechikanda chake chapamberi, munhu wakadai unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; wakaputsa sungano yangu.” (Genesi 17:14) Zviri pachena kuti Mosesi akanga asina kudzingisa mwanakomana wake, ndosaka upenyu hwomukomana uyu hwakanga hwava pangozi nengirozi yaJehovha.

Itsoka dzaani dzakagunzvwa apo Zipora akacheka chikanda chepamberi chomwanakomana wake achiedza kugadzirisa zvinhu? Ngirozi yaJehovha ndiyo yaiva nesimba rokuuraya mwanakomana uyu asina kudzingiswa. Saka, zvine musoro kuti Zipora angadaro akaita kuti chikanda chacho chigunzve tsoka dzengirozi, zvichiipa uchapupu hwokuti akanga aita zvaidiwa nesungano.

Mashoko aZipora okuti “uri chikomba cheropa kwandiri” haana kujairika. Anoratidzei nezvake? Nokuita kwake zvaidiwa nesungano yokudzingiswa, Zipora akabvuma ukama hwesungano naJehovha. Sungano yoMutemo yakazoitwa nevaIsraeri yakaratidza kuti muukama hwesungano, Jehovha anogona kunzi ndiye murume uye vamwe vacho vova mudzimai. (Jeremia 31:32) Saka, paakataura kuna Jehovha (achishandisa ngirozi yaimumiririra) achiti “chikomba cheropa,” Zipora akaratidza kuti aibvuma kuzviisa pasi kuzvinodiwa zvesungano iyoyo. Zvaiita sokuti akanga abvuma nzvimbo yomudzimai musungano yokudzingiswa, Jehovha Mwari ari iye murume. Chero zvazvingava, nokuda kwechiito chake chinokosha chokuteerera zvaidiwa naMwari, upenyu hwomwanakomana wake hwakanga husisiri pangozi.