Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

666—Haisi Nhambawo Zvayo Inovhiringidza

666—Haisi Nhambawo Zvayo Inovhiringidza

666—Haisi Nhambawo Zvayo Inovhiringidza

“Parege kuva nomunhu angakwanisa kutenga kana kutengesa kunze kwomunhu ane chiratidzo, zita rechikara kana nhamba yezita racho. Pano ndipo panodiwa uchenjeri: Ane ungwaru ngaaverenge nhamba yechikara, nokuti inhamba yomunhu; uye nhamba yacho mazana matanhatu nemakumi matanhatu nenhanhatu.”—Zvakazarurwa 13:17, 18.

INYAYA shomanana dzomuBhaibheri dzakafarirwa chaizvo uye dzakaitirwa hanya sezvakaitwa uprofita hune chokuita nechiratidzo chinoshamisa, kana kuti zita re“chikara”—nhamba 666. Paterevhizheni nepaIndaneti, uyewo mumafirimu, mabhuku, nemagazini, chiratidzo chechikara yave iri nyaya yokufungidzira kusingaperi.

Vamwe vanofunga kuti 666 chiratidzo cheanorwisana naKristu womuBhaibheri. Vamwe vanoti inoreva chiratidzo chokumanikidzwa kuzivikanwa, zvakadai senyora kana kuti kanhu kemagetsi kanoiswa mumuviri kanenge kaine nhamba dzinoita kuti munhu azivikanwe somushumiri wechikara. Vamwewo vanofunga kuti 666 chiratidzo chavanapapa veKaturike. Vachitsiva mabhii ari pazita rokuremekedza rapapa rokuti Vicarius Filii Dei (Vicar woMwanakomana waMwari), nemanyorero anoita vaRoma nhamba, uye vachinja-chinja nhamba dzacho zvishoma, vanowana 666. Zvinonziwo nhamba iyoyo inogona kuwanikwa pazita rechiLatin raMambo Diocletian weRoma uye pamanyorerwe ezita raKesari Nero muchiHebheru. *

Zvisinei, tsanangudzo idzi dzokufungidzira uye dzakaita zvokurongwa, dzakasiyana chaizvo nezvinotaurwa neBhaibheri pacharo pamusoro pechiratidzo chechikara, sezvatichaona munyaya inotevera. Bhaibheri rinoratidza kuti vaya vane chiratidzo chacho vachaitirwa hasha naMwari paachagumisa mamiriro ezvinhu epanguva ino. (Zvakazarurwa 14:9-11; 19:20) Naizvozvo kunzwisisa zvinoreva 666, kunopfuura kungonzwisisa chinhuwo zvacho chinovhiringidza. Zvinofadza kuti Jehovha Mwari, muenzaniso wakakwana worudo uye Mupi wechiedza mune zvokunamata, haana kurega vashumiri vake vari murima panyaya iyi inokosha.—2 Timoti 3:16; 1 Johani 1:5; 4:8.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Nezvokukurukurwa kwenhamba, ona Mukai!, yaSeptember 8, 2002.