Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kufunga Nezvomubayiro Here?

Uri Kufunga Nezvomubayiro Here?

Uri Kufunga Nezvomubayiro Here?

CHIRWERE chacho chinokura zvishoma nezvishoma. Pakutanga, chinoita kuti munhu asanyatsoona mumicheto yezvinhu. Chikasarapwa, chinogona kuita kuti munhu asanyatsoona chinhu chacho. Pakupedzisira, chingakonzera upofu. Chii ichocho? Chirwere chemaziso chinonzi glaucoma—chirwere chikuru pane zvinokonzera upofu.

Saizvozvowo, sezvo maziso edu angakuvara zvishoma nezvishoma topedzisira tisingachaoni, tinogonawo kurasikirwa nokumwe kuona kunotokosha—kuona kwedu kwomudzimu. Naizvozvo, zvinokosha kuti tirambe tichinyatsoona zvinhu zvomudzimu nenzira yokufungisisa.

Kuramba Tichifunga Mubayiro

Pakati pe“zvinhu zvisingaoneki” nemaziso edu chaiwo pane mubayiro wakaisvonaka woupenyu husingaperi, uyo Jehovha anopa vanhu vake vakavimbika. (2 VaKorinde 4:18) Chokwadi, chikonzero chikuru chinoita kuti vaKristu vashumire Mwari ndechokuti vanomuda. (Mateu 22:37) Kunyange zvakadaro, Jehovha anoda kuti titarisire mberi kumubayiro wedu. Anoda kuti timuone saBaba vane rupo avo va“nopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Saka, vaya vanonyatsoziva Mwari uye vanomuda vanokoshesa zvikomborero zvake zvaakapikira uye vanopanga kuzadzika kwazvo.—VaRoma 8:19, 24, 25.

Vaverengi vakawanda vemagazini ino neimwe yayo, Mukai!, vanofarira mifananidzo inoratidza pasi rinenge riri Paradhiso riri kuuya. Chokwadi, hatinyatsozivi kuti pasi rinenge riri Paradhiso richange rakaita sei, uye mifananidzo inobudiswa inongova kufungidzira kwenyanzvi dzokunyora mifananidzo sezviri mundima dzeBhaibheri dzakadai saIsaya 11:6-9. Kunyange zvakadaro, mumwe mukadzi ari muKristu akati: “Pandinoona mifananidzo iri muNharireyomurindi neMukai! yeParadhiso yomunguva yemberi, ndinonyatsoiongorora, sokuongorora kwaizoita munhu bhurocha rinoratidza nzvimbo dzokushanyira. Ndinoedza kuzviona ndirimo nokuti imomo ndimo mandinototarisira kuva panguva yaMwari yakafanira.”

Muapostora Pauro ainzwa saizvozvowo nezvo“kudanwa [kwake] kumusoro.” Akanga asingazvioni seakanga atoubata, nokuti aifanira kuva akatendeka kusvikira kumugumo. Asi akaramba achi“sveerera zvinhu zviri mberi.” (VaFiripi 3:13, 14) Saizvozvowo, Jesu akatsungirira rufu padanda rokutambudzikira “nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake.”—VaHebheru 12:2.

Wakambonzwa usina chokwadi kuti uchapinda munyika itsva here? Zvechokwadi zvakanaka kusanyanyozvivimba, sezvo kuwana kwedu mubayiro woupenyu kuchibva pakuramba kwedu takatendeka kusvikira kumugumo. (Mateu 24:13) Zvisinei, kana tiri kuedza nepatinogona napo kuita zvinodiwa naMwari, tine zvikonzero zvose zvokuvimba nazvo kuti tichawana mubayiro. Yeuka kuti Jehovha “hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Kana tichivimba naJehovha, achatibatsira kuwana zvatinovavarira. Zvechokwadi, hazvipindirani nezvaari kuti atsvake zvikonzero zvokuti arambidze vaya vari kuedza kumufadza nomwoyo wose.—Pisarema 103:8-11; 130:3, 4; Ezekieri 18:32.

Kuziva kuti Jehovha anonzwa sei nezvevanhu vake kunotipa tariro—unhu hunokosha zvakaenzana nokutenda. (1 VaKorinde 13:13) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “tariro” muBhaibheri rine pfungwa yo“kutarisira zvinhu zvakanaka” nomwoyo wose. Achifunga nezvetariro yakadaro, muapostora Pauro akanyora kuti: “Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu aratidze kubishaira kwakafanana naikoko kuti muve nechivimbo chakakwana chetariro kusvikira kumugumo, kuti murege kuva vane usimbe, asi muve vatevedzeri veavo vanogara nhaka yezvipikirwa nokutenda nokushivirira.” (VaHebheru 6:11, 12) Ona kuti kana tikaramba tichishumira Jehovha takatendeka, tinogona kuva nechivimbo chokuwana zvatiri kutarisira. Kusiyana netariro yenyika, tariro iyi “haitungamiriri kukuora mwoyo.” (VaRoma 5:5) Saka tingaita sei kuti tariro yedu irambe iri mhenyu uye ichinyatsooneka mupfungwa?

