Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuwedzera kwoUmambo muLiberia Pasinei Nehondo

Kuwedzera kwoUmambo muLiberia Pasinei Nehondo

Kuwedzera kwoUmambo muLiberia Pasinei Nehondo

VANHU vomuLiberia vave vachirwisana kwemakore anopfuura gumi. Pakazosvika pakati pa2003, vapanduki vakanga vamanikidzira kupinda muguta guru, Monrovia. Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakamanikidzwa kutiza misha yazvo, dzimwe nguva zvichidaro kakawanda. Zvinhu zvavo zvaipambwa kakawanda.

Zvinosuruvarisa kuti pakurwisana kwakaitika muguta guru, zviuru zvevanhu zvakaurayiwa. Pavanhu ivavo paivawo neZvapupu zviviri, hama imwe chete nehanzvadzi imwe chete. Dzimwe hama dzakatarisana sei nezvaiitika izvi, uye chii chakaitwa kudzibatsira?

Ruyamuro Nokuda Kwevaya Vanoshayiwa

Munguva yose yokutambudzika uku, hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha rokuLiberia yakaronga kuti vaya vaishayiwa vayamurwe. Zvokudya, midziyo inodiwa yokushandisa mumba, nemishonga zvakagoverwa. Panguva apo vapanduki vaitarisira chiteshi chengarava, zvokudya zvakava zvishoma. Bazi rakanga rafanoona zvaizoitika uye rakanga riine zvinhu zvaizodiwa nokuda kweZvapupu zvinokwana zviuru zviviri zvakanga zvatizira kuDzimba dzoUmambo muguta racho rose. Hama dzaigovera zvokudya zvokuti zvinhu zvacho zvakaramba zviripo kusvikira chiteshi chacho chavhurwazve. Mapazi eBelgium neSierra Leone akatumira mishonga nendege, uye mapazi eBritain neFrance akatumira zvipfeko.

Pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma, hama dzedu dzakaramba dziine chivimbo uye dzichifara. Zvakataurwa nomumwe akatiza musha wake katatu zvakafanana nezvakataurwa nevazhinji vavo. Iye akati: “Izvi ndizvo zvatinoparidza nezvazvo; tiri kurarama mumazuva okupedzisira.”

Kugamuchira Mashoko Akanaka

Pasinei nenyonganyoga yomunyika iyi yose, Zvapupu zvinoramba zvichiva nemigumisiro yakaisvonaka mubasa romumunda. Pakava nenhamba yepamusoro yevaparidzi voUmambo 3 879 muna January 2003, uye muna February vakaitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha 15 227.

Vanhu vanokurumidza kugamuchira mashoko akanaka. Muenzaniso weizvi unobva mumusha wokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwenyika yacho. Imwe ungano yakaronga kuchengeta Chirangaridzo chorufu rwaKristu mumusha mukuru weBewahn, uri chinhambwe chinofambwa netsoka maawa anenge mashanu kubva pavaiwanzosangana. Hama dzisati dzaenda kumusha wacho kunokokera vanhu kuChirangaridzo, meya weBewahn akapiwa kapepa kukokera Chirangaridzo. Paakakagamuchira, akatora Bhaibheri rake, akaenda kuvagari vomumusha wake, uye akaverenga rugwaro rwairatidzwa pakapepa kacho, achivakurudzira kuti vapinde Chirangaridzo. Saka vaparidzi pavakazosvika, vakawana kuti vakanga vatoitirwa basa ravo! Meya wacho pamwe chete nevana vake, nemadzimai ake maviri, vakauya kuChirangaridzo. Vose vakapinda vaiva 27. Kubvira ipapo, meya wacho akarega kuenda kuChechi yeMethodist, akatanga kudzidza neZvapupu, uye akavapa nzvimbo yokuti Imba yoUmambo ivakwe.

Kuchinja Maonero

Mufambiro wehama dzedu wave uchibatsirawo kuchinja vaya vanoshora maonero avanoita chokwadi. Funga nezvomuenzaniso womurume anonzi Opoku. Mumwe mushumiri ari piyona chaiye akasangana naye mubasa romumunda akamuratidza magazini yeNharireyomurindi. Opoku akafarira imwe nyaya yaiva mumagazini yacho asi akanga asina mari. Atsanangura kuti haitengeswi, piyona wacho akamusiyira magazini yacho achibva aronga kuzodzoka. Paakadzoka, Opoku akabvunza piyona wacho kuti: “Munondiziva here? Vakawanda venyu vari mutaundi reHarper vanondiziva. Ndaiwanzodzinga vana venyu pachikoro!” Akabva atsanangura kuti ndiye aiva mukuru wechikoro chesekondari chaiva mutaundi racho uye kuti akanga atambudza vana veZvapupu zvaJehovha nokuti vakanga vasingasaruti mureza.

Zvisinei, mienzaniso mitatu yorudo rwechiKristu rwakaratidzwa neZvapupu zvaJehovha yakaita kuti Opoku afungezve nezvemaonero ake. Kutanga, akaona Zvapupu zvichitarisira mumwe wavainamata naye airwara kwazvo. Vakatoronga kuti arapwe kune imwe nyika yakavakidzana neyavo. Opoku akambofunga kuti hama yairwara yaiva “mutungamiriri” pakati peZvapupu asi akazoziva kuti aingova hake Chapupu. Chechipiri, muma1990, Opoku aiva mupoteri kuCôte d’Ivoire. Rimwe zuva paakanga ava nenyota, akaenda kunotenga mvura kune rimwe jaya. Opoku aingova nemari yakakura uye jaya racho rakanga risina chenji, naizvozvo rakapa Opoku mvura yacho risingamubhadharisi. Parakatambidza Opoku mvura yacho, jaya racho rakabvunza kuti: “Munofunga kuti pachazombova nenguva apo vanhu vakaita semi neni tichapanana zvinhu tisingakumbiri mari here?” Opoku akafungidzira kuti aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye jaya racho rakabvuma kuti raiva Chapupu. Rupo uye mutsa zvehama iyi zvakamuomesa mate mukanwa. Pakupedzisira, kubvuma kwakaita piyona uya kumupa magazini asingabhadhari kwakaita kuti Opoku aone kuti maonero aaiita Zvapupu akanga asina kunaka uye kuti aifanira kuchinja maonero ake. Akafambira mberi mune zvokunamata uye iye zvino ava muparidzi asina kubhabhatidzwa.

Kunyange zvazvo hama dzokuLiberia dzichiri kutarisana nemamiriro ezvinhu akaoma kwazvo, dzinovimba naMwari uye dzinozivisa mashoko akanaka enguva iri nani dzakatendeka, mukutonga kwakarurama kwoUmambo hwaMwari. Jehovha haazombokanganwi basa ravo uye rudo rwavanoratidzira zita rake.—VaHebheru 6:10.

[Mepu dziri papeji 30]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

MONROVIA

[Mifananidzo iri papeji 31]

Munguva yokutambudzika, vanhu vaJehovha vanopa ruyamuro rwomudzimu uye rwenyama kune vaya vanenge vachishayiwa