Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzivisa Mudzimu Wenyika Iri Kuchinja

Dzivisa Mudzimu Wenyika Iri Kuchinja

Dzivisa Mudzimu Wenyika Iri Kuchinja

“Takagamuchira, kwete mudzimu wenyika, asi mudzimu unobva kuna Mwari.”—1 VAKORINDE 2:12.

1. Evha akanyengerwa munzira dzipi?

“NYOKA yakandinyengera.” (Genesi 3:13) Nemashoko iwayo mashomanana, Evha mukadzi wokutanga, akaedza kutsanangura kuti nei akanga apandukira Jehovha Mwari. Zvaakataura chaiva chokwadi, kunyange zvazvo zvakanga zvisingapembedzi zvakaipa zvaakanga aita. Kwapera nguva yakati muapostora akafuridzirwa kunyora kuti: “[Evha] akanyengerwa kwazvo.” (1 Timoti 2:14) Akanyengerwa kuti afunge kuti kusateerera—kudya muchero wakanga warambidzwa—kwaizomubatsira, kuchiita kuti afanane naMwari. Akanyengerwawo kuti atadze kuziva munhu akanga amunyengera. Haana kuziva kuti nyoka yaingovawo hayo mutauriri waSatani Dhiyabhorosi.—Genesi 3:1-6.

2. (a) Satani anotsausa sei vanhu nhasi? (b) “Mudzimu wenyika” chii, uye tichakurukura mibvunzo ipi?

2 Kubvira panguva yaAdhamu naEvha, Satani ave achinyengera vanhu. Kutaura zvazviri, ari “kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9) Mazano ake haasati achinja. Kunyange zvazvo asingachashandisi nyoka chaiyo, anoramba achizvivanza. Achishandisa varaidzo, zvinobudisa nhau, nezvimwewo zvinhu, Satani anotsausa vanhu kuti vafunge kuti havadi nhungamiro yaMwari yorudo uye kuti haivabatsiri. Kuedza kuri kuitwa naSatani kunyengera kwaita kuti kwose kwose vanhu vade kupandukira mitemo nenhungamiro zveBhaibheri. Bhaibheri rinoti uyu unonzi “mudzimu wenyika.” (1 VaKorinde 2:12) Mudzimu uyu une simba rokuchinja zvinodavirwa nevaya vasingazivi Mwari, maonero avo, uye mufambiro wavo. Mudzimu iwoyo unoratidzwa sei, uye tingadzivisa sei simba rawo rinoshatisa? Ngationei.

Tsika Dziri Kuderera

3. Nei “mudzimu wenyika” uchiwedzera kuva pachena mazuva ano?

3 Mazuva ano, “mudzimu wenyika” uri kuramba uchiva pachena. (2 Timoti 3:1-5) Zvimwe wakacherechedza kuti tsika dziri kuderera. Magwaro anotsanangura kuti nei zvakadaro. Pashure pokugadzwa kwoUmambo hwaMwari mugore ra1914, hondo yakatanga kudenga. Satani nengirozi dzake madhimoni vakakundwa vakakandirwa munharaunda yepasi. Ashatirwa, Satani akawedzera kuedza kwake kunyengera nyika yose. (Zvakazarurwa 12:1-9, 12, 17) Nepaanogona napo, anoedza kuti “atsause, kana zvichibvira, kunyange vakasarudzwa.” (Mateu 24:24) Sevanhu vaMwari, isu tisu vaanonyanya kuda. Anoedza kuparadza zvatiri pakunamata kuitira kuti tisafarirwa naJehovha uye tirasikirwe netariro youpenyu husingaperi.

4. Vashumiri vaJehovha vanoona sei Bhaibheri, uye nyika inoriona sei?

4 Satani anoedza kushora Bhaibheri, bhuku rinokosha rinotidzidzisa pamusoro poMusiki wedu ane rudo. Vashumiri vaJehovha vanoda Bhaibheri uye vanorikoshesa. Tinoziva kuti iShoko raMwari rakafuridzirwa, kwete shoko revanhu. (1 VaTesaronika 2:13; 2 Timoti 3:16) Zvisinei, nyika yaSatani inoda kuti tifunge zvakasiyana. Somuenzaniso, mashoko okutanga erimwe bhuku rinoshora Bhaibheri anoti: “Bhaibheri harisi ‘dzvene,’ uyewo harisi ‘shoko raMwari.’ Harina kunyorwa nevasande vakafuridzirwa naMwari, asi rakanyorwa nevapristi vanoda mukurumbira.” Zvingava nyore kuti vaya vanoitwa kuti vadavire kutaura kwakadaro vawire mumusungo wokufunga kuti vakasununguka kunamata Mwari nenzira chero ipi zvayo yavanoda—kana kuti kusatombomunamata.—Zvirevo 14:12.