Kuvandudza Kwatingaita Maonero Atinoita Zvinhu Zvomudzimu

Maziso edu chaiwo haagoni kuona zvinhu zviviri panguva imwe chete. Ndizvowo zvazvakaita nezvinhu zvomudzimu. Kuramba tichifunga zvinhu zvenyika iripo kuchaita kuti tisanyatsoona mupfungwa dzedu nyika itsva yakapikirwa naMwari. Nokufamba kwenguva, nyika yacho inenge isingachanyatsooneki ingatanga kusatikwezva yopedzisira yanyangarika mumaziso edu. Izvozvo zvingasuruvarisa kwazvo! (Ruka 21:34) Naizvozvo, zvinokosha kuti tirambe tiine ‘ziso rakanaka’—riya rinoramba richiona Umambo hwaMwari uye mubayiro woupenyu husingaperi!—Mateu 6:22.

Hazvisi nyore kuramba tiine ziso rakanaka. Zvinetso zvezuva nezuva zvinoda kutarisirwa, uye zvinotsausa—kunyange miedzo—zvingatiwira. Mumamiriro ezvinhu aya, tingaramba sei tichifunga nezvoUmambo uye nyika itsva yaMwari yakapikirwa tisingaregeredzi zvimwe zvinhu zvinokosha? Ngatikurukurei nzira nhatu.

Dzidza Shoko raMwari zuva nezuva. Kuverenga Bhaibheri nguva dzose uye kudzidza mabhuku eBhaibheri kunotibatsira kuti tirambe tichifunga zvinhu zvomudzimu. Chokwadi, tingave tave tichidzidza Shoko raMwari kwemakore, asi tinofanira kuramba tichiridzidza, sokungoda kwatinoita kuramba tichidya zvokudya chaizvoizvo kuitira kuti tirarame. Hatiregi kudya pamusana pokungoti takadya zvokudya zvakawanda kare. Saka pasinei nokuti tinoziva Bhaibheri zvakadini, tinoda kuramba tichidya zvokudya zvinobva mariri kuti tariro yedu irambe iri mhenyu uye kuti kutenda kwedu norudo zvirambe zvakasimba.—Pisarema 1:1-3.

Ratidza kuti unoonga Shoko raMwari nokurifungisisa. Nei kufungisisa kuchikosha? Nokuda kwezvikonzero zviviri. Chokutanga, kufungisisa kunoita kuti tikwanise kunyatsopinza zvatinoverenga uye kuti tive nomwoyo unozvionga. Chechipiri, kufungisisa kunoita kuti tisakanganwa Jehovha, mabasa ake anoshamisa, uye tariro yaakatiisira mberi. Kuenzanisira: VaIsraeri vakabuda muIjipiti naMosesi vakaona nemaziso avo kuratidzwa kwesimba raJehovha rinoshamisa. Vakaonawo kudzivirira kwake sezvaaivatungamirira kunhaka yavo. Asi, vaIsraeri vachangosvika murenje vachienda kuNyika Yakapikirwa vakatanga kunyunyuta, vachiratidza zvikuru kuti vakanga vasina kutenda. (Pisarema 78:11-17) Chinetso chavo chaiva chei?

Vanhu vakanga vasisafungi nezvaJehovha uye tariro yakanaka yaakavapa vachibva vatanga kufunga zvaivanakira panguva iyoyo nezvimwewo zvokunyama. Pasinei nezviratidzo zvinoshamisa zvavakanga vaona, vaIsraeri vakawanda vakava vanyunyuti vasina kutenda. “Vakachimbidzika kukanganwa mabasa [aJehovha],” rinodaro Pisarema 106:13. Kuregeredza kwakadaro kusingapembedzwi kwakavatadzisa kupinda muNyika Yakapikirwa.

