Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuwana Vanhu Kumabasa Avo

Kuwana Vanhu Kumabasa Avo

Mushumo Wevazivisi voUmambo

Kuwana Vanhu Kumabasa Avo

ZVII zvaiva zvakafanana pavaapostora Mateu, Petro, Andireya, Jakobho, naJohani? Vose vakadanwa naJesu pavakanga vari kumabasa avo. Petro, Andireya, Jakobho, naJohani vakanga vakabatikana nebhizimisi ravo rokubata hove pavakakokwa naJesu, achiti: “Nditeverei.” Mateu aiva pahofisi yemitero paakakokwa kuti azova mudzidzi waJesu.—Mateu 4:18-21; 9:9.

Kupupurira vanhu kumabasa avo kungava nomubayiro. Zvichiziva izvi, munguva pfupi yapfuura, Zvapupu zvaJehovha zvomuJapan zvakaedza nepazvaigona napo kuita ushumiri seizvi. Zvikaguma nei? Mumwedzi mishomanana, vakashanya vachidzokera kunoona zviuru zvevanhu vavakanga vamboona, uye zvidzidzo zveBhaibheri zvinenge 250 zvakatangwa. Chimbofunga nezvezvakaitika zvinotevera.

Mumwe mushumiri wenguva dzose wokuTokyo akasangana nomumwe maneja weresitorendi akanga ambotaura nechimwe Chapupu achiri mwana wechikoro makore anenge 30 akanga apfuura. Kunyange zvazvo maneja wacho asina kunzwisisa zvakawanda zvezvakanga zvataurwa kare ikako, akafarira Bhaibheri. Zvino kufarira kwake kwamutsiridzwazve, akabva angobvuma kudzidza Bhaibheri pachishandiswa bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. * Uyezve, akatanga purogiramu yake oga yokuverenga Bhaibheri manheru oga oga asati arara.

Mumwe piyona chaiye akashanyira imwe hofisi achibva akumbira munhu aiva panosvikira vaeni kuti afonere maneja. Kunyange zvazvo maneja wacho akanga asimo, mhandara yakadavira runhare rwamaneja wacho yakabvunza kuti, “Mungada kutaura neni here?” Pashure pokukurukurirana kupfupi parunhare, mhandara iya yakaenda panzvimbo inosvikira vaeni ndokubva yati yaifarira kuverenga Bhaibheri. Piyona chaiye uya akaronga kudzoka aine Bhaibheri ndokutanga kudzidza nayo, vachidzidzira mupaka iri pedyo mangwanani-ngwanani basa risati ratanga.

Pane imwe hofisi, mumwe murume akaona mumwe waanoshanda naye achigamuchira magazini eNharireyomurindi neMukai! asi achibva angoarasa Chapupu chacho chichangoenda. Murume wacho paakasvika kumba, akaudza mudzimai wake uyo ari Chapupu zvakanga zvaitika ndokutaura kuti dai ari iye aizodai akateerera zvishoma. Mwanasikana wake, uyo akanzwa zvaaitaura, akarondedzerera nyaya yacho chimwe Chapupu chinoshanda mundima yebhizimisi iyoyo. Chapupu chacho chakakurumidza kushanyira hofisi yomurume uya akaona magazini achiraswa chichibva chatanga kumudzidzisa Bhaibheri. Munguva pfupi murume wacho akatanga kupinda misangano yomusi weSvondo nguva dzose.

Kupupurira vanhu kumabasa kwakaunza zvimwe zvikomborero. Vaparidzi vakawanda vokuJapan vakava nounyanzvi pakudzokerazve kumashopu, kumafekitari, uye kumahofisi. Uyezve, nokupupurira nenzira iyi, vasingachaiti basa vakawanda vakawanikwa uye vakatanga kudzidziswa. Migumisiro yacho yave ichishamisa. Munguva pfupi yapfuura, imwe ungano yepakati peTokyo yakashuma zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha 108, kupfuura nekaviri nhamba yakashumwa gore rakanga rapfuura.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.