5. (a) Mumwe munyori akatii nezvezvitendero zvinozivikanwa nokushandisa Bhaibheri? (b) Dzimwe pfungwa dzakajairika munyika dzinosiyana sei nezvinotaura Bhaibheri? (Taurawo zviri mubhokisi riri papeji inotevera.)

5 Kushorwa kweBhaibheri zvakananga kana kuti zvisina kunanga, pamwe chete nounyengeri hwechitendero hwevaya vanoti vanoritsigira, zvakaguma nokuita kuti chitendero chirambe chichishorwa, kusanganisira chitendero chinozivikanwa nokushandisa Bhaibheri. Chitendero chiri kushorwa mune zvinobudisa nhau uye nevaya vakadzidza chaizvo. Mumwe munyori anoti: “Maonero echiJudha neechiKristu akatekeshera mutsika dzakakurumbira haafarirwi. Kunyange tikatsvaka zvakanakisisa zvacho, chiJudha nechiKristu zvinoonekwa sezvechinyakare; tikatarisawo zvisingafarirwi, zvinoonekwa sezvinhu zvekare zvinovhiringidza kufambira mberi kwedzidzo uye zvinodzikatidza kufambira mberi kwesayenzi. Mumakore achangopfuura kushora kwacho kwakaguma kwava kunyomba uye kuvenga kuri pachena.” Ruvengo urwu runowanzotanga nevaya vanoti Mwari haako uye vakazova “vanofunga zvisina musoro.”—VaRoma 1:20-22.

6. Nyika inoona sei zviito zvounzenza zvinoshorwa naMwari?

6 Saka, hazvishamisi kuti vanhu vari kuramba vachingotsauka pane zvinodiwa naMwari patsika. Somuenzaniso, Bhaibheri rinorondedzera ungochani sohu“nonyadzisa.” (VaRoma 1:26, 27) Rinotaurawo kuti vaya vanoita ufeve noupombwe havazogari nhaka yoUmambo hwaMwari. (1 VaKorinde 6:9) Asi, munyika dzakawanda zviito izvozvo zvounzenza hazvingoonekwi sezvinogamuchirika asi zvinoratidzwa sezvinonakidza mumabhuku, magazini, nziyo, mafirimu, nemapurogiramu eTV. Vaya vanotaura kuti havabvumirani nezviito zvakadaro vanoonekwa sevanoomesa musoro, vanoda kutonga vamwe, uye vakasaririra pamafungiro emazuva ano. Pane kuona zvinodiwa naMwari sokuratidzwa kworudo, nyika inozviona sezvipingamupinyi zvorusununguko uye kugutsikana.—Zvirevo 17:15; Judha 4.

7. Ndeipi mibvunzo yatinofanira kuzvibvunza?

7 Munyika iri kuramba ichinyura mukurwisana naMwari, zvingava zvakanaka kuti tifunge nezvemafungiro uye tsika dzedu. Nguva nenguva, tinofanira kuzviongorora nomwoyo wose uye tichiita zvokunyengetera kuti tive nechokwadi chokuti hatisi kukukurwa pakufunga kwaJehovha nezvaanoda zvishoma nezvishoma. Somuenzaniso, tingazvibvunza kuti: ‘Ndinozvivaraidza nenyaya yandingadai ndakadzivisa makore mashoma apfuura here? Ndava kugamuchira zviito zvinoshorwa naMwari here? Ndava kuona zvine chokuita nokunamata sezvisingakoshi kupfuura zvandaiita kare here? Mararamiro andinoita anoratidza kuti ndinoisa zvinhu zvoUmambo pakutanga muupenyu hwangu here?’ (Mateu 6:33) Mafungiro akadaro achatibatsira kudzivisa mudzimu wenyika.