Saka, pakuverenga Magwaro kana kuti mabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri, wana nguva yokufungisisa zvaunoverenga. Kufungisisa kwakadaro kunokosha kuutano uye kukura kwako mune zvokunamata. Somuenzaniso, pakuverenga Pisarema 106, rine mamwe emashoko ari pamusoro apa, fungisisa nezvounhu hwaJehovha. Cherechedza kuti aishivirira uye kuti ainzwira vaIsraeri ngoni sei. Ona kuti akaita sei zvose zvaaigona kuvabatsira kuti vasvike kuNyika Yakapikirwa. Cherechedza kuti vairamba vachimupandukira sei. Chimbofungidzira kushushikana uye kurwadziwa kwaJehovha sezvo ngoni nokushivirira kwake zvakaitwa kuti zvipfuure mwero nevanhu vakanga vakaoma zvikuru zvokusaonga. Uyezve, nokufungisisa ndima 30 ne31, idzo dzinorondedzera kutsigira kururama kwakasimba uye kwoushingi kwaPinehasi, tinova nechivimbo chokuti Jehovha haakanganwi vakavimbika vake uye kuti anovapa mibayiro zvikuru.

Shandisa nhungamiro dzeBhaibheri muupenyu hwako. Sezvatinotevera nhungamiro dzeBhaibheri, tinozvionera kushanda kwezano raJehovha. Zvirevo 3:5, 6 inoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzake dzose, agoruramisa makwara ako ose.” Funga nezvokuti nzira dzounzenza dzevanhu vakawanda dzakazovanetsa sei mupfungwa, mumanzwiro, uye mumuviri. Nokuzvipinza mumafaro kwenguva pfupi, vanhu vakadaro vanova nematambudziko kwemakore—kunyange kwoupenyu hwose. Kusiyana neava, vaya vanofamba mu‘mugwagwa wakamanikana’ vanofanoravidza upenyu hwomunyika itsva, uye izvi zvinovakurudzira kuramba vari munzira inoenda kuupenyu.—Mateu 7:13, 14; Pisarema 34:8.

Kushandisa nhungamiro dzeBhaibheri kunogona kuva kwakaoma. Dzimwe nguva, kugadzirisa zvinhu nenzira isiri yepamagwaro kungaita sokunovimbisa nyaradzo nokukurumidza mumamiriro ezvinhu anoedza. Somuenzaniso, patinenge tiine nhamo yemari, tinganzwa tichida kuisa zvinhu zvoUmambo munzvimbo yechipiri. Zvisinei, vaya vanoratidza kutenda voramba vachifunga zvinhu zvokunamata vanovimbiswa kuti pakupedzisira ‘vanotya Mwari, vachagara zvakanaka.’ (Muparidzi 8:12) MuKristu angatofanira kushanda maawa okuwedzera pane dzimwe nguva, asi haafaniri kuzofanana naEsau, uyo akazvidza zvinhu zvine chokuita nokunamata, achizviona sezvisingakoshi.—Genesi 25:34; VaHebheru 12:16.

Jesu akatsanangura zvakajeka mabasa edu sevaKristu. Tinofanira ‘kuramba tichitanga kutsvaka umambo nokururama kwaMwari.’ (Mateu 6:33) Kana tikadaro, Jehovha achatiratidza rudo rwake sababa nokuva nechokwadi chokuti tine zvatinoda zvokurarama nazvo. Haatombodi kuti tizvipe mutoro wokufungisisa nezvezvinhu zvaanoti iye achazvitarisira. Kufungisisa kwakadaro kungafanana nechirwere chinokonzera upofu hwomudzimu—chikasarapwa, chingaita kuti zvishoma nezvishoma tione zvinhu zvokurarama nazvo sezvinokosha uye chotiita mapofu mune zvokunamata. Kana tikaramba takadaro, zuva raJehovha richatiwira “seriva.” Iyoyo ingava nhamo chaiyo!—Ruka 21:34-36.

Ramba Wakangwaririra saJoshua

Ngatirambei tichinyatsofunga tariro yoUmambo yakaisvonaka, tichiisa zvimwe zvinhu panzvimbo yazvo yakakodzera. Nokuramba tichitevera purogiramu yokudzidza, kufungisisa, uye kushandisa nhungamiro dzeBhaibheri, tinogona kuramba tiine chivimbo chetariro yedu sezvakaita Joshua. Atungamirira Israeri kuNyika Yakapikirwa, akati: “Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.”—Joshua 23:14.

Tariro yoUmambo ngaikupe simba, uye ngaiite kuti urambe uchifara, izvi zvichioneka mumafungiro ako, mumanzwiro ako, mune zvaunosarudza, uye mune zvaunoita.—Zvirevo 15:15; VaRoma 12:12.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Wakambofunga kuti uchatadza kupinda munyika itsva here?

[Mufananidzo uri papeji 22]

Kufungisisa chimwe chezvinhu zvinokosha pakudzidza Bhaibheri

[Mifananidzo iri papeji 23]

Ramba uchifungisisa zvinhu zvoUmambo