Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei 1 VaKorinde 10:8 ichiti vaIsraeri 23 000 vakafa pazuva rimwe nokuti vakaita ufeve, nepo Numeri 25:9 ichiti vaiva 24 000?

Pane zvinhu zvinoverengeka zvingatsanangura kusiyana kwenhamba dziri mundima mbiri idzi. Pazvinhu izvi, chiri nyore zvikuru chingava chokuti nhamba yacho chaiyo iri pakati pe23 000 ne24 000, nokudaro kana munhu achida kutaura zviuru zvakazara angangotaura imwe yenhamba mbiri idzi.

Chimbofunga zvimwe zvingaita. Muapostora Pauro akanyora nhoroondo yevaIsraeri vari paShitimi somuenzaniso wokunyevera vaKristu vomuKorinde yekare, guta raiva nomukurumbira wounzenza. Akanyora kuti: “Ngatiregewo kuva netsika yokuita ufeve, sevamwe vavo vakaita ufeve, kuzongofa bedzi, zviuru makumi maviri nezvitatu zvavo pazuva rimwe.” Achisiyanisa vaya vakaurayiwa naJehovha pamusana pokuita ufeve, Pauro akataura kuti vaiva 23 000.—1 VaKorinde 10:8.

Zvisinei, pana Numeri chitsauko 25 tinoudzwa kuti “VaIsraeri vakazvisunganidza naBhaari-peori; Jehovha akatsamwira Israeri kwazvo.” Zvadaro, Jehovha akarayira Mosesi kuti auraye “vakuru vose vavanhu.” Mosesi akabva audzawo vatongi kuti vaite zvakanga zvarayirwa. Pakupedzisira, Pinehasi paakakurumidza kuuraya muIsraeri akanga auya nomukadzi wechiMidhiyani mumusasa, “denda rakaguma.” Nhoroondo yacho inoguma nemashoko anoti: “Vose vakanga vafa nedenda iro vakasvika zvuru zvine makumi maviri nezvina.”—Numeri 25:1-9.

Zviri pachena kuti nhamba iri muna Numeri yaisanganisira “vakuru vose vavanhu” vakaurayiwa nevatongi uye vaya vakaurayiwa naJehovha zvakananga. Pangadaro paiva nechiuru chevakuru vaya vakaurayiwa nevatongi, zvichiita kuti nhamba yacho isvike pa24 000. Vakuru ava, kana kuti vatungamiriri, vaiva nemhaka yoku“zvisunganidza naBhaari-peori,” pasinei nokuti vakaita ufeve here, vakabatanidzwawo mumitambo here, kana kuti vakabvumira vaya vakazviita.

Nezveshoko rokuti ku“zvisunganidza,” rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti rinogona kureva kuti “kuzvibatanidza nomumwe munhu.” VaIsraeri vaiva rudzi rwakazvitsaurira kuna Jehovha, asi pa“vakazvisunganidza naBhaari-peori,” vakakanganisa ukama hwavo hwaiva hwakatsaurirwa kuna Mwari. Kwapera anenge makore 700, achishandisa muprofita Hosea, Jehovha akati nezvevaIsraeri: “Vakasvika paBhaari-peori, vakazviisa kune zvinonyadzisa, vakaitwa zvinonyangadza vachifanana nezvaidikanwa navo.” (Hosea 9:10) Vose vakaita izvozvo vaikodzera kutongwa naMwari vasinganzwirwi tsitsi. Saka, Mosesi akayeuchidza vanakomana vaIsraeri kuti: “Meso enyu akaona zvakaitwa naJehovha nokuda kwezvakaitwa paBhaari-peori; nokuti varume vose vakatevera Bhaari-peori, Jehovha Mwari wenyu wakavaparadza pakati penyu.”—Dheuteronomio 4:3.