‘Usambokukurwa’

8. Munhu angakukurwa kubva pana Jehovha sei?

8 KuvaKristu vaainamata navo, muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvakafanira kuti isu tizvichenjerere kupfuura zvatinosiita pazvinhu zvatakanzwa, kuti tirege kumbokukurwa.” (VaHebheru 2:1) Ngarava inenge yakukurwa haisviki kwairi kuenda. Kana kaputeni asina kungwarira mhepo uye kuri kusundira masaisai, zvingava nyore kuti ngarava yake ikukurwe yobva yapfuura chiteshi chengarava uye yobatwa nejecha pamhenderekedzo ine matombo. Saizvozvowo, kana tikasangwarira chokwadi chinokosha chiri muShoko raMwari, tingakukurwa nyore nyore kubva kuna Jehovha toparara mumudzimu. Kuti tizoparara zvakadaro, hatifaniri hedu kunge taramba chokwadi zvachose. Kutaura zvazviri, vashoma vanongoerekana varamba Jehovha nemaune. Kakawanda kacho, zvishoma nezvishoma vanobatanidzwa mune chimwe chinhu chinovatsausa pakungwarira Shoko raMwari. Vasingazvioni, vanoita chivi. Sakaputeni akarara, vanhu vakadaro havamuki kusvikira zvisingachabatsiri.

9. Jehovha akakomborera Soromoni munzira dzipi?

9 Funga nezvoupenyu hwaSoromoni. Jehovha akamuita kuti ave mambo waIsraeri. Mwari akabvumira Soromoni kuti avake temberi uye akamutungamirira kuti anyore mamwe mabhuku eBhaibheri. Jehovha akataura naye kaviri uye akaita kuti ave nepfuma, mukurumbira, uye kuti atonge paine rugare. Kupfuura zvose, Jehovha akakomborera Soromoni nouchenjeri hukuru. Bhaibheri rinoti: “Mwari akapa Soromoni kungwara nokunzwisisa kukuru, nomwoyo wakaziva zvakanaka, zvakafanana nejecha riri pamhenderekedzo yegungwa. Kungwara kwaSoromoni kwakapfuura kungwara kwavana vamabvazuva, nokungwara kwose kwavaEgipita.” (1 Madzimambo 4:21, 29, 30; 11:9) Chokwadi, munhu angafunga kuti, kana paine munhu aifanira kuramba akatendeka kuna Mwari, aiva Soromoni. Asi, Soromoni akakukurwa achibva aramba kutenda. Izvozvo zvakaitika sei?

10. Soromoni akatadza kuteerera nhungamiro ipi, uye zvakaguma nei?

10 Soromoni ainyatsoziva uye ainzwisisa Mutemo waMwari. Hapana mubvunzo kuti anofanira kunge aifarira mirayiridzo yakanga yakaitirwa vaya vaizova madzimambo pakati paIsraeri. Pakati pemirayiridzo iyoyo paiva nomumwe waiti: “[Mambo] ngaarege kuzviwanzira vakadzi, kuti mwoyo wake urege kutsauka.” (Dheuteronomio 17:14, 17) Pasinei nenhungamiro iyoyo yakajeka, Soromoni akawana madzimai mazana manomwe nevarongo mazana matatu. Vazhinji vevakadzi ava vainamata vanamwari vokumwe. Hatizivi kuti nei Soromoni akaroora madzimai akawanda kudaro, uyewo hatizivi kuti aizvipembedza sei kuti aite izvozvo. Zvatinoziva ndezvokuti akatadza kuteerera nhungamiro yaMwari yakajeka. Mugumisiro wacho wakava chaizvo zvakanga zvanyeverwa naJehovha. Tinoverenga kuti: ‘Zvishoma nezvishoma vakadzi vaSoromoni vakatsausa mwoyo wake kuti atevere vamwe vanamwari.’ (1 Madzimambo 11:3, 4) ‘Zvishoma nezvishoma’—asi zvichitoitika—uchenjeri hwake hwaakanga apiwa naMwari hwakapera. Akakukurwa. Nokufamba kwenguva, kuda kwaSoromoni kufadza madzimai ake echihedheni kwakatsiva kuda kwake kuteerera uye kufadza Mwari. Zvinosuruvarisa sei, nokuti Soromoni ndiye akanga ambonyora mashoko okuti: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora”!—Zvirevo 27:11.

