Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Akakunda Muedzo, Achibatsirwa neBhaibheri

Akakunda Muedzo, Achibatsirwa neBhaibheri

Akakunda Muedzo, Achibatsirwa neBhaibheri

Miedzo haizivani munyika nhasi. Kutsigira zvinodiwa neBhaibheri hakusi nyore. Somuenzaniso, zvingave zvakaoma kuteerera zano reBhaibheri rinoti: “Tizai ufeve.”—1 VaKorinde 6:18.

Mumwe weZvapupu zvaJehovha, watichadana kuti Sebastian, aishandira kambani yeimwe yenyika dzeScandinavia yaiva muPoland. Aifanira kurwisa kwazvo kuti arambe akavimbika.

Vanhu vakazosvika pakuziva kuti Sebastian akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Masupavhaiza ake achionga kubishaira kwake uye tsika dzake dzakanaka, akamupa zvinzvimbo zvakasiyana-siyana. Zvisinei, zvakazova pachena kuti zvinzvimbo izvi zvaizosanganisira misangano yebhizimisi kwaiva nevaraidzo inomutsa mibvunzo.

Munguva pfupi, Sebastian akashayiwa kuti oita zvipi. “Supavhaiza wangu anoziva kuti ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndosaka achivimba neni. Kana ndikaramba kuvapo, basa richapera, iro randakatamburira kuwana. Zvakadini kana ndikavapo ndichingoona chete?”

Zvadaro Sebastian akazoziva kuti pane zvakawanda zvaitarisirwa kwaari. Aizotarisirwa kuti “atarisire” vatengi vokune dzimwe nyika nokuvapa “vasikana” vokuita unzenza navo kuti vavaperekedze manheru. Aizoita sei?

Sebastian akasarudza kutaurira supavhaiza wacho nezvemaonero aaiita unzenza maererano nezviri muBhaibheri. Nokukurumidza zvakava pachena kuti Sebastian akanga asingakodzeri uye kuti pane imwe nguva aizofanira kusiya basa rake. Akawana rimwe basa paaitambira mari shoma asi pasina miedzo yakadaro. Iye zvino ane hana yakachena.

Waizoita sei kudai mumwe munhu aizokumanikidza kuita unzenza kana kuti kuhuregerera huchiitwa? Waizoda kubva wangochinja here? Izvi ndizvo zvakaitwa naJosefa wekare, sezvinotaurwa pana Genesi 39:7-12.