Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuziva Chikara Uye Chiratidzo Chacho

Kuziva Chikara Uye Chiratidzo Chacho

Kuziva Chikara Uye Chiratidzo Chacho

ZVINOKUNAKIDZA here kugadzirisa zvinhu zvinenge zvakavhiringika? Kuti udaro, unotsvaka zvingakubatsira kuti uwane mhinduro yacho. MuShoko rake rakafuridzirwa, Mwari anopa zvinhu zvinobatsira kuziva nhamba 666, zita, kana kuti chiratidzo, chechikara chomuna Zvakazarurwa chitsauko 13.

Munyaya ino, tichaongorora nzira ina—zvinhu zvinokosha zvinobatsira kuziva—nzira dzicharatidza zvinorehwa nechiratidzo chechikara. Tichaongorora (1) masarudzirwo anomboitwa mazita omuBhaibheri, (2) kuzivikanwa kwechiratidzo chechikara, (3) zvinorehwa ne666 zvairi “nhamba yomunhu,” uye (4) zvinorehwa nenhamba 6 uye nei ichidzokororwa katatu, kureva kuti, 600 kuwedzera 60 kuwedzerazve 6, kana kuti 666.—Zvakazarurwa 13:18.

Mazita omuBhaibheri—Haasi Mazitawo Zvawo

Mazita omuBhaibheri anowanzova nezvaanonyatsoreva kunyanya kana ari Mwari akaapa. Somuenzaniso, nokuti Abrama aizova baba vemarudzi, Mwari akachinja zita ratateguru iyeye kuti anzi Abrahamu, kureva kuti “Baba Vevanhu Vazhinji-zhinji.” (Genesi 17:5) Mwari akaudza Josefa naMariya kuti vatumidze mwana aizozvarwa kuti Jesu, zvinoreva kuti “Jehovha Ndiye Muponesi.” (Mateu 1:21; Ruka 1:31) Maererano nezita iroro rine zvarinoreva, noushumiri hwaJesu uye rufu rwake rwechibayiro, Jehovha akaita kuti zviite kuti tiponeswe.—Johani 3:16.

Saizvozvowo, nhamba 666 yakapiwa naMwari iri zita, inofanira kunge ichifananidzira izvo Mwari anoona semabasa anoita kuti chikara chizivikanwe. Saka kuti tinzwisise mabasa iwayo, tinofanira kuziva chikara chacho todzidza nezvemabasa acho.

Chikara Chinozivikanwa

Bhuku reBhaibheri raDhanieri rinobudisa pachena zvinorehwa nezvikara zvokufananidzira. Chitsauko 7 chine tsanangudzo yakajeka ye“mhuka huru ina”—shumba, bheya, ingwe, nechikara chinotyisa chine mazino esimbi mahombe. (Dhanieri 7:2-7) Dhanieri anotiudza kuti mhuka idzi dzinomiririra “madzimambo,” kana kuti umambo hwezvematongerwe enyika, ayo anotonga umambo hwakakura achitevedzana.—Dhanieri 7:17, 23.

Nezvechikara chomuna Zvakazarurwa 13:1, 2, The Interpreter’s Dictionary of the Bible rinoti “icho chinoitawo zvinoitwa nemhuka ina dzakaonekwa naDhanieri . . . Saka, chikara ichi chokutanga [chomuna Zvakazarurwa] chinomiririra masimba ose okutonga kwezvematongerwe enyika kuri munyika kunopesana naMwari.” Maonero aya anotsigirwa naZvakazarurwa 13:7, iyo inoti nezvechikara: “Chakapiwa simba pamusoro pedzinza rose nevanhu nendimi norudzi.” *

Nei Bhaibheri richishandisa zvikara sezviratidzo zvokutonga kwevanhu? Pamusana pezvikonzero zvinenge zviviri. Chokutanga, pamusana pomukurumbira woutsinye wokudeura ropa uyo hurumende dzakava nawo kwemazana emakore. “Hondo ndechimwe chezvinhu zvagara zvichiitika munhau,” vakanyora kudaro vanyori venhau dzakaitika, Will naAriel Durant, “uye haina kuderera nokubudirira kana kuti nokuzvitonga kworuzhinji.” Ichokwadi kuti ‘kana munhu aine simba pamusoro pomumwe anomuitira zvakaipa’! (Muparidzi 8:9) Chikonzero chechipiri ndechokuti “dhiragoni [Satani] yakapa chikara simba racho nechigaro chacho choumambo nemasimba makuru.” (Zvakazarurwa 12:9; 13:2) Saka kutonga kwevanhu kunobva kuna Dhiyabhorosi, ndicho chikonzero nei kuchiratidza utsinye, pfungwa dzadhiragoni.—Johani 8:44; VaEfeso 6:12.

Zvisinei, izvi hazvirevi hazvo kuti vatongi vose vanoshandiswa naSatani. Kutaura zvazviri, munzira yakati, hurumende dzevanhu “mushumiri waMwari,” uye dzinoita kuti nzanga dzevanhu dzimire, dai zvisina kudaro, zvinhu zvaizova manyama amire nerongo. Uye vamwe vatungamiriri vakadzivirira kodzero dzevanhu dzinokosha, kusanganisira kodzero yokunamata kwechokwadi—chimwe chinhu chisingadiwi naSatani. (VaRoma 13:3, 4; Ezra 7:11-27; Mabasa 13:7) Zvisinei, pamusana pokufurira kwaDhiyabhorosi, hapana munhu kana masangano evanhu akambokwanisa kuunza rugare nechengeteko kune vanhu zvechigarire. *Johani 12:31.

“Nhamba Yomunhu”

Chechitatu chinotibatsira kunzwisisa zvinoreva 666 ndechokuti inonzi i“nhamba yomunhu,” kana kuti ‘chiverengero chomunhu,’ sezvinotaura Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona. Mashoko aya aisagona kureva munhu mumwe chete, nokuti Satani ndiye ane simba pamusoro pechikara—kwete munhuwo zvake. (Ruka 4:5, 6; 1 Johani 5:19; Zvakazarurwa 13:2, 18) Asi kuva kwechikara ne“nhamba yomunhu,” kana kuti chiratidzo, kunoratidza kuti isangano revanhu, kwete mudzimu kana kuti dhimoni, uye kuti chinoratidza zvinoitwa nevanhu. Zvingava zvii? Bhaibheri rinopindura kuti: “Vanhu vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari.” (VaRoma 3:23) Saka chikara zvachiine “nhamba yomunhu,” zvinoratidza kuti hurumende dzinoratidza kutadza kunoita vanhu, chiratidzo chechivi uye chokusakwana.

Nhau dzakaitika dzinopupurira izvozvo. Aimbova Munyori weHurumende yeUnited States, Henry Kissinger akati, “Kubudirira kwose kwakambovapo kwakaguma kwaparara.” Akatizve, “Nhau dzakaitika inhoroondo dzezvaiedzwa zvakakundikana, dzezvinangwa zvisina kuzobudirira . . . Saka, somunyori wenhau dzakaitika, munhu anofanira kurarama aine pfungwa yenjodzi isingadzivisiki.” Maonero aKissinger okutendeseka anopupurira chokwadi ichi cheBhaibheri chinoti: “Nzira yomunhu haisi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.”—Jeremia 10:23.

Zvatava kuziva chikara uye zvatava kunzwisisa maonerwo achinoitwa naMwari, tava kukwanisa kuongorora chikamu chokupedzisira chetsoro yedu—nhamba 6 uye nei ichidzokororwa katatu—seizvi, 600 kuwedzera 60 kuwedzerazve 6.

Nei 6 Achidzokororwa Katatu?

MuMagwaro, dzimwe nhamba dzine zvadzinofananidzira. Somuenzaniso, 7 inowanzoshandiswa kufananidzira chinhu chakazara, kana kuti chakakwana, mukuona kwaMwari. Somuenzaniso, vhiki yaMwari yokusika ine ‘mazuva’ manomwe, kana kuti nguva yakareba, apo Mwari anonyatsoita chinangwa chake chokusika pasi. (Genesi 1:3–2:3) “Mashoko” aMwari akafanana nesirivha “yakanatswa kanomwe,” saka akanatswa zvakakwana. (Pisarema 12:6; Zvirevo 30:5, 6) Naamani aiva nemaperembudzi akaudzwa kuti anogeza kanomwe muRwizi rwaJodhani achibva anyatsoporeswa.2 Madzimambo 5:10, 14.

Nhamba 6 inoperevedza kusvika pana 7 nenhamba imwe. Saka yaisazofananidzira chimwe chinhu chisina kukwana, kana kuti chinoperevedza mukuona kwaMwari here? Zvechokwadi yaizodaro! (1 Makoronike 20:6, 7) Uyezve, kudzokorora 6 katatu, seizvi 666, zvinosimbisa chaizvo kusakwana ikoko. Kuti aya ndiwo maonero akarurama kunotsigirwa nokuti 666 i“nhamba yomunhu,” sezvatambokurukura. Saka, nhau yechikara, “nhamba [yacho] yomunhu,” uye nhamba 666 zvose zvinotaura chinhu chimwe—kuperevedza kukuru uye kukundikana mukuona kwaJehovha.

Kuratidzwa kwokuperevedza kwechikara kunotiyeuchidza zvakataurwa pamusoro paMambo Bhershazari weBhabhironi rekare. Achishandisa Dhanieri, Jehovha akati kumutongi iyeye: “Wayerwa pachiyero, ukawanikwa wakareruka.” Usiku ihwohwo chaihwo Bhershazari akaurayiwa, uye Umambo hweBhabhironi hwaiva nesimba hwakakundwa. (Dhanieri 5:27, 30) Saizvozvowo, kutonga kuchaita Mwari chikara chezvematongerwe enyika nevaya vane chiratidzo chacho kunoreva kuguma kwechikara ichocho nevatsigiri vacho. Zvisinei, panguva iyoyo Mwari achaparadza zvachose kwete sangano rimwe rezvematongerwe enyika asi zvinenge zvasaririra zvose zvokutonga kwevanhu. (Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 19:19, 20) Naizvozvo, zvinokosha chaizvo kuti tisambova nechiratidzo chinourayisa chechikara chacho!

Chiratidzo Chacho Chinozivikanwa

Ichangotaura nezvenhamba 666, Zvakazarurwa inotaura nezvevateveri veGwayana Jesu Kristu, vane 144 000, vane zita rake nezita raBaba vake, Jehovha rakanyorwa pahuma dzavo. Mazita aya anozivisa varidzi vawo sevaJehovha nevoMwanakomana wake, uye vanhu ivava vanopupurira nezvaJehovha naJesu vachifara. Saizvozvowo, vaya vane chiratidzo chechikara vanoratidzawo kuti vanoshumira chikara. Saka, nenzira yokufananidzira, chiratidzo chacho chingava kuruoko rworudyi kana kuti pahuma, chiratidzo chinoonesa kuti muridzi wacho anopa rutsigiro rwokunamata kumasangano ezvematongerwe enyika epasi pose akafanana nechikara. Vaya vane chiratidzo vanopa “Kesari” zvinhu zvakakodzera kupiwa Mwari. (Ruka 20:25; Zvakazarurwa 13:4, 8; 14:1) Vanozviita sei? Nokupa rukudzo rwokunamata kumasangano ezvematongerwe enyika, zvinofananidzira masangano acho, uye simba rawo rehondo, izvo zvavanotarisira kuti zvichavapa tariro zvovaponesa. Chero kunamata kupi kwavanoita kuna Mwari wechokwadi kunongova kwomuromo chete.

Kusiyana neizvi, Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira. Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.” (Pisarema 146:3, 4) Vaya vanoteerera zano iroro rokuchenjera havaori mwoyo hurumende padzinokundikana kuita zvadzakavimbisa kana kuti vatungamiriri vane mukurumbira pavanorasikirwa nezvinzvimbo zvavo.—Zvirevo 1:33.

Izvi hazvirevi kuti vaKristu vechokwadi vanongotarisa zvavo nhamo dzevanhu pasina zvavanoita. Asi, vanozivisa nokushingaira hurumende imwe chete ichapedza matambudziko evanhu—Umambo hwaMwari, hwavanomiririra.—Mateu 24:14.

Umambo hwaMwari—Tariro Bedzi Yevanhu

Jesu paaiva pasi pano, akaita kuti Umambo hwaMwari huve musoro mukuru wokuparidza kwake. (Ruka 4:43) Mumunyengetero wake wokuenzanisira, unombonzi Munyengetero waShe, Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera Umambo ihwohwo kuti huuye uye kuti kuda kwaMwari kuitwe pasi pano. (Mateu 6:9, 10) Umambo ihurumende ichatonga pasi pose, huri kudenga, kwete pane rimwe guta guru riri pasi pano. Ndosaka Jesu akahuti “umambo hwokumatenga.”—Mateu 11:12.

Ndiani akakodzera kuva Mambo woUmambo ihwohwo kupfuura Jesu Kristu, uyo akafira vanhu vaachazotonga? (Isaya 9:6, 7; Johani 3:16) Munguva pfupi, Mutongi uyu akakwana, zvino ava munhu womudzimu ane simba, achakandira chikara, madzimambo acho, nemauto acho “mugungwa remoto rinopfuta nesarufa,” chiratidzo chokuparadzwa zvachose. Asi handizvo zvoga. Jesu achaparadzawo Satani, izvo zvisina kana munhu anombogona kuzviita.—Zvakazarurwa 11:15; 19:16, 19-21; 20:2, 10.

Umambo hwaMwari huchaunzira rugare vadzorwi vahwo vose vanoteerera. (Pisarema 37:11, 29; 46:8, 9) Kunyange kusuruvara, kurwadziwa, uye rufu zvinenge zvisisipo. Itariro yakanaka chaizvo kune vaya vanoramba vasina chiratidzo chechikara chacho!—Zvakazarurwa 21:3, 4.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Kana uchida mamwe mashoko akadzama okukurukurwa kwendima idzi, ona chitsauko 28 chebhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 11 Kunyange zvazvo vachiziva kuti kutonga kwevanhu kunowanzova kwoutsinye, vaKristu vechokwadi vanozviisa pasi pe“vane simba zvikuru” vehurumende, sezvinorayirwa neBhaibheri. (VaRoma 13:1) Zvisinei, kana vane simba ivavo vakavarayira kuita zvinopesana nomutemo waMwari, vano“teerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29.

[Bhokisi riri papeji 5]

Zvinobatsira Kuziva Zvinorehwa Nenhamba 666

1. Mazita omuBhaibheri anowanzoreva chimwe chinhu nezvounhu kana kuti upenyu hwomuridzi wacho, seraAbrahamu, Jesu, nemamwewo. Saizvozvowo, nhamba yechikara iri zita inofananidzira zvachiri.

2. Mubhuku reBhaibheri raDhanieri, zvikara zvakasiyana-siyana zvinomiririra madzimambo evanhu anotevedzana, kana kuti umambo. Chikara chinomiririra mhuka dzakawanda chomuna Zvakazarurwa 13:1, 2 chinofananidzira masangano ezvematongerwe enyika epasi pose, anopiwa simba uye anodzorwa naSatani.

3. Kuva ne“nhamba yomunhu” kwechikara kana kuti ‘chiverengero chomunhu,’ kunoratidza kuti isangano revanhu, kwete remadhimoni. Saka, kunoratidza kukundikana kwevanhu kunokonzerwa nechivi nokusakwana.

4. Mukuona kwaMwari, nhamba 6, zvaisingasviki pa7 yomuBhaibheri yakazara, kana kuti yakakwana, inoratidza kusakwana. Chiratidzo 666 chinosimbisa kusakwana ikoko nokudzokorora nhamba yacho katatu.

[Mifananidzo iri papeji 6]

Kutonga kwevanhu kunofananidzirwa nenhamba 666, kwaratidza kuti kwakundikana

[Kwazvakatorwa]

Mwana ari kuziya nenzara: UNITED NATIONS/Mufananidzo naF. GRIFFING

[Mifananidzo iri papeji 7]

Jesu Kristu achaunza kutonga kwakakwana panyika