Mudzimu Wenyika Une Simba

11. Zvatinopinza mupfungwa dzedu zvinoumba sei mafungiro edu?

11 Muenzaniso waSoromoni unotidzidzisa kuti zvine ngozi kufunga kuti nokuti tinoziva chokwadi, zvinokurudzirwa nenyika hazvina zvazvinoita pamafungiro edu. Zvokudya zvenyama zvazvinochinja muviri wedu, zvokudya zvepfungwa zvinochinjawo pfungwa dzedu. Zvatinodyisa pfungwa dzedu zvinoumba mafungiro nemaonero edu. Achiziva izvi, gore negore makambani anopedza mabhiriyoni emadhora achishambadzira zvigadzirwa zvawo. Kushambadzira kunobudirira kunoda kushandisa mashoko nemifananidzo zvoungwaru kuti kukwezve zvinodiwa uye zvinopangwa nomutengi. Vanoshambadzira vanozivawo kuti kuona chinoshambadzirwa kamwe chete kana kuti kaviri hakuwanzokurudziri vanhu kuti vakurumidze kunotenga zvigadzirwa zvacho. Zvisinei, kuramba vachiona kunowanzoita kuti vatengi nokufamba kwenguva, vaone chigadzirwa chacho zvakanaka. Kushambadzira kunoshanda—dai zvisina kudaro, hapana aizopedza mari yake achishambadzira. Kunochinja zvakasimba mafungiro nemaonero evoruzhinji.

12. (a) Satani anofurira sei vanhu pamafungiro avo? (b) Chii chinoratidza kuti vaKristu vanogonawo kufurirwa?

12 Sezvinoita mushambadziri, Satani anosimudzira pfungwa dzake nokudziita kuti dzikwezve, achiziva kuti nokufamba kwenguva anogona kuita kuti vanhu vazova nemafungiro ake. Achishandisa varaidzo nedzimwe nzira, Satani anonyengedza vanhu kuti vafunge kuti zvakanaka zvakaipa uye kuti zvakaipa ndozvakanaka. (Isaya 5:20) Kunyange vaKristu vechokwadi vakatonyeperwawo naSatani nemashoko aanoparadzira. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Kutaura kwakafuridzirwa kunotaura pachena kuti munguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera kutaura kwakafuridzirwa kunotsausa nedzidziso dzemadhimoni, nokunyengera kwevanhu vanoreva nhema, hana dzavo dzakapiswa sokunge nedare rinoisa chiratidzo.”—1 Timoti 4:1, 2; Jeremia 6:15.

13. Shamwari dzakaipa chii, uye shamwari dzedu dzinotichinja sei?

13 Tose zvedu tinogona kuchinjwa nomudzimu wenyika. Mhepo nesimba zvenyika yaSatani zvine simba. Bhaibheri rinotinyevera nenzira yokuchenjera kuti: “Musatsauswa. Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera.” (1 VaKorinde 15:33) Shamwari dzakaipa dzingasanganisira chero chinhu chipi zvacho kana kuti chero munhu upi zvake—kunyange ari muungano—anoratidza mudzimu wenyika. Kana tikafunga kuti shamwari dzakaipa hadzigoni kutikuvadza, hatingazofungiwo here kuti shamwari dzakanaka hadzitibatsiri? Izvozvo zvaizova zvakaipa sei! Bhaibheri rinotaura nyaya yacho zvakajeka parinoti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.”—Zvirevo 13:20.

14. Tingadzivisa mudzimu wenyika munzira dzipi?

14 Kuti tidzivise mudzimu wenyika, tinofanira kushamwaridzana nevanhu vakachenjera—vaya vanoshumira Jehovha. Tinofanira kuzadza pfungwa dzedu nezvinhu zvinovaka kutenda kwedu. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvokuva nehanya nazvo zvikuru, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo, kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.” (VaFiripi 4:8) Sevanhu vane rusununguko rwokusarudza, tinogona kusarudza zvinhu zvatinoda. Dai tikagara tichisarudza zvinhu zvichatiswededza pedyo naJehovha.

Mudzimu waMwari Unotova Nesimba Zvikuru

15. VaKristu vaiva muKorinde yekare vaiva vakasiyana sei nevamwe vagari vomuguta iroro?

15 Kusiyana nevaya vanotsauswa nomudzimu wenyika, vaKristu vechokwadi vanotungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari. Pauro akanyorera ungano yaiva muKorinde kuti: “Takagamuchira, kwete mudzimu wenyika, asi mudzimu unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatakapiwa nomutsa naMwari.” (1 VaKorinde 2:12) Guta reKorinde rekare raiva rizere nomudzimu wenyika. Vagari vemo vakawanda vaiita unzenza chaizvo zvokuti mashoko okuti “kuita munhu muKorinde” akaguma ava kureva kuti “kuita unzenza.” Satani akanga apofumadza pfungwa dzevanhu vacho. Saka, vaingonzwisisa zvishomanana kana kuti hapana chavaimbonzwisisa nezvaMwari wechokwadi. (2 VaKorinde 4:4) Asi, achishandisa mudzimu mutsvene wake, Jehovha akavhura maziso evamwe vaKorinde, achivaita kuti vawane zivo yechokwadi. Mudzimu wake wakavatungamirira uye wakaita kuti vachinje zvikuru muupenyu hwavo kuti vafarirwe naye uye vawane chikomborero chake. (1 VaKorinde 6:9-11) Kunyange zvazvo mudzimu wenyika waiva nesimba, mudzimu waJehovha waiupfuura.

