Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vimba Nomudzimu waMwari Mukuchinja Kunoitika Muupenyu

Vimba Nomudzimu waMwari Mukuchinja Kunoitika Muupenyu

Vimba Nomudzimu waMwari Mukuchinja Kunoitika Muupenyu

“Ita nepaunogona napo kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa.”—2 TIMOTI 2:15.

1. Kuchinja kupi kunounza zvinetso pamanamatiro edu?

NYIKA yakatipoteredza inoramba ichichinja. Tinoona kufambira mberi kwesayenzi uye kwokugadzirwa kwezvinhu kunoshamisa ukuwo tichiona kuderera kwetsika kukuru chaizvo. Sezviri munyaya yapfuura, vaKristu vanofanira kudzivisa mudzimu wenyika wokuramba Mwari. Zvisinei, sezvo nyika inochinja, isuwo tinochinja munzira dzakawanda. Tinobva pakuva vana tichiva vanhu vakuru. Tingawana upfumi, utano, uye vadiwa kana kuti kurasikirwa nazvo. Hapana zvakawanda zvatingaita nokuchinja kwakadaro, uye kunogona kuunza zvinetso zvitsva uye zvakaoma pamanamatiro edu.

2. Upenyu hwaDhavhidhi hwakachinja sei?

2 Vanhu vashomanana vanosangana nokuchinja kukuru muupenyu hwavo sezvakaita Dhavhidhi, mwanakomana waJese. Dhavhidhi akakurumidza kuchinja kubva pakuva mukomanawo zvake aiva mufudzi achizova gamba renyika rine mukurumbira. Gare gare akava mupoteri, aivhimwa semhuka namambo aiva negodo. Pashure paizvozvo, Dhavhidhi akava mambo uye munhu anokunda. Akatsungirira migumisiro inorwadza yechivi chakakomba. Akawirwa nenjodzi uye mhuri yake yakakamukana. Akawana pfuma, akakwegura, uye akarwadziwa noundonda hunokonzerwa nokukwegura. Zvisinei, pasinei nezvinhu zvizhinji zvakachinja muupenyu hwake, Dhavhidhi akaratidza kuti aivimba naJehovha nomudzimu Wake muupenyu hwake hwose. Akaita zvose zvaaigona kuti ‘atenderwe naMwari,’ uye Mwari akamukomborera. (2 Timoti 2:15) Kunyange zvazvo mamiriro edu ezvinhu akasiyana neaDhavhidhi, tinogona kudzidza kubva mumabatiro aakaita zvinhu muupenyu hwake. Muenzaniso wake unogona kutibatsira kunzwisisa kuti tingaramba tichibatsirwa nomudzimu waMwari sei sezvatinotarisana nokuchinja muupenyu hwedu.

Kuzvininipisa kwaDhavhidhi—Muenzaniso Wakanaka

3, 4. Dhavhidhi akasimukira sei kubva pakuva mukomanawo zvake aiva mufudzi achizova akakurumbira munyika?

3 Paaiva kakomana, Dhavhidhi akanga asina kukurumbira kunyange mumhuri yake. Muprofita Samueri paakauya kuBheterehema, baba vaDhavhidhi vakamuratidza vanakomana vavo vanomwe pavasere vavaiva navo. Dhavhidhi, muduku pane vose, akasiyiwa achifudza makwai. Asi, Jehovha akanga asarudza Dhavhidhi kuti azova mambo waIsraeri womunguva yemberi. Dhavhidhi akashevedzwa kubva kumafuro. Zvadaro, nhoroondo yeBhaibheri inoti: ‘Samueri akatora gonamombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mweya waJehovha wakauya pamusoro paDhavhidhi nesimba, kubva pazuva iro zvichienda mberi.’ (1 Samueri 16:12, 13) Dhavhidhi akavimba nomudzimu iwoyo muupenyu hwake hwose.

4 Munguva pfupi, mukomana uyu aiva mufudzi aizokurumbira munyika yake. Akashevedzwa kuti ashandire mambo uye kuti amuridzire mimhanzi. Akauraya murwi ainzi Goriyati, hofori yaityisa kwazvo zvokuti kunyange mhare dzechiIsraeri dzaitya kurwa naye. Agadzwa kuva mutungamiriri wevarwi, Dhavhidhi akabudirira kurwisa vaFiristia. Vanhu vaimuda. Vakaimba nziyo dzokumurumbidza. Mupi zano waMambo Sauro akamborondedzera Dhavhidhi kwete chete somunhu “unoziva kuridza [udimbwa] kwazvo” asiwo so“munhu une simba noumhare, murwi, wakachenjera pakutaura, munhu wakanaka.”—1 Samueri 16:18; 17:23, 24, 45-51; 18:5-7.

5. Chii chingadai chakaita kuti Dhavhidhi azvikudze, uye tinoziva sei kuti haana kudaro?

5 Mukurumbira, runako, kuva wechiduku, kugona kutaura, unyanzvi hwokuridza mimhanzi, umhare, kufarirwa naMwari—zvinoita sokuti Dhavhidhi aiva nazvo zvose. Chero chimwe chezvinhu izvi chingadai chakaita kuti azvikudze, asi hapana chakadaro. Ona kupindura kwakaita Dhavhidhi Mambo Sauro, uyo akamupa mwanasikana wake kuti aroore. Achizvininipisa zvechokwadi, Dhavhidhi akati: “Ini ndini aniko, noupenyu hwangu chinyiko, kana imba yababa vangu pakati paIsraeri, kuti ndive mukwambo wamambo?” (1 Samueri 18:18) Imwe nyanzvi ichitaura nezvendima iyi, yakanyora kuti: “Dhavhidhi aireva kuti, akanga asina kukodzerwa norukudzo rwokuva mukwambo wamambo nokuda kwezvaakanga ari iye pachake, kana kuti nokuda kwomukurumbira wake, kana kuti nokuda kwedzinza rake.”

6. Nei tichifanira kukudziridza kuzvininipisa?

6 Kuzvininipisa kwaDhavhidhi kwaibva pakuziva kwake kuti Jehovha mukuru chaizvo munzira dzose pane vanhu vasina kukwana. Dhavhidhi aitoshamiswa kuti Mwari anotovawo nehanya nevanhu. (Pisarema 144:3) Dhavhidhi aizivawo kuti ukuru hwose hwaaigona kuva nahwo hwaingobva mukuti Jehovha anozvininipisa, achizvideredza kuti amutsigire, amudzivirire, amutarisire. (Pisarema 18:35) Chidzidzo chakanaka zvikuru kwatiri! Unyanzvi hwedu, zvatinoita, uye ropafadzo dzedu hazvimbofaniri kuita kuti tizvikudze. “Zvechokwadi, chii chaunacho chausina kugamuchira?” akanyora kudaro muapostora Pauro. “Zvino, kana wakachigamuchira zvechokwadi, nei uchizvirumbidza sokunge kuti hauna kuchigamuchira?” (1 VaKorinde 4:7) Kuti tive nomudzimu mutsvene waMwari uye kuti tifarirwe naye, tinofanira kukudziridza kuzvininipisa toramba tiinako.—Jakobho 4:6.

“Musazvitsivira”

7. Mukana upi wakavapo kuna Dhavhidhi wokuti auraye Mambo Sauro?

7 Mukurumbira waDhavhidhi hauna kuita kuti adade, asi wakaita kuti Mambo Sauro, uyo akanga asisina mudzimu waMwari ave negodo rokuda kuponda. Kunyange zvazvo Dhavhidhi akanga asina kuita chakaipa, akatiza kuti asaurayiwa akanogara murenje. Pane imwe nguva, paaivhima Dhavhidhi asinganeti, Mambo Sauro akapinda mubako, asingazivi kuti Dhavhidhi neshamwari dzake vainge vakavanda imomo. Varume vaiva naDhavhidhi vakamukurudzira kushandisa mukana wacho waiita sewabva kuna Mwari kuti auraye Sauro. Tinogona kufungidzira vari murima, vachizevezera Dhavhidhi kuti: “Iri ndiro zuva ramakaudzwa naJehovha achiti: Tarira, ndichaisa muvengi wako muruoko rwako, umuitire sezvaunoda.”—1 Samueri 24:2-6.

8. Nei Dhavhidhi akazvidzora kuti asatsiva?

8 Dhavhidhi akaramba kukuvadza Sauro. Achiratidza kutenda nokushivirira, aigutsikana kusiyira zvose mumaoko aJehovha. Mambo abuda mubako, Dhavhidhi akamushevedzera akati: “Jehovha ngaatonge pakati pangu nemi, Jehovha ngaanditsive kwamuri; asi ruoko rwangu harungarwi nemi.” (1 Samueri 24:12) Kunyange zvazvo aiziva kuti Sauro ndiye akanga atadza, Dhavhidhi haana kuzvitsivira; uyewo haana kutuka Sauro kana kuti kutaura zvakaipa nezvake. Pane kudaro, aivimba naJehovha kuti acharuramisa zvinhu.—1 Samueri 25:32-34; 26:10, 11.

9. Nei tisingafaniri kutsiva kana tikashorwa kana kuti kutambudzwa?

9 SaDhavhidhi, ungazviwana uri mumamiriro ezvinhu anoedza. Zvichida unoshorwa kana kuti kutambudzwa nevaunodzidza navo kuchikoro, vaunoshanda navo, vomumhuri, kana kuti vamwewo vausinganamati navo. Usatsiva. Mirira Jehovha, uchikumbira mudzimu wake mutsvene kuti ukubatsire. Zvimwe vasingatendi ivavo vachafarira mufambiro wako wakanaka vova vatendi. (1 Petro 3:1) Chero zvazvingava, iva nechokwadi chokuti Jehovha anoona mamiriro ako ezvinhu uye ane zvaachazoita nezvazvo munguva yake yakakodzera. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Musazvitsivira, vanodiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndekwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’”—VaRoma 12:19.

‘Inzwai Kurayirirwa’

10. Dhavhidhi akatadza sei, uye akaedza sei kuita kuti zvisabuda pachena?

10 Makore akapfuura. Dhavhidhi akava mambo anodiwa ane mukurumbira mukuru zvikuru. Upenyu hwake hwokutendeka kukuru, pamwe nemapisarema akanaka kwazvo aakanyora achirumbidza Jehovha, zvinogona kupa pfungwa yokuti uyu aiva murume aisazombotadza zvakakura. Asi akazotadza. Rimwe zuva, mambo ari padenga akaona imwe tsvarakadenga ichigeza. Akabvunza kuti aiva ani. Paakaziva kuti mukadzi wacho aiva Bhatishebha uye kuti murume, wake Uriya, akanga aenda kuhondo, Dhavhidhi akaita kuti mukadzi uyu ashevedzwe achibva arara naye. Gare gare, akaziva kuti akanga ava nepamuviri. Izvi zvaizomutsa bongozozo kana nyaya yacho yaizofumurwa! Mumutemo waMosesi, upombwe yaiva mhosva yorufu. Zviri pachena kuti mambo akafunga kuti chivi chacho chaigona kuvanzwa. Saka akatumira shoko kuhondo, achirayira kuti Uriya adzoke kuJerusarema. Dhavhidhi aitarisira kuti Uriya aizopedza usiku hwose aina Bhatishebha, asi izvi hazvina kuitika. Zvino apererwa nezano, Dhavhidhi akadzorera Uriya kuhondo aine tsamba yakanga yanyorerwa Joabhi, mukuru mukuru weuto. Tsamba yacho yairayira kuti Uriya aiswe pairwiwa zvichizoita kuti afe. Joabhi akateerera, uye Uriya akaurayiwa. Bhatishebha apedza kuchema kwenguva yaidiwa, Dhavhidhi akamutora kuti ave mudzimai wake.—2 Samueri 11:1-27.

11. Natani akaudza Dhavhidhi nyaya yei, uye akaita sei?

11 Kunyange zvazvo Dhavhidhi aifanira kunge akaziva kuti zvose zvaakanga aita zvaiva pachena kuna Jehovha, zano rake rinoita serakabudirira. (VaHebheru 4:13) Mwedzi yakapfuura, uye mwana akaberekwa. Zvadaro, muprofita Natani akaenda kuna Dhavhidhi arayirwa naMwari. Muprofita wacho akaudza mambo nezveimwe nyaya yomumwe murume akapfuma aive nemakwai akawanda, akatora gwai rimwe chete, romumwe murombo raaida chaizvo, ndokuriuraya. Nyaya yacho yakamutsa pfungwa yaDhavhidhi yokururamisira asi haina kumuita kuti afungire zvayaireva. Dhavhidhi akakurumidza kupa mutongo kumupfumi uya. Ashatirwa, akati kuna Natani: “Munhu wakaita kudai, unofanira kufa.”—2 Samueri 12:1-6.

12. Jehovha akatonga sei Dhavhidhi?

12 “Ndiwe munhu uyo!” akadaro muprofita wacho. Dhavhidhi akanga azvitonga. Hapana mubvunzo kuti hasha dzaDhavhidhi dzakakurumidza kuva kunyara kukuru uye kusuruvara chaizvo. Apererwa, akateerera sezvo Natani akataura mutongo waJehovha usinganzvengeki. Pakanga pasina mashoko okuzorodza kana kuti okunyaradza. Dhavhidhi akanga azvidza shoko raJehovha nokuita zvakaipa. Akanga asina kuuraya Uriya nebakatwa romuvengi here? Bakatwa raisazobva mumba maDhavhidhi. Akanga asina kutora mudzimai waUriya pakavanda here? Zvakaipa zvakaita saizvozvo zvaizomuwira, kwete pakavanda, asi pachena.—2 Samueri 12:7-12.

13. Dhavhidhi akaita sei nechirango chaJehovha?

13 Chinhu chakanaka chakaitwa naDhavhidhi ndechokuti haana kuramba mhosva yake. Haana kupengera muprofita Natani. Haana kupomera vamwe kana kuti kuzvipembedza pane zvaakanga aita. Audzwa zvivi zvake, Dhavhidhi akabvuma mhosva dzake achiti: “Ndatadzira Jehovha.” (2 Samueri 12:13) Pisarema 51 rinoratidza kushushikana nokutadza kwake uye kudzama kwokupfidza kwake. Akateterera Jehovha achiti: “Regai kundirasa pamberi penyu; musabvisa mweya wenyu mutsvene kwandiri.” Aidavira kuti Jehovha, netsitsi dzake, aisazozvidza “mwoyo wakaputsika nowakapwanyika” pamusana pechivi. (Pisarema 51:11, 17) Dhavhidhi akaramba achivimba nomudzimu waMwari. Kunyange zvazvo Jehovha asina kudzivirira Dhavhidhi pamigumisiro yechivi chake, akamuregerera.

14. Tinofanira kuita sei patinorangwa naJehovha?

14 Tose zvedu hatina kukwana, uye tose tinotadza. (VaRoma 3:23) Dzimwe nguva tingaita chivi chakakomba, sezvakaita Dhavhidhi. Jehovha anoruramisa vaya vanoda kumushumira, sezvinongoita baba vane rudo vanoranga vana vavo. Zvisinei, kunyange zvazvo chirango chichibatsira, hachisi nyore kuchigamuchira. Kutaura zvazviri, padzimwe nguva “chinoshungurudza.” (VaHebheru 12:6, 11) Asi, kana tika‘teerera kurayirirwa,’ tinogona kuyananiswa naJehovha. (Zvirevo 8:33) Kuti tirambe tiine chikomborero chomudzimu waJehovha, tinofanira kubvuma kururamiswa toshandira kufarirwa naMwari.

Tisavimba Nepfuma Isina Chokwadi

15. (a) Vamwe vanhu vanoshandisa pfuma yavo munzira dzipi? (b) Dhavhidhi aida kushandisa upfumi hwake sei?

15 Hapana chinoratidza kuti Dhavhidhi akabva kumhuri yainge yakabudirira kana kuti yainge yakapfuma. Zvisinei, paaiva mambo, Dhavhidhi akawana pfuma yakawanda. Sezvaunoziva, vakawanda vanochengetedza pfuma yavo, vachitotsvaka kuiwedzera nenzira dzoudyire, kana kuti kuishandisa nokuchengetedza. Vamwe vanoshandisa mari yavo kuti vazviwanire rukudzo. (Mateu 6:2) Dhavhidhi akashandisa upfumi hwake zvakasiyana neizvi. Ainzwa achida kukudza Jehovha. Dhavhidhi akaudza Natani chido chake chokuvakira Jehovha temberi yaizogara areka yesungano iyo yaiva kuJerusarema “igere pakati pemicheka.” Jehovha akafara nezvaifungwa naDhavhidhi asi akamuudza achishandisa Natani kuti temberi yaizovakwa nomwanakomana waDhavhidhi Soromoni.—2 Samueri 7:1, 2, 12, 13.

16. Dhavhidhi akagadzirirei nokuda kwokuvakwa kwetemberi?

16 Dhavhidhi akaunganidza zvinhu zvaizoshandiswa mune ichi chirongwa chikuru chokuvaka. Dhavhidhi akaudza Soromoni kuti: “Ndichigadzirira imba yaJehovha matarenda ane zvuru zvine zana zvendarama, namatarenda ane churu chezvuru esirivha; nendarira namatare zvisina kuidzwa, nokuti zvakawanda kwazvo; ndakagadzirawo matanda namabwe; newe ungawedzera hako pazviri.” Papfuma yake, akapa matarenda endarama 3 000 nematarenda esirivha 7 000. * (1 Makoronike 22:14; 29:3, 4) Rupo rwaDhavhidhi rwakanga rusiri rwokuda kuonererwa, asi kuratidzwa kwokutenda nokuzvipira kuna Jehovha Mwari. Achiziva Kwakabva pfuma yake, akati kuna Jehovha: “Zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu.” (1 Makoronike 29:14) Mwoyo une rupo waDhavhidhi wakamuita kuti aite zvose zvaaigona kutsigira kunamata kwechokwadi.

17. Zano riri pana 1 Timoti 6:17-19 rinoshanda sei kuvapfumi nevarombo?

17 Saizvozvowo, nesuwo ngatishandisei zvinhu zvedu zvokunyama kuita zvakanaka. Pane kungotsvaka mararamiro okunyanya kuda zvinhu zvokunyama, zviri nani kutsvaka kufarirwa naMwari—inova ndiyo nzira yechokwadi youchenjeri uye yomufaro. Pauro akanyora kuti: “Rayira vakapfuma mugadziriro ino yezvinhu iripo kuti varege kuzvikudza, uye kuti vaise tariro yavo, kwete papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotigovera zvinhu zvose kwazvo kuti tifare; kuti vashandire zvakanaka, kuti vapfume pamabasa akanaka kwazvo, kuti vave norupo, vanoda kugoverana, vachizvichengetera nheyo yakanaka kwazvo nokuda kwenguva yemberi, kuti vabatisise upenyu chaihwo.” (1 Timoti 6:17-19) Chero angava mamiriro edu ezvemari, ngativimbei nomudzimu waMwari totsvaka upenyu huchatiita vaka“pfuma kuna Mwari.” (Ruka 12:21) Hapana chinhu chinokosha kupfuura kufarirwa naBaba vedu vokudenga vane rudo.

Zviite Anotenderwa naMwari

18. Dhavhidhi akaratidza vaKristu muenzaniso wakanaka munzira ipi?

18 Kwoupenyu hwake hwose, Dhavhidhi akatsvaka kutenderwa naJehovha. Akaimba achiti: “Ndinzwirei tsitsi, Mwari, ndinzwirei tsitsi; nokuti mweya wangu unotizira kwamuri.” (Pisarema 57:1) Kuvimba kwake naJehovha kwaiva kusiri pasina. Dhavhidhi akakwegura, “ava namazuva mazhinji.” (1 Makoronike 23:1) Kunyange zvazvo Dhavhidhi akaita zvikanganiso zvakakomba, anoyeukwa somumwe wezvapupu zvaMwari zvakaratidza kutenda kukuru.—VaHebheru 11:32.

19. Tingazviita sei vanotenderwa naMwari?

19 Sezvaunotarisana nemamiriro ezvinhu anochinja muupenyu, yeuka kuti sezvo Jehovha akatsigira, akasimbisa, uye akaruramisa Dhavhidhi, Anogona kukuitirawo izvozvo. SaDhavhidhi, muapostora Pauro, akatarisana nokuchinja kuzhinji muupenyu. Asi iyewo akaramba akatendeka nokuvimba nomudzimu waMwari. Akanyora kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.” (VaFiripi 4:12, 13) Kana tikavimba naJehovha, achatibatsira kuti tibudirire. Anoda kuti tibudirire. Kana tikamuteerera uye tikaswedera pedyo naye, achatipa simba rokuti tiite zvaanoda. Uye kana tikaramba tichivimba nomudzimu waMwari, tichakwanisa ‘kuzviita vanotenderwa naMwari’ iye zvino uye nokusingaperi.—2 Timoti 2:15.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 16 Kukosha kwezvipo zvaDhavhidhi maererano nemari yanhasi zvinosvika U.S.$1 200 000 000, (Z$988 800 000 000).

Ungapindura Sei?

• Tingadzivisa sei kudada?

• Nei tisingafaniri kutsiva isu pachedu?

• Tinofanira kuona sei chirango?

• Nei tichifanira kuvimba naMwari kwete nepfuma?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Dhavhidhi aivimba nomudzimu waMwari uye aitsvaka kutenderwa naMwari. Ndozvauri kuitawo here?

[Mufananidzo uri papeji 18]

“Zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu”