Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuzvipira Kuduku Kwakaunza Zvikomborero Zvikuru

Kuzvipira Kuduku Kwakaunza Zvikomborero Zvikuru

Nyaya Youpenyu

Kuzvipira Kuduku Kwakaunza Zvikomborero Zvikuru

YAKATAURWA NAGEORGE NAANN ALJIAN

Ini nomudzimai wangu hatina kumbobvira tarota kuti rimwe zuva taizovhiringidza shoko rokuti “mudzidzisi” nerokuti “mbeva.” Hatina kumbobvira tafunga kuti pamakore okuma60 taizenge tichifungisisa takatarisa mabhii akanyorwa zvisinganzwisisiki tichiedza kukurukura nevanhu vanobva kuFar East. Asi, izvi ndizvo zvandakaita ini naAnn mukunopera kwema1980. Regai tikuudzei kuti kuzvipira kuduku kwatakaita mumakore ose apfuura aya kwakaita sei kuti tive nezvikomborero zvizhinji.

NDAKABEREKWA mumhuri yedzinza revaArmenia uye taipinda Chechi yeArmenia. Ann aiva muRoma Katurike. Tose takabvuma kusiya zvitendero zvedu patakaroorana muna 1950. Ndaiva nemakore, 27 uye Ann aine 24. Takagara muimba yaiva pamusoro peshopu yangu yokugeza mbatya yaiva kuJersey City, muNew Jersey, muU.S.A. Panguva iyi ndakanga ndava nemakore mana ndiine bhizimisi iri.

Muna 1955 takatenga imba yakanaka chaizvo yaiva nedzimba dzokurara nhatu muMiddletown, muNew Jersey. Imba yacho yaiva kure nokubasa kwangu nemakiromita 60, uye ndaishanda mazuva matanhatu pavhiki. Manheru oga oga ndainonoka kusvika kumba. Ndaingoonana neZvapupu zvaJehovha chete pazvaimbouya kushopu kwangu zvondigovera mabhuku eBhaibheri. Mabhuku acho aindinakidza chaizvo kuaverenga. Kunyange zvazvo bhizimisi rangu raitora nguva yangu yakawanda, ndakatanga kuremekedza Bhaibheri zvikuru.

Nokukurumidza ndakaziva kuti nhepfenyuro yeWatchtower, WBBR, yaitepfenyura hurukuro dzeBhaibheri panguva yandaienda nokudzoka kushopu kwangu. Ndainyatsoteerera hurukuro idzi, uye kufarira kwangu kwakawedzera zvokuti ndakakumbira Zvapupu kuti zvindishanyire. Muna November 1957, George Blanton akandishanyira akatanga kundidzidzisa Bhaibheri.

Mhuri Yedu Inobatana Mukunamata Kwakachena

Ann akanzwa sei pamusoro pezvinhu izvi zvose? Regai akuudzei.

“Pakutanga, ndaishora chaizvo. George paaidzidza Bhaibheri ndaidzongonyedza chaizvo zvokuti akasarudza kunodzidzira kune imwe nzvimbo, achiita izvozvo kwemwedzi misere. Panguva iyi George akatanga kupinda misangano yemisi yeSvondo paImba yoUmambo. Ndakabva ndaziva kuti airevesa nezvokudzidza kwake Bhaibheri nokuti iri ndiro raingova zuva rake rokuzorora. Asi akaramba ari murume nababa vakanaka—kutopfuura zvaaimbova—uye zviito zvangu zvakatanga kuchinja. Kutaura zvazviri, dzimwe nguva pandainge ndichipukuta tafura, ndainonga Mukai! yaiwanzosiyiwa naGeorge, ndoiverenga pasina ari kundiona. Pane dzimwe nguva, George aindiverengera nyaya dzeMukai! dzaisava nechokuita nezvechitendero zvakananga asi dzaizomboti taurei nezvoMusiki.

“Mamwe manheru George aenda kunodzidza Bhaibheri naHama Blanton, ndakatora bhuku rainge raiswa patafura yaiva pedyo nomubhedha wangu, naGeorge, mwanakomana wedu, aiva nemakore maviri. Raitaura nezvetariro yevakafa. Kunyange zvazvo ndainge ndaneta, ndakatanga kuriverenga nokuti ambuya vangu vakanga vachangobva kufa, uye ndaiva ndakaora mwoyo. Nokukurumidza ndakaona uye ndakanzwisisa chokwadi cheBhaibheri chokuti vakafa havasi kutambura kune imwe nzvimbo uye kuti vachamutsirwa kuupenyu munguva yemberi. Pasina nguva ndakanga ndaita zvokugara pamubhedha, ndava kunyatsoverenga uye ndichitara pfungwa dzandaida kuzoratidza George paizodzoka kubva kunodzidza Bhaibheri.

“Murume wangu haana kuzvibvuma kuti ndakanga ndichiri ini. Paakabva pamba, ndaishora, asi iye zvino ndakanga ndava kufara chaizvo nechokwadi chinoshamisa cheBhaibheri chandakanga ndadzidza! Hatina kurara kutozosvikira tapfuura pakati pousiku tichitaura nezveBhaibheri. George akatsanangura chinangwa chaMwari chepasi. Ndakabva ndamukumbira usiku ihwohwo kuti adzidzire Bhaibheri pamba kuitira kuti ndivepowo.

“Hama Blanton vakakurudzira kuti vana vavepowo pataizodzidza. Taifunga kuti vaive vaduku chaizvo, nokuti mumwe aive nemakore maviri mumwe mana. Zvisinei, Hama Blanton vakatiratidza Dheuteronomio 31:12, inoti: ‘Unganidza vanhu, varume navakadzi nepwere . . . , kuti vanzwe, vadzidze.’ Takaonga nhungamiro iyoyo uye takatoronga kuti vana vapindure pakudzidza Bhaibheri kwacho. Taigadzirira mhinduro dzedu pamwe chete, asi hatina kumbobvira tavaudza zvokutaura. Tinofunga kuti izvi zvakabatsira kuita kuti vana vedu vaite chokwadi, chavo pachavo. Ticharamba tichionga nhungamiro yatakapiwa naHama Blanton yokutibatsira kuyamura mhuri yedu kuti ikure muchokwadi.”

Zvinetso Zvaida Kuzvipira

Zvino zvatakanga tabatana mukudzidza Bhaibheri, takatarisana nezvinetso zvitsva. Sezvo shopu yangu yaiva kure, ndaitozosvika kumba na9:00 dzemanheru. Pamusana peizvi, ndaisakwanisa kupinda misangano mukati mevhiki kunyange zvazvo ndaikwanisa kupinda nemisi yeSvondo. Panguva iyoyo Ann akanga ava kupinda misangano yose uye akanga achifambira mberi chaizvo. Neniwo ndaida kupinda misangano yose uyewo kudzidza nemhuri yangu zvinobatsira. Ndakaziva kuti pane zvandaifanira kurega. Saka ndakasarudza kuva nemaawa mashoma ebhizimisi, kunyange izvi zvaigona kuita kuti ndirasikirwe nevatengi.

Izvi zvakashanda zvakanaka. Taikoshesa chidzidzo chemhuri sezvataingoita nemimwe misangano mishanu yevhiki nevhiki yaiitirwa paImba yoUmambo. Taichiti musangano wechitanhatu. Saka takaronga zuva chairo nenguva chaiyo—Chitatu vhiki imwe neimwe nenguva dza8:00 manheru. Dzimwe nguva tapedza kudya kwemanheru, tava kupedzisa kurongedza ndiro mukicheni, mumwe wedu aiti, “Nguva yo‘musangano’ yava kutokwana!” Ann aitanga chidzidzo chacho pandaive ndanonoka, uye ndaizoenderera nacho mberi ndichangosvika.

Chimwe chinhu chaiita kuti tirambe takasimba uye takabatana semhuri kwaiva kuverenga rugwaro rwezuva nezuva pamwe chete mangwanani. Zvisinei, paiva nechinetso pakuronga kuita izvi. Tose taimuka panguva dzakasiyana. Takakurukura izvi tichibva tasarudza kuti tose taizomuka panguva yakafanana, tova nezvokudya zvemangwanani na6:30, uye tobva taita rugwaro rwezuva pamwe chete. Izvi zvakanga zvichitibatsira chaizvo. Vanakomana vedu pavakakura, vakasarudza kushanda paBheteri. Takafunga kuti kukurukurirana uku kwezuva nezuva kwakavabatsira kukura mumudzimu.

Ropafadzo Dzepashure Pokubhabhatidzwa Dzaida Kuzvipira Kwakatokura

Ndakabhabhatidzwa muna 1962, uye pashure pokuva nebhizimisi rangu kwemakore 21, ndakaritengesa ndokupinda basa munharaunda imomo kuti ndive pedyo nemhuri yangu kuitira kuti tigone kushumira Jehovha pamwe chete. Izvi zvakazarura nzira yezvikomborero zvakawanda. Takaronga kuti tose taizoita ushumiri hwenguva yakazara. Takatanga izvozvo pakuvamba kwema1970 apo mwanakomana wedu mukuru, Edward, akava mushumiri wenguva yakazara, kana kuti piyona wenguva dzose, achangopedza chikoro chesekondari. Nguva shoma gare gare, mwanakomana wedu George akatanga kupayona, Ann achibva azopayonawo. Vatatu ava vakandikurudzira chaizvo, nokuti vaipota vachindiudza zvavaisangana nazvo mubasa romumunda. Takakurukura semhuri zvataigona kuita kuti upenyu hwedu huve nyore kuitira kuti tose tiite basa renguva yakazara. Takasarudza kutengesa imba. Takanga tagara muimba iyoyo kwemakore 18 uye ndimo matakanga tarerera mhuri yedu. Taida musha wedu chaizvo, asi Jehovha akakomborera zvatakasarudza zvokutengesa musha wedu.

Edward akakokwa kuBheteri muna 1972, uye George, muna 1974. Kunyange zvazvo ini naAnn taivasuwa zvikuru, hatina kumboramba tichifunga kuti zvaizova zvakanaka kuti tigare navo, voroora, uye vova nevana. Asi takatofara kuti vanakomana vedu vakanga vachishumira Jehovha vari paBheteri. * Tinobvumirana nemashoko aZvirevo 23:15, anoti: “Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wochenjera, nomwoyo wangu uchafarawo.”

Kutanga Basa Roupiyona Chaihwo

Vanakomana vedu vose vava kuBheteri, takaramba tichipayona. Zvadaro rimwe zuva muna 1975, takagamuchira tsamba yaitikoka kuti tive mapiyona chaiwo mundima isina ungano yaiparidza imomo kuClinton County, muIllinois. Izvozvo zvakatishamisa kwazvo! Izvi zvaireva kuti taifanira kubva muNew Jersey, umo mataiva pedyo nevanakomana vedu vaiva kuNew York uye mataiva neshamwari nehama. Zvisinei, basa iroro takariona seraibva kuna Jehovha ndokuzvipira kuenda zvichibva zvaita kuti tiwane zvikomborero zvitsva.

Kwapera mwedzi tichishanda mundima isina ungano yaiparidza imomo, takatanga kuitira misangano muimba yokutandarira kuCarlyle, muIllinois. Asi taida nzvimbo yechigarire yokuungana. Imwe hama yomunharaunda iyoyo nomudzimai wayo vakawana imba yaiva nekamwe kamba kataigona kurenda. Takakachenesa—nokunze kwose—tikabva takaita kamba kaduku kokuitira misangano. Tinonyatsoyeuka rimwe bhiza raida kuziva nezvedu. Raiwanzodongorera nepahwindo kuti rione zvainge zvichiitika pamusangano wacho!

Nokufamba kwenguva, Ungano yeCarlyle yakaumbwa, uye takafara kuti taiva taitawo chimwe chinhu. Takabatsirwa nemapiyona maviri echiduku Steve nomudzimai wake Karil Thompson, vainge vauyawo kuzoshanda mundima isina ungano yaiparidza imomo. VanaThompson vakagara ikoko kwemakore anoverengeka vakazoenda kuChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi vachibva vazotumirwa kunova mamishinari kuEast Africa, kwavanoshumira mubasa rokufambira.

Munguva pfupi nzvimbo yedu duku yemisangano yakanga yava kuzarisa, uye taida imba hombe. Hama iya nomudzimai wayo vakatibatsirazve vakatitengera nzvimbo yainge yakakodzera chaizvo Imba yoUmambo. Makore mashomanana gare gare takafara chaizvo patakakokwa pakutsaurirwa kweImba yoUmambo itsva yokuCarlyle! Ndakava neropafadzo yokupa hurukuro yokutsaurira. Basa redu ikoko raiva chinhu chakatifadza chaizvo, chikomborero chakabva kuna Jehovha.

Munda Mutsva Unozaruka

Muna 1979 takapiwa mugove mutsva, wokuHarrison, muNew Jersey. Takashanda ikoko kwemakore 12. Munguva iyoyo takatanga kudzidza Bhaibheri nomumwe mukadzi wechiChina, uye izvi zvakaita kuti tizodzidza nevamwe vanhu vechiChina vakawanda. Panguva iyi, takaziva kuti zviuru zvevadzidzi uye mhuri dzechiChina vaigara munharaunda yedu. Pamusana peizvi, takakurudzirwa kudzidza mutauro wechiChina. Kunyange zvazvo izvi zvaireva kuti tipedze nguva zuva rimwe nerimwe tichidzidzira mutauro wacho, zvakaguma nezvidzidzo zveBhaibheri zvinofadza nevanhu vechiChina vaiva munharaunda yedu.

Mumakore iwayo, takava nezviitiko zvakawanda zvinonakidza, kunyanya paya pataiedza kudzidzira chiChina. Rimwe zuva Ann akazvisuma se“mbeva” yeBhaibheri pane kuti “mudzidzisi” weBhaibheri. Mashoko acho akafanana chaizvo. Saimba wacho akanyemwerera ndokuti: “Ndapota pindai. Handisati ndambotaura nembeva yeBhaibheri.” Tichiri kutamburira kudzidza mutauro wacho.

Takazoendeswa kune imwe nzvimbo muNew Jersey uko kwatakakwanisa kuramba tichishanda mundima yevaChina. Gare gare takakumbirwa kutamira kuBoston, Massachusetts, uko kwaiva neboka revaChina rakanga richikura kweanenge makore matatu. Tave tiine ropafadzo yokutsigira boka iri kwemakore manomwe apfuura uye zvakatifadza kuona richiva ungano musi waJanuary 1, 2003.

Zvikomborero Zvoupenyu Hwokuzvipira

Pana Maraki 3:10, tinoverenga nezvaJehovha achikoka vanhu vake kuti vaunze zvipo uye zvibayiro zvavo kuti iye azovadururira zvikomborero kusvikira vasisina pokuzviisa. Takasiya bhizimisi randaifarira chaizvo. Takatengesa musha wedu, wataida zvikuru. Uye Takasiyawo zvimwe zvinhu. Asi, tichienzanisa nezvikomborero zvacho, kuzvipira kwacho kwaiva kuduku.

Zvechokwadi, zvaiva zvikomborero zvakakura zvatakadururirwa naJehovha! Takafara kuona vana vedu vachigamuchira chokwadi, uye zvakatifadzawo kuita ushumiri hwenguva yakazara hunoponesa upenyu, uye takaona Jehovha achititarisira. Zvechokwadi, kuzvipira kwedu kuduku kwakatiunzira zvikomborero zvakakura!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 20 Vachiri kushanda paBheteri vakatendeka—Edward nomudzimai wake, Connie, vari kuPatterson uye George nomudzimai wake, Grace, vari kuBrooklyn.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Louise naGeorge Blanton naAnn, muna 1991

[Mufananidzo uri papeji 26]

Imba yoUmambo yokuCarlyle, yakatsaurirwa musi waJune 4, 1983

[Mufananidzo uri papeji 27]

Tiine boka reUngano itsva ichangoumbwa yechiChina yomuBoston

[Mufananidzo uri papeji 28]

Tiina Edward, Connie, George, naGrace