16. Tingawana sei mudzimu waMwari toramba tiinawo?

16 Izvi zvakadarowo nhasi. Mudzimu mutsvene waJehovha ndiwo une simba kupfuura mimwe yose munyika yose, uye anoupa vose vanoukumbira mukutenda asingamanikidzwi uye wakawanda. (Ruka 11:13) Zvisinei, kuti tive nomudzimu waMwari, tinofanira kuita zvinopfuura kungodzivisa mudzimu wenyika. Tinofanirawo kugara tichidzidza uye tichishandisa Shoko raMwari muupenyu hwedu kuitira kuti mudzimu wedu—maonero edu—aenderane nemafungiro ake. Kana tikadaro, Jehovha achatisimbisa kuti tikurire chero zano ripi zvaro ringashandiswa naSatani kuparadza zvatiri mune zvokunamata.

17. Zvakaitika kuna Roti zvingatikurudzira munzira dzipi?

17 Kunyange zvazvo vaKristu vasiri venyika, vari munyika. (Johani 17:11, 16) Tose zvedu hatigoni kudzivisa mudzimu wenyika zvachose, nokuti pamwe tinoshanda kana kuti tinotogara nevaya vasingadi Mwari kana kuti nzira dzake. Tinonzwa sezvaiita Roti, uyo akanga “achitambudzika zvikuru,” uye achitorwadziwa nezviito zvokusateerera mutemo zvaiitwa nevanhu veSodhoma vaaigara navo here? (2 Petro 2:7, 8) Kana zvakadaro, zvinokurudzira. Jehovha akadzivirira uye akanunura Roti, uye anogonawo kutiitira izvozvo. Baba vedu vane rudo vanoona uye vanoziva mamiriro edu ezvinhu, uye vanogona kutipa rubatsiro nesimba zvatinoda kuti tirambe takasimba mune zvokunamata. (Pisarema 33:18, 19) Kana tikavimba navo, tikavakumbira, vachatibatsira kudzivisa mudzimu wenyika, pasinei nokuoma kungave kwakaita mamiriro edu ezvinhu.—Isaya 41:10.

18. Nei tichifanira kukoshesa ukama hwedu naJehovha?

18 Munyika yakaparadzana naMwari uye inonyengerwa naSatani, isu sevanhu vaJehovha takakomborerwa nezivo yechokwadi. Saka tine mufaro norugare zvisingawanikwi nenyika. (Isaya 57:20, 21; VaGaratiya 5:22) Tinofarira tariro inoshamisa youpenyu husingaperi muParadhiso, umo muchange musisina mudzimu wenyika ino iri kufa. Naizvozvo ngatikoshesei ukama hwedu hunokosha naMwari, toshingairira kugadziridza zvose zvingaita sokukukurwa mune zvokunamata. Ngatirambei tichiswedera pedyo naJehovha, uye achatibatsira kudzivisa mudzimu wenyika.—Jakobho 4:7, 8.

Ungatsanangura Here?

• Satani akanyengera nokutsausa vanhu munzira dzipi?

• Tingadzivisa sei kukukurwa tichibva pana Jehovha?

• Chii chinoratidza kuti mudzimu wenyika une simba?

• Tingawana sei mudzimu unobva kuna Mwari toramba tiinawo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Chati iri papeji 11]

UCHENJERI HWENYIKA NOUCHENJERI HWAMWARI

Hapana chokwadi chakakwana—vanhu vanozvisarudzira chokwadi chavanoda.

“Shoko [raMwari] ichokwadi.”—Johani 17:17.

Kuti usarudze chakanaka nechakashata, vimba nezvaunofunga.

“Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose.”—Jeremia 17:9.

Ita zvaunoda.

“Munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.”—Jeremia 10:23.

Pfuma ndiyo inoita kuti munhu afare.

“Mari ndiwo mudzi wemarudzi ose ezvinhu zvakaipa.”—1 Timoti 6:10.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Soromoni akakukurwa pakunamata kwechokwadi akatanga kunamata vanamwari venhema

[Mufananidzo uri papeji 12]

Sezvinoita mushambadziri, Satani anokurudzira mudzimu wenyika. Iwe unoudzivisa here?