Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinofanira Kunyengetera Kungirozi Kuti Dzitibatsire Here?

Tinofanira Kunyengetera Kungirozi Kuti Dzitibatsire Here?

Tinofanira Kunyengetera Kungirozi Kuti Dzitibatsire Here?

ZVAKAKODZERA here kunyengetera kungirozi patinenge tichitambudzika? Vanhu vakawanda vanofunga saizvozvo. Kutaura zvazviri, New Catholic Encyclopedia inoti: “Munhu anonyengetera . . . kungirozi . . asi mupfungwa yokungoti dzitikumbirire kuna Mwari.” Tinofanira kunyengetera kungirozi kuti dzitikumbirire here?

Pangirozi dzaMwari dzakatendeka, Shoko raMwari rinotaura mbiri bedzi nemazita, Mikayeri naGabrieri. (Dhanieri 8:16; 12:1; Ruka 1:26; Judha 9) Sezvo mazita aya achitaurwa muBhaibheri, tinoona kuti ngirozi imwe neimwe munhu womudzimu akasiyana nedzimwe, ane zita, kwete simbawo zvaro risiri munhu. Asi, dzimwe ngirozi dzakaramba kutaura mazita adzo. Somuenzaniso, Jakobho paakakumbira ngirozi yakanga yamushanyira kuti itaure zita rayo, iyo yakaramba kutaura. (Genesi 32:29; Vatongi 13:17, 18) MuBhaibheri hamuna ndandanda yemazita engirozi, zvichiita kuti vanhu vasadzikudza zvisina kufanira.

Rimwe remabasa engirozi nderokutaurira vanhu mashoko anobva kuna Mwari. Kutaura zvazviri, mashoko echiHebheru nechiGiriki chekare anoshandurwa kuti “ngirozi” sezvaari chaizvo anoreva “mutumwa.” Zvisinei, ngirozi hadzisi varevereri vanoendesa minyengetero yevanhu kuchigaro choumambo choWokumusorosoro. Mwari akasarudza kuti minyengetero itaurwe kwaari muzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uyo akati: “Pasinei nechamunokumbira Baba muzita rangu [nga]vachipe kwamuri.”—Johani 15:16; 1 Timoti 2:5.

Jehovha Mwari haambofi akabatikana zvokutadza kutiteerera kana tikanyengetera kwaari nenzira yakakodzera. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Jehovha uri pedyo navose vanodana kwaari, vose vanodana kwaari nezvokwadi.”—Pisarema 145:18.