Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Muri Mukuru Kupfuura Makomo’

‘Muri Mukuru Kupfuura Makomo’

Runako Rwechisiko chaJehovha

‘Muri Mukuru Kupfuura Makomo’

KUONA zuva richibuda uri pamusoro peMount Fuji hazvikanganwiki. Zuva rakatsvukuruka kunge moto rinoti pfacha pajengachenga, richivhenekera sinou yakati mbuu kuchena, nematombo mapfumbu. Sezvo rimwe zuva rinotanga, mimvuri yakanyatsoumbika yemakomo inokurumidza kupararira kusvika kure kure pamusoro pezvikomo nemipata.

SeMount Fuji—rakambonyorwa nemashoko anoreva kuti “risina rinoenzana naro”—makomo makuru anoramba achitishamisa. Kutaura zvazviri, tinonzwa tiri vaduku kwazvo noukuru hwawo! Mamwe makomo makuru zvokuti vamwe vanhu vaifunga kuti panhongonya dzawo, kazhinji panenge paine mhute nemakore, ndipo paigara vanamwari.

Mwari woga wechokwadi anorumbidzwa nenhongonya dzemakomo ndiye Musiki wawo ari nyanzvi, Jehovha. Iye oga ndiye ‘Muumbi wemakomo.’ (Amosi 4:13) Chinenge chikamu chimwe muzvina chenyika yose makomo, uye Mwari paakasika nyika yedu, akaita masimba akabudisa nhongonya dzinoshamisa dzemakomo nemidungwerungwe yemakomo. (Pisarema 95:4) Somuenzaniso, zvinofungidzirwa kuti midungwerungwe yeHimalaya neAndes yakavapo zvichikonzerwa nokusagadzikana kwemabwe mahombe hombe ari pasi penyika uye kufamba-famba kwezvimwe zvikamu zvakaumba pasi redu.

Isu vanhu hatinyatsonzwisisi kuti makomo akavapo sei uye nei. Chokwadi, hatigoni kupindura zvakabvunzwa Jobho akarurama, kuti: “Iwe wakanga uripiko panguva [ini Jehovha] yandakateya nheyo dzenyika? . . . Ko nheyo dzayo dzakateyiwa pamusoro pei?”—Jobho 38:4-6.

Zvisinei, tinoziva kuti upenyu hunotsigirwa nemakomo. Akanzi ndiwo matsime emvura, sezvo nzizi hombe dzose dzichitangira mumakomo uye hafu yevanhu pasi pano ichiwana mvura kubva mumakomo. (Pisarema 104:13) Maererano nemagazini yeNew Scientist, “pazvirimwa 20 zvinopa zvokudya, zvitanhatu zvacho zvinobva mumakomo.” Kudyidzana kunoita zvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo pazvinenge zvanaka munyika itsva yakapikirwa naMwari, “kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.”—Pisarema 72:16; 2 Petro 3:13.

Kune vakawanda, kutaura nezvemakomo kunovayeuchidza makomo eAlps okuEurope. Nhongonya idzi, kusanganisira Mount Civetta dzakaratidzwa pano, dzinopupurira zvakanaka Musiki wadzo. (Pisarema 98:8) Dzinorumbidza Jehovha, uyo “unoteya makomo nesimba rake.”—Pisarema 65:6. *

Runako rwemakomo eAlps runoshamisa chaizvo, ane nhongonya nemichinjiziri zvakafukidzwa nesinou, mawere akafukidzwa nesinou, mipata nenyanza dzawo, uye nzvimbo dzawo dzine uswa hwakasvibira. Mambo Dhavhidhi akataura nezvaJehovha so“unomeresa uswa pamakomo.”—Pisarema 147:8.

Midungwerungwe yemakomo—semakomo aya ari muGuilin, China—angaratidzika seasingashamisi pane makomo eAlps, asi naiwowo ane runako runoshamisa. Achitevedza Rwizi rwaLi, runako rwemichinjiziri yemisoro yematombo nenhongonya zvinonakidza vashanyi. Kuona mvura yakati mbuu kuchena ichiyerera nomumakomo aya ane mhute kungatiyeuchidza nezvemashoko omunyori wepisarema anoti: “Unotuma matsime mumipata; mvura inoyerera napakati pamakomo.”—Pisarema 104:10.

Zvakakodzera kuti tishamiswe nemakomo nokuti tinoaona sechimwe chezvinhu zvikuru pazvipo zvorudo zvinobva kuMusiki zvokuti vanhu vagare zvakanaka uye vanakidzwe. Kunyange zvazvo achishamisa kwazvo, makomo haaenzani noukuru hwaJehovha. Zvechokwadi iye ‘mukuru kupfuura makomo.’—Pisarema 76:4.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2004, March/April.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]

Pavagari vose vepasi, gumi muzana vanogara munharaunda dzemakomo. Asi ichi hachisi chipinganidzo chisingakundiki kune vaya vanozivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Ava vashumiri vechiKristu vanoshingaira chaizvo munharaunda zhinji dzemakomo. Uye “dzakanaka sei tsoka dzounouya nemashoko akanaka, unoparidza rugare, unouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, unoparidza ruponeso.”—Isaya 52:7.

Munyori wepisarema akaimba kuti, ‘makomo marefu ndeembudzi dzomumakomo.’ (Pisarema 104:18) Mbudzi dzomumakomo, dzakadai seiyi inoshamisa ine nyanga inonzi Nubian ibex, imwe yemhuka dzine unyanzvi hwokufamba mumakomo pazvinogara mumakomo zvose. Dzinofamba pamichinjiziri yakatetepa chaizvo zvokuti zvinoita sezvisingabviri kupfuura nepairi. Mbudzi iyi inokwanisa kugara munzvimbo dzisingasvikiki. Chimwe chezvinoita kuti zvidaro masikirwe emahwanda ayo. Hwanda racho rinogona kutatamuka zvinoenderana nouremu hwembudzi yacho, zvichiipa kutsiga kwakasimba painenge yakamira kana kuti ichifamba mumicheto yakatetepa yemabwe. Chokwadi, mbudzi iyi chishamiso chokusika!

[Mufananidzo uri papeji 9]

Mount Fuji, Honshu